Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kununurwa noUmambo hwaMwari Kwava Pedyo!

Kununurwa noUmambo hwaMwari Kwava Pedyo!

Kununurwa noUmambo hwaMwari Kwava Pedyo!

“Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.”—MAT. 6:10.

1. Ndeipi yaiva dzidziso huru yaJesu?

JESU KRISTU paakapa Mharidzo yake yepaGomo, akataurawo munyengetero wokuenzanisira waitaura muchidimbu dzidziso yake huru. Akadzidzisa vateveri vake kuti vanyengetere kuna Mwari vachiti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mat. 6:9-13) Jesu “akaenda muguta neguta uye mumusha nomusha, achiparidza nokuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari.” (Ruka 8:1) Kristu akakurudzira vateveri vake achiti: “Rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama” kwaMwari. (Mat. 6:33) Paunenge uchidzidza nyaya ino, tsvaka nzira dzokushandisa nadzo mashoko acho muushumiri hwako. Somuenzaniso, funga kuti ungapindura sei mibvunzo iyi: Mashoko oUmambo anokosha zvakadini? Vanhu vanoda kununurwa pachii? Uye Umambo hwaMwari huchavanunura sei?

2. Mashoko oUmambo anokosha zvakadini?

2 Jesu akafanotaura kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” (Mat. 24:14) Mashoko akanaka oUmambo hwaMwari anokosha zvikuru. Zvechokwadi ndiwo mashoko anokosha zvikuru kupfuura ose munyika! Muungano dzinopfuura 100 000 dzeZvapupu zvaJehovha pasi pose, vashumiri vaMwari vanenge mamiriyoni manomwe vari kuita basa rokuparidza risingaenzaniswi, vachiudza vamwe kuti Umambo hwakatogadzwa. Kugadzwa kwoUmambo uhwu mashoko akanaka nokuti kunoreva kuti Mwari akagadza hurumende mudenga ichatarisira zvizere zvinhu zvinoitika pasi pano. Mukutonga kwoUmambo uhwu, kuda kwaJehovha kuchaitwa pasi pano sezvakunoitwa kudenga.

3, 4. Chii chichaitika kana kuda kwaMwari kwava kuitwa pasi pano?

3 Chii chichaitika kuvanhu Mwari pachange ava kuita kuda kwake pasi pano? Jehovha “achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.” (Zvak. 21:4) Vanhu havazorwari kana kufa pamusana pechivi chatakagara nhaka uye kusakwana. Vakafa vanoyeukwa naMwari vachawana mukana wokurarama nokusingaperi, nokuti Bhaibheri rinopikira kuti: “Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mab. 24:15) Hakuzovi nehondo, urwere, kana kuti nzara, uye pasi richachinjwa kuva paradhiso. Kunyange mhuka dzine ngozi iye zvino dzichagara zvakanaka nevanhu uyewo nedzimwe mhuka.—Pis. 46:9; 72:16; Isa. 11:6-9; 33:24; Ruka 23:43.

4 Nemhaka yezvikomborero zvakanaka kudai zvichaunzwa nokutonga kwoUmambo, hazvishamisi kuti uprofita hweBhaibheri hunotaura nezvoupenyu panguva iyoyo nemashoko aya anonyaradza anoti: “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.” Asi zvakadini nevaya vanokonzera zvinetso? Magwaro anofanotaura kuti: “Kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve.” Zvisinei, “vaya vanotarisira kuna Jehovha ndivo vachagara nhaka yenyika.”—Pis. 37:9-11.

5. Chii chichaitika kunyika ino?

5 Kuti zvose izvi zviitike, nyika ino nehurumende dzayo dzisingawirirani, zvitendero zvayo, nourongwa hwayo hwezvokutengeserana zvichabviswa. Uye izvi ndizvo chaizvo zvichaitwa nehurumende yokudenga. Muprofita Dhanieri akafuridzirwa kufanotaura kuti: “Mumazuva emadzimambo iwayo [aripo iye zvino], Mwari wokudenga achamutsa umambo [mudenga] husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu [huripo iye zvino], uye ihwo huchamira nokusingagumi.” (Dhan. 2:44) Umambo hwaMwari, kureva hurumende itsva yokudenga, huchabva hwatonga nyika itsva. Kuchava ne“matenga matsva nenyika itsva . . . , uye kururama kuchagara mazviri.”—2 Pet. 3:13.

