Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rambai Muchiita Zvakanaka

Rambai Muchiita Zvakanaka

Rambai Muchiita Zvakanaka

‘Rambai muchiita zvakanaka.’—RUKA 6:35.

1, 2. Nei zvichiwanzova zvakaoma kuitira vamwe zvakanaka?

KUITIRA vamwe zvakanaka kungava chinhu chakaoma. Vanhu vatinoratidza rudo vangasatiratidzawo rudo. Kunyange zvazvo tichiedza zvose zvatinogona kuti tibatsire vanhu pakunamata nokuvaudza “mashoko akanaka anokudzwa aMwari anofara” uye Mwanakomana wake, vangasakendenga kana kuti vangasaonga. (1 Tim. 1:11) Vamwe vanoratidza kuti vanovenga “danda rokutambudzikira raKristu.” (VaF. 3:18) Zvatiri vaKristu, tinofanira kuvabata sei?

2 Jesu Kristu akaudza vadzidzi vake kuti: “Rambai muchida vavengi venyu nokuita zvakanaka.” (Ruka 6:35) Iye zvino ngatimbonyatsoongorora zano iri. Tichabatsirwawo nedzimwe pfungwa dzakataurwa naJesu dzokuti tiitire vamwe zvakanaka.

‘Idai Vavengi Venyu’

3. (a) Nemashoko ako woga, taura muchidimbu mashoko aJesu ari pana Mateu 5:43-45. (b) Maonero api pakati pevaJudha nevasiri vaJudha akavapo pavatungamiriri vechitendero chechiJudha vomuzana remakore rokutanga?

3 MuMharidzo yake yepaGomo inozivikanwa zvikuru, Jesu akaudza vateereri vake kuti vade vavengi vavo uye kuti vanyengeterere vaya vanovatambudza. (Verenga Mateu 5:43-45.) Vaya vaivapo paaitaura vaiva vaJudha vaiziva murayiro waMwari wokuti: “Usatsiva kana kuchengetera vanakomana vevanhu vokwako mafi; ida wokwako sezvaunozviita.” (Revh. 19:18) Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vomuzana remakore rokutanga vaifunga kuti “vanakomana vevanhu vokwako” uye “wokwako” vaiva vaJudha chete. Mutemo waMosesi wairayira kuti vaIsraeri varambe vakaparadzana nemamwe marudzi, asi pfungwa yakavapo yaiva yokuti vose vasiri vaJudha vaiva mhandu uye vaifanira kuvengwa.

4. Vadzidzi vaJesu vaifanira kuitirei vavengi vavo?

4 Asi Jesu akazivisa kuti: “Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai.” (Mat. 5:44) Vadzidzi vake vaifanira kuda vanhu vose vaivavenga. Maererano naRuka munyori weEvhangeri, Jesu akati: “Ndinoti kwamuri imi makateerera, Rambai muchida vavengi venyu, muchiitira zvakanaka vaya vanokuvengai, muchikomborera vaya vanokutukai, muchinyengeterera vaya vanokuzvidzai.” (Ruka 6:27, 28) Kufanana nevanhu vomuzana remakore rokutanga vakashandisa zvakataurwa naJesu, ‘tinoitira zvakanaka vaya vanotivenga’ nokuvaratidza nyasha pavanotivenga. ‘Tinokomborera vaya vanotituka’ nokutaura navo zvakanaka. Uye ‘tinonyengeterera vaya vanotitambudza’ nokutirova kana kuti ‘kutizvidza’ nedzimwe nzira. Minyengetero yakadaro ndeyokukumbira kuti vanotitambudza vachinje mwoyo yavo uye voita zvinhu zvinoita kuti vafarirwe naJehovha.

5, 6. Nei tichifanira kuda vavengi vedu?

5 Nei tichifanira kuda vavengi vedu? Jesu akati: “Kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kumatenga.” (Mat. 5:45) Kana tikateerera zano iroro, tinova “vanakomana” vaMwari pakuti tinenge tichitevedzera Jehovha, uyo ‘anoita kuti zuva rake ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye achiita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.’ Sokutaura kunoita nhoroondo yaRuka, Mwari “ane mutsa kune vasingaongi nevakaipa.”—Ruka 6:35.

6 Achisimbisa kuti zvaikosha zvikuru kuti vadzidzi vake ‘varambe vachida vavengi vavo,’ Jesu akati: “Kana muchida vaya vanokudai, mune mubayiro wei? Vateresi havasi kuita saizvozvowo here? Uye kana muchikwazisa hama dzenyu chete, chii chamuri kuita chinoshamisa? Vanhu vemamwe marudzi havasi kuita saizvozvowo here?” (Mat. 5:46, 47) Kana tichingonyanya kuda vaya vanotidawo, izvi zvinoita kuti tisawana “mubayiro,” kana nyasha, kubva kuna Mwari. Kunyange vateresi, vaiwanzozvidzwa, vaida vanhu vaivadawo.—Ruka 5:30; 7:34.

