Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinofanira Kubata Sei Vamwe?

Tinofanira Kubata Sei Vamwe?

Tinofanira Kubata Sei Vamwe?

“Zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.”—RUKA 6:31.

1, 2. (a) Chii chinombonzi Mharidzo yepaGomo? (b) Tichakurukurei munyaya ino neinotevera?

ZVECHOKWADI Jesu Kristu aiva Mudzidzisi Mukuru. Vanhu vechitendero vaimuvenga pavakatuma vanhu kunomusunga, vakuru vakuru vacho vakadzoka vari maoko chete vachibva vati: “Hapana mumwe munhu akambotaura saizvozvi.” (Joh. 7:32, 45, 46) Imwe yehurukuro dzakanaka zvikuru pane dzakapiwa naJesu yaiva Mharidzo yepaGomo. Yakanyorwa muzvitsauko 5 kusvika ku7 zveEvhangeri yaMateu, uye mashoko ayo aripowo pana Ruka 6:20-49. *

2 Zvichida mashoko anonyanya kuzivikanwa mumharidzo iyi ndiwo aya okuti tiitire vamwe zvatinoda kuti ivo vatiitirewo. Ane chokuita nokubata kwatinoita vamwe. Jesu akati: “Zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” (Ruka 6:31) Uye akaitira vanhu zvinhu zvakanaka zvikuru! Jesu akaporesa vairwara uye akatomutsa vakafa. Zvisinei, vanhu vakatonyanya kukomborerwa pavakagamuchira mashoko akanaka aakavadzidzisa. (Verenga Ruka 7:20-22.) Zvatiri Zvapupu zvaJehovha, tinofara kuita basa rakadaro rokuparidza Umambo. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Munyaya ino neinotevera, tichakurukura mashoko aJesu nezvebasa iri uyewo dzimwe pfungwa dziri muMharidzo yepaGomo dzinotaura nezvemabatiro atinofanira kuita vamwe.

Ivai Vanyoro

3. Ungarondedzera sei unyoro?

3 Jesu akati: “Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.” (Mat. 5:5) MuMagwaro, unyoro hahurevi kushayiwa simba. Hunoreva rupfave rwatinoratidza tichiteerera zvinodiwa naMwari. Izvi zvinooneka pane zvatinoitira vamwe. Somuenzaniso, ‘hatidzoreri chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake.’—VaR. 12:17-19.

4. Nei vanyoro vachifara?

4 Vanhu vanyoro vanofara nokuti “vachagara nhaka yenyika.” Jesu, uyo aiva ‘munyoro uye aiva nomwoyo unozvininipisa,’ ndiye “akagadzwa kuti ave mugari wenhaka yezvinhu zvose” uye nokudaro ndiye mukuru pane vachagara nhaka yenyika. (Mat. 11:29; VaH. 1:2; Pis. 2:8) Zvakafanotaurwa kuti “mwanakomana womunhu” ari Mesiya aizova nevaanotonga navo muUmambo hwokudenga. (Dhan. 7:13, 14, 21, 22, 27) Zvavari “vagari venhaka pamwe chete naKristu,” vanhu vanyoro vakazodzwa vanosvika 144 000 vachazogara nhaka yenyika pamwe chete naJesu. (VaR. 8:16, 17; Zvak. 14:1) Vamwe vanhu vanyoro vachakomborerwawo noupenyu husingaperi pasi pano vachitongwa noUmambo.—Pis. 37:11.

5. Kuva nounyoro sohwaKristu kunotibatsira sei?

5 Kudai taizova nehasha, zvichida taizoita kuti vamwe vanhu vatadze kutishivirira uye toita kuti vasada kuva pedyo nesu. Zvisinei, kuva nounyoro sehwaKristu kunoita kuti tive nhengo dzeungano dzakanaka uye dzinokurudzira pakunamata. Unyoro chimwe chezvibereko zvesimba raMwari rinoita basa chinoberekwa matiri kana ‘tichirarama uye tichifamba maererano nomudzimu.’ (Verenga VaGaratiya 5:22-25.) Zvechokwadi tinoda kuverengwa pakati pevanhu vanyoro vanotungamirirwa nomudzimu mutsvene waJehovha!

Vane Ngoni Vanofara Chaizvo!

6. “Vane ngoni” vane unhu hupi hunooneka?

