Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba yokuvaRoma

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba yokuvaRoma

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba yokuvaRoma

MUNENGE muna 56 C.E., paanenge ari parwendo rwake rwechitatu rwoumishinari, muapostora Pauro anosvika muguta reKorinde. Asvika pakuziva kusiyana kwemaonero evaKristu vechiJudha neeVemamwe Marudzi vari muRoma. Achida kuti vabatane zvakakwana muna Kristu, Pauro ndiye anotanga kuvanyorera tsamba.

Mutsamba iyoyo kuvaRoma, Pauro anotsanangura kuti vanhu vanonzi vakarurama sei uye mararamiro avanofanira kuita. Tsamba yacho inozadza pfungwa dzedu nezivo yaMwari neShoko rake, inosimbisa mutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa uye inokwidziridza zvakaitwa naKristu kuti tipone.—VaH. 4:12.

VANONZI VAKARURAMA—SEI?

(VaR. 1:1–11:36)

Pauro anonyora kuti: “Vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari, uye vari kunzi vakarurama pachishandiswa mutsa [waMwari] usina kukodzera kuwanwa nokusunungurwa norudzikinuro rwakabhadharwa naKristu Jesu, sechipowo zvacho chepachena.” Pauro anotiwo: “Munhu anonzi akarurama nokuda kwokutenda tisingabatanidzi mabasa omutemo.” (VaR. 3:23, 24, 28) Nokutenda “kururamisa kumwe chete,” vaKristu vakazodzwa neve“boka guru” re“mamwe makwai” vanogona ‘kunzi vakarurama,’ vakazodzwa vachigara nhaka pamwe chete naKristu mudenga uye veboka guru vova shamwari dzaMwari, vaine tarisiro yokupona pa“kutambudzika kukuru.”—VaR. 5:18; Zvak. 7:9, 14; Joh. 10:16; Jak. 2:21-24; Mat. 25:46.

Pauro anobvunza kuti: “Totadza here nokuti hatisi pasi pomutemo asi pasi pomutsa usina kukodzera kuwanwa?” Anopindura kuti: “Izvozvo ngazvirege kumboitika!” Pauro anotsanangura kuti: “Muri varanda . . . , zvimwe vechivi chinotungamirira kurufu kana kuti vokuteerera kunotungamirira kukururama.” (VaR. 6:15, 16) Anoti: “Kana mukauraya mabasa omuviri muchishandisa mudzimu, muchararama.”—VaR. 8:13.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:24-32—Pauro paakataura nezvetsika dzakaipa aireva vaJudha here kana kuti Vemamwe Marudzi? Kunyange zvazvo rondedzero yacho ichikodzera mapoka acho ose, pano ainyatsoreva vaIsraeri vekare vakanga varamba kutenda. Kunyange zvazvo vaiziva mitemo yaMwari yakarurama, ‘havana kubvuma kuramba vachiziva Mwari zvakarurama.’ Saka vakanga vakaipa zvikuru.

3:24, 25—“Rudzikinuro rwakabhadharwa naKristu Jesu” rwakafukidza sei “zvivi zvakaitika munguva yakapfuura” irwo rusati rwabhadharwa? Uprofita hwokutanga hwaMesiya huri pana Genesisi 3:15, hwakazadzika muna 33 C.E. Jesu paakaurayiwa padanda rokutambudzikira. (VaG. 3:13, 16) Zvisinei, nguva yakataura Jehovha uprofita uhwu, zvaitoita sokunge kuti rudzikinuro rwakanga rwatobhadharwa mumaonero ake nokuti hapana chinotadzisa Mwari kuzadzika zvinangwa zvake. Saka Jehovha aizokanganwira zvivi zvevazukuru vaAdhamu vaizoratidza kutenda vimbiso iyoyo achishandisa chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu chaizopiwa munguva yemberi. Rudzikinuro runoitawo kuti vakararama Kristu asati auya vazokwanisa kumutswa.—Mab. 24:15.