7. Nei zvaisazoshamisa kana taizongokwazisa vaya chete vatinoti ndivo “hama” dzedu?

7 VaJudha pavaikwazisa vaiwanzoshandisa shoko rokuti “rugare.” (Vat. 19:20; Joh. 20:19) Izvi vaizviita nechinangwa chokushuvira munhu wavainge vachikwazisa kuti ave noutano hwakanaka, zvinhu zvimufambire zvakanaka uye abudirire. Chaisazova ‘chinhu chinoshamisa’ kana taizongokwazisa vaya chete vatinoti ndivo “hama” dzedu. Sezvakataurwa naJesu, chimwe chinhu chakafanana chakaitwa ne“vanhu vemamwe marudzi.”

8. Jesu akanga achikurudzirei vateereri vake paakati: ‘Munofanira kuva vakakwana’?

8 Chivi chavakaberekwa vainacho chakaita kuti vadzidzi vaKristu vasave vanhu vasingatadzi, vakakwana. (VaR. 5:12) Asi Jesu akagumisa hurukuro yake iyi achiti: “Ivai vakakwana, nokuti Baba venyu vokudenga vakakwana.” (Mat. 5:48) Saka akanga achikurudzira vateereri vake kuti vatevedzere ‘Baba vavo vokudenga,’ Jehovha, nokuratidza rudo rwakakwana vachiita izvi nokuda vavengi vavo. Ndizvo zvatinotarisirwawo kuita.

Nei Tichifanira Kukanganwira?

9. Chii chinorehwa nemashoko okuti: “Tikanganwirei zvivi zvedu”?

9 Tinoramba tichiita zvakanaka patinokanganwira nengoni mumwe munhu anotitadzira. Kutaura zvazviri, chikamu chomunyengetero waJesu wokuenzanisira chine mashoko anoti: ‘Tikanganwirei zvivi zvedu, sezvatakakanganwirawo vakatitadzira.’ (Mat. 6:12) Evhangeri yaRuka inoratidza kuti Jesu aitaura nezvezvivi nokuti inoti: “Tikanganwirei zvivi zvedu, nokuti isu tinokanganwirawo munhu wose anotitadzira.”—Ruka 11:4.

10. Nezvokukanganwira, tingatevedzera sei Mwari?

10 Tinofanira kutevedzera Mwari, uyo anokanganwira nomwoyo wose vatadzi vanopfidza. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchikanganwirana nomwoyo wose Mwari zvaakakukanganwiraiwo nomwoyo wose achishandisa Kristu.” (VaEf. 4:32) Munyori wepisarema Dhavhidhi akaimba kuti: “Jehovha ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere nomutsa worudo. . . . Haana kumbotiitira maererano nezvivi zvedu; uyewo haana kutiitira zvatakafanirwa nazvo maererano nokukanganisa kwedu. . . . Sokuva kure kwakaita kunobuda zuva kubva kumavirira, saizvozvowo akaisa kudarika kwedu kure nesu. Sezvinoita baba vanonzwira ngoni vanakomana vavo, Jehovha akanzwira ngoni vaya vanomutya. Nokuti iye anonyatsoziva maumbirwo atakaitwa, achiyeuka kuti tiri guruva.”—Pis. 103:8-14.

11. Mwari anokanganwira vanaani?

11 Vanhu vanogona kukanganwirwa naMwari bedzi kana ivo vakatokanganwira vaya vakavatadzira. (Mako 11:25) Achisimbisa pfungwa iyi, Jesu akawedzera kuti: “Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vokudenga vachakukanganwiraiwo; asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakanganwiriwo kudarika kwenyu.” (Mat. 6:14, 15) Chokwadi, Mwari anongokanganwira vaya vanokanganwira vamwe nomwoyo wose. Uye imwe nzira yokuramba tichiita zvakanaka ndeyokuita maererano nezano raPauro rokuti: “Jehovha zvaakakukanganwirai nomwoyo wose, imiwo itai saizvozvo.”—VaK. 3:13.

“Regai Kutonga”

12. Izano ripi rakapiwa naJesu nezvokutonga vamwe?

12 Imwe nzira yokuita zvakanaka yakataurwa muMharidzo yepaGomo naJesu paakaudza vateereri vake kuti varege kutonga vamwe uye akabva ashandisa mufananidzo une simba kuti asimbise pfungwa iyi. (Verenga Mateu 7:1-5.) Ngationgororei zvairehwa naJesu paakati: “Regai kutonga.”

