Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Uine “Rudo Rwawaiva Narwo Pakutanga”

Ramba Uine “Rudo Rwawaiva Narwo Pakutanga”

Ramba Uine “Rudo Rwawaiva Narwo Pakutanga”

“Ramba wakabatisisa zvauinazvo.”—ZVAK. 3:11.

1, 2. Wakanzwa sei pawakagutsikana kuti zvawaidzidza nezvaJehovha zvaiva zvechokwadi?

UNOYEUKA here pawakatanga kudzidza nezvetariro inoshamisa iyo Jehovha anopa vanhu vanoteerera? Kana waimbopinda chimwe chitendero, wakanzwa sei pawakatsanangurirwa zvinangwa zvaMwari pachishandiswa Magwaro kana kuti pawakatsanangurirwa dzidziso dzakanga dzakambokuomera? Zvichida wakazoziva kuti waidzidziswa zvisiri izvo. Asi iye zvino uri kufara chaizvo kuti wava kuziva chokwadi! Kana wakarerwa nevabereki vechiKristu, unoyeuka here manzwiro awakaita pawakagutsikana kuti zvawakanga uchidzidza nezvaJehovha zvaiva zvechokwadi uchibva wasarudza kurarama maererano nazvo?—VaR. 12:2.

2 Hama dzako dzakawanda dzaunonamata nadzo dzichakuudza kuti dzakafara chaizvo, dzakanzwa dzaswedera pedyo naJehovha, uye dzichionga kuti Jehovha akanga aita kuti dziuye kwaari. (Joh. 6:44) Mufaro wavo wakaita kuti vashandewo nevamwe mabasa echiKristu. Vaifara chaizvo zvokuti vaida kuudza munhu wose manzwiro avaiita. Wakambonzwawo saizvozvo here?

3. Chii chakanga chava kuitika muungano yeEfeso Jesu paakavanyorera tsamba?

3 Paaitaura neungano yevaKristu vomuzana remakore rokutanga kuEfeso, Jesu akataura ‘nezvorudo rwavaiva narwo pakutanga.’ Vanhu vokuEfeso vaiva nounhu hwakanaka hwakawanda, asi madiro avaimboita Jehovha pakutanga akanga adzikira. Saka Jesu akavaudza kuti: “Ndinoziva mabasa ako, nebasa rako nokutsungirira kwako, uye kuti haugoni kushivirira vanhu vakaipa, uye kuti unoedza vaya vanozviti vaapostora, asi vasiri, uye wakawana kuti varevi venhema. Uri kuratidzawo kutsungirira, wakashinga nokuda kwezita rangu uye hauna kupera simba. Kunyange zvakadaro, ndinopesana newe pachinhu ichi, kuti wakasiya rudo rwawaiva narwo pakutanga.”—Zvak. 2:2-4.

4. Nei mashoko aJesu kuvaEfeso achikodzera nhasi?

4 Zano raJesu raakapa vaEfeso nedzimwe ungano riri mubhuku raZvakazarurwa rave richishanda pane zvakamboitika kuvaKristu vakazodzwa kubvira muna 1914 zvichienda mberi. (Zvak. 1:10) Asi zvinoita kuti kunyange iye zvino vamwe vaKristu vadzikire ‘pakuda kwavaimboita Jehovha nechokwadi chechiKristu.’ Tichifunga izvozvo, ngationgororei kuti unogona sei kuramba uchida, uchimutsiridza, uye uchiwedzera kuda Mwari nechokwadi uye uchishingaira sezvawaimboita pakutanga paunoyeuka uye kufungisisa zvakaitika kwauri.

Chii Chakaita Kuti Ugutsikane Kuti Wakawana Chokwadi?

5, 6. (a) MuKristu mumwe nomumwe anofanira kuzvigutsa nokuyeukei? (b) Chii chakaita kuti ugutsikane kuti Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa chokwadi? (c) Chii chingabatsira munhu kuti avezve norudo rwaaimbova narwo pakutanga?

5 Munhu wose anozvitsaurira kuna Jehovha anofanira kutanga ‘aedza’ kuti ndezvipi ‘zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.’ (VaR. 12:1, 2) Muchidimbu, izvi zvinosanganisira kudzidza chokwadi cheBhaibheri. Zvingave zvichigutsa mumwe munhu kuti Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa chokwadi zvingasiyana nezvinogutsa mumwe. Vamwe vanoyeuka kuti vakachinja pavakaverenga zita raMwari muBhaibheri kana kuti pavakanzwisisa mamiriro ezvinhu chaiwoiwo evakafa. (Pis. 83:18; Mup. 9:5, 10) Rudo rune vanhu vaJehovha rwungave rwakaita kuti vamwe vachinje. (Joh. 13:34, 35) Vamwewo vakachinja pavakanzwisisa zvazvinoreva kusava venyika. Vakazosvika pakuziva kuti vaKristu vechokwadi havagoni kubatanidzwa mumagakava ezvematongerwo enyika kana muhondo dzenyika.—Isa. 2:4; Joh. 6:15; 17:14-16.

