Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Fambira Mberi Pakunamata Nokutevedzera Muenzaniso waPauro

Fambira Mberi Pakunamata Nokutevedzera Muenzaniso waPauro

Fambira Mberi Pakunamata Nokutevedzera Muenzaniso waPauro

“Ndarwa kurwa kwakanaka kwazvo, ndamhanya kusvika kumugumo, ndachengeta kutenda.”—2 TIM. 4:7.

1, 2. Sauro weTaso akachinjei muupenyu hwake, uye akatanga kuita basa ripi rinokosha?

MURUME wacho akanga akangwara uye aikurumidza kusarudza zvokuita. Zvisinei, ‘aizvibata maererano nokuchiva kwenyama yake.’ (VaEf. 2:3) Pave paya akazoti aimbova “munhu anomhura nomutambudzi nomunhu aiita zvakaipa.” (1 Tim. 1:13) Murume wacho aiva Sauro weTaso.

2 Nokufamba kwenguva, Sauro akachinja zvinhu zvakawanda muupenyu hwake. Akasiya mararamiro aaimboita akashanda nesimba ‘asingatsvaki zvaimubatsira asi zvaibatsira vazhinji.’ (1 VaK. 10:33) Akava munyoro uye akaratidza kuti aida zvikuru vaya vaaimbovenga. (Verenga 1 VaTesaronika 2:7, 8.) “Ndakava mushumiri,” akanyora kudaro, uye akawedzera kuti: “Ndakaitirwa mutsa uyu usina kukodzera kuwanwa, ini munhu muduku kupfuura muduku pavatsvene vose, kuti ndizivise mamwe marudzi mashoko akanaka pamusoro pepfuma isinganzwisisiki yaKristu.”—VaEf. 3:7, 8.

3. Kudzidza tsamba dzaPauro uye nhoroondo youshumiri hwake kungatibatsira sei?

3 Sauro, aizivikanwawo saPauro, akafambira mberi zvikuru pakunamata. (Mab. 13:9) Imwe nzira yechokwadi yokuti tiwedzere kufambira mberi muchokwadi ndeyokudzidza tsamba dzaPauro uye nhoroondo youshumiri hwake kwava kuzotevedzera muenzaniso wake wokutenda. (Verenga 1 VaKorinde 11:1; VaHebheru 13:7.) Ngationei kuti kuita izvi kungatikurudzira sei kuti tive nepurogiramu yakanaka yokudzidza tiri toga, kuti tide vanhu zvepachokwadi uye kuti tizvione zvakanaka isu pachedu.

Purogiramu yaPauro Yokudzidza

4, 5. Pauro akabatsirwa sei nokudzidza ari oga?

4 Zvaaiva muFarisi akanga adzidza ari ‘pamakumbo aGamarieri, akarayiridzwa maererano nokusatsaudzira kwoMutemo wemadzitateguru,’ Pauro aitozivawo zvimwe zvaiva muMagwaro. (Mab. 22:1-3; VaF. 3:4-6) Angobhabhatidzwa, “akaenda kuArabhiya,” kuRenje rokuSiriya kana kuti zvichida kune imwe nzvimbo yakanyarara paArabian Peninsula yakanga yakanakira munhu anoda kufungisisa. (VaG. 1:17) Zviri pachena kuti Pauro aida kufungisisa mamwe magwaro airatidza kuti Jesu aiva Mesiya. Uyezve, Pauro aida kugadzirira basa raaifanira kuzoita. (Verenga Mabasa 9:15, 16, 20, 22.) Pauro aizvipa nguva yokufungisisa zvinhu zvine chokuita nokunamata.

5 Zivo yomuMagwaro uye nzwisiso yakawanikwa naPauro pakudzidza ari oga zvakaita kuti akwanise kunyatsodzidzisa chokwadi. Somuenzaniso, ari pasinagogi kuAndiyoki muPisidhiya, Pauro akashandisa Magwaro echiHebheru kashanu achiratidza kuti Jesu aiva Mesiya. Pauro akataurawo kanoverengeka zviri muMagwaro echiHebheru. Zvikonzero zvake zvomuMagwaro zvainyengetedza zvokuti “vazhinji vevaJudha nevatendeuki vainamata Mwari vakatevera Pauro naBhanabhasi,” kuti vadzidze zvakawanda. (Mab. 13:14-44) Makore akazotevera boka revaJudha vechiRoma parakauya kwaaigara, Pauro akavatsanangurira nyaya dzacho “nokuvapupurira kwazvo pamusoro poumambo hwaMwari uye achivanyengetedza pamusoro paJesu kubva mumutemo waMosesi neZvakanyorwa nevaprofita.”—Mab. 28:17, 22, 23.