13. Vateereri vaJesu vaigona sei ‘kuramba vachisunungura’?

13 Evhangeri yaMateu inoti Jesu akati: “Regai kutonga kuti murege kutongwawo.” (Mat. 7:1) Maererano naRuka, Jesu akati: “Regai kutonga, uye hamuzombotongwiwo; uye regai kupa mhosva, uye hamuzombopiwiwo mhosva. Rambai muchisunungura, uye muchasunungurwawo.” (Ruka 6:37) VaFarisi vomuzana remakore rokutanga vaitonga vamwe noutsinye, vachitevedzera tsika dzisiri dzepaMagwaro. Munhu upi noupi aiteerera Jesu aifanira ‘kurega kutonga’ vamwe. Pane kudaro, vaifanira ‘kuramba vachisunungura,’ kureva kuti, kukanganwira zvaikanganiswa nevamwe. Muapostora Pauro akapa zano rakafanana rine chokuita nokukanganwira, sezvataurwa pamusoro apa.

14. Nokukanganwira vamwe, vadzidzi vaJesu vaizoita kuti vanhu vaite sei?

14 Nokukanganwira vamwe, vadzidzi vaJesu vaizoita kuti vanhu vakanganwirewo. Jesu akati: “Nokutonga kwamuri kutonga nako, muchatongwawo nako; uye nechiyereso chamuri kuyera nacho, vachakuyereraiwo nacho.” (Mat. 7:2) Tinokohwa zvatinodyara pamabatiro atinoita vamwe.—VaG. 6:7.

15. Jesu akaratidza sei kuti kunyanya kutsoropodza vamwe kwakaipa?

15 Yeuka kuti, achiratidza kuti zvakaipa sei kunyanya kutsoropodza vamwe, Jesu akabvunza kuti: “Saka, unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usingafungi danda riri muziso rako? Kana ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu muziso rako’; asi, tarira! danda riri muziso rako?” (Mat. 7:3, 4) Munhu anowanzoda zvokutsoropodza vamwe anotarisa kanhu kaduku kanenge kasina kumira zvakanaka mu“ziso” rehama yake. Munhu wacho anenge achiti hama yake hainzwisisi uye hainyatsooni zvinhu zvakanaka. Kunyange zvazvo chinetso chacho chiri chiduku, kunge kabanzu, munhu anotsoropodza wacho anoti anoda ‘kubvisa kabanzu kacho.’ Anozvipira nounyengeri achiti anoda kubatsira hama yacho kuti ione zvinhu nenzira yakajeka.

16. Nei zvinganzi vaFarisi vaiva ne“danda” muziso ravo?

16 Vatungamiriri vechitendero chechiJudha ndivo vainyanya kutsoropodza vamwe. Somuenzaniso, mumwe murume aiva bofu paakaporeswa naKristu akabva ataura kuti Jesu anofanira kunge aibva kuna Mwari, vaFarisi vakapindura nehasha vachiti: “Iwe sezvauri wakaberekerwa muzvivi, asi zvino wava kutidzidzisa here?” (Joh. 9:30-34) VaFarisi vakanga vaine “danda” muziso ravo uye vakanga vari mapofu chaiwo kana toreva nezvokuona zvinhu nenzira yakajeka mune zvokunamata uye kutonga zvakarurama. Ndosaka Jesu akati: “Munyengeri! Tanga wabvisa danda muziso rako, ipapo uchanyatsoona mabvisiro aungaita kabanzu kari muziso rehama yako.” (Mat. 7:5; Ruka 6:42) Kana takatsunga kuitira vamwe uye kuvabata zvakanaka, hatizonyanyi kutsoropodza, nguva dzose tichingotsvaka kabanzu muziso rehama yedu. Pane kudaro, tichabvuma kuti hatina kukwana saka hatifaniri kutonga kana kuti kutsoropodza vatinonamata navo.

Mabatiro Atinofanira Kuita Vamwe

17. Tichifunga mashoko ari pana Mateu 7:12, tinofanira kubata vamwe sei?

17 MuMharidzo yepaGomo, Jesu akataura kuti Mwari anoratidza kuva baba kuvashumiri vake nokupindura minyengetero yavo. (Verenga Mateu 7:7-12.) Ndosaka Jesu akataura murayiro uyu: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” (Mat. 7:12) Patinobata vamwe seizvi ndipo chete patinogona kuratidza kuti tiri vateveri vechokwadi vaJesu Kristu.