6 MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akatiwo: “Vanofara vane ngoni, nokuti vachanzwirwa ngoni.” (Mat. 5:7) “Vane ngoni” vanonzwira tsitsi uye vanoratidza mutsa, kunyange kusiririswa nevaya vanenge vachida kubatsirwa. Jesu akazorodza nenzira inoshamisa vanhu vaitambura nokuti akanga “asiririswa.” (Mat. 14:14; 20:34) Saka kusiririswa uye kuva nehanya kunoita kuti tive nengoni.—Jak. 2:13.

7. Kusiririswa kwakaita kuti Jesu aite chii?

7 Boka revanhu parakasangana naJesu paaienda kunozorora, “akasiririswa navo, nokuti vakanga vakaita semakwai asina mufudzi.” Zvadaro, “akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.” (Mako 6:34) Tinofara chaizvo patinozivisa vamwe shoko roUmambo uye patinovaudza nezvengoni huru dzaMwari!

8. Nei vanhu vane ngoni vachifara?

8 Vanhu vane ngoni vanofara nokuti “vachanzwirwa ngoni.” Kana tikanzwira vanhu ngoni, kazhinji vanotinzwirawo ngoni. (Ruka 6:38) Uyezve, Jesu akati: “Kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vokudenga vachakukanganwiraiwo.” (Mat. 6:14) Vanhu vane ngoni chete ndivo vachakanganwirwa zvivi uye vachafarirwa naMwari uye izvi zvinoita kuti vafare.

Nei “Vanoita Kuti Pave Norugare” Vachifara?

9. Tichaita sei kana tiri vanhu vanoita kuti pave norugare?

9 Achitaura chimwe chikonzero chinoita kuti pave nomufaro, Jesu akati: “Vanofara vanoita kuti pave norugare, nokuti vachanzi ‘vanakomana vaMwari.’” (Mat. 5:9) Kana tiri vanhu vanoita kuti pave norugare, hatizoiti kana kubvumira chero chinhu chipi chinogona ‘kuparadzanisa vaya vanoshamwaridzana’ chakadai sokuchera vamwe. (Zvir. 16:28) Nezvatinotaura uye zvatinoita, tichava norugare nevanhu vomuungano yechiKristu uye nevanhu vokunze. (VaH. 12:14) Tichatoita zvose zvatinogona kuti tive norugare naJehovha Mwari.—Verenga 1 Petro 3:10-12.

10. Nei vanhu “vanoita kuti pave norugare” vachifara?

10 Jesu akati “vanoita kuti pave norugare” vanofara, “nokuti vachanzi ‘vanakomana vaMwari.’” Nokuti vanotenda kuti Jesu ndiMesiya, vaKristu vakazodzwa vanogamuchira “kodzero yokuva vana vaMwari.” (Joh. 1:12; 1 Pet. 2:24) Zvakadini ne“mamwe makwai” aJesu anoita kuti pave norugare? Vachava naye ari ‘Baba vavo Vasingagumi’ mukutonga kwake kwemakore ane chiuru aine vagari venhaka pamwe chete naye kudenga. (Joh. 10:14, 16; Isa. 9:6; Zvak. 20:6) Pamugumo wokutonga kwake kwemakore ane chiuru, vanhu ivavo vanoita kuti pave norugare vachava vana vaMwari vepasi pano mupfungwa yakazara.—1 VaK. 15:27, 28.

11. Kana tichitungamirirwa no“uchenjeri hunobva kumusoro,” tichabata vamwe sei?

11 Kuti tive noukama hwepedyo naJehovha, “Mwari worugare,” tinofanira kutevedzera zvaanoita, kusanganisira kuita kuti pave norugare. (VaF. 4:9) Kana tikabvuma kutungamirirwa no“uchenjeri hunobva kumusoro,” tichabata vamwe nenzira inoita kuti pave norugare. (Jak. 3:17) Chokwadi, tichava vanhu vanofara vanoita kuti pave norugare.

“Chiedza Chenyu Ngachivheneke”

12. (a) Jesu akati chii nezvechiedza chezvokunamata? (b) Tingaita sei kuti chiedza chedu chipenye?

12 Tinobata vanhu zvakanaka sezvatingagona patinovabatsira kuwana chiedza chokunamata chinobva kuna Mwari. (Pis. 43:3) Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vaiva “chiedza chenyika” uye akavakurudzira kuita kuti chiedza chavo chipenye kuti vanhu vagone kuona ‘mabasa avo akanaka,’ kana kuti zvakanaka zvavanoitira vamwe. Izvi zvaizoita kuti chiedza chokunamata chivheneke “pamberi pevanhu,” kana kuti vanhu vabatsirwe. (Verenga Mateu 5:14-16.) Mazuva ano, tinoita kuti chiedza chedu chipenye nokuitira vavakidzani vedu zvakanaka uye nokuita basa rokuparidza mashoko akanaka “munyika yose,” kureva kuti, “kumarudzi ose.” (Mat. 26:13; Mako 13:10) Chokwadi iyi iropafadzo yakazokura yatinayo!

