Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bvuma Simba raJehovha

Bvuma Simba raJehovha

Bvuma Simba raJehovha

“Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; uye mirayiro yake hairemi.”—1 JOH. 5:3.

1, 2. (a) Nei nhasi vakawanda vasingadi kuzviisa pasi pevane simba? (b) Vaya vasingabvumi kuzviisa pasi pevamwe zvechokwadi vanenge vachiita zvinhu pasina anovaudza zvokuita here? Tsanangura.

SHOKO rokuti “simba” harifarirwi nevakawanda nhasi. Vakawanda havadi pfungwa yokuita zvinoda mumwe munhu. Vaya vasingabvumi kuzviisa pasi pevamwe vane mafungiro okuti, “Hapana anondiudza zvokuita.” Asi zvechokwadi vanhu ava vanoita zvinhu pasina anovaudza zvokuita here? Kwete! Vakawanda vavo vanongotevedzera zvinoitwa nevazhinji vano“zvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (VaR. 12:2) Pane kuti vaite zvinhu pasina anovaudza zvokuita, ivo “varanda vokuora,” maererano nemashoko omuapostora wechiKristu Petro. (2 Pet. 2:19) Vanofamba “maererano nemamiriro ezvinhu enyika ino, maererano nomutongi wesimba remhepo,” Satani Dhiyabhorosi.—VaEf. 2:2.

2 Mumwe munyori akataura achizvikudza kuti: “Handibvumiri vabereki vangu, mupristi, mufundisi kana Bhaibheri kundisarudzira chinonzi chokwadi.” Zvechokwadi, vamwe vangashandisa simba ravo zvisiri izvo uye zvingasakodzera kuti tivateerere. Asi kuramba zvachose kutungamirirwa ndiwo mushonga wacho here? Kungotarira misoro yemapepanhau kwoga kunopa mhinduro isingafadzi zvachose. Zvinosuruvarisa chaizvo kuti panguva inoda vanhu zvikuru kutungamirirwa, vakawanda ndipo pavari kutowedzera kusada kutungamirirwa kupfuura zvavaiita kare.

Maonero Atinoita Vane Simba

3. VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakaratidza sei kuti vaisangoita zvose zvaidiwa nevanhu vane simba?

3 Zvatiri vaKristu, tinoita zvakasiyana nezvinoitwa nenyika. Hazvirevi kuti tinongoita zvose zvatinenge taudzwa. Pane kudaro, dzimwe nguva tinofanira kuramba kuita zvinodiwa nevamwe kunyange kana vaine simba. Izvi ndizvo zvakaitwawo nevaKristu vomuzana remakore rokutanga. Somuenzaniso, vaapostora pavakaudzwa kuti varege kuparidzira, havana kubvuma zvakarayirwa nomupristi mukuru nevamwe vaiva nesimba vaiva nhengo dzeSanihedrini. Havana kurega kuita zvakarurama kuitira kuti vaite zvaida vanhu vaiva nesimba.—Verenga Mabasa 5:27-29.

4. Mienzaniso ipi iri muMagwaro echiHebheru inoratidza kuti vanhu vaMwari vakawanda vakaita zvisingafarirwi nevazhinji?

4 Vashumiri vaMwari vakawanda vakararama chiKristu chisati chavapo vakaita saizvozvo. Somuenzaniso, Mosesi “akaramba kunzi mwanakomana womwanasikana waFarao, achisarudza kuitirwa zvakaipa pamwe chete nevanhu vaMwari,” kunyange zvazvo kuita kudaro ‘kwakatsamwisa mambo.’ (VaH. 11:24, 25, 27) Josefa akaramba kuita zvepabonde nomudzimai waPotifari, kunyange aiziva kuti mudzimai wacho aiva nesimba rokumutsiva uye kumukuvadza. (Gen. 39:7-9) Dhanieri “akatsunga mumwoyo make kuti aisazozvisvibisa nezvokudya zvamambo zvoumbozha,” kunyange zvaakaita panyaya iyi zvakanga zvisiri nyore kuti jinda reBhabhironi ribvume. (Dhan. 1:8-14) Mienzaniso yakadai inoratidza kuti vanhu vaMwari vakararama kare vakamira vakasimba vachitsigira zvakarurama, pasinei nezvaizoguma zvaitika. Havana kuita zvaidiwa nevamwe kuti vaingoitirwa dzvene; isu hatifaniriwo kudaro.

5. Maonero atinoita vane simba akasiyana sei neenyika?

5 Kushinga kwedu hakurevi hako kuti takasindimara; uyewo hatina kufanana nevamwe vanopanduka zvokungoratidza kuti havabvumirani nematongerwo anoitwa nyika. Asi takatsunga kubvuma simba raJehovha pane kubvuma simba romunhu chero upi zvake. Mutemo wevanhu paunopesana newaMwari, hatiomerwi nokusarudza zvatinofanira kuita. Kufanana nevaapostora vomuzana remakore rokutanga, tinoteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.

