Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unhu Hwatinofanira Kuva Nahwo

Unhu Hwatinofanira Kuva Nahwo

Unhu Hwatinofanira Kuva Nahwo

“Tevera kururama, kuzvipira kuna Mwari, kutenda, rudo, kutsungirira, [uye] unyoro.”—1 TIM. 6:11.

1. Enzanisira zvinoreva shoko rokuti “tevera.”

UNOFUNGEI paunonzwa shoko rokuti “tevera”? Zvichida unofunga nezvezuva raMosesi uto revaIjipiti ‘paraidzingirira’ vaIsraeri, richibva rangotsakatika muGungwa Dzvuku. (Eks. 14:23) Kana kuti ungayeuka ngozi yaisangana nomunhu ainge auraya mumwe munhu netsaona munguva yevaIsraeri vekare. Aifanira kukurumidza kutizira kune rimwe remaguta matanhatu outiziro akasarudzwa. Zvimwe “mutsivi weropa aizomutevera aine shungu kwazvo, omubata omuuraya.”—Dheut. 19:6, Tanakh.

2. (a) Mwari akakoka vamwe vaKristu kuti vatevere mubayiro wei? (b) Jehovha anopa vaKristu vakawanda tariro ipi mazuva ano?

2 Kusiyana nemienzaniso yomuBhaibheri iri pamusoro apa, chimbofunga mafungiro akanaka aiva nomuapostora Pauro okuti: “Ndiri kuvavarira kuti ndiwane mubayiro wokudanwa kumusoro naMwari achishandisa Kristu Jesu.” (VaF. 3:14) Bhaibheri rinoratidza kuti vaKristu vakazodzwa vanosvika 144 000, kusanganisira Pauro, vanopiwa mubayiro iwoyo woupenyu hwokudenga. Vachatonga naJesu Kristu paachatonga nyika ino kwemakore ane chiuru. Chokwadi, ava vane chinangwa chakanaka chaizvo chavanokokwa naMwari kuti vatevere! Zvisinei, mazuva ano ruzhinji rwevaKristu vechokwadi rune tariro yakasiyana neiyi, kana kuti chinangwa. Jehovha anovapa norudo zvakaraswa naAdhamu naEvha, kureva kuti, tariro youpenyu husingaperi muparadhiso pasi pano vaine utano hwakakwana.—Zvak. 7:4, 9; 21:1-4.

3. Tingaratidza sei kuti tinoonga mutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa?

3 Vanhu vane chivi havagoni kuwana upenyu husingaperi kuburikidza nezvavanoedza kuita zvisina kukwana kuti vaite zvakarurama. (Isa. 64:6) Vanhu vanogona kuwana upenyu husingaperi chete nokutenda urongwa hwaMwari hworudo hwokuponesa achishandisa Jesu Kristu. Chii chatingaita kuratidza kuti tinoonga mutsa waMwari iwoyo usina kukodzera kuwanwa? Chimwe chatingaita, kuteerera murayiro uyu unoti: “Tevera kururama, kuzvipira kuna Mwari, kutenda, rudo, kutsungirira, [uye] unyoro.” (1 Tim. 6:11) Kufunga unhu uhwu kungabatsira mumwe nomumwe wedu kuti atsunge kuramba achihutevera “zvizere.”—1 VaT. 4:1.

“Tevera Kururama”

4. Nei tingava nechokwadi chokuti zvinokosha kutevera “kururama,” uye munhu anofanira kutanga kutora matanho api?

4 Mutsamba dzake dziri mbiri dzaakanyorera Timoti, muapostora Pauro akataura unhu hwatinofanira kutevera, uye nguva dzose “kururama” ndiko kwaaitanga kutaura. (1 Tim. 6:11; 2 Tim. 2:22) Uyezve, mune dzimwe ndima Bhaibheri rinoramba richitikurudzira kuti titevere kururama. (Zvir. 15:9; 21:21; Isa. 51:1) Nzira yokuti titange kuita izvi ndeyo ‘kuramba tichiwana zivo pamusoro paMwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya waakatuma, iye Jesu Kristu.’ (Joh. 17:3) Kutevera kururama kuchaita kuti munhu apfidze zvivi zvake zvaakaita kare ‘otendeuka’ kuti aite zvinodiwa naMwari.—Mab. 3:19.

5. Tinofanira kuitei kuti tive noukama hwakarurama naMwari toramba tiinahwo?

5 Vanhu vanosvika mamiriyoni vakatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha uye vakaratidza kuzvitsaurira kwavo nokubhabhatidzwa mumvura. Kana iye zvino uri muKristu akabhabhatidzwa, wakambofunga here kuti upenyu hwako hunofanira kuratidza kuti uri kuramba uchitevera kururama kana kuti hungangove huchiratidza izvozvo? Imwe nzira yaunoratidza nayo izvi ndeyokunzwisisa kubva muBhaibheri “zvakanaka nezvakaipa” pose paunoda kusarudza zvokuita muupenyu. (Verenga VaHebheru 5:14.) Somuenzaniso, kana uri muKristu ava pazera rokuroora kana kuroorwa asi usati wadaro, wakanyatsotsunga kuti usadanana nomumwe munhu asiri muKristu akabhabhatidzwa here? Kana uri kudaro uri kutevera kururama.—1 VaK. 7:39.

