Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku reMabasa

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku reMabasa

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku reMabasa

BHUKU reBhaibheri reMabasa inhoroondo yakakwana yokutangwa kweungano yechiKristu uye kukura kwayaiita. Rakanyorwa nachiremba Ruka uye rine nhoroondo inofadza yebasa rechiKristu rakaitwa kwemakore anopfuura 28, kubva muna 33 C.E. kusvika muna 61 C.E.

Chikamu chokutanga chebhuku reMabasa chinonyanya kutaura nezvebasa romuapostora Petro, uye chimwe chacho chinotaura nezvebasa romuapostora Pauro. Nokushandisa zvisazitasingwi zvakadai sokuti “ta-, ti-” uye “nesu,” Ruka anoratidza kuti akanga aripo pakaitika zvimwe zviitiko. Kufungisisa mashoko ari mubhuku reMabasa kuchawedzera kukoshesa kwatinoita simba reShoko raMwari rakanyorwa uye mudzimu wake mutsvene. (VaH. 4:12) Kuchatibatsirawo kuva vanhu vanozvipira uye kuchasimbisa kutenda kwedu tariro yoUmambo.

PETRO ANOSHANDISA “KIYI DZOUMAMBO”

(Mab. 1:1–11:18)

Pashure pokunge vapiwa mudzimu mutsvene, vaapostora vanoparidzira noushingi. Petro anoshandisa ‘kiyi dzokutanga dzoumambo hwokumatenga’ kuti azarurire mukana uye musuo wezivo kuvaJudha nevanhu vakanga vatendeuka “vakagamuchira shoko rake” kuti vapinde muUmambo. (Mat. 16:19; Mab. 2:5, 41) Chitambudzo pachinoerekana chavapo vadzidzi vanopararira, asi izvi zvinoita kuti basa rokuparidza riwedzere.

Pavanonzwa kuti vaSamariya vakagamuchira shoko raMwari, vaapostora vomuJerusarema vanotumira Petro naJohani kwavari. Petro anoshandisa kiyi yechipiri kuzarurira vaSamariya mukana wokuwana Umambo. (Mab. 8:14-17) Zvichida gore risati rapera Jesu amutswa, Sauro weTaso anochinja zvikuru. Muna 36 C.E., Petro anoshandisa kiyi yechitatu, uye chipo chepachena chomudzimu mutsvene chinodururwa pavanhu vasina kudzingiswa vemamwe marudzi.—Mab. 10:45.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

2:44-47; 4:34, 35—Nei vatendi vakatengesa zvinhu zvavo zvose ndokugovera zvose zvavakawana? Vakawanda vakazova vatendi vakanga vabva kunzvimbo dziri kure zvikuru uye vakanga vasina zvinhu zvakakwana kuti vawedzere mazuva avaizogara muJerusarema. Kunyange zvakadaro, vaida kuramba varimo kwenguva yakareba kuti vazive zvakawanda nezvokutenda kwavo kutsva uye kuti vapupurire vamwe. Kuti vavabatsire, vamwe vaKristu vakatengesa zvinhu zvavo, uye mari yacho yakapiwa vanhu vaishayiwa.

4:13—Petro naJohani vakanga vasingagoni kuverenga kana kuti vasina kudzidza here? Aiwa. Vainzi “vanhuwo zvavo, vasina kudzidza” nokuti vakanga vasina kupinda zvikoro zvavanarabhi kuti vadzidziswe zvechitendero.

5:34-39—Ruka akaziva sei zvakanga zvataurwa naGamarieri mudare reSanihedrini makanga musingapindi voruzhinji? Pane zvinhu zvitatu zvingangodaro zvakaitika: (1) Pauro, aimbova mudzidzi waGamarieri, akaudza Ruka; (2) Ruka akabvunza mumwe munhu weSanihedrini aigona kumunzwa, akadai saNikodhimo; (3) Ruka akawana mashoko aya achifuridzirwa naMwari.