6. Nei zvakanaka kuti nguva dzose titeerere mirayiro yaJehovha?

6 Chii chinotibatsira kubvuma simba raMwari? Tinobvumirana nemashoko ari pana Zvirevo 3:5, 6 anoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.” Tinobvuma kuti zvinhu zvose zvatinotarisirwa naMwari kuti tiite zvichatibatsira pakupedzisira. (Verenga Dheuteronomio 10:12, 13.) Zvechokwadi, Jehovha akarondedzera zvaari kuvaIsraeri sa“Iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe, Iye anokufambisa panzira yaunofanira kufamba nayo.” Akazotizve: “Haiwa kudai waizoteerera mirayiro yangu! Rugare rwako rwaizoita sorwizi, nokururama kwako semafungu egungwa.” (Isa. 48:17, 18) Tinovimba nemashoko iwayo. Tine chivimbo chokuti nguva dzose kuteerera mirayiro yaMwari kunotibatsira.

7. Tinofanira kuitei kana tisinganyatsonzwisisi murayiro wakanyorwa muShoko raMwari?

7 Tinobvuma simba raJehovha uye tinomuteerera kunyange tisinganyatsonzwisisi chikonzero chezvimwe zvinhu zvinodiwa zvakanyorwa muShoko rake. Hakusi kutendawo zvako asi kutenda chaiko. Kunoratidza kuti tinovimba nomwoyo wose kuti Jehovha anoziva zvakatinakira. Kuteerera kwatinoita kunoratidzawo kuti tine rudo, nokuti muapostora Johani akanyora kuti: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake.” (1 Joh. 5:3) Asi pane chimwe chinhu chine chokuita nokuteerera chatisingafaniri kurerutsa.

Kurovedza Simba Redu Rokunzwisisa

8. Kuita kuti ‘simba redu rokunzwisisa rirovedzwe’ kwakabatana sei nokubvuma simba raJehovha?

8 Bhaibheri rinotiudza kuti tinofanira kuita kuti ‘simba redu rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.’ (VaH. 5:14) Saka chinangwa chedu hachisi chokungoteerera mitemo yaMwari tisingafungi nezvayo, asi, tinofanira kukwanisa “kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa” tichishandisa mitemo yaJehovha. Tinofanira kuona uchenjeri hwokutevera nzira dzaJehovha kuitira kuti tikwanise kutaura mashoko akataurwa nomunyori wepisarema uyo akati: “Mutemo wenyu uri mukati mangu.”—Pis. 40:8.

9. Tingaita sei kuti hana yedu iite zvinhu maererano nemitemo yaJehovha, uye nei zvichikosha kuti tidaro?

9 Kuti tinzwisise mitemo yaMwari sezvaiita munyori wepisarema, tinofanira kufungisisa zvatinoverenga muBhaibheri. Somuenzaniso, patinodzidza nezvomumwe mutemo waJehovha, tingabvunza kuti: ‘Nei murayiro uyu uchiratidza uchenjeri? Nei zvakandinakira kuti ndiuteerere? Ndezvipi zvakaipa zvakaguma zvaitika kune vaya vasina kuteerera mirayiro yaMwari panyaya iyi?’ Kana hana yedu ichiita zvinhu maererano nenzira dzaJehovha, tingangosarudza zvinhu maererano nezvaanoda. Izvi zvinoita kuti tikwanise ‘kuramba tichinzwisisa kuti zvinodiwa naJehovha ndezvipi’ tobva taratidza izvi nokuteerera. (VaEf. 5:17) Nguva dzose izvi hazvisi nyore.

Satani Ari Kuedza Kurerutsa Simba raMwari

10. Ndeipi imwe nzira iyo Satani ave achiedza kurerutsa nayo simba raMwari?

10 Kubvira kare Satani agara achiedza kurerutsa simba raMwari. Kuda kwake kuzvimirira kunooneka munzira dzakawanda. Somuenzaniso, chimbofunga nezvokusaremekedza urongwa hwaMwari hwokuroorana. Vamwe vanosarudza kubika mapoto, vamwewo vanoronga kuti vangarambana sei nomunhu wavakaroorana naye. Vanhu vari mumapoka ose aya vangabvumirana nomumwe mukadzi anozivikanwa zvikuru anoita zvemitambo yepaterevhizheni uyo akati: “Hazviiti kuti murume kana mukadzi aroorane nomunhu mumwe chete.” Akatizve: “Hapana murume kana mukadzi wandinoziva akatendeka kana anoda kuva akatendeka.” Achifunga nezvemichato yake isina kubudirira, mumwe mutambi wemitambo yepaterevhizheni akakurumbira akataurawo saizvozvo achiti: “Handina chokwadi nazvo kana zviri izvo kuti munhu anofanira kungoroorana nomunhu mumwe chete kwoupenyu hwose.” Zvakanaka kuti tizvibvunze kuti, ‘Ndinobvuma simba raJehovha munyaya iyi yokuroorana here, kana kuti mafungiro okurerutsa enyika akandikanganisa?’