13. Vanhu vanotiziva nei?

13 Jesu akati: “Guta harigoni kuvanzwa kana riri pamusoro pegomo.” Chero guta ripi zvaro riri pamusoro pegomo rinogona kuoneka nyore nyore. Saizvozvowo, vanhu vanotiziva nemabasa edu akanaka okuzivisa Umambo uye unhu hwakadai sokuva nomwero uye kuva netsika dzakanaka.—Tito 2:1-14.

14. (a) Ungarondedzera sei marambi omuzana remakore rokutanga? (b) Zvinorevei kuti hativanzi chiedza chezvokunamata pasi “pedengu rokuyeresa”?

14 Jesu akataura nezvokubatidza rambi uye kuriisa pamusoro pechigadziko charo kwete pasi pedengu, kuitira kuti rivhenekere vose vanenge vari mumba. Rambi rainyanya kushandiswa muzana remakore rokutanga raiva mudziyo wevhu waiva netambo yaidhonza mafuta (kazhinji mafuta omuorivhi) kuti rirambe richibvira. Zvaraiwanzoiswa pachigadziko chakavezwa kana kuti chesimbi, rambi racho raikwanisa ‘kuvhenekera vose vaiva mumba.’ Vanhu havabatidzi rambi voriisa pasi “pedengu rokuyeresa,” kureva tswanda hombe. Jesu akanga asingadi kuti vadzidzi vake vavanze chiedza chavo chezvokunamata pasi pedengu rokuyeresa rokufananidzira. Saka tinofanira kuita kuti chiedza chedu chipenye, tisingambobvumiri kupikiswa kana kuti kutambudzwa kuchiita kuti tivanze chokwadi chomuMagwaro kana kuti kusachiudza vamwe.

15. ‘Mabasa edu akanaka’ anobatsira sei vamwe vanhu?

15 Paiva pashure pokunge Jesu ataura nezverambi rinovheneka paakaudza vadzidzi vake kuti: “Saizvozvowo chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka uye vakudze Baba venyu vari kumatenga.” Pamusana ‘pemabasa edu akanaka,’ vamwe ‘vanokudza’ Mwari nokuva vashumiri vake. Chokwadi ichi chinhu chakanaka chinotikurudzira kuramba ‘tichipenya sezvinhu zvinovheneka munyika’!—VaF. 2:15.

16. Zvatiri “chiedza chenyika” tinofanira kuitei?

16 Zvatiri “chiedza chenyika” tinofanira kuita basa rokuparidza Umambo nerokuita vadzidzi. Asi pane chimwe chinhu chatinofanirawo kuita. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rambai muchifamba sevana vechiedza, nokuti chibereko chechiedza chinoumbwa nokunaka kwemarudzi ose nokururama nechokwadi.” (VaEf. 5:8, 9) Tinofanira kuva mienzaniso inopenya yetsika dzinodiwa naMwari. Zvechokwadi, tinofanira kuteerera zano romuapostora Petro rinoti: “Mufambiro wenyu ngauve wakanaka pakati pemamwe marudzi, kuti, pachinhu chavanokupomerai sevanhu vanoita zvakaipa, vakudze Mwari pazuva rokuongorora kwake nokuda kwemabasa enyu akanaka avanoona.” (1 Pet. 2:12) Asi chii chinofanira kuitwa kana vaKristu vakatadza kuwirirana?

“Ita Kuti Uve Norugare Nehama Yako”

17-19. (a) “Chipo” chakataurwa pana Mateu 5:23, 24 chaiva chii? (b) Kuyanana nehama kunokosha zvakadini, uye Jesu akazviratidza sei?

17 MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akanyevera vadzidzi vake nezvokuchengeta mafi uye kuramba wakatsamwira hama. Pane kudaro, vaifanira kukurumidza kutsvaka rugare nehama yainge yagumburwa. (Verenga Mateu 5:21-25.) Nyatsoongorora zano raJesu. Kana waiunza chipo chako paatari uye wavapo woyeuka kuti hama yako ine chigumbu newe, waizoitei? Waifanira kusiya chipo chako pamberi peatari woenda kunoita rugare nehama yako. Wadaro, waizogona kudzoka wopa chipo chako.

