Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jesu Aireva Moto weHero Here?

Jesu Aireva Moto weHero Here?

Jesu Aireva Moto weHero Here?

VAMWE vanotenda dzidziso yemoto wehero vanotaura mashoko aJesu ari pana Mako 9:48 (kana kuti ndima 44, 46). Akataura nezvehonye dzisingafi uye moto usingadzimwi. Kana mumwe akakubvunza nezvemashoko iwaya, waizopindura sei?

Zvichienderana nokuti iBhaibheri ripi riri kushandiswa, munhu wacho angaverenga ndima 44, 46, kana kuti 48 nokuti ndima idzi dzakafanana mune dzimwe shanduro. * Shanduro yeNyika Itsva inoti: “Kana ziso rako richiita kuti ugumburwe, rirase; zvakanaka kwazvo kuti upinde muumambo hwaMwari uine ziso rimwe chete pane kuti ukandwe muGehena uine maziso maviri, umo honye dzezvitunha zvacho dzisingafi uye moto usingadzimwi.”—Mako 9:47, 48.

Chero zvazvingava, vamwe vanoti mashoko aJesu anotsigira pfungwa yokuti pashure porufu mweya yevakaipa inotambura nokusingaperi. Somuenzaniso, mashoko ari muSpanish Sagrada Biblia yokuYunivhesiti yeNavarre anoti: “Ishe wedu anoshandisa [mashoko aya], achireva kutambudzwa muhero. Kazhinji ‘honye isingafi’ inotsanangurwa sokusuruvara kusingagumi kunoitwa nevaya vanenge vari muhero; uye ‘moto usingadzimwi,’ sechirango chokurwadzisa muviri.”

Zvisinei, enzanisa mashoko aJesu nendima yokupedzisira youprofita hwaIsaya. * Hazvisi pachena here kuti Jesu akanga achitaura nezvendima iri muchitsauko 66 chaIsaya? Zviri pachena kuti muprofita wacho anotaura nezvokubuda “muJerusarema kuenda kuMupata waHinomu (Gehena), kwaimbobayirwa zvibayiro zvevanhu (Jer. 7:31) uko kwakazoguma kwava nzvimbo yairasirwa marara muguta racho.” (The Jerome Biblical Commentary) Zviri pachena kuti kutaura kwokufananidzira kuri pana Isaya 66:24 hakusi kutaura kutambudzwa kwevanhu asi kunongotaura nezvezvitunha. Chiri kunzi hachifi ihonye kwete vanhu vapenyu kana kuti mweya usingafi. Saka mashoko aJesu anorevei?

NezvaMako 9:48, ona mashoko akataurwa mubhuku reChechi yeRoma rinonzi El evangelio de Marcos Análisis lingüístico y comentario exegético, Volume II, rinoti: “Mashoko acho akatorwa pana Isaya (66,24). Ipapo muprofita wacho anoratidza nzira mbiri dzaiwanzoshandiswa pakuparadza zvitunha: zvaioreswa kana kuti kupiswa . . . Kushandisa mashoko okuti honye nemoto kunosimbisa pfungwa yokuparadza. . . . Nzira dzose dzaishandiswa pakuparadza idzi dzinoratidza kuparadza zvachose (‘mune moto usingadzimwi, honye dzisingafi’): hapana nzira yokunzvenga nzira idzi. Murondedzero iyi, zvinongopona chete ihonye nemoto kwete vanhu, uye zvose zvinoparadza chero zvipi nezvipi zvinongopfuura nepazviri. Saka iyi haisi rondedzero yokutambudzwa nokusingaperi, asi inongoratidza kuparadzwa zvachose nokuti munhu haazomutswi, anenge afa zvachose. Saka [moto] chiratidzo chokuparadza zvachose.”

Munhu wose anoziva kuti Mwari wechokwadi ane rudo uye akarurama anofanira kukwanisa kuona kuti zvine musoro sei kunzwisisa mashoko aJesu mupfungwa iyi. Akanga asiri kureva kuti vakaipa vachaparadzwa nokusingaperi. Asi kuti vari panjodzi yokuparadzwa zvachose zvokusamutswa.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 MaBhaibheri akanyanya kuvimbika haana ndima 44 ne46. Nyanzvi dzinobvuma kuti ndima mbiri idzodzo zvichida dzakazowedzerwa pave paya. Purofesa Archibald T. Robertson akanyora kuti: “Zvinyorwa zvekare zvikuru uye zvakanaka kupfuura zvose hazvina ndima mbiri idzi. Dzakabva kuvanhu vokuMadokero uye vokuSiriya (Byzantine). Dzinongova kudzokororwa kwendima 48. Nokudaro, [tinosiya] ndima 44 ne46 dzisiri dzechokwadi.”

^ ndima 5 “Vachabuda votarira zvitunha zvevarume vainditadzira; nokuti honye dziri pavari hadzizofi uye moto wavo hauzodzimwi, uye vachava chinhu chinosembura vanhu vose.”—Isa. 66:24.