6. Chii chakabatsira Pauro kuti arambe akasimba pakunamata paaisangana nemiedzo?

6 Paaisangana nemiedzo, Pauro airamba achiongorora Magwaro uye achiwana simba kubva mushoko rawo rakafuridzirwa. (VaH. 4:12) Paaiva mujeri kuRoma asati aurayiwa, Pauro akakumbira Timoti kuti amuunzire “mipumburu kunyanya iya yematehwe.” (2 Tim. 4:13) Zvichida mipumburu iyoyo yaiva zvikamu zveMagwaro echiHebheru zvaishandiswa naPauro paaidzidza zvakadzama. Pauro aikoshesa kuwana ruzivo rweMagwaro kuburikidza nokuva nepurogiramu yokudzidza Bhaibheri kuitira kuti arambe akatsiga mukutenda.

7. Taura kubatsirwa kwaungaitwa nokugara uchidzidza Bhaibheri.

7 Kugara tichidzidza Bhaibheri, kusanganisira kufungisisa zvine chinangwa, kuchatibatsira kufambira mberi mune zvokunamata. (VaH. 5:12-14) Nezvokukosha kweShoko raMwari, munyori wepisarema akaimba kuti: “Mutemo womuromo wenyu wakanaka kwandiri, kupfuura zviuru zvendarama nesirivha. Murayiro wenyu unoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti ndowangu nokusingagumi. Ndakadzivisa tsoka dzangu kufamba mumakwara ose akaipa, kuti ndichengete shoko renyu.” (Pis. 119:72, 98, 101) Une purogiramu yokudzidza Bhaibheri uri woga here? Uri kugadzirira zvauchazoita mabasa raMwari here nokuverenga Bhaibheri zuva nezuva wofungisisa zvaunoverenga?

Pauro Akadzidza Kuda Vanhu

8. Sauro aibata sei vaya vakanga vasiri vechitendero chechiJudha?

8 Asati ava muKristu, Sauro aishingairira chitendero chake, asi akanga asina hanya zvakanyanya nevanhu vakanga vasiri vechitendero chechiJudha. (Mab. 26:4, 5) Akanga akatarira achibvumirana nazvo vaJudha pavaitema Stefani nematombo. Sauro angave aifunga kuti zvaaiita zvakanga zvakanaka pamusana pezvaakanga aona, zvichida achiona kuurayiwa kwaStefani sechirango chakakodzera. (Mab. 6:8-14; 7:54–8:1) Nhoroondo yakafuridzirwa inoti: “Sauro akatanga kutambudza ungano. Achipinda nechisimba muimba imwe neimwe uye, achizvuzvurudza varume nevakadzi, aivaisa kujeri.” (Mab. 8:3) “Akatosvika pakuvatambudza kunyange mune mamwe maguta.”—Mab. 26:11.

9. Chii chakaita kuti Sauro aongororezve mabatiro aaiita vanhu?

9 Ishe Jesu paakazviratidza kwaari, Sauro akanga achienda kuDhamasiko kunotambudza vadzidzi vaKristu. Kupenya kweMwanakomana waMwari kwakasiya Sauro ava bofu achitoda kubatsirwa nevamwe. Jehovha paakazoshandisa Ananiyasi kuita kuti Sauro aonezve, maonero aaiita vanhu akanga achinja zvachose. (Mab. 9:1-30) Paakava muteveri waKristu, akashanda nesimba kuti abate nevanhu vose sezvaiita Jesu. Izvi zvaireva kusiya chisimba kwava kuva “norugare nevanhu vose.”—Verenga VaRoma 12:17-21.

10, 11. Pauro akaratidza sei kuti aida vanhu zvechokwadi?

10 Pauro akanga asingagutsikani nokungova norugare nevamwe. Aida kuvaratidza rudo rwechokwadi, uye ushumiri hwechiKristu hwakamupa mukana iwoyo. Parwendo rwake rwokutanga ari mumishinari, akaparidzira mashoko akanaka muAsia Minor. Pasinei nokupikiswa zvinotyisa, Pauro neshamwari dzake vakaramba vachibatsira vanyoro kuti vave vaKristu. Vakashanyirazve Ristra neIkoniyumu, kunyange zvazvo vanhu vaivapikisa mumaguta iwayo vakanga vaedza kuuraya Pauro.—Mab. 13:1-3; 14:1-7;, 19-23.

11 Gare gare, Pauro neboka rake vakatsvaka vanhu vakanga vakakodzera muguta reMakedhoniya rokuFiripi. Mumwe akanga atendeukira kuchitendero chechiJudha ainzi Ridhiya akateerera mashoko akanaka ndokuva muKristu. Vakuru vakuru vehurumende vakarova Pauro naSirasi neshamhu ndokuvaisa mujeri. Zvisinei, Pauro akaparidzira murindi wejeri, zvokuti iye nemhuri yake vakabhabhatidzwa kuti vanamate Jehovha.—Mab. 16:11-34.