6. Kunyatsotevera kururama kunosanganisirei?

6 Kuva akarurama kwakasiyana nokuzviruramisa kana kuti nokuva ‘akanyanya kururama.’ (Mup. 7:16) Jesu akanyevera kuti tisaratidze kururama kwakadaro nechinangwa chokuonekwa setiri nani kupfuura vamwe. (Mat. 6:1) Kunyatsotevera kururama kune chokuita nemwoyo—kururamisa mafungiro akaipa, zvinangwa zvakaipa uye zvishuwo zvakaipa. Kana tikaramba tichiedza kuita izvi, hatizoiti zvivi zvakakomba. (Verenga Zvirevo 4:23; enzanisa naJakobho 1:14, 15.) Uyezve, Jehovha achatikomborera uye achatibatsira patinenge tichitevera humwe unhu hwechiKristu hunokosha.

“Tevera . . . Kuzvipira Kuna Mwari”

7. “Kuzvipira kuna Mwari” kunorevei?

7 Kuzvipira kunosanganisira kuzvitsaurira nomwoyo wose uye kuvimbika. Rimwe duramazwi reBhaibheri rinoti shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kuzvipira kuna Mwari” rinoreva “zvakanakira kutya Mwari uye kunyatsokukoshesa.” VaIsraeri vaiwanzokundikana kuratidza kuzvipira kwakadaro, sezvinoonekwa nokusateerera kwavaiita kunyange pashure pokunge Mwari avasunungura kubva kuIjipiti.

8. (a) Chivi chaAdhamu chakaita kuti pave nomubvunzo upi? (b) Mhinduro ye“chakavanzika chitsvene” ichi yakabudiswa sei pachena?

8 Kwezviuru zvemakore pashure pokunge munhu akakwana Adhamu atadza, mubvunzo uyu wakanga usati wapindurwa wokuti, “Pane munhu angazvipira kuna Mwari zvakakwana here?” Munguva yose iyi, hapana munhu asina kukwana akakwanisa kurarama upenyu hwokuzvipira kwakakwana kuna Mwari. Asi panguva yake yakakodzera, Jehovha akapa mhinduro ye“chakavanzika chitsvene” ichi. Akatamisira mudumbu raMariya upenyu hweMwanakomana wake wokudenga akaberekwa ari oga kuti aberekwe ari munhu akakwana. Muupenyu hwake hwose ari pasi pano uye kubatanidza rufu rwake runonyadzisa, Jesu akaratidza zvinoreva kuzvipira nomwoyo wose uye kuvimbika zvakazara kuna Mwari wechokwadi. Minyengetero yake yakaratidza kuti anoremekedza Baba vake vokudenga vane rudo. (Mat. 11:25; Joh. 12:27, 28) Saka Jehovha akafuridzira Pauro kutaura nezvo“kuzvipira kuna Mwari” achirondedzera mararamiro aJesu aiva akanaka.—Verenga 1 Timoti 3:16.

9. Tingatevera sei kuzvipira kuna Mwari?

9 Zvatiine chivi hatigoni kuratidza kuzvipira kuna Mwari zvakakwana. Asi tinogona kukutevera. Izvi zvinoda kuti tinyatsotevera muenzaniso waKristu nepatinokwanisa. (1 Pet. 2:21) Tikadaro hatizofanani nevanyengeri “vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari, asi vachikundikana kurarama maererano nesimba rakwo.” (2 Tim. 3:5) Izvi hazvirevi kuti kuratidzika kwedu hakuna basa pakuzvipira kwedu kuna Mwari. Chokwadi kunokosha. Somuenzaniso, patinenge tichisarudza zvokupfeka pamuchato kana kuti patinenge tichienda kunotenga, nguva dzose tinofanira kupfeka maererano nezvatinotaura kuti ‘tinotya Mwari.’ (1 Tim. 2:9, 10) Chokwadi, kuti titevere kuzvipira kuna Mwari zvinoda kuti tifunge nezvemitemo yaMwari yakarurama muupenyu hwedu hwezuva nezuva.