11, 12. (a) Nei zvingaomera vechiduku kuti vabvume simba raJehovha? (b) Rondedzera zvakaitika zvinoratidza zvakaipira kusateerera mitemo yaJehovha.

11 Uri wechiduku ari musangano raJehovha here? Kana uchiri muduku Satani angada kuti ufunge kuti kushandisa simba kunoitwa naJehovha hakuna kukunakira. “Kuchiva kwouduku” pamwe chete nokuda kufanana nevezera rako kungaita kuti ufunge kuti mitemo yaMwari yakaoma. (2 Tim. 2:22) Usarega izvozvo zvichiitika. Edza kuona uchenjeri hwokutevera mitemo yaMwari. Somuenzaniso, Bhaibheri rinokuudza kuti ‘tiza ufeve.’ (1 VaK. 6:18) Panozve zvibvunze mibvunzo iyi: ‘Nei kuri kuchenjera kutevera murayiro uyu? Kuteerera murayiro uyu kuchandibatsira sei?’ Ungave uchiziva vamwe vasina kuteerera zano raMwari uye vakazopinda munataisireva. Vari kufara chaizvoizvo here iye zvino? Vane upenyu huri nani here kupfuura hwavaimbova nahwo vachiri musangano raJehovha? Vakanyatsowana chinoita kuti vafare here chisingawanikwi nevashumiri vaMwari?—Verenga Isaya 65:14.

12 Chimbofunga mashoko aya akataurwa kasiri kare zvikuru nomumwe muKristu anonzi Sharon: “Nokuti handina kuteerera mutemo waJehovha, ndakabata chirwere chinouraya cheAIDS. Ndinowanzofunga nezvemakore akawanda andaifara ndichishumira Jehovha.” Akazoona kuti hwaiva upenzi kutyora mitemo yaJehovha uye kuti aifanira kunge akairemekedza zvikuru. Mitemo yaJehovha inotidzivirira. Sharon akafa pashure pemavhiki manomwe achangobva kunyora mashoko ari pamusoro apa. Sezvinoratidzwa nenhoroondo yaSharon inosuruvarisa, Satani haana chakanaka chaanopa vaya vanoda kubatana nenyika ino. Zvaari “baba venhema,” anovimbisa zvakawanda, asi haaiti zvaanovimbisa, sezvaakangoita kuna Evha. (Joh. 8:44) Chokwadi, nguva dzose zvakanaka kuti tibvume simba raJehovha.

Ngwarira Mafungiro Okuda Kuzvimirira

13. Ndepapizve pamwe patinofanira kungwarira kuti tisava nemafungiro okuzvimirira?

13 Patinenge tichibvuma simba raJehovha, tinofanira kungwarira mafungiro okuda kuzvimirira. Kuzvikudza kungaita kuti tinzwe tisingadi kutungamirirwa nomumwe munhu. Somuenzaniso, tingaramba mazano anobva kune vaya vari kutungamirira vanhu vaMwari. Mwari akaronga kuti boka romuranda akatendeka neakangwara ripe zvokudya zvine chokuita nokunamata panguva yakakodzera. (Mat. 24:45-47) Tinofanira kubvuma tichizvininipisa kuti iyi ndiyo nzira iri kushandiswa naJehovha kutarisira vanhu vake mazuva ano. Ita sevaapostora vakanga vakatendeka. Vamwe vadzidzi pavakagumburwa uye pavakarega kumutevera, Jesu akabvunza vaapostora kuti: “Munoda kuendawo here?” Petro akapindura achiti: “Ishe, tichaenda kuna ani? Ndimi mune mashoko oupenyu husingaperi.”—Joh. 6:66-68.

14, 15. Nei tichifanira kuteerera zano reBhaibheri tichizvininipisa?