12. Chii chakakurudzira Sauro aimboita zvakaipa kuti ave muapostora ane rudo waJesu Kristu?

12 Nei Sauro aimbotambudza vanhu akagamuchira dzidziso dzevanhu vaaimbotambudza? Chii chakaita kuti murume iyeye aimboita zvakaipa azova muapostora ane mutsa norudo, aida kuisa upenyu hwake pangozi kuitira kuti vamwe vagone kudzidza chokwadi pamusoro paMwari naKristu? Pauro pachake anotsanangura kuti: “Mwari, iye . . . akandidana nomutsa wake usina kukodzera kuwanwa, akafunga kuti zvakanaka kuti aratidze Mwanakomana wake achishandisa ini.” (VaG. 1:15, 16) Pauro akanyorera Timoti kuti: “Chakaita kuti ini ndinzwirwe ngoni ndechokuti, Kristu Jesu, achishandisa ini somuenzaniso mukuru, aratidze mwoyo murefu wake wose kuti ape muenzaniso vaya vachaisa kutenda kwavo paari kuti vawane upenyu husingaperi.” (1 Tim. 1:16) Jehovha akakanganwira Pauro, uye mutsa usina kukodzera kuwanwa nengoni zvaakapiwa zvakaita kuti ade vamwe uye avaparidzire mashoko akanaka.

13. Chii chinofanira kutikurudzira kuda vamwe, uye tingazviita sei?

13 Jehovha anotikanganwirawo zvivi zvedu uye zvatinokanganisa. (Pis. 103:8-14) Munyori wepisarema akabvunza kuti: “Haiwa Jah, kudai maitarira kukanganisa, Haiwa Jehovha, ndiani aizomira?” (Pis. 130:3) Pasina ngoni dzaMwari, hapana mumwe wedu aigona kuwana mufaro pakuita basa dzvene, uyewo taisazotarisira kuwana upenyu husingaperi. Tose tave tichiwana zvikuru mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari. Naizvozvo, kufanana naPauro, tinofanira kudawo vamwe nokuvaparidzira uye kuvadzidzisa chokwadi uyewo kusimbisa vatinonamata navo.—Verenga Mabasa 14:21-23.

14. Tingakwanisa sei kuwedzera ushumiri hwedu?

14 Pauro aida kufambira mberi somushumiri wemashoko akanaka, uye muenzaniso waJesu wakabaya mwoyo wake. Kuparidza pachena ndeimwe yenzira dzakaratidzwa noMwanakomana waMwari kuti aida vanhu zvikuru. Jesu akati: “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” (Mat. 9:35-38) Pauro akaita maererano nezvaangave akakumbira zvokuti pave nevashandi vakawanda achiita izvi nokuva mushandi anoshingaira. Ko iwe? Unganatsiridza ushumiri hwako here? Kana kuti ungawedzera basa rako rokuparidza Umambo here, zvichida kuronga zvinhu zvako kuti upayone? Ngatiratidze vamwe rudo rwechokwadi nokuvabatsira kuti ‘vabatisise shoko roupenyu.’—VaF. 2:16.

Pauro—Maonero Aaizviita

15. Pauro aizviona sei kana achizvienzanisa nevaKristu vaainamata navo?

15 Zvaaiva mushumiri wechiKristu, Pauro akatiratidza muenzaniso unoshamisa mune imwezve nzira. Kunyange zvazvo aiva nemabasa akawanda muungano yechiKristu, Pauro ainyatsoziva kuti haana kuwana zvikomborero izvozvo pamusana pokushanda kwake uye haana kuzvipiwa pamusana pemano ake. Aiziva kuti zvikomborero zvaaiwana waiva mutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa. Pauro aiziva kuti vamwe vaKristu vaivawo vashumiri vanobudirira vemashoko akanaka. Pasinei nechiremera chake pakati pevanhu vaMwari, akaramba achizvininipisa.—Verenga 1 VaKorinde 15:9-11.

16. Pauro akaratidza sei kuzvininipisa panyaya yokudzingiswa?

16 Chimbofunga kuti Pauro akagadzirisa sei dambudziko rakamuka muAndiyoki guta rokuSiriya. Ungano yechiKristu yakaita mapoka panyaya yokudzingiswa. (Mab. 14:26–15:2) Sezvo Pauro akanga agadzwa kuti atungamirire mukuparidzira Vemamwe Marudzi vakanga vasina kudzingiswa, angave akafunga kuti aiva nyanzvi yokukurukura nevanhu vakanga vasiri vaJudha uye nokudaro achinyatsokwanisa kugadzirisa dambudziko racho. (Verenga VaGaratiya 2:8, 9.) Zvisinei, zvaakaedza kuita pazvakaita sokuti zvatadza kugadzirisa dambudziko racho, achizvininipisa, akaita maererano nourongwa hwaivapo hwokuenda kunokurukura nyaya yacho nedare rinodzora raiva muJerusarema. Nhengo dzacho padzakateerera nyaya yacho, dzikaita chisarudzo uye padzakamutuma, akanyatsobvumirana nazvo. (Mab. 15:22-31) Saka Pauro ‘akatungamirira pakukudza’ vaainamata navo.—VaR. 12:10b.

17, 18. (a) Pauro ainzwa sei nezvevaya vaiva muungano? (b) Zvakaitwa nevakuru vokuEfeso Pauro paakanga ava kuenda zvinotidzidzisei nezvake?

17 Pauro aizvininipisa haana kurega kushamwaridzana nehama nehanzvadzi dzake dzomuungano. Pane kudaro, akatoshamwaridzana nadzo zvikuru. Panoperera tsamba yaakanyorera vaRoma, akakwazisa vanhu vanopfuura 20 nemazita avo. Vakawanda vavo hapana pavanotaurwa muMagwaro, uye vashomanana vaiva neropafadzo dzinokosha. Asi vaiva vashumiri vaJehovha vakavimbika, uye Pauro aivada kwazvo.—VaR. 16:1-16.

18 Kuzvininipisa uye ushamwari hwaiva naPauro zvakasimbisa ungano. Pashure pokunge aonana nevakuru vokuEfeso kokupedzisira, “vakawira pamutsipa waPauro, vakamutsvoda zvinyoronyoro, nokuti vakanyanya kurwadziwa neshoko raakanga ataura rokuti vakanga vasingazomboonizve chiso chake.” Kudai akanga ari munhu aidada uye asina ushamwari vangadai vasina kumuitira izvi paakanga ava kuenda.—Mab. 20:37, 38.

19. Tingaratidza sei “pfungwa dzinozvininipisa” pane zvatinoita nevaKristu vatinonamata navo?

19 Vose vanoda kufambira mberi mune zvokunamata vanofanira kuzvininipisa sezvaiita Pauro. Akarayira vaKristu vaainamata navo kuti vasaita ‘chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvininipisa vachifunga kuti vamwe vakuru kwavari.’ (VaF. 2:3) Tingatevedzera sei zano iroro? Imwe nzira ndeyokushandira pamwe chete nevakuru vomuungano medu, tichitevera mazano avo uye tichitsigira zvavanenge vasarudza panyaya dzavanenge vatonga. (Verenga VaHebheru 13:17.) Imwe nzira ndeyokukoshesa zvikuru hama nehanzvadzi dzedu dzomuungano. Ungano dzevanhu vaJehovha dzinowanzoumbwa nevanhu vanobva mumarudzi netsika, nemadzinza zvakasiyana-siyana. Zvisinei, hatifaniri here kudzidza kuda vanhu vose tisingasaruri sezvaiita Pauro? (Mab. 17:26; VaR. 12:10a) Tinokurudzirwa ‘kugamuchirana, sokugamuchirwawo kwatakaitwa naKristu, kuti Mwari akudzwe.’—VaR. 15:7.

‘Mhanya Nokutsungirira’ Nhangemutange Youpenyu

20, 21. Chii chichatibatsira kubudirira pakumhanya nhangemutange youpenyu?

20 Upenyu hwomuKristu hunogona kufananidzwa nomujaho wokumhanya daro refu. Pauro akanyora kuti: “Ndamhanya kusvika kumugumo, ndachengeta kutenda. Kubvira panguva ino ndakachengeterwa korona yokururama, iyo Ishe, mutongi akarurama, achandipa pazuva iroro somubayiro, kwete ini chete, asiwo vose vaya vakada kuratidzwa kwake pachena.”—2 Tim. 4:7, 8.

21 Kutevedzera muenzaniso waPauro kuchatibatsira kuti tibudirire pakumhanya nhangemutange youpenyu husingaperi. (VaH. 12:1) Saka nepose patinogona, ngatirambei tichifambira mberi pakunamata nokuva nepurogiramu yakanaka yokudzidza tiri toga, nokuda vanhu zvikuru, uye nokuramba tichizvininipisa.

Ungapindura Sei?

• Pauro akabatsirwa sei nokugara achidzidza Magwaro ari oga?

• Nei zvichikosha kuti vaKristu vechokwadi vade vanhu zvikuru?

• Unhu hupi huchakubatsira kuti usasarura vamwe?

• Muenzaniso waPauro ungakubatsira sei kuti ushandire pamwe nevakuru muungano menyu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Wana simba kubva muMagwaro, sezvaiita Pauro

[Mufananidzo uri papeji 24]

Ratidza rudo nokuudza vamwe mashoko akanaka

[Mufananidzo uri papeji 25]

Unoziva here zvakaita kuti Pauro adiwe nehama dzake?