Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuva Nesimba Pasinei Nokusakwana Kwedu

Kuva Nesimba Pasinei Nokusakwana Kwedu

Kuva Nesimba Pasinei Nokusakwana Kwedu

ZVIKANGANISO zvako zvinogona kukuremera. Zvinoti namanama newe sezvikwekwe. Ungafunga kuti haumbofi wakazvikurira, kana kuti unganzwa usingakwanisi, uchizvienzanisa nevamwe wobva wagumisa kuti hauenderani navo. Ukuwo, ungave uchitambura nechirwere chinopedza simba uye chinoita kuti usafarira kurarama. Chero chingava chikonzero, ungaita sokuti wava parumananzombe. Unogona kunzwa sezvakaita Jobho, akati kuna Mwari: “Haiwa, kudai maizondivanza henyu muSheori, kudai maizondichengeta ndakavanzika kusvikira kutsamwa kwenyu kwapera, kudai maizonditemera nguva yakatarwa, mondiyeuka!”—Job. 14:13.

Ungaita sei kuti izvozvo zvirege kukuodza mwoyo? Zvisinei nokuti zvingave zvakaoma sei, chimborega kufunga zvinetso zvako kwekanguva. Somuenzaniso, ungafunga nezvemibvunzo yaJehovha yakafuridzirwa yaakabvunza mushumiri wake akatendeka Jobho inoti: “Wakanga uri kupi pandakavaka nheyo yenyika? Ndiudze, kana uchinzwisisa. Ndiani akatara kukura kwayo, kana uchiziva kana kuti ndiani akatambanudza tambo yokuyeresa pamusoro payo?” (Job. 38:4, 5) Patinofungisisa zvinorehwa nemibvunzo iyi, tingangonzwa tichida kubvuma kukwirira kwouchenjeri nesimba zvina Jehovha. Akabvumira mamiriro ezvinhu aripo kuti arambe aripo nokuda kwechikonzero chakanaka.

“Munzwa Munyama”

Mumwe mushumiri akatendeka akakumbira Jehovha kuti amubvi- se “munzwa munyama,” dambudziko rakanga rakangoti namanama naye. Muapostora Pauro akakumbira Mwari katatu kuti amusunungure pamuedzo iwoyu. Zvisinei nokuti muedzo wacho waiva chii, kungofanana nomunzwa unorwadza, ungave wakashayisa Pauro mufaro mubasa raJehovha. Pauro akaufananidza nokuramba uchirohwa. Jehovha akapindura kuti: “Mutsa wangu usina kukodzera kuwanwa wakakukwanira; nokuti simba rangu riri kuitwa kuti rive rakakwana mukusava nesimba.” Jehovha haana kubvisa munzwa iwoyo waiva munyama yake. Pauro aifanira kurwisana nawo, asi akatizve: “Pandinenge ndisina simba, ndipo pandiine simba.” (2 VaK. 12:7-10) Airevei?

Dambudziko raPauro harina kungonyangarika nenzira inoshamisa. Kunyange zvakadaro, harina kumutadzisa kuita zvinhu zvinoshamisa mubasa raJehovha. Pauro aivimba kuti Jehovha aizomutsigira uye airamba achikumbira kubatsirwa naye. (VaF. 4:6, 7) Upenyu hwake hwepasi pano hwava kunopera, Pauro aigona kuti: “Ndarwa kurwa kwakanaka kwazvo, ndamhanya kusvika kumugumo, ndachengeta kutenda.”—2 Tim. 4:7.

Jehovha anoshandisa vanhu vasina kukwana kuti aite zvaanoda pasinei nokusakwana kwavo nezvinetso zvavo, uye zvakakodzera kuti akudzwe. Anogona kuvatungamirira uye kuvapa uchenjeri kuti vararame nematambudziko avo uye kuti varambe vachifara mubasa rake. Kutaura zvazviri, anogona kushandisa vanhu vasina kukwana kuti vaite mabasa makuru pasinei nokusakwana kwavo.

Pauro akataura chikonzero nei Mwari asina kubvisa munzwa waiva munyama yake achiti: “Kuti ndirege kunyanyokwidziridzwa.” (2 VaK. 12:7) “Munzwa” waiva naPauro wakamuyeuchidza zvinhu zvaakanga asingagoni kuita uye wakamubatsira kuti arambe achizvininipisa. Izvi zvinoenderana nezvakadzidziswa naJesu kuti: “Munhu wose anozvikwidziridza achaninipiswa, uye munhu wose anozvininipisa achakwidziridzwa.” (Mat. 23:12) Miedzo inogona kudzidzisa vashumiri vaMwari kuzvininipisa uye kuvabatsira kuziva kuti zvinoda kuti vavimbe naJehovha kuti vatsungirire nokutendeka. Saka kufanana nomuapostora wacho, vanogona ‘kuzvirumbidza muna Jehovha.’—1 VaK. 1:31.