Vanhu Vari Kuda Chaizvo Kununurwa Iye Zvino

6. Bhaibheri rinotsanangura sei uipi huri munyika ino yakaipa?

6 Satani, Adhamu naEvha pavakapandukira Mwari, vachida kuzvisarudzira zvakanaka nezvakaipa, mhuri yevanhu yakava mutsekwende. Makore anopfuura 1 600 mafashamo enyika yose asati aitika, “kuipa kwomunhu kwakanga kuri kuzhinji panyika uye zvose zvaidiwa nepfungwa dzomwoyo wake zvakanga zvakangoipa nguva dzose.” (Gen. 6:5) Anenge makore 1 300 pashure pacho, Soromoni akaona kuti zvinhu zvakanga zvaipa zvikuru zvokuti akanyora kuti: “Ndakati vaya vakafa, vakanga vatofa vane mufaro pane vapenyu, vakanga vachiri vapenyu. Naizvozvo asati avapo ari nani kupfuura vose vari vaviri, uyo asati aona basa rinotambudza riri kuitwa pasi pezuva.” (Mup. 4:2, 3) Tikawedzera makore 3 000 tinosvika kuzuva redu, uye uipi huri kuramba huchiwedzera.

7. Nei vanhu vachida kununurwa zvikuru naMwari iye zvino kupfuura kare?

7 Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti uipi hwave huripo kwenguva yakareba, iye zvino vanhu vava kuda kununurwa chaizvo noUmambo hwaMwari kupfuura chero nguva ipi zvayo. Mumakore 100 akapfuura zvinhu zvave zvakaipa kupfuura zvazvaimbova, uye zviri kuramba zvichitowedzera kuipa. Somuenzaniso, Worldwatch Institute inoti: “Vanhu vakafa muhondo muzana remakore [rechi20] vanopeta katatu vakafa muhondo dzose dzakarwiwa kubva muzana remakore rokutanga AD kusvika muna 1899.” Kubvira muna 1914 vanhu vanopfuura mamiriyoni 100 vakafira muhondo! Imwe enisaikoropidhiya inofungidzira kuti vanhu vanosvika mamiriyoni 60 vakafa muHondo Yenyika II. Sezvo iye zvino dzimwe nyika dzava nezvombo zvenyukiriya, vanhu vanokwanisa kutsvaira zvikamu zvakakura zvevanhu vanogara panyika. Uye pasinei nokufambira mberi mune zvesayenzi uye mune zvokurapa, gore roga roga nzara ichiri kuuraya vana vanenge mamiriyoni mashanu.—Ona chitsauko 9 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

8. Kutonga kwevanhu kwezviuru zvemakore kwanyatsoratidzei?

8 Zviri kuedza kuitwa nevanhu kuti vapedze uipi zvakundikana. Masangano ezvematongerwo enyika, ezvokutengeserana uye ezvitendero haana kumbokwanisa kuita zvinhu zvinodiwa nevanhu zvakadai sorugare, kubudirira uye utano hwakanaka. Pane kugadzirisa matambudziko makuru ari kusangana nevanhu iye zvino, masangano aya akatoawedzera. Zvechokwadi, kutonga kwevanhu kwezviuru zvemakore kwaratidza kuti mashoko aya ndeechokwadi anoti: “Nzira yomunhu wepanyika haisi yake. Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jer. 10:23) Chokwadi, “munhu akatonga mumwe munhu achimukuvadza.” (Mup. 8:9) Uyezve, “zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe chete uye zvichirwadziwa pamwe chete.”—VaR. 8:22.

9. VaKristu vechokwadi vanotarisira kuona zvinhu zvipi ‘mumazuva ano okupedzisira’?

9 Nezvenguva yedu, Bhaibheri rakafanotaura kuti: “Mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika.” Hwapedza kurondedzera zvinenge zvakaita mazuva okupedzisira okutonga kwevanhu, uprofita hwacho hunoti: “Vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa.” (Verenga 2 Timoti 3:1-5, 13.) Izvozvo ndizvo zvinotarisirwa nevaKristu, nokuti “nyika yose iri musimba reakaipa,” iye Satani. (1 Joh. 5:19) Zvisinei, mashoko akanaka ndeokuti Mwari achakurumidza kununura vaya vanomuda. Vachanunurwa munyika ino iri kuwedzera kubva pakuipa ichienda pakuipisisa.

Munhu Chete Anogona Kutinunura

10. Nei Jehovha ari iye munhu chete anogona kutinunura?

10 Paunenge uchiparidza mashoko akanaka, taura kuti Jehovha chete ndiye anogona kutinunura. Iye oga ndiye ane simba uye anoda kununura vashumiri vake mumamiriro ezvinhu chero api zvawo akaipa. (Mab. 4:24, 31; Zvak. 4:11) Tinogona kuva nechokwadi chokuti nguva dzose Jehovha achanunura vanhu vake uye achaita zvinangwa zvake, nokuti akapika achiti: “Chokwadi zvichaitikawo sezvandakafunga; uye zvichaitikawo.” Shoko rake “harizodzoki [kwaari] risina zvaraita.”—Verenga Isaya 14:24, 25; 55:10, 11.

11, 12. Mwari anovimbisa vashumiri vake chii?

11 Jehovha akavimbisa kuti achanunura vashumiri vake paachatonga vakaipa. Paakatuma muprofita Jeremiya kunotaura noushingi kune vanhu vaitadza zvakakomba, Mwari akati: “Usatya.” Nei? “Nokuti ‘Ini ndinewe kuti ndikununure.’” (Jer. 1:8) Saizvozvowo, Jehovha paakanga oda kuparadza maguta akanga akaipa eSodhoma neGomora, akatuma ngirozi mbiri kuti dzibudise Roti nemhuri yake vakachengeteka munzvimbo yacho. “Jehovha akabva anayisa sarufa nomoto . . . paSodhoma nepaGomora.”—Gen. 19:15, 24, 25.

12 Jehovha anogona kununura kunyange vanhu vose vari munyika vanoita kuda kwake. Paakaparadza nyika yakaipa yekare muMafashamo, “akachengeta Noa, muparidzi wokururama, akachengeteka nevamwe vanomwe.” (2 Pet. 2:5) Jehovha achanunurazve vakarurama paachaparadza nyika ino yakaipa. Saka Shoko rake rinoti: “Tsvakai Jehovha, imi vanyoro vose vepanyika . . . Tsvakai kururama, tsvakai unyoro. Zvimwe mungavanzwa pazuva rokutsamwa kwaJehovha.” (Zef. 2:3) Pamusana pokuparadzwa kuchaitwa nyika yose, ‘vakarurama vachagara panyika, asi vakaipa vachaparadzwa pairi.’—Zvir. 2:21, 22.

13. Vashumiri vaJehovha vakafa vachanunurwa sei?

13 Zvisinei, vashumiri vaMwari vakawanda vakatofa pamusana pokurwara, kutambudzwa, uye zvimwewo. (Mat. 24:9) Saka vanhu vose ava vachanunurwa sei? Sezvatamboona, “kuchava nokumuka kwevakarurama.” (Mab. 24:15) Chokwadi zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti hapana chinogona kutadzisa Jehovha kununura vashumiri vake!

Hurumende Yakarurama

14. Nei tiine chivimbo chokuti Umambo hwaMwari ihurumende yakarurama?

14 Paunenge uri muushumiri unogona kutsanangura kuti Umambo hwaJehovha hwokudenga ihurumende yakarurama. Hwakarurama nokuti hunoratidza unhu hwakanaka hwaMwari hwakadai sokururamisira, kururama, uye rudo. (Dheut. 32:4; 1 Joh. 4:8) Mwari akapa Jesu Kristu Umambo nokuti ndiye akakodzera kutonga nyika. Jehovha akarongawo kuti vaKristu vakazodzwa vanosvika 144 000 vatorwe pasi voendeswa kuupenyu hwokudenga kuti vatonge naKristu pakutarisira zvinhu zvepasi.—Zvak. 14:1-5.

15. Taura kusiyana kwakaita kutonga kwoUmambo hwaMwari nokwevanhu.

15 Kutonga kwaJesu nevane 144 000 kuchange kwakasiyana zvikuru nokwevanhu vasina kukwana! Kazhinji vatongi venyika ino vave vachiita utsinye uye vachiita kuti vanhu vavanotonga varwisane muhondo, zvichiguma nokuurayiwa kwemamiriyoni. Ndosaka Magwaro achitinyevera kuti tisavimba nomunhu “asingagoni kuponesa”! (Pis. 146:3) Asi Kristu achatonga zvakanaka zvikuru! Jesu akati: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.”—Mat. 11:28-30.

Mazuva Okupedzisira Ava Kuda Kuguma!

16. Mazuva ano okupedzisira achaguma sei?

16 Nyika ino yave iri mumazuva okupedzisira, kana kuti mu“kuguma kwemamiriro ezvinhu,” kubvira mugore ra1914. (Mat. 24:3) Nokukurumidza, kwakanzi naJesu “kutambudzika kukuru” kuchaitika. (Verenga Mateu 24:21.) Kutambudzika uku kusina kunoenzana nako kuchagumisa nyika yaSatani yose. Asi kutambudzika kukuru kuchatanga sei? Uye kuchaguma sei?