“Tevera . . . Kutenda”

10. Chii chatinofanira kuita kuti tirambe takasimba mukutenda?

10 Verenga VaRoma 10:17. Kuti muKristu ave akasimba mukutenda oramba akadaro, anofanira kuramba achifungisisa chokwadi chinokosha chiri muShoko raMwari. “Muranda akatendeka, akangwara” akatibudisira mabhuku akawanda akanaka. Mamwe mabhuku matatu aakatipa akanaka chaizvo ndeaya, Munhu Mukurusa Ati Amborarama, Dzidza Kumudzidzisi Mukuru, uye ‘Uya Uve Muteveri Wangu,’ mabhuku akagadzirirwa kutibatsira kunyatsoziva Kristu uye zvoita kuti tikwanise kumutevedzera. (Mat. 24:45-47) Boka romuranda rinotirongerawo misangano, magungano edunhu neeruwa uye mazhinji acho anosimbisa “shoko pamusoro paKristu.” Unoona here uchigona kushandisa zvakanaka urongwa uhwu munzira ipi neipi zvayo paunenge ‘uchiteerera kupfuura zvaunogara uchiita’ pane zvatiri kupiwa naMwari?—VaH. 2:1.

11. Munyengetero nokuteerera zvinobatsirei patinenge tichitevera kutenda?

11 Munyengetero unotibatsirawo kuti tive nokutenda kwakasimba. Vateveri vaJesu vakambomuteterera vachiti: “Tiwedzereiwo kutenda.” Tinogonawo kuteterera kuna Mwari tichizvininipisa kuti tive nokutenda. (Ruka 17:5) Kuti tiwedzerwe kutenda, tinofanira kunyengeterera kubatsirwa nomudzimu mutsvene waMwari nokuti kutenda chimwewo ‘chezvibereko zvomudzimu.’ (VaG. 5:22) Uyezve, kuteerera mitemo yaMwari kunosimbisa kutenda kwedu. Somuenzaniso, tingawedzera nguva yatinoshanda mubasa rokuparidza. Izvi zvingaita kuti tifare zvikuru. Uye patinofungisisa zvikomborero zvinowanika no“kutsvaka umambo [hwaMwari] nokururama kwake,” kutenda kwedu kuchawedzera.—Mat. 6:33.

“Tevera . . . Rudo”

12, 13. (a) Murayiro mutsva waJesu unoti kudii? (b) Tinofanira kutevera rudo rwaKristu munzira dzipi dzinokosha?

12 Verenga 1 Timoti 5:1, 2. Pauro akapa zano rinoshandisika rokuti vaKristu vangaratidzirana sei rudo. Kuzvipira kwedu kuna Mwari kunofanira kusanganisira kuteerera murayiro mutsva waJesu ‘wokudanana’ sokuda kwaakatiita. (Joh. 13:34) Muapostora Johani akataura kuti: “Munhu ane zvokutsigira upenyu zvenyika ino akaona hama yake ichishayiwa, iye oramba kumunzwira tsitsi kwazvo, kuda Mwari kunoramba kuri maari sei?” (1 Joh. 3:17) Ungafunga here pawakamboratidzawo rudo uchibatsira mumwe munhu?

13 Imwe nzira yatinogona kuratidza kuti tiri kutevera rudo ndeyokukanganwira vamwe, kusachengeta zvigumbu nehama dzedu. (Verenga 1 Johani 4:20.) Pane kudaro, tinoda kushandisa zano iri rakafuridzirwa rinoti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha zvaakakukanganwirai nomwoyo wose, imiwo itai saizvozvo.” (VaK. 3:13) Muungano mune mumwe munhu waungashandisira zano iri here? Uchamukanganwira here?

“Tevera . . . Kutsungirira”

14. Tingadzidzei kuungano yeFiradhefiya?

14 Kuzvishandisa nesimba kuti tiite chinangwa chinotipa mubayiro munguva pfupi kungava nyore asi kungava kwakaoma kana chinangwa chacho chakaoma kana kuti chichizotipa mubayiro munguva iri kure kupfuura yatinotarisira. Zviri pachena kuti tinofanira kutsungirira kuti titevere chinangwa choupenyu husingaperi. Ishe Jesu akaudza ungano yeFiradhefiya kuti: “Zvawakachengeta shoko pamusoro pokutsungirira kwangu, ini ndichakuchengetawo paawa yokuedzwa.” (Zvak. 3:10) Chokwadi, akadzidzisa achiratidza kuti tinofanira kutsungirira nokuti unhu uhwu hunotibatsira kuti tisakanda mapfumo pasi patinosangana nemiedzo. Hama dzaiva muungano yomuzana remakore rokutanga yeFiradhefiya dzinofanira kunge dzakaratidza kutsungirira mumiedzo yakawanda yaida kutenda. Saka Jesu akadzivimbisa kuti aizodzibatsira mumiedzo yaizouya mberi.—Ruka 16:10.

15. Jesu akadzidzisei nezvokutsungirira?

15 Jesu aiziva kuti vateveri vake vaizovengwa nevanhu vasingatendi vavaiva noukama navo uyewo nenyika, saka kanenge kaviri akavakurudzira achiti: “Anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.” (Mat. 10:22; 24:13) Jesu akaratidzawo kuti vadzidzi vake panguva iyoyo vaizowana sei simba rokutsungirira. Mune mumwe muenzaniso, akafananidza ivhu rine matombo nevanhu “vanogamuchira shoko [raMwari] nomufaro” asi vanorega kumutevera pavanosangana nemiedzo yokutenda. Zvisinei, akafananidza vateveri vake vakatendeka neivhu rakanaka pakuti ‘vanochengeta’ shoko raMwari “vobereka zvibereko nokutsungirira.”—Ruka 8:13, 15.

16. Urongwa hupi hworudo hwakabatsira mamiriyoni kutsungirira?

16 Taona here chinoita kuti titsungirire? Tinofanira ‘kuchengeta’ shoko raMwari riri benyu mumwoyo nomupfungwa dzedu. Zvatiine Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene—Bhaibheri riri nyore kuverenga, rakarurama, rinowanika mumitauro yakawanda, zvava kuita kuti tikwanise kudaro. Kufungisisa chikamu cheShoko raMwari zuva nezuva kuchatibatsira kuti tiwane simba ratinoda kuti tirambe tichibereka zvibereko “nokutsungirira.”—Pis. 1:1, 2.

“Tevera . . . Unyoro” uye Rugare

17. (a) Nei “unyoro” huchikosha zvikuru? (b) Jesu akaratidza sei kuti aiva munyoro?

17 Hapana munhu anofarira kupiwa mhosva yechinhu chaasina kutaura kana kuita. Pavanopomerwa zvisiri izvo, vanhu vanowanzoramba nehasha. Zvaizova zviri nani chaizvo kuratidza “unyoro”! (Verenga Zvirevo 15:1.) Zvinoda simba guru kuti tive vanyoro patinenge tichitsoropodzwa zvisina kururama. Jesu Kristu akasiya muenzaniso wakakwana panyaya iyi. “Paakanga achitukwa, haana kutanga kutukawo. Paakanga achitambura, haana kutanga kutyisidzira, asi akaramba achizviisa kune uya anotonga zvakarurama.” (1 Pet. 2:23) Hatigoni kutarisira kuti tingaita sezvakaitwa naJesu panyaya iyi, asi tingashandira here kuti tiwedzere kuratidza kwatinoita unyoro?

18. (a) Zvinhu zvipi zvakanaka zvinovapo nokuva munyoro? (b) Ndohupi humwe unhu hwatinokurudzirwa kutevera?

18 Tichitevedzera Jesu, ‘ngatigarei takagadzirira kudzivirira’ zvatinotenda, ‘tichiita izvozvo nounyoro noruremekedzo rukuru.’ (1 Pet. 3:15) Chokwadi, kuva vanyoro kunoita kuti kusiyana kwezvatinofunga kusaguma nokukakavadzana nevanhu vatinosangana navo muushumiri uye nevatinonamata navo. (2 Tim. 2:24, 25) Unyoro hunoita kuti tive norugare. Zvichida ndosaka mutsamba yake yechipiri kuna Timoti, Pauro akataura nezvo“rugare” pamwe chete nohumwe unhu hwatinofanira kutevera. (2 Tim. 2:22; enzanisa na1 Timoti 6:11) Chokwadi, “rugare” ndohumwe unhu hwatinokurudzirwa neMagwaro kuti titevere.—Pis. 34:14; VaH. 12:14.

19. Pashure pokukurukura unhu hunomwe hwechiKristu, watsunga kuteverei, uye nei?

19 Tataura muchidimbu unhu hunomwe hwechiKristu hwatinokurudzirwa kuti titevere—kururama, kuzvipira kuna Mwari, kutenda, rudo, kutsungirira, unyoro uye rugare. Chokwadi chikomborero muungano dzose kana hama nehanzvadzi dzichishanda nesimba kuti dziratidze zvizere unhu uhwu hunokosha! Izvi zvichaita kuti Jehovha akudzwe uye aumbe mumwe nomumwe wedu obva arumbidzwa.

Pfungwa Dzokufungisisa

• Kutevera kururama uye kuzvipira kuna Mwari kunosanganisirei?

• Chii chichatibatsira kuti titevere kutenda nokutsungirira?

• Rudo runofanira kuita kuti tibate vamwe sei?

• Nei tichifanira kutevera unyoro norugare?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 12]

Jesu akanyevera nezvokuzviruramisa nechinangwa chokuti uonekwe nevanhu

[Mufananidzo uri papeji 13]

Tinogona kutevera kutenda nokufungisisa chokwadi chiri muShoko raMwari

[Mufananidzo uri papeji 15]

Tinogona kutevera rudo nounyoro