Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinhu Zvatinofanira Kutiza

Zvinhu Zvatinofanira Kutiza

Zvinhu Zvatinofanira Kutiza

“Imi vana venyoka, ndiani akakunyeurirai kuti mutize hasha dzinouya?”—MAT. 3:7.

1. Mienzaniso ipi iri muBhaibheri yevamwe vanhu vakatiza?

UNOFUNGEI paunonzwa shoko rokuti ‘kutiza’? Vamwe vangatanga kufunga nezvaJosefa, jaya rakanga rakanaka richitiza mudzimai waPotifari aida kuribata kuti arare naro. (Gen. 39:7-12) Vamwe vangafunga nezvevaKristu vakatiza muJerusarema mugore ra66 C.E., vakateerera nyevero yaJesu yokuti: “Pamunoona Jerusarema rakombwa nemauto akadzika misasa, panguva iyoyo . . . vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo, nevaya vari mukati maro ngavabude.”—Ruka 21:20, 21.

2, 3. (a) Johani Mubhabhatidzi aimborevei chaizvo paakatsoropodza vatungamiriri vechitendero? (b) Jesu akasimbisa sei nyevero yakanga yambopiwa naJohani?

2 Mienzaniso yataurwa pamusoro apa inosanganisira kutiza chaiko. Mazuva ano, vaKristu vari munyika dzinenge dzose vanofanira kutiza nokukurumidza mupfungwa yokufananidzira. Johani Mubhabhatidzi akashandisa shoko rokuti ‘kutiza’ mupfungwa iyoyi. Pane vaya vakauya kuzoona Johani paiva nevatungamiriri vaizviruramisa vechitendero chechiJudha vaifunga kuti vakanga vasingafaniri kupfidza. Vaizvidza vanhuwo zvavo vaibhabhatidzwa vachiratidza kupfidza kwavo. Asingatyi, Johani akafumura vatungamiriri ivavo vainyengera achiti: “Imi vana venyoka, ndiani akