Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurongwa Kwakaitwa Dare Rinodzora

Kurongwa Kwakaitwa Dare Rinodzora

Kurongwa Kwakaitwa Dare Rinodzora

DARE Rinodzora reZvapupu zvaJehovha rinoumbwa nevarume vakazvitsaurira vari vashumiri vaMwari vakazodzwa. Vanomiririra boka romuranda akatendeka uye akangwara, ane basa rokupa zvokudya zvine chokuita nokunamata uye rokutungamirira uye kukurudzira basa rokuparidza Umambo pasi pose.—Mat. 24:14, 45-47.

Misangano yeDare Rinodzora inoitwa vhiki nevhiki, kazhinji musi weChitatu. Izvi zvinoita kuti hama idzi dzishande pamwe chete dzakabatana. (Pis. 133:1) Nhengo dzeDare Rinodzora dzinoshandawo mumatare akasiyana-siyana. Pakutarisira zvinhu zvine chokuita noUmambo, dare rimwe nerimwe rine zvarinotarisira, sezvinotaurwa muchidimbu pasi apa.

▪ DARE REVATSINHANISI: Dare iri rinoumbwa nomutsinhanisi werimwe nerimwe rematare eDare Rinodzora uye munyori anenge ariwo nhengo yeDare Rinodzora. Rinova nechokwadi chokuti matare ose anoshanda zvakanaka pasina chinovhiringidza. Rinotarisirawo nyaya dzine chokuita nenjodzi huru, kutambudzwa kwevaKristu, uye dzimwe nyaya dzinofanira kukurumidza kugadziriswa dzine chokuita neZvapupu zvaJehovha pasi pose.

▪ DARE REVASHANDI: Hama dziri mudare iri dzakapiwa basa rokutarisira urongwa hwokugara zvakanaka kwemhuri dzeBheteri pasi pose uye kudzibatsira kuti dzirambe dziine ukama hwakanaka naJehovha uye kudzibatsira nedzimwewo nzira. Dare iri rinotarisira kusarudzwa uye kukokwa kwenhengo itsva dzemhuri yeBheteri uye rinopindura mibvunzo ine chokuita nebasa remhuri dzeBheteri.

▪ DARE RINOBUDISA MASHOKO: Dare iri rinotarisira kudhindwa, kubudiswa uye kutumirwa kwemabhuku eBhaibheri pasi pose. Rinotarisira nzvimbo dzokudhindira uye zvivako zvemasangano akasiyana-siyana anoshandiswa neZvapupu zvaJehovha. Dare iri rinoronga kuti mari yezvipo zvebasa roUmambo romunyika yose ishandiswe zvakanaka.

▪ DARE REBASA: Vari mudare iri vanotarisira basa rokuparidza uye nyaya dzine chokuita neungano, mapiyona, vakuru, uye vatariri vanofambira. Rinotarisira kunyorwa kwoUshumiri Hwedu hwoUmambo uye kukokwa kwevadzidzi veChikoro cheGiriyedhi uye veChikoro Chokudzidzisa Vashumiri, rozovapa mabasa okuita pashure pokunge vapedza kudzidza.

▪ DARE ROKUDZIDZISA: Dare iri rinotarisira mirayiridzo inopiwa pamagungano uye pamisangano yeungano. Rinoronga purogiramu dzezvokunamata dzenhengo dzemhuri dzeBheteri uye rinotarisira zvikoro zvakasiyana-siyana, zvakadai seChikoro cheGiriyedhi uye Chikoro Chebasa Roupiyona, uyewo kugadzirwa kwepurogiramu dzemakaseti okuteerera nemavhidhiyo.

▪ DARE ROKUNYORA: Rinotarisira kunyorwa kwemabhuku ezvokudya zvine chokuita nokunamata uye kutumirwa kwazvo kuvanhu vanonamata uyewo voruzhinji. Dare iri rinopindura mibvunzo yeBhaibheri uye rinobvumira kunyorwa kwemitambo nehurukuro. Rinotarisirawo basa rokushandura rinoitwa pasi pose.

Muapostora Pauro akafananidza ungano yevakazodzwa nomuviri womunhu uye akasimbisa mabasa anokosha avanoita kungofanana nezvinoitwa nenhengo dzose dzomuviri uyewo kuvimba kwavanoita nomumwe nomumwe, kudanana, uye kushandira pamwe pakuita basa ravakapiwa naMwari. (VaR. 12:4, 5; 1 VaK. 12:12-31) Mutungamiriri, Jesu Kristu, anopa mirayiro yomuBhaibheri uye zvinodiwa nenhengo dzomuviri kuti dzishandire pamwe zvakanaka uye kuti dzinzwanane. (VaEf. 4:15, 16; VaK. 2:19) Nokuita izvi, Dare Rinodzora rinoronga kutungamirira sezvarinorayirwa naJehovha achishandisa mudzimu mutsvene.