14 Kubvuma simba raJehovha kunosanganisira kuteerera zano rinobva muShoko rake. Somuenzaniso, boka romuranda akatendeka neakangwara rave richitinyevera kuti ‘tirambe takamuka, takasvinura.’ (1 VaT. 5:6) Zano rakadaro rakanyatsokodzera mumazuva ano okupedzisira mune vanhu vakawanda “vanozvida, vanoda mari.” (2 Tim. 3:1, 2) Tingakanganiswa nemafungiro akadaro akakurumbira here? Hungu. Kuva nezvinangwa zvisiri zvokunamata kungaita kuti tirare mune zvokunamata, kana kuti tingava nemafungiro okunyanya kuda kupfuma. (Ruka 12:16-21) Saka tinenge takachenjera kana tikabvuma zano reBhaibheri torega mararamiro oudyire akakurumbira zvikuru munyika yaSatani!—1 Joh. 2:16.

15 Tinowana zvokudya zvine chokuita nokunamata kubva kuboka romuranda akatendeka neakangwara muungano dzedu kuburikidza nevakuru vakagadzwa. Bhaibheri rinotirayira kuti: “Teererai vaya vari kukutungamirirai, muzviise pasi, nokuti ivo vari kurinda mweya yenyu sevanhu vachazozvidavirira; kuti vaite izvi nomufaro kwete nokugomera, nokuti izvi zvaizokukuvadzai.” (VaH. 13:17) Izvi zvinoreva here kuti vakuru veungano havakanganisi? Kwete! Mwari anonyatsoona kusakwana kwavo kupfuura zvinoita munhu upi noupi. Kunyange zvakadaro, anotarisira kuti tizviise pasi pavo. Kushandira pamwe chete nevakuru kunyange zvazvo vasina kukwana kunopa uchapupu hwokuti tinobvuma simba raJehovha.

Kukosha Kwokuzvininipisa

16. Tingaratidza sei kuti tinoremekedza Jesu kuti ndiye Musoro weungano yechiKristu?

16 Nguva dzose tinofanira kuyeuka kuti Jesu ndiye Musoro weungano wechokwadi. (VaK. 1:18) Ndosaka tichifanira kuteerera tichizvininipisa mirayiridzo yatinopiwa nevakuru vakagadzwa, uye ‘kuvakudza kwazvo.’ (1 VaT. 5:12, 13) Chokwadi, vakuru veungano vanogona kuratidza kuti naivowo vanozviisa pasi nokungwarira pakupa ungano mashoko aMwari kwete pfungwa dzavo. ‘Havapfuuri zvinhu zvakanyorwa’ kuitira kuti vasimudzire dzimwe pfungwa dzomunhu oga.—1 VaK. 4:6.

17. Nei zviine ngozi kuda zvinzvimbo?

17 Vose vari muungano vanofanira kungwarira kuti vasatsvaka kuzviwanira mukurumbira. (Zvir. 25:27) Zviri pachena kuti ndiwo musungo wakabata mumwe mudzidzi akasangana nomuapostora Johani. Akanyora kuti: “Dhiyotrefesi, uyo anoda kuva nenzvimbo yokutanga pakati pavo, haagamuchiri chinhu chinobva kwatiri noruremekedzo. Naizvozvo, kana ndikauya, ndichaita kuti mabasa ake ayeukwe aanoramba achiita, achitireva nemashoko akaipa.” (3 Joh. 9, 10) Nesuwo tinogona kudzidza chimwe chinhu nhasi. Tine chikonzero chakanaka chokuti tibvise zvishuvo zvose zvokuda zvinzvimbo kana tikaona kuti tava kuva nazvo. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Kudada kunotangira kuparara, uye kuzvikudza kunotangira kugumburwa.” Vaya vanobvuma simba raMwari vanofanira kurega kuzvikudza, nokuti vakasadaro zvichaita kuti vasakudzwa.—Zvir. 11:2; 16:18.

18. Chii chichatibatsira kuti tibvume simba raJehovha?

18 Iva nechinangwa chokuramba mafungiro enyika okuzvimirira uye kubvuma simba raJehovha. Nguva nenguva, fungisisa uchionga ropafadzo yakakura yauinayo yokushumira Jehovha. Zvauri pakati pevanhu vaMwari zvinoratidza kuti akakuunza achishandisa mudzimu wake mutsvene. (Joh. 6:44) Usamborerutsa ukama hwauinahwo naMwari. Pane zvose zvaunoita muupenyu edza kuramba mafungiro okuda kuzvimirira uye ratidza kuti unobvuma simba raJehovha.

Unoyeuka Here?

• Kubvuma simba raJehovha kunosanganisirei?

• Kurovedza simba redu rokunzwisisa kwakabatana sei nokubvuma simba raJehovha?

• Satani anoedza sei kurerutsa simba raMwari?

• Nei kuzvininipisa kuchikosha pakubvuma simba raJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

“Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu”

[Mufananidzo uri papeji 20]

Nguva dzose kuchenjera kutevera mitemo yaMwari