17. Bhaibheri rinoratidza kuti kutambudzika kukuru kuchatanga sei?

17 Kutambudzika kukuru kuchangoerekana kwatanga. Chokwadi, “zuva raJehovha” richauya risingatarisirwi “chero panguva yavachati: ‘Rugare nokuchengeteka!’” (Verenga 1 VaTesaronika 5:2, 3.) Kutambudzika kwakafanotaurwa kuchatanga marudzi paachafunga kuti ava pedyo nokugona kugadzirisa mamwe ematambudziko awo makuru. Nyika ichashamiswa nokuparadzwa kuchangoerekana kwaitwa “Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema. Madzimambo nevamwe vachashamiswa pachatongwa Bhabhironi Guru.—Zvak. 17:1-6, 18; 18:9, 10, 15, 16, 19.

18. Jehovha achaita sei Satani paacharwisa vanhu vake?

18 Panguva yakaoma iyi, pachava “nezviratidzo pazuva nepamwedzi nepanyeredzi,” uye “chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaoneka kudenga.” Tinogona kubva ‘tamira kuti twasu nokuti kununurwa kwedu kunenge kwaswedera pedyo.’ (Ruka 21:25-28; Mat. 24:29, 30) Satani, kana kuti Gogi, achaita kuti mauto ake arwise vanhu vaMwari. Asi nezvevaya vanorwisa vashumiri vake vakatendeka, Jehovha anoti: “Anokugunzvai anogunzva mboni yeziso rangu.” (Zek. 2:8) Saka, kuedza kunoita Satani kuvaparadza hakuzobudiriri. Nei? Nokuti Changamire Ishe Jehovha achakurumidza kupindira kuti anunure vashumiri vake.—Ezek. 38:9, 18.

19. Nei tichigona kuva nechivimbo chokuti mauto anouraya aMwari achaparadza nyika yaSatani?

19 Mwari paacharwisa marudzi, ‘iwo achaziva kuti ndiye Jehovha.’ (Ezek. 36:23) Achatumira mauto ake anouraya, zviuru zvezvisikwa zvake zvisingaoneki zvinenge zvichitungamirirwa naKristu Jesu kuti zviparadze nyika yose yaSatani. (Zvak. 19:11-19) Patinoyeuka kuti pane imwe nguva zvakangotorera ngirozi imwe chete usiku humwe chete ku“uraya zviuru zana nemakumi masere nezvishanu” zvevavengi vaMwari, tinogona kuva nechivimbo chokuti uto rokudenga richaparadza nyore nyore zvinhu zvose zvine chokuita nenyika yaSatani sezvo kutambudzika kukuru kuchizoguma neAmagedhoni. (2 Madz. 19:35; Zvak. 16:14, 16) Satani nemadhimoni ake vachakandwa mugomba rakadzika-dzika kwemakore ane chiuru. Pakupedzisira, vachaparadzwa.—Zvak. 20:1-3.

20. Jehovha achaita chii achishandisa Umambo?

20 Saka uipi huchabviswa panyika, uye vanhu vakarurama vachagara nokusingaperi panyika pano. Jehovha achange aratidza kuti ndiye Mununuri Mukuru. (Pis. 145:20) Achishandisa Umambo, acharatidza kuti ndiye changamire, achatsvenesa zita rake dzvene, uye achazadzisa chinangwa chake chikuru nokuda kwepasi. Nakidzwa zvikuru noushumiri hwako sezvaunenge uchizivisa aya mashoko akanaka uye paunenge uchibatsira vaya ‘vane mafungiro akanaka okuti vave noupenyu husingaperi’ kuti vazive kuti kununurwa noUmambo hwaMwari kwava pedyo!—Mab. 13:48.

Unoyeuka Here?

• Jesu akaratidza sei kuti Umambo hunokosha?

• Nei tichida kununurwa zvikuru iye zvino kupfuura kare?

• Zviitiko zvipi zvatingatarisira pakutambudzika kukuru?

• Jehovha anoratidza sei kuti Mununuri Mukuru?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 12, 13]

Shoko raMwari rakafanotaura kuti basa rokuparidzira raizoitwa munyika yose zvisina kumbobvira zvaitika

[Mufananidzo uri papeji 15]

Jehovha zvaakanunura Noa nemhuri yake, anogonawo kutinunura

[Mufananidzo uri papeji 16]

Jehovha “achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo”—Zvak. 21:4