Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsvaka “Utsvene Pakutya Mwari”

Tsvaka “Utsvene Pakutya Mwari”

Tsvaka “Utsvene Pakutya Mwari”

RICHIRATIDZA kuti Jehovha Mwari mutsvene zvikuru, Bhaibheri rinoti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene ndiye Jehovha.” (Isa. 6:3; Zvak. 4:8) Shoko rechiHebheru nerechiGiriki rinoreva kuti “utsvene” rinopa pfungwa yokuchena kana kuti kuchena mune zvokunamata, kusasvibiswa nechimwe chinhu. Utsvene hwaMwari hunoreva kuti akakwana mune zvose zvaanoita.

Mwari mutsvene, Jehovha, haaizotarisira here kuti vaya vanomunamata vave vatsvene, kureva kuti kuva vakachena mumuviri, mutsika uye mune zvokunamata? Bhaibheri rinojekesa kuti Jehovha anoda kuti vanhu vake vave vatsvene. Pana 1 Petro 1:16 tinoverenga kuti: “Munofanira kuva vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” Vanhu vasina kukwana vanogona kunyatsotevedzera utsvene hwaJehovha here? Hungu vanogona, asi havagoni kuhutevedzera zvakakwana. Tinogona kunzi tiri vatsvene naMwari kana tichimunamata zvakachena uye tiine ukama hwepedyo naye.

Saka tingaramba sei takachena munyika ino isina tsika dzakachena? Miitiro ipi yatinofanira kudzivisa? Zvii zvatinofanira kuchinja mumatauriro edu nezviito zvedu? Ngationei zvatingadzidza panyaya iyi kubva pane zvaitarisirwa naMwari kuvaJudha vakanga vachidzoka vachibva kuBhabhironi vachienda kunyika yokumusha kwavo muna 537 B.C.E.

‘Pachava Nenzira yoUtsvene’

Jehovha akafanotaura kuti vanhu vake vaiva vakatapwa kuBhabhironi vaizodzorerwa kunyika yokumusha kwavo. Uprofita hwokudzorera hwaiva nevimbiso iyi: “Pachava nomugwagwa mukuru, iyo nzira; uye ichanzi Nzira yoUtsvene.” (Isa. 35:8a) Mashoko aya anoratidza kuti Jehovha haana kungozarura nzira yokuti vaJudha vadzokere kumusha asi akavavimbisa kuti aizovadzivirira murwendo rwavo rwose.

Jehovha akazarura “Nzira yoUtsvene” yokuti vashumiri vake vemazuva ano vari pasi pano vabude muBhabhironi Guru, umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema. Muna 1919 akasunungura vaKristu vakazodzwa vakanga vasungwa mune zvokunamata nechitendero chenhema, uye zvishoma nezvishoma vakabvisa dzidziso dzose dzenhema pakunamata kwavo. Nhasi isu vanamati vaJehovha tiri mumamiriro ezvinhu okunamata akachena, ane runyararo matinokwanisa kunamata Jehovha tiine rugare naye nehama dzedu.

Ve“boka duku” revaKristu vakazodzwa uye ve“boka guru” re“mamwe makwai” riri kukura vakasarudza kufamba munzira tsvene iyoyo uye vari kukoka vamwe kuti vabatane navo. (Ruka 12:32; Zvak. 7:9; Joh. 10:16) “Nzira yoUtsvene” yakazaruka kune vose vanoda ‘kupa miviri yavo sechibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari.’—VaR. 12:1.

“Munhu Asina Kuchena Haazofambi Nayo”

Muna 537 B.C.E., vaJudha vaidzoka vaifanira kuita chimwe chinhu chinokosha. Nezvevaya vaikodzera kufamba mu“Nzira yoUtsvene,” Isaya 35:8b inoti: “Munhu asina kuchena haazofambi nayo. Ichava youya ari kufamba munzira yacho, uye hapana mapenzi achadzungaira mairi.” Sezvo chinangwa chokudzokera kwevaJudha kuJerusarema chaiva chokuti vatangezve kunamata kwakachena, paisazova nenzvimbo yevaya vakanga vaine zvinangwa zvoudyire, vakanga vasingaremekedzi zvinhu zvitsvene kana kuti vasina kuchena mune zvokunamata. Vanhu vacho vakadzoka vaifanira kuramba vaine tsika dzakanaka zvikuru dzinodiwa naJehovha. Vaya vanoda kufarirwa naMwari nhasi vanofanira kuvawo netsika dzakadaro. Vanofanira kutsvaka “utsvene pakutya Mwari.” (2 VaK. 7:1) Saka itsika dzipi dzisina kuchena dzatinofanira kudzivisa?

Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mabasa enyama anooneka, uye ndeaya, ufeve, kusachena, kusazvibata.” (VaG. 5:19) Ufeve hunosanganisira kuita zvepabonde kwose zvakadai sokushandisa nhengo dzokubereka nadzo kunoitwa nevanhu vasina kuroorana. Kusazvibata kunosanganisira “unzenza; kusachena mutsika; mufambiro unonyadzisa.” Ufeve uye kusazvibata zvakanyatsosiyana noutsvene hwaJehovha. Saka vaya vanoramba vachiita zvinhu zvakadai havabvumirwi kuva nhengo dzeungano yechiKristu kana kuti vanodzingwa muungano. Ndizvowo zvinoitwa vaya vasina kuchena mutsika, kureva kuti, ‘vanoita zvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ose nokukara.’—VaEf. 4:19.

“Kusachena” ishoko rinoreva zvivi zvakasiyana-siyana. Shoko rechiGiriki rinotaura nezvokusachena rinoreva kusachena kwemarudzi ose—muzviito, mukutaura, uye mukuwadzana nevanhu vasinganamati. Kunosanganisira miitiro yokusachena isingaiti kuti munhu atongwe. * Asi vaya vanoita miitiro yakadai isina kuchena vanenge vari kutsvaka utsvene here?

