Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wakagadzirira Kudzivirira Zvaunotenda Here?

Wakagadzirira Kudzivirira Zvaunotenda Here?

Wakagadzirira Kudzivirira Zvaunotenda Here?

WAKAMBOSANGANA nemamwe mamiriro ezvinhu okuti wakanzwa uchifanira kudzivirira zvaunotenda here? Chimbofunga zvakaitika kuna Susana, hanzvadzi iri muParaguay ine makore 16. Paaiva mukirasi kuchikoro chesekondari, pakataurwa mashoko okuti Zvapupu zvaJehovha hazvibvumi “Testamende Yekare,” Jesu Kristu, kana kuti Mariya. Pakataurwawo kuti Zvapupu vanhu vanonyanyisa pane zvavanotenda vangatobvuma kufa pane kuti vabvume kurapwa. Kudai uri iwe ungadai wakaita sei?

Susana akanyengetera kuna Jehovha achibva asimudza ruoko rwake. Vakanga vava kuda kupedza chidzidzo chacho, saka Susana akakumbira mudzidzisi wake kuti ataurire kirasi yake zvaanotenda somumwe weZvapupu zvaJehovha. Mudzidzisi wacho akabva angobvuma. Mumavhiki maviri akatevera, Susana aigadzirira achishandisa bhurocha rinonzi Zvapupu zvaJehovha—Ndivanaani? Zvinodavirei?

Zuva rokuudza kirasi rakasvika. Susana akatsanangura kuti nei tichinzi Zvapupu zvaJehovha. Akatsanangurawo tariro yedu yomunguva yemberi uye kuti nei tisingabvumi kuwedzerwa ropa. Adaro akabva akumbira kirasi kuti ibvunze mibvunzo. Vadzidzi vakawanda vakasimudza maoko avo. Mudzidzisi wacho akaomeswa mate mukanwa nokupindura kwaiita musikana wacho mibvunzo achishandisa Magwaro.

Mumwe mudzidzi akati, “Ndakamboenda kuImba yoUmambo kamwe chete, uye handina kumboona kana chifananidzo chimwe chete zvacho.” Mudzidzisi wacho akada kuziva kuti nei. Susana akaverenga Pisarema 115:4-8 naEksodho 20:4. Ashamiswa, mudzidzisi wacho akati, “Nei machechi edu akazara nezvifananidzo asi Bhaibheri richizvirambidza?”

Kukurukurirana uku nemibvunzo nemhinduro kwakaenderera mberi kwemaminitsi 40. Susana paakabvunza kirasi yacho kana yaida kuona vhidhiyo inonzi No Blood—Medicine Meets the Challenge, vose vakabvuma. Saka mudzidzisi akaronga kuti pave nenguva yokuona vhidhiyo iyi mangwana acho. Vapedza kuona vhidhiyo yacho, Susana akatsanangura nezvemamwe marapiro asiri okuwedzera ropa anoshandiswa nezvimwe Zvapupu zvaJehovha. Nezvazvo, mudzidzisi wacho akati: “Ndakanga ndisingazivi kuti pane dzimwe nzira dzakawanda dzokurapa pasingashandiswi ropa; uye ndakanga ndisingazivi kubatsira kwokurapa pasina ropa. Nzira idzi dzinongoshandiswa chete neZvapupu zvaJehovha here?” Mudzidzisi wacho paakaudzwa kuti kwete, akabva ati, “Zvapupu zvaJehovha pazvichauya kumba kwangu, ndichada kumbokurukura nazvo.”

Kukurukurirana kwemaminitsi 20 kwakanga kwagadzirirwa naSusana kwakazoguma kwava kwemaawa matatu. Vhiki imwe chete gare gare, vamwe vadzidzi vakakurukurawo zvavanotenda kumachechi kwavo. Vapedza, mibvunzo yakawanda yakabvunzwa, asi vadzidzi vacho havana kukwanisa kudzivirira zvavaitenda. Mudzidzisi wacho akavabvunza kuti, “Nei musingakwanisi kudzivirira zvamunotenda sezvakaita mumwe wenyu ari mumwe weZvapupu zvaJehovha?”

Vakapindura kuti: “Nokuti vanonyatsodzidza Bhaibheri. Isu hatidaro.”

Achitaura naSusana, mudzidzisi wacho akati: “Unonyatsodzidza Bhaibheri uye unoedza kuita zvarinotaura. Wakakodzera kurumbidzwa.”

Susana angadai akaramba akanyarara. Asi nokuti akataura zvaaitenda, akatevedzera muenzaniso wakaisvonaka wekamwe kasikana kechiIsraeri kakanga katapwa nevaSiriya. Kasikana ikako kakava muimba yomumwe mukuru mukuru wokuSiriya ainzi Naamani, aiva nemaperembudzi. Kasikana kacho kakataura kachiudza tenzikadzi wako kuti: “Kudai ishe wangu aiva pamberi pomuprofita ari kuSamariya! Iye aizomuporesa maperembudzi ake.” Kasikana kacho hakana kurega kupupura nezvaMwari wechokwadi. Izvi zvakaita kuti tenzi wako Naamani anamate Jehovha.—2 Madz. 5:3, 17.

Saizvozvowo, Susana haana kurega kupupura nezvaJehovha nevanhu vake. Nokutanga kutaura achidzivirira zvaaitenda pazvakashorwa, Susana akanga achiteerera murayiro weMagwaro unoti: “Tsvenesai Kristu saShe mumwoyo menyu, muchigara makagadzirira kuzvidzivirira kune munhu wose anokubvunzai chikonzero chetariro iri mamuri, asi muchiita izvozvo nounyoro noruremekedzo rukuru.” (1 Pet. 3:15) Wagadzirira kudzivirira zvaunotenda here uye kutanga kutaura panomuka mukana wacho?

[Mufananidzo uri papeji 17]

Zvinhu izvi zvinogona kukubatsira kudzivirira zvaunotenda