Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kugadzirisa Dambudziko Noungwaru

Kugadzirisa Dambudziko Noungwaru

Kugadzirisa Dambudziko Noungwaru

MAJAYA matatu okuCentral Africa aida kuenda kugungano reruwa raizoitirwa munzvimbo yekwavo. Vaizofamba sei? Daro racho raiva makiromita anenge 90 mumugwagwa usina tara, une makomba, uye vakanga vasina chokufambisa. Vakasarudza kukwereta mabhasikoro matatu asi havana kuwana akakodzera.

Mumwe mukuru womuungano yavo akaziva dambudziko ravo ndokuvakweretesa bhasikoro rake rekare asi rakanga richiri kufamba zvakanaka. Akavatsanangurira kuti kare iye nevamwe vake vaironga sei kuti vapinde gungano reruwa. Mukuru wacho akavapa zano rokuti vashandise bhasikoro rimwe chete pautatu hwavo. Zvakanga zviri nyore hazvo kugadzirisa dambudziko racho nenzira iyi asi zvakaoma. Vanhu vatatu vaizoshandisa sei bhasikoro rimwe chete pakufamba?

Kuti dzisatsve nezuva, hama dzechiduku idzi dzakamuka mangwanani-ngwanani ndokusungirira midziyo yadzo pabhasikoro racho. Zvavaiita ndezvokuti wokutanga aichovha bhasikoro otungamira uye vamwe vaviri vachitevera netsoka vachifambisa. Aichovha kwemamita 500, omira osendeka bhasikoro pamuti. Aingwarira kuti asiye bhasikoro paraionekwa nevamwe vake kuitira kuti risabiwa. Aibva aenderera mberi achifamba netsoka.

Vamwe vaviri pavaizosvika pabhasikoro racho mumwe wavo airichovha uye mumwe wacho airamba achifamba netsoka kwemamita 500 kana kuti pfuurei asati achovhawo. Saka nokuronga zvakanaka uye nokutsungirira, vatatu ava vakakwanisa kuderedza daro ravakafamba netsoka kubva pamakiromita 90 kusvika pamakiromita anenge 60. Zvavakaita zvakashanda. Vakasangana nehama nehanzvadzi dzavo dzechiKristu pagungano racho uye vakanakidzwa zvikuru nemabiko ezvokunamata. (Dheut. 31:12) Gore rino, uchaita zvose zvaunogona here kuti upinde gungano reruwa rinoitirwa kwaunogara?