6:3-5—Chii chinorehwa nokubhabhatidzwa muna Kristu Jesu uye kubhabhatidzwa murufu rwake? Jehovha paanozodza vateveri vaKristu nomudzimu mutsvene, vanobatana naJesu vova nhengo dzeungano inoumba muviri waKristu, iye ari Musoro. (1 VaK. 12:12, 13, 27; VaK. 1:18) Izvi ndizvo zvinoreva kubhabhatidzwa kwavo muna Kristu Jesu. VaKristu vakazodzwa ‘vanobhabhatidzwawo murufu’ rwaKristu mukuti vanorarama upenyu hwokuzvibayira uye vanosiya tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano. Saka rufu rwavo nderwokuzvibayira sezvakanga zvakaitawo rufu rwaJesu, kunyange zvazvo rufu rwavo rusingakoshi panyaya yorudzikinuro. Kubhabhatidzwa murufu rwaKristu kunoguma pavanofa vomutswa kuti vararame kudenga.

7:8-11—‘Chivi chakaitwa sei kuti chivepo nomurayiro’? Mutemo wakabatsira vanhu kuti vazive kukura kwakaita chivi, zvichiita kuti vanyatsoziva kuti vatadzi. Nokudaro, vakazviona kuti vatadzi munzira dzakawanda, uye zvakava pachena kuti vanhu vakawanda vatadzi. Saka zvinogona kunzi chivi chakaitwa kuti chivepo noMutemo.

Zvatinodzidza:

1:14, 15. Tine zvikonzero zvakawanda zvokuti tishingaire kuzivisa mashoko akanaka. Chimwe chacho ndechokuti tine chikwereti kuvanhu vakatengwa neropa raJesu uye tinosungirwa kuvabatsira mune zvokunamata.

1:18-20. Vanhu vasingadi Mwari uye vasina kururama havafaniri ‘kuzvipembedza,’ nokuti unhu hwaMwari husingaoneki hunooneka muzvinhu zvaakasika.

2:28; 3:1, 2; 7:6, 7. Pauro ataura mashoko anoita seanozvidza vaJudha uye anozotaura mamwe anoita kuti vasatsamwa. Izvi zvinotipa muenzaniso wokuti titaure nounyanzvi uye nokungwarira nyaya dzinogona kugumbura vamwe.

3:4. Zvinotaurwa nevanhu pazvinopesana nezvinotaurwa naMwari muShoko rake, ‘tinoita kuti Mwari awanikwe ari wechokwadi’ nokuvimba nemashoko eBhaibheri uye kuita maererano nokuda kwaMwari. Nokushingaira mubasa rokuparidza Umambo uye rokuita vadzidzi, tinogona kubatsira vamwe kuti vaone kuti Mwari ndewechokwadi.

4:9-12. Abrahamu akanzi akarurama pamusana pokutenda kwake kare asati adzingiswa pazera remakore 99. (Gen. 12:4; 15:6; 16:3; 17:1, 9, 10) Nenzira iyoyo yakasimba, Mwari akaratidza chinoita kuti munhu ave akarurama kwaari.

4:18. Tariro inokosha pakutenda. Kutenda kwedu kwakavakirwa patariro.—VaH. 11:1.

5:18, 19. Nokuratidza nenzira inogutsa kufanana kwakaita Jesu naAdhamu, Pauro anotsanangura muchidimbu kuti munhu mumwe chete anogona sei “kupa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.” (Mat. 20:28) Tinofanira kutevedzera muenzaniso uyu wokudzidzisa nounyanzvi uye muchidimbu.—1 VaK. 4:17.

7:23. Nhengo dzomuviri dzakadai semaoko edu, makumbo uye rurimi dzinogona ‘kutitungamirira tiri nhapwa kuenda kumutemo wechivi,’ saka tinofanira kungwarira kuti tisadzishandisa zvisiri izvo.

8:26, 27. Patinosangana nemamiriro ezvinhu akaoma zvokuti tinenge tisingachazivi chatinofanira kunyengeterera, “mudzimu unotitetererera.” Zvadaro Jehovha, “Munzwi womunyengetero,” anonzwa minyengetero yakakodzera yakanyorwa muShoko rake sokunge kuti iri kubva kwatiri.—Pis. 65:2.

8:38, 39. Njodzi, zvisikwa zvomudzimu zvakaipa, uye hurumende dzevanhu hazvigoni kuita kuti Jehovha arege kutida; uyewo hazvifaniri kuita kuti tirege kumuda.