7:59—Stefani akanga achinyengetera kuna Jesu here? Aiwa. Munhu anofanira kungonamata Jehovha Mwari uye kunyengetera kwaari chete. (Ruka 4:8; 6:12) Dai zvinhu zvakanga zvakadzikama, Stefani angadai akanyengetera kuna Jehovha muzita raJesu. (Joh. 15:16) Zvisinei, panguva ino Stefani akanga aona “Mwanakomana womunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.” (Mab. 7:56) Achinyatsoziva kuti Jesu akanga apiwa simba rokumutsa vakafa, Stefani akataura zvakananga kuna Jesu, asi haana kunyengetera achimukumbira kuti achengetedze mudzimu wake.—Joh. 5:27-29.

Zvatinodzidza:

1:8. Basa romunyika yose rokuparidzira rinoitwa neZvapupu zvaJehovha harigoni kuitwa pasina kubatsirwa nomudzimu mutsvene.

4:36–5:11. Josefa wokuKupro ainzi Bhanabhasi, zvinoreva kuti “Mwanakomana Wokunyaradza.” Vaapostora vangave vakamupa zita rokuti Bhanabhasi nokuti aiva noushamwari, aiva nomutsa, uye aibatsira vamwe. Tinofanira kumutevedzera kwete kutevedzera Ananiyasi naSafira, vakashandisa unyengeri.

9:23-25. Kunzvenga vavengi vedu kuti tirambe tichiparidzira hazvirevi kuti tiri mbwende.

9:28-30. Kana kuparidzira mune dzimwe nzvimbo kana kuti kune vamwe vanhu kuchiita kuti tikuvare mumuviri, mutsika kana kuti pakunamata, tinofanira kuchenjera uye kusarudza kuti tingaparidzira kupi uye nguvai.

9:31. Munguva dzorugare, tinofanira kuedza kusimbisa kutenda kwedu nokudzidza uye kufungisisa zvatinenge taverenga. Izvi zvichatibatsira kuti tifambe tichitya Jehovha nokushandisa zvatinodzidza uye kushingaira muushumiri.

KUSHINGAIRA KWAIITA PAURO MUUSHUMIRI

(Mab. 11:19–28:31)

Muna 44 C.E., Agabhasi anouya kuAndiyoki, uko Bhanabhasi naSauro vave vachidzidzisa “kwegore rose.” Agabhasi anofanotaura nezve“nzara huru,” inoitika mumakore maviri anozotevera. (Mab. 11:26-28) “Pashure pokunge vaita basa rokuyamura muJerusarema zvizere,” Bhanabhasi naSauro vanodzokera kuAndiyoki. (Mab. 12:25) Muna 47 C.E., anenge makore 12 Sauro atendeuka, Bhanabhasi naSauro vanotumwa nomudzimu mutsvene kunoita basa roumishinari. (Mab. 13:1-4) Muna 48 C.E., vanodzokera kuAndiyoki, “kwavakanga vagamuchidzwa kumutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari.”—Mab. 14:26.

Mwedzi mipfumbamwe gare gare, Pauro (anonziwo Sauro) anosarudza kufamba naSirasi ndokuita rwendo rwechipiri. (Mab. 15:40) Timoti naRuka vanoperekedzawo Pauro murwendo rwacho. Ruka anombogara muFiripi Pauro paanopfuurira kuAtene ozoenda kuKorinde, kwaanosangana naAkwira naPrisira opedza gore nemwedzi mitanhatu ariko. (Mab. 18:11) Achisiya Timoti naSirasi muKorinde, Pauro anotora Akwira naPrisira oenda navo nechikepe kuSiriya mumwedzi wokutanga wa52 C.E. (Mab. 18:18) Akwira naPrisira vanomuperekedza kusvika kuEfeso kwavanozosara.

Amboti garei muAndiyoki yeSiriya, Pauro anoitazve rwendo rwechitatu muna 52 C.E. (Mab. 18:23) MuEfeso, ‘shoko raJehovha rinoramba richikura uye richikunda.’ (Mab. 19:20) Pauro anopedza makore anenge matatu ari imomo. (Mab. 20:31) Panozosvika Pendekosti ya56 C.E., Pauro ari muJerusarema. Pashure pokunge asungwa, anopupurira vakuru vakuru asingatyi. MuRoma, muapostora wacho anosungwa oiswa muimba yake oga kwemakore maviri (c. 59-61 C.E.), uye ari imomo anotsvaka nzira dzokuparidzira nezvoUmambo uye kudzidzisa “zvinhu zvine chokuita naShe Jesu Kristu.”—Mab. 28:30, 31.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

14:8-13—Nei vanhu vokuRistra vakatumidza “Bhanabhasi kuti Zeusi, asi Pauro Hemesi”? Zeusi ndiye aiva mutongi wavanamwari mungano yechiGiriki, uye mwanakomana wake Hemesi aizivikanwa nokunyatsodedemura pakutaura. Sezvo Pauro aitungamirira pakutaura, vanhu vokuRistra vakamutumidza kuti Hemesi uye Bhanabhasi vakamuti Zeusi.