Ngatitii muKristu anotanga kuona zvinonyadzisira pachivande. Zvishoma nezvishoma, zvishuwo zvisina kuchena pazvinomutswa, anoshaya simba rokutsunga kuti arambe akachena pamberi paJehovha. Zviito zvake zvingave zvisina kusvika pakusachena kwakaipisisa, asi anenge atsauka zvikuru kubva pakuramba achingofunga ‘zvinhu zvose zvakachena, zvinhu zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo, kunaka kwose kungavapo, uye zvinhu zvose zvinorumbidzwa.’ (VaF. 4:8) Kuona zvinonyadzisira hakuna kuchena uye chokwadi kunokanganisa ukama hwomunhu naMwari. Kusachena kwemarudzi ose hakutombofaniri kutaurwa pakati pedu.—VaEf. 5:3.

Chimbofunga mumwe muenzaniso. Ngatitii muKristu ane tsika yokuita bonhora—achibata-bata noune nhengo dzake dzokubereka kuti azvifadze mune zvepabonde pasinei nokuti anenge aona zvinonyadzisira here kana kuti kwete. Kunyange zvazvo shoko rokuti “bonhora” risingawaniki muBhaibheri, tingasava here nechokwadi chokuti muitiro uyu unosvibisa pfungwa nemanzwiro? Munhu akaramba achiita muitiro uyu usina kuchena haangakanganisi ukama hwake naJehovha here ova asina kuchena mukuona kwaMwari? Ngatifungisisei zano romuapostora Pauro rokuti “ngatizvichenesei pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama nomudzimu” uye ‘touraya nhengo dzemiviri yedu dziri panyika kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomumwe munhu, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora.’—2 VaK. 7:1; VaK. 3:5.

Nyika ino inotongwa naSatani inobvumira kuita zvinhu zvisina kuchena, kunyange kutozvikurudzira. Zvingave zvakaoma chaizvo kudzivisa muedzo wokuti tisaita zvinhu zvisina kuchena. Asi vaKristu vechokwadi havafaniri ‘kufamba sokufamba kunoita mamwe marudzi mukusabatsira kwepfungwa dzawo.’ (VaEf. 4:17) Jehovha achatibvumira kuti tirambe tichifamba mu“Nzira yoUtsvene” kana bedzi tikadzivisa zvinhu zvisina kuchena, muchivande kana paruzhinji.

“Hapana Shumba Ichava Imomo”

Kuti vafarirwe naMwari mutsvene, Jehovha, zvingada kuti vamwe vachinje zvikuru zvavanoita uye matauriro avo. Isaya 35:9 inoti: “Hapana shumba ichava imomo, uye zvikara zvinorura hazvizooneki mairi,” kureva kuti, “Nzira yoUtsvene.” Mupfungwa yokufananidzira, vanhu vanoratidza chisimba pakutaura uye pane zvavanoita vanofananidzwa nemhuka dzomusango. Zvechokwadi havazovi nenzvimbo munyika itsva yaMwari yakarurama. (Isa. 11:6; 65:25) Naizvozvo zvinokosha kuti vaya vanoda kufarirwa naMwari vasiye unhu hwakadaro hwemhuka votsvaka utsvene.

Magwaro anotirayira kuti: “Pfini dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutuka ngazvibviswe kwamuri pamwe chete nezvakaipa zvose.” (VaEf. 4:31) Pana VaKorose 3:8, tinoverenga kuti: “Bvisai zvose pamuri zvinoti, hasha, kutsamwa, zvinhu zvakaipa, kutuka, uye bvisai kutaura kunonyadzisa mumiromo yenyu.” Shoko rokuti “kutuka” rakashandiswa mundima mbiri idzi rinonyanya kureva kutaura kunokuvadza, kunozvidza, kana kuti kunomhura.

Mazuva ano, kutaura kunokuvadza uye kunonyadzisira kwapararira chaizvo kunyange mumisha. Vanhu vakaroorana vanokandirana mashoko anokuvadza, outsinye uye okudzikisirana kunyange pavana vavo chaivo. Kutaura kwakadai hakufaniri kuwanikwa mumisha yevaKristu.—1 VaK. 5:11.

Kutsvaka “Utsvene Pakutya Mwari”—Chikomborero!

Chokwadi iropafadzo kushumira Jehovha Mwari mutsvene! (Josh. 24:19) Paradhiso iyi yezvokunamata yatakapinzwa naJehovha inokosha zvikuru. Zvechokwadi kuramba tichiita zvinhu zvitsvene mukuona kwaJehovha ndiyo nzira yakanakisisa muupenyu.

Nokukurumidza Paradhiso yakapikirwa naMwari pasi pano ichavapo. (Isa. 35:1, 2, 5-7) Vaya vanoda kuvamo uye vanoramba vachida kufamba munzira yaMwari ndivo vachagaramo. (Isa. 65:17, 21) Saka nepatinogona napo, ngatirambe tichinamata Mwari takachena toramba tiine ukama hwepedyo naye.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 12 Kana uchida mashoko anoratidza kuti ‘kusachena kunoitwa nokukara’ kwakasiyana sei ‘nokusachena,’ ona Nharireyomurindi, yaJuly 15, 2006, mapeji 29-31.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Chii chaitarisirwa kuvaJudha kuti vafambe mu“Nzira yoUtsvene”?

[Mufananidzo uri papeji 27]

Kuona zvinonyadzisira kunokanganisa ukama hwako naJehovha

[Mufananidzo uri papeji 28]

‘Kupopota kwose nokutuka ngazvibviswe kwamuri’