Kusakwana Kusingaoneki

Vamwe vangave vaine zvavanokanganisa zvavasingazivi kana kuti zvavasingadi kubvuma. Somuenzaniso, munhu anganyanya kuzvivimba, achivimba nezvinhu zvaainazvo. (1 VaK. 10:12) Chishuvo chokuda kukurumbira chinoratidzawo kuti vanhu havana simba.

Joabhi, aiva mukuru mukuru weuto raMambo Dhavhidhi, akanga akashinga, achigona kukurumidza kusarudza zvokuita uye achikwanisa kugadzirisa zvinetso. Asi maitiro aJoabhi akanga akaipa zvikuru uye airatidza kuti aizvikudza, uye aida chinzvimbo. Akaponda noutsinye vakuru vakuru vaviri veuto. Kutanga akatsiva nokuuraya Abhineri. Pava paya, achiita sokunge kuti ari kukwazisa hama yake Amasa, akabata ndebvu dzaAmasa noruoko rwake rworudyi sokunge kuti aida kumutsvoda achibva amubaya nebakatwa raiva muruoko rwake rworuboshwe. (2 Sam. 17:25; 20:8-10) Joabhi akanga atsiviwa naAmasa pakuva mukuru mukuru weuto uye akashandisa mukana wacho kubvisa munhu aimukwikwidza, zvichida aine tarisiro yokuti adzorerwe pakuva mukuru mukuru. Unogona kuona kuti Joabhi haana kudzora mafungiro ake, kusanganisira kuda kwake chinzvimbo nenzira youdyire. Akaita utsinye asingaratidzi kuzvidemba. Paakanga ava pedyo nokufa, Mambo Dhavhidhi akarayira mwanakomana wake Soromoni kuti ave nechokwadi chokuti Joabhi aurayiwa pamusana pezvakaipa zvaakanga aita.—1 Madz. 2:5, 6, 29-35.

Chokwadi hatifaniri kukurirwa nezvishuvo zvedu zvakaipa; tinogona kukunda kusakwana kwedu. Kutanga tinofanira kuziva zvatinokanganisa uye kuzvibvuma. Tadaro tinogona kushandira kuti tizvikunde. Tinganyengetera nguva dzose kuna Jehovha, tichimukumbira kuti atibatsire kukunda kusava nesimba kwatiinako, uye kudzidza Shoko rake nokushingaira, tichitsvaka mikana yokurwisa zvishuvo izvozvo. (VaH. 4:12) Tingafanira kuramba tichiedza kugadzirisa unhu hwedu hwokusava nesimba uye hatifaniri kuora mwoyo. Tingatofanira kuramba tichirwisa chero bedzi tisina kukwana. Pauro akabvuma izvi, akanyora kuti: “Zvandinoda, handizviiti; asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita.” Zvisinei, sezvaunoziva, izvi hazvina kuita kuti Pauro akande mapfumo pasi, sokunge kuti akanga asingagoni kudzora zvaaiita. Pane kudaro, akaramba achirwisa kuti akunde kusava nesimba kwake achivimba kuti Mwari aizomubatsira achishandisa Jesu Kristu. (VaR. 7:15-25) Mune imwewo tsamba, Pauro akati: “Ndinorwadzisa muviri wangu ndichiuita somuranda, kuti zvimwe, pashure pokunge ndaparidzira vamwe, ini ndirege kuva asingatenderwi.”—1 VaK. 9:27.

Vanhu vagara vachida kuzviruramisa. Kuti tisave netsika iyi tinofanira kuva nemaonero aJehovha, toita maererano nezvakarayirwa naPauro kuvaKristu kuti: “Semai zvakaipa, namatirai kune zvakanaka.” (VaR. 12:9) Patinenge tichirwisana nokusava nesimba kwedu, tinofanira kutendeka, kuzviranga, uye kutsungirira. Dhavhidhi akakumbira Jehovha achiti: “Natsai itsvo dzangu nomwoyo wangu.” (Pis. 26:2) Aiziva kuti Mwari anogona kunyatsoongorora zvakarurama zviri kutsi kwemwoyo wedu uye kutibatsira patinenge tichida kubatsirwa. Kana tikabvuma kutungamirirwa naJehovha neShoko rake uye nomudzimu mutsvene, tinogona kufambira mberi tichikunda kusava nesimba kwedu.

Vamwe vanganetseka nezvinhu zvavanofunga kuti havagoni kuzvikunda voga. Chokwadi vakuru veungano vanogona kubatsira uye kukurudzira vamwe norudo. (Isa. 32:1, 2) Asi kuchenjera kuti titarisire zvinhu chaizvo. Zvimwe zvinetso hazvigoni kugadziriswa zvakakwana munyika ino. Kunyange zvakadaro, vakawanda vakadzidza kurarama nazvo, uye izvi zvakaita kuti vararame upenyu hunogutsa.