16:6, 7—Nei mudzimu mutsvene wakarambidza Pauro neshamwari dzake kuti vaparidze muruwa rweEzhiya neBhitiniya? Paingova nevashandi vashoma. Saka mudzimu mutsvene wakavatungamirira kunzvimbo dzaibereka zvibereko zvakawanda.

18:12-17—Vanhu vaiona pavakatanga kurova Sositenesi, nei Mutongi Gariyo asina kupindira? Zvichida Gariyo akafunga kuti murume airatidzika seaitungamirira mhirizhonga yaiitirwa Pauro akanga ari kuwana zvakanga zvakamukodzera. Zvisinei, zviri pachena kuti izvi zvakaita kuti pave nemigumisiro yakanaka nokuti zvakaita kuti Sositenesi ave muKristu. Pave paya, Pauro anozotaura nezvaSositenesi se“hama yedu.”—1 VaK. 1:1.

18:18—Pauro akaita mhiko yei? Dzimwe nyanzvi dzinoti Pauro akanga aita mhiko yokuva muNaziri. (Num. 6:1-21) Zvisinei, Bhaibheri haritauri kuti mhiko yaPauro yaiva yei. Uyezve, Magwaro haatauri kuti mhiko yacho yakaitwa Pauro asati atendeuka here kana kuti atendeuka, kana kuti akanga achitanga mhiko yacho here kana kuti kuigumisa. Chero zvazvingava, kuita mhiko yakadaro kwakanga kusiri kutadza.

Zvatinodzidza:

12:5-11. Tinogona kunyengeterera hama dzedu uye tinofanira kuita kudaro.

12:21-23; 14:14-18. Herodhi akabvuma rukudzo rwaifanira kupiwa Mwari chete. Izvozvo zvakanga zvakasiyana zvikuru nezvakaitwa naPauro naBhanabhasi pavakaramba pakarepo kurumbidzwa uye kukudzwa zvisina kufanira! Hatifaniri kuda kukudzwa pamusana pezvatinenge taita mubasa raJehovha.

14:5-7. Kungwaririra kungatibatsira kuti tirambe tichishingaira mubasa.—Mat. 10:23.

14:22. VaKristu vanotarisira kutambudzwa. Havaedzi kunzvenga kutambudzwa vachikanganisa kutenda kwavo.—2 Tim. 3:12.

16:1, 2. Pwere dzechiKristu dzinofanira kushanda nesimba mune zvokunamata uye dzinofanira kuda kubatsirwa naJehovha kuti dzive nomukurumbira wakanaka.

16:3. Tinofanira kuita zvose zvatinogona tichirarama maererano nezvinotaurwa neMagwaro kuitira kuti vamwe vagamuchire mashoko akanaka.—1 VaK. 9:19-23.

20:20, 21. Kupupurira pamba nemba kunokosha muushumiri hwedu.

20:24; 21:13. Kuramba takavimbika kuna Mwari kunonyanya kukosha pane kuchengetedza upenyu hwedu.

21:21-26. Tinofanira kuda nomwoyo wose kugamuchira mazano akanaka.

25:8-12. Nhasi vaKristu vanogona kushandisa matare uye vanofanira kuashandisa “pakudzivirira nokusimbisa zviri pamutemo mashoko akanaka.”—VaF. 1:7.

26:24, 25. Tinofanira kuzivisa “mashoko echokwadi uye epfungwa dzakanaka” kunyange “munhu wenyama” achizviona soupenzi.—1 VaK. 2:14

[Mufananidzo uri papeji 30]

Petro akashandisa rini “kiyi dzoumambo”?

[Mufananidzo uri papeji 31]

Hatigoni kuita basa romunyika yose rokupupurira tisingabatsirwi nomudzimu mutsvene