6 Nokuda kwevakawanda, izvi nezvimwewo ndizvo zvakaita kuti vatangezve kuda Mwari sezvavaimboita pakutanga. Zvipe nguva yokufunga kuti chii chakaita kuti ugutsikane kuti wakawana chokwadi. Uri munhu akasiyanawo nevamwe uye ane unhu hwakasiyana nehwevamwe, saka zvinoita kuti ude Jehovha uye utende zvaakapikira zvingangove zvakasiyana nezvevamwe. Zvichida zvikonzero izvozvo zvinokosha zvikuru nhasi sezvazvaimboita pawakatanga kudzidza nezvazvo. Chokwadi hachina kuchinja. Saka, kufungazve izvozvo uye manzwiro awakaita kungaita kuti udezve chokwadi sepakutanga.—Verenga Pisarema 119:151, 152; 143:5.

Simbisa Rudo Rwawaiva Narwo Pakutanga

7. Nei tichifanira kusimbisa kuda kwataimboita chokwadi pakutanga, uye tingazviita sei?

7 Zvichida pane zvinhu zvakawanda zvakachinja muupenyu hwako kubva pawakazvitsaurira kuna Jehovha. Kuda kwawaiita chokwadi pakutanga kwaikosha, asi nokufamba kwenguva, waifanira kuva norudo rwakadzama kuti utarisane nezvinetso zvitsva zvinoedza kutenda kwako. Zvisinei, Jehovha akakutsigira. (1 VaK. 10:13) Saka zvawakasangana nazvo mumakore akapfuura zvinokoshawo kwauri. Zvakakubatsira kuti uwedzere rudo rwawaiva narwo pakutanga, uye ndeimwe nzira yokuziva nayo zvinodiwa naMwari zvakanaka uye zvinogamuchirika.—Josh. 23:14; Pis. 34:8.

8. Jehovha akazviratidza sei kuna Mosesi, uye vaIsraeri vakasvika sei pakunyatsoziva Mwari?

8 Somuenzaniso, chimbofunga zvainge zvakaita mamiriro ezvinhu evaIsraeri Jehovha paakataura chinangwa chake chokuvanunura muuranda muIjipiti. Mwari akazviratidza kuna Mosesi achiti: “Ndichava iye wandichava.” (Eks. 3:7, 8, 13, 14) Chaizvoizvo, Jehovha akanga achireva kuti aizoita zvose zvakanga zvakakodzera kuti asunungure vanhu vake. Muzviitiko zvakazotevera uye mamiriro ezvinhu paaibvumira, vaIsraeri vakaona Jehovha achiratidza unhu hwake hwakasiyana-siyana—seWemasimbaose, soMutongi, soMutungamiriri, soMununuri, soMurwi, uye soMuriritiri.—Eks. 12:12; 13:21; 14:24-31; 16:4; Neh. 9:9-15.

9, 10. Mamiriro ezvinhu api anogona kukubatsira kuti usvike pakuziva Mwari, uye nei zvakanaka kuti uyeuke zviitiko izvozvo?

9 Mamiriro ako ezvinhu akasiyana neevaIsraeri vekare. Kunyange zvakadaro, ungangove nezvakaitika muupenyu hwako zvakaita kuti ubvume kuti Mwari anokuda, zvakasimbisa kutenda kwako. Zvichida pane imwe nguva Jehovha akazviratidza soMuriritiri, soMunyaradzi kana kuti soMudzidzisi. (Verenga Isaya 30:20b, 21.) Kana kuti ungave wakatoona munyengetero wako uchipindurwa zvakajeka. Ungave wakasangana nedambudziko ndokubatsirwa nomuKristu waunonamata naye. Kana kuti kudzidza somunhu oga kungave kwakaita kuti uyeuke mamwe magwaro akakodzera mamiriro ako ezvinhu.

10 Kudai waizorondedzera vamwe zviitiko izvozvo, vangasanyanya kubayiwa mwoyo. Ichokwadi kuti zviitiko zvacho zvakanga zvisiri zvishamiso. Asi unozviona sezvinokosha zvikuru. Chokwadi, Jehovha akava chaizvo zvawaida kuti ave kwauri. Chimbofunga makore awave uri muchokwadi. Unoyeuka here apo wakatarisirwa kakawanda naJehovha muupenyu hwako? Kana zvakadaro, kuyeuka zviitiko izvozvo uye manzwiro awakaita kunogona kuita kuti unzwe uchidazve Jehovha sezvawaimboita kare ikako. Koshesa zviitiko izvozvo. Zvifungisise. Uchapupu hwokuti Jehovha anokuda iwe pachako, uye hapana anogona kukutorera chivimbo ichocho.