Jehovha Anovimbisa Kutitsigira

Pasinei nezvinetso zvatinosangana nazvo munguva dzino dzakaoma, tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achatitungamirira uye achatichengeta. Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Naizvozvo, zvininipisei pasi poruoko rwaMwari rune simba, kuti iye akukwidziridzei munguva yakakodzera; muchikanda kuzvidya mwoyo kwenyu kwose paari, nokuti iye ane hanya nemi.”—1 Pet. 5:6, 7.

Kathy, ave achishanda paBheteri kwemakore akawanda paakaziva kuti murume wake aiva nechirwere cheAlzheimer, akanzwa sokuti akanga asingazogoni kutsungirira mamiriro ezvinhu aiva mberi. Zuva nezuva akaona achifanira kukumbira Jehovha kuti amupe uchenjeri uye amusimbise mupfungwa. Utano hwomurume wake pahwakaramba huchidzikira, hama dzine rudo dzakashandisa mukana uyu kudzidza kuti dzingaita sei nechirwere ichi uye hanzvadzi dzine rudo dzakamutsigira mupfungwa. VaKristu ava ndevamwe vevanhu vakashandiswa naJehovha kumusimbisa, uye Kathy akakwanisa kutarisira murume wake kusvikira afa pashure pemakore 11. Anoti: “Ndinoonga Jehovha nemisodzi nomwoyo wose kuti akandibatsira; akaita kuti nditsungirire. Handina kuziva kuti ndaigona kuramba ndichiita zvandaifanira kuita kwenguva yakareba zvakadaro asi ndisina simba pamusana pokuneta!”

Kubatsirwa Kuti Tikunde Kusava Nesimba Kusingaoneki

Vanhu pavanonzwa vasingakoshi, vangafunga kuti Jehovha haazovateereri pavanokumbira kubatsirwa munguva yokutambudzika. Saka zvakanaka kunyanya kufunga zvakataurwa naDhavhidhi paakazvidemba pamusana pechivi chake chakakomba chaakaita naBhatishebha achiti: “Haiwa Mwari, hamuzozvidzi mwoyo wakaputsika nowakapwanyika.” (Pis. 51:17) Dhavhidhi akanga apfidza nomwoyo wose, uye aiziva kuti aigona kunyengetera kuna Mwari onzwirwa ngoni. Jesu anoratidza kuva nehanya kwaJehovha. Munyori weEvhangeri Mateu akashandisa mashoko aIsaya achireva Jesu paakati: “Hapana tsanga yakakuzvuka yaachapwanya, uye hapana tambo inopfungaira yomufurakisi yaachadzima.” (Mat. 12:20; Isa. 42:3) Paaiva pasi pano, Jesu akanzwira tsitsi varombo uye vanhu vaidzvinyirirwa. Haana kudzima simba roupenyu rinenge rasara mumunhu anenge akangofanana nekamoto kanenge kari parambi rinenge roda kudzima. Pane kudaro, akatarisira norudo vaitambura nokuvapazve simba muupenyu. Ndiwo mabatiro aaiita vanhu paakanga ari pasi pano. Haubvumi here kuti Jesu achiri akadaro uye kuti anokwanisa kunzwira tsitsi kusava nesimba kwako? Ona kuti VaHebheru 4:15 inoratidza kuti ndiye anogona “kunzwira tsitsi kusava nesimba kwedu.”

Paainyora nezvo“munzwa munyama” yake, Pauro akaona kuti simba raKristu rakanga rakaita “setende” kwaari. (2 VaK. 12:7-9) Ainzwa kuti Mwari aimudzivirira achishandisa Kristu, sezvinongoita munhu anenge ari mutende anonzwa kuti akadzivirirwa pamamiriro okunze. Kufanana naPauro, hatifaniri kukundwa nokusava kwedu nesimba nezvinetso zvedu. Kuti tirambe takasimba pakunamata, tinogona kushandisa zvinhu zvose zvatinopiwa naJehovha achishandisa ungano yake yepasi pano. Tinogona kuita zvose zvatinokwanisa sevanhu tobva tatarira kuna Jehovha tichinyatsovimba kuti achatungamirira nhanho dzedu. Kumbobatsirwa nesimba raMwari patinenge tisina simba kunoita kuti titaure sezvakaitwa naPauro kuti: “Pandinenge ndisina simba, ndipo pandiine simba.”—2 VaK. 12:10.

[Mufananidzo uri papeji 3]

Pauro akaramba achinyengetera kuna Jehovha kuti amutungamirire pakuita ushumiri hwake

[Mufananidzo uri papeji 5]

Mambo Dhavhidhi akaita kuti Joabhi ave mukuru mukuru weuto

[Mufananidzo uri papeji 5]

Joabhi akauraya Amasa aimukwikwidza

[Mufananidzo uri papeji 6]

Vakuru vanopa mazano orudo anobva muMagwaro anogona kutibatsira kuti tirarame nematambudziko edu