18. “Mutemo” wakaratidza sei kuti tinofanira kuitira vamwe sezvatinoda kuti vatiitirewo?

18 Ataura kuti tinofanira kuitira vamwe zvatinoda kuti vatiitirewo, Jesu akawedzera kuti: “Izvi, chokwadi, ndizvo zvinorehwa noMutemo neZvakanyorwa nevaprofita.” Kana tikabata vamwe sezvakataurwa naJesu, tinenge tichiita sezvakanyorwa mu“Mutemo,” zviri mumabhuku eBhaibheri aGenesisi kusvika kuna Dheuteronomio. Kunze kwokungozivisa chinangwa chaJehovha chokuita kuti pave nembeu yaizobvisa zvakaipa, mabhuku aya ane Mitemo yakapiwa rudzi rwaIsraeri naMwari achishandisa Mosesi muna 1513 B.C.E. (Gen. 3:15) Mutemo wakajekesawo kuti vaIsraeri vaifanira kururamisira, vakanga vasingafaniri kusarura vamwe, uye vaifanira kuitira zvakanaka vanhu vakanga vachitambura uye vatorwa vaigara munyika yavo.—Revh. 19:9, 10, 15, 34.

19. “Vaprofita” vanoratidza sei kuti tinofanira kuita zvakanaka?

19 Paakataura nezve“vaprofita,” Jesu aifunga nezvemabhuku ouprofita eMagwaro echiHebheru. Ane uprofita hunotaura nezvaMesiya hwakazadzika pana Kristu. Mabhuku iwayo anoratidza kuti Mwari anokomborera vanhu vake pavanoita zvakarurama mukuona kwake uye pavanobata vamwe zvakanaka. Somuenzaniso, uprofita hwaIsaya hwakapa vaIsraeri zano rokuti: “Zvanzi naJehovha: ‘Ruramisirai, uye itai zvakarurama. . . . Anofara munhuwo zvake anoita izvi, uye mwanakomana wevanhu anozvibatisisa, . . . achidzora ruoko rwake kuti arege kuita zvinhu zvose zvakaipa.’” (Isa. 56:1, 2) Chokwadi, Mwari anotarisira kuti vanhu vake varambe vachiita zvakanaka.

Rambai Muchiitira Vamwe Zvakanaka

20, 21. Mapoka evanhu akaitei paakanzwa Mharidzo yaJesu yepaGomo, uye nei uchifanira kufungisisa nezvayo?

20 Tangokurukura pfungwa shomanana pane dzakawanda dzinokosha dzakataurwa naJesu muMharidzo yake yepaGomo isingaenzaniswi. Kunyange zvakadaro, tinogona kunzwisisa nyore nyore zvinoitwa nevaya vakanzwa zvaakataura muMharidzo iyoyo. Nhoroondo yakafuridzirwa inoti: “Zvino Jesu paakapedza mashoko aya, boka revanhu rakashamiswa nemadzidzisiro ake; nokuti akanga achivadzidzisa somunhu ane chiremera, kwete sevanyori vavo.”—Mat. 7:28, 29.

21 Hapana mubvunzo kuti Jesu Kristu akaratidza kuti aiva “Mupi weZano Anoshamisa” akafanotaurwa. (Isa. 9:6) Mharidzo yepaGomo inonyatsoratidza kuti Jesu aiziva kuti Baba vake vokudenga vanoona sei zvinhu. Kuwedzera pane zvatakurukura, mharidzo iyoyo ine zvakawanda zvainotaura nezvomufaro wechokwadi, kuti tingadzivisa sei unzenza, nzira yokuita nayo zvakarurama, zvatinofanira kuita kuti tive neramangwana rakachengeteka uye rinofadza, nedzimwewo nyaya dzakawanda. Wadii wanyatsoverengazve zvitsauko 5 kusvika ku7 zvaMateu uchinyengetera? Fungisisa nezvemazano aJesu akanyorwa imomo. Shandisa zvakataurwa naKristu muMharidzo yake yepaGomo. Zvadaro uchafadza Jehovha zviri nani, uchabata vamwe zvakanaka, uye ucharamba uchiita zvakanaka.

Ungapindura Sei?

• Tinofanira kubata sei vavengi vedu?

• Nei tichifanira kukanganwira vamwe?

• Jesu akati chii nezvokutonga vanhu?

• Maererano naMateu 7:12, tinofanira kuitirei vamwe?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 10]

Unoziva here kuti nei Jesu akati: “Regai kutonga”?

[Mufananidzo uri papeji 8]

Nei tichifanira kunyengeterera vaya vanotitambudza?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Nguva dzose unoitira vamwe sezvaunoda kuti vakuitire here?