Zviongorore

11, 12. Kana kuda chokwadi kwaimboita muKristu kwadzikira, zvingave zvakonzerwa nei, uye Jesu akapa zano rokutii?

11 Kana usingachanzwi uchida Mwari nechokwadi sezvawaimboita, izvi hazvirevi kuti pane chachinja paari. Jehovha haambochinji. (Mar. 3:6; Jak. 1:17) Aikuda kareko uye achiri kungokuda nhasi sezvaaiita. Saka zvakadini kana paine chinhu chipi nechipi chachinja muukama hwako naJehovha? Kuti ungave uri kunzwa seuri panguva yakaoma, uri kunyanya kuzvidya mwoyo here nezvoupenyu? Zvichida kare wainyengetera nemwoyo wose, waidzidza nokushingaira, waifungisisa kazhinji. Waishingaira zvikuru here muushumiri nokupinda misangano yeungano nguva dzose kupfuura zvauri kuita iye zvino?—2 VaK. 13:5.

12 Ungave usina kucherechedza zvinhu zvachinja pauri, asi kana ukazviziva, zvakakonzerwa nei? Kuti zvikonzero zvine musoro zvakadai sokuriritira mhuri yako zvakanaka, kutarisira utano hwako nezvimwewo zvingave zvakaita kuti usava nepfungwa yokukurumidzira nezvokuva pedyo kwezuva raJehovha here? Jesu akaudza vaapostora vake kuti: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu irege kumboremerwa nokudyisa nokunwisa nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu, uye zuva iroro rikangoerekana rakusvikirai pakarepo seriva. Nokuti richauya pane vaya vose vanogara pamusoro penyika yose. Saka rambai makamuka, muchigara muchiteterera kuti mugone kupukunyuka zvinhu zvose izvi zvinofanira kuitika.”—Ruka 21:34-36.

13. Jakobho akafananidza Shoko raMwari nechii?

13 Munyori weBhaibheri akafuridzirwa Jakobho akakurudzira vaainamata navo kuti vazviongorore nokutendeseka vachishandisa Shoko raMwari. Jakobho akanyora kuti: “Ivai vaiti veshoko, kwete vanzwi chete, muchizvinyengera nokufunga kwenhema. Nokuti kana munhu ari munzwi weshoko, asiri muiti, iyeyu akafanana nomunhu anotarira chiso chake chaakazvarwa nacho mugirazi. Nokuti anozvitarira, oenda, obva akanganwa kuti iye munhu akaita sei. Asi iye anonyatsotarira mumutemo wakakwana worusununguko uye anorambira mauri, munhu iyeye achafara paanouita, nokuti haana kuva munzwi anokanganwa, asi muiti webasa.”—Jak. 1:22-25.

14, 15. (a) Bhaibheri rinogona sei kukubatsira kunatsiridza manamatiro ako? (b) Ungafungisisa mibvunzo ipi?

14 Munhu anogona kushandisa girazi kuti ave nechokwadi chokuti anoratidzika zvakanaka. Somuenzaniso, kana murume akaona kuti tayi yake yakamonyoroka, anogona kuitwasanudza. Kana mukadzi akaona kuti bvudzi rake harisi kutarisika zvakanaka, anogona kurigadziridza. Saizvozvowo, Magwaro anotibatsira kuongorora zvatiri. Patinozvienzanisa nezvinonzi neBhaibheri ndizvo zvatinofanira kuva, tikadaro tinenge tichirishandisa segirazi. Asi kutarira mugirazi kungabatsirei kana pasina zvatinoita kuti tigadzirise zvakakanganisika zvatinenge taona? Tinenge takachenjera kana tikaita maererano nezvatinoona “mumutemo wakakwana” waMwari, tova “vaiti” veshoko. Saka munhu wose anofunga kuti kuda kwaaimboita Jehovha nechokwadi kwadzikira angaita zvakanaka kufunga mibvunzo iyi: ‘Zvinetso zvipi zvandiri kusangana nazvo muupenyu uye ndiri kuitei nazvo? Ndaimboita sei kare? Pane chimwe chinhu chachinja here?’ Kana kuzviongorora kwakadaro kuchiratidza kuti pane zvaunofanira kugadzirisa, usangosiya zvakadaro. Kana paine zvaunofanira kugadzirisa, zvigadzirise nokukurumidza.—VaH. 12:12, 13.