9:22-28; 11:1, 5, 17-26. Uprofita hwakawanda hune chokuita nokudzorerwa kwevaIsraeri huri kuzadziswa neungano yevaKristu vakazodzwa, “vaakadana kwete chete kubva pakati pevaJudha asiwo kubva pakati pemamwe marudzi.”

10:10, 13, 14. Kutenda kwakasimba muna Jehovha uye muzvipikirwa zvake pamwe chete nokuda Mwari nevanhu kunotikurudzira kuti tishingaire muushumiri hwechiKristu.

11:16-24, 33. Chokwadi “mutsa waMwari uye kuomesa zvinhu kwaanoita” zvine mwero kwazvo! Kutaura zvazviri, iye “iDombo, basa rake rakakwana, nokuti nzira dzake dzose ndedzokururamisira.”—Dheut. 32:4.

KURARAMA MAERERANO NOKUNZI VAKARURAMA

(VaR. 12:1–16:27)

Pauro anoti: “Naizvozvo ndinokutetererai netsitsi dzaMwari, hama, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari.” (VaR. 12:1) “Naizvozvo,” kana kuti nemhaka yokuti vaKristu vanonzi vakarurama pamusana pokutenda kwavo, zvinozotevera zvinofanira kuchinja maonero avanozviita, maonero avanoita vamwe, uye maonero avanoita hurumende.

Pauro anonyora kuti: “Ndinoudza munhu wose ari pakati penyu kuti arege kufunga nezvake kupfuura zvaanofanira kufunga.” Anorayira kuti: “Rudo rwenyu ngarurege kuva nounyengeri.” (VaR. 12:3, 9) “Mweya yose ngaizviise pasi pevanhu vane masimba makuru.” (VaR. 13:1) Panyaya dzine chokuita nehana, anokurudzira vaKristu kuti ‘varege kutongana.’—VaR. 14:13.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

12:20—‘Tinotutira sei marasha anopisa’ pamusoro womuvengi wedu? Munguva inotaurwa muBhaibheri, mhangura yaiiswa muchoto chinopisa kwazvo marasha ari pamusoro uyewo nepasi. Moto muzhinji waiiswa pamusoro waibatsira kunyungudutsa simbi uye kuita kuti tsvina iende kwayo yoga. Saizvozvowo, tinoisa marasha anopisa pamusoro womuvengi patinomuitira zvakanaka kuitira kuti unhu hwake hwakanaka huoneke uye asaome mwoyo.

12:21—‘Tinoramba sei tichikunda zvakaipa nezvakanaka’? Imwe nzira ndeyokuomerera kubasa redu ratakapiwa naMwari rokuparidza mashoko akanaka oUmambo kusvikira tariita zvinogutsa Jehovha.—Mako 13:10.

13:1—Vane masimba makuru “vakaiswa munzvimbo dzavo dzine mwero naMwari” munzirai? Hurumende ‘dzakaiswa munzvimbo dzadzo dzine mwero naMwari’ pakuti dzinotonga nokubvumira kwaMwari, uye mune zvimwe zviitiko Mwari akafanoona hurumende dzaizotonga. Izvi zvinoratidzwa nezvakafanotaurwa neBhaibheri nezvevatongi vanoverengeka.

Zvatinodzidza:

12:17, 19. Kana tikadzorera chakaipa nechakaipa tinenge tatorera Jehovha basa raane kodzero yokuita. Kuzvikudza chaizvo kana tika“dzorera chakaipa nechakaipa”!

14:14, 15. Hatifaniri kushungurudza hama yedu kana kuti kuigumbura nokuipa zvokudya kana zvokunwa zvaisingadi.

14:17. Kuva noukama hwakanaka naMwari hakubvi pane zvinodyiwa nomunhu kana zvaasingadyi, zvaanonwa kana zvaasinganwi. Asi kune chokuita nokururama, kuva norugare uye mufaro.

15:7. Muungano, tinofanira kugamuchira tisingasaruri vanhu vose vanotsvaka chokwadi nomwoyo wose uye kuzivisa mashoko akanaka oUmambo vanhu vose vatinosangana navo.

[Mifananidzo iri papeji 31]

Rudzikinuro runogona kushanda kuzvivi zvakaitwa irwo rusati rwabhadharwa here?