Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Muapostora Pauro akati ‘vaIsraeri vose vaizoponeswa.’ (VaR. 11:26) Aireva here kuti pane imwe nguva vaJudha vose vaizotendeuka vova vaKristu?

Kwete, Pauro akanga asiri kureva izvozvo. Sorudzi, vazukuru vaAbrahamu vakaramba Jesu kuti aiva Mesiya. Uye makore akatevera pashure pokunge Jesu afa, zvakava pachena kuti havasi vaJudha vose vaizotendeuka vova vaKristu. Kunyange zvakadaro, mashoko aPauro okuti vaIsraeri vose vaizoponeswa aiva echokwadi. Munzirai?

Jesu akaudza vatungamiriri vechitendero chechiJudha vomuzuva rake kuti: “Muchatorerwa umambo hwaMwari hwopiwa rudzi runobereka zvibereko.” (Mat. 21:43) Nokuti rudzi rwose rwevaIsraeri rwakaramba Jesu, Jehovha aizoisa pfungwa dzake parudzi rutsva, rwomudzimu. Pauro akadana rudzi urwu kuti “Israeri waMwari.”—VaG. 6:16.

Dzimwe ndima dziri muMagwaro echiKristu echiGiriki dzinoratidza kuti “Israeri waMwari” anoumbwa nevaKristu vakazodzwa nomudzimu vanosvika 144 000. (VaR. 8:15-17; Zvak. 7:4) Zvakazarurwa 5:9, 10 inosimbisa kuti boka iri raizosanganisira vasiri vaJudha uye inoratidza kuti vaKristu vakazodzwa vanobva “mumadzinza ose nendimi nevanhu norudzi.” Nhengo dzaIsraeri womudzimu dzakanyanya kusarudzirwa kuti dzive “umambo nevapristi . . . , uye vachatonga semadzimambo pamusoro penyika.” Kunyange zvazvo Jehovha akaramba Israeri sorudzi rwaakasarudza, vamwe vavo vaigona kuva noukama hwakanaka naye. Ndizvo zvakaita vaapostora nevamwe vaKristu vakawanda vepakutanga. Chokwadi, kufanana nevamwe vanhu vose, vaJudha ivavo vaifanira kutengwa neropa raJesu Kristu.—1 Tim. 2:5, 6; VaH. 2:9; 1 Pet. 1:17-19.

Sezvo vaJudha vakawanda vomuzana remakore rokutanga vakakundikana kuwana mukana wokutonga naJesu, izvi hazvina kukanganisa chinangwa chaMwari. Izvi zvaisazodaro nokuti Jehovha akataura achishandisa muprofita wake kuti: “Ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu. Harizodzoki kwandiri risina zvaraita, asi richaita zvandinofarira, uye richabudirira pane zvandinoritumira.”—Isa. 55:11.

Izvi ndezvechokwadi nezvechinangwa chaMwari chokugadza vatongi 144 000 kuti vatonge pamwe chete noMwanakomana wake mudenga. Bhaibheri rinojekesa kuti Mwari achazodza ve144 000 vose. Hapana achasiyiwa!—Zvak. 14:1-5.

Saka Pauro paakanyora kuti ‘vaIsraeri vose vaizoponeswa,’ akanga asiri kutaura kuti vaJudha vose vaizotendeuka kuva vaKristu. Asi aireva kuti chinangwa chaMwari chokuva nevaIsraeri vomudzimu 144 000 vachatonga noMwanakomana wake Jesu Kristu mudenga chaizozadzika. Panguva yaMwari yakakodzera, nhamba yakakwana kureva “vaIsraeri vose” vachaponeswa, vachazotonga semadzimambo nevapristi muUmambo hunotungamirirwa naMesiya.—VaEf. 2:8.

[Mifananidzo iri papeji 28]

Vakazodzwa vanobva ‘mumadzinza ose nendimi nevanhu norudzi’