15 Kufungisisa kwakadaro kungakubatsirawo kuti uite zvinangwa zvine musoro kuti ufambire mberi mune zvokunamata. Muapostora Pauro akapa Timoti waaishanda naye zano rakafuridzirwa rokuti anatsiridze ushumiri hwake. Pauro akakurudzira jaya racho kuti: “Fungisisa zvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kuonekwe nevanhu vose.” Tichishandisa chiedza cheShoko raMwari, isuwo tingaita zvakanaka kana tikafungisisa kuti zvii zvatinokwanisa kuita kuti tifambire mberi.—1 Tim. 4:15.

16. Unofanira kungwarira ngozi ipi paunenge uchizviongorora uchishandisa chiedza cheMagwaro?

16 Kana ukazviongorora nokutendeka uchaziva zvimwe zvaunokanganisa. Izvi zvingakuodza mwoyo asi usarega izvozvo zvichiitika kwauri. Chokwadi, chinangwa chokuzviongorora ndechokuziva panoda kugadziriswa. Zvechokwadi, Satani angada kuti muKristu anzwe seasingakoshi pamusana pokusakwana kwake. Kutaura zvazviri, akati Mwari haana hanya nezvose zvingaitwa nevanhu kuti vamushumire. (Job. 15:15, 16; 22:3) Idzodzo inhema dzakarambwa chaizvo naJesu; Mwari anoona mumwe nomumwe wedu seanokosha. (Verenga Mateu 10:29-31.) Asi kuziva kuti hauna kukwana kunofanira kuita kuti nokuzvininipisa utsunge kuita zvakanaka uchibatsirwa naJehovha. (2 VaK. 12:7-10) Kana uchitadziswa kuita zvakawanda nokurwara kana kuti nezera, ita zvinhu zvaunokwanisa, asi usakanda mapfumo pasi kana kurega rudo rwako ruchidzikira.

Tine Zvakawanda Zvokuonga

17, 18. Uchabatsirwa nei kana ukasimbisa rudo rwawaiva narwo pakutanga?

17 Uchabatsirwa zvikuru kana ukaramba uchipfuurira kusimbisa rudo rwawaiva narwo pakutanga. Unogona kuwedzera kuziva kwaunoita Mwari uye kuonga kutungamirira kwake kune rudo. (Verenga Zvirevo 2:1-9; 3:5, 6.) Munyori wepisarema akati: ‘Kuchengeta mitemo yaJehovha kunounza mubayiro mukuru.’ “Chiyeuchidzo chaJehovha chakavimbika, chinochenjedza asina zivo.” Uyezve, “vanofara vasina mhosva panzira dzavo, vaya vanofamba mumutemo waJehovha.”—Pis. 19:7, 11; 119:1.

18 Zvechokwadi uchabvuma kuti pane zvinhu zvakawanda zvakanaka zvinofanira kuita kuti uonge. Unonzwisisa kuti nei zviri kuitika munyika zviri kuitika. Uri kubatsirwa mune zvokunamata uye nourongwa hwose uhwo Mwari ari kupa vanhu vake nhasi. Hapana mubvunzo kuti unoongawo kuti Jehovha akaita kuti uve muungano yake yomunyika yose uye kuti akakupa ropafadzo yokuva mumwe weZvapupu zvake. Onga zvikomborero zvaunazvo! Kudai waizozvinyora pasi, waizoona kuti zvakawanda chaizvo. Hapana mubvunzo kuti kugara uchiita izvi kuchakubatsira kuti ushandise zano rinoti: “Ramba wakabatisisa zvauinazvo.”—Zvak. 3:11.

19. Kunze kwokufungisisa ukama hwauinahwo naMwari, zvii zvinokosha kuti urambe uine utano hwakanaka mune zvokunamata?

19 Kufungisisa kuti kutenda kwako kwakasimbiswa sei nguva zvayaifamba rimwe danho rokutanga rinogona kukubatsira kuti ubatisise zvauinazvo. Magazini ino yagara ichingodzokorora zvimwe zvinhu zvinokosha kuti tirambe tiine utano hwakanaka mune zvokunamata. Zvimwe zvacho zvinosanganisira munyengetero, kupinda misangano uye kuvawo nezvatinoita pamisangano yechiKristu, uye kushingaira muushumiri. Zvinhu izvi zvingakubatsira kuti umutsiridze uye usimbise rudo rwawaiva narwo pakutanga.—VaEf. 5:10; 1 Pet. 3:15; Jud. 20, 21.

Ungapindura Sei?

• Zvinhu zvakaita kuti ude Jehovha zvinogona sei kukukurudzira iye zvino?

• Kufungisisa zvinhu zvakaitika muupenyu hwako zvingaita kuti uve nechokwadi chei?

• Nei uchifanira kuongorora madiro aunoita Mwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Chii chakakukwezva uye chakaita kuti ugutsikane kuti wawana chokwadi?

[Mufananidzo uri papeji 25]

Pane zvinhu zvauri kuona zvaunofanira kugadzirisa here?