18 “Chipo” chacho chaiwanzova chibayiro icho munhu aigona kupa patemberi yaJehovha. Zvibayiro zvemhuka zvaikosha zvikuru, sezvo zvakanga zvarayirwa naMwari sechinhu chaidiwa pakunamata kwevaIsraeri pasi poMutemo waMosesi. Asi kana waiyeuka kuti hama yako ine chigumbu newe, zvaida kukurumidza zvikuru kugadzirisa nyaya yacho pane kupa chipo. Jesu akati: “Siya chipo chako ipapo pamberi peatari, woenda; tanga waita kuti uve norugare nehama yako, uye kana wadzoka, ipa chipo chako.” Zvaikosha kutanga wayanana nehama yako pane kuita zvawaisungirwa kuita noMutemo.

19 Mashoko aJesu akanga asingashandi chete kune zvimwe zvibayiro kana kuti zvikanganiso zvakati. Saka chero chibayiro chipi zvacho chaifanira kuzopiwa pava paya kana munhu wacho ayeuka kuti hama yake yaiva nechigumbu naye. Kana chinopiwa chaiva mhuka mhenyu, chaifanira kusiyiwa “pamberi peatari” yezvibayiro zvinopiswa muchivanze chetemberi chevapristi. Kana dambudziko racho ragadziriswa, munhu wacho ainge agumbura mumwe aizodzoka opa chibayiro chake.

20. Nei tichifanira kukurumidza kugadzirisa nyaya kana tiine chigumbu neimwe hama?

20 Mukuona kwaMwari, ukama hwedu nehama dzedu hunokosha pakunamata kwechokwadi. Jehovha akanga asingakoshesi zvibayiro zvemhuka zvaipiwa nevaya vakanga vasingabati hama dzavo zvakanaka. (Mika 6:6-8) Saka Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuti ‘vakurumidze kugadzirisa nyaya.’ (Mat. 5:25) Pauro akanyora zvakafanana achiti: “Tsamwai henyu, asi musatadza; zuva ngarirege kuvira makatsamwa, uyewo musabvumira Dhiyabhorosi nzvimbo.” (VaEf. 4:26, 27) Kana tikatsamwa nechikonzero chinonzwisisika, tinofanira kukurumidza kugadzirisa nyaya yacho kuitira kuti tisarambe takatsamwa zvoita kuti Dhiyabhorosi atibatire ipapo.—Ruka 17:3, 4.

Remekedza Vamwe Nguva Dzose

21, 22. (a) Tingashandisa sei zano raJesu ratichangobva kukurukura? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

21 Kudzokorora kwataita zvimwe zvakataurwa naJesu muMharidzo yake yepaGomo kunofanira kutibatsira kuti tibate vamwe nomutsa uye tivaremekedze. Kunyange zvazvo tose tisina kukwana, tinogona kushandisa zano raJesu nokuti haatitarisiri kuti tiite zvatisingagoni, uyewo Baba vedu vokudenga havatitarisiri kuita izvozvo. Nokunyengetera, nokuita zvinhu nemwoyo wose, uye nokukomborerwa naJehovha Mwari, tinogona kuva vanhu vanyoro, vane ngoni uye vanoita kuti pave norugare. Tinogona kuratidza chiedza chezvokunamata chinopenya kuti Jehovha akudzwe. Uyezve, tinogona kuva norugare nehama dzedu pazvinenge zvakakodzera.

22 Kunamata kunogamuchirwa naJehovha kunosanganisira kubata vavakidzani vedu zvakanaka. (Mako 12:31) Munyaya inotevera, tichakurukura mamwe mashoko ari muMharidzo yepaGomo anofanira kutibatsira kuti tirambe tichiitira vamwe zvakanaka. Zvisinei, pashure pokunge tafungisisa pfungwa dzatakurukura kubva muhurukuro yaJesu isingaenzaniswi, tingazvibvunza kuti, ‘Ndinobata vamwe sei?’

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Paunenge uchidzidza uri woga, zvimwe uchaona zvichibatsira zvikuru kuverenga ndima idzi usati watanga kudzidza nyaya ino uye inotevera yacho.

Ungapindura Sei?

• Zvinorevei kuva munyoro?

• Nei “vane ngoni” vachifara?

• Tingaita sei kuti chiedza chedu chipenye?

• Nei tichifanira kukurumidza ‘kuita kuti tive norugare nehama yedu’?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 4]

Kuzivisa shoko roUmambo ndiyo nzira inokosha yokuita kuti chiedza chedu chipenye

[Mufananidzo uri papeji 5]

VaKristu vanofanira kuratidza tsika dzinodiwa naMwari

[Mufananidzo uri papeji 6]

Ita nepaunogona napo kuti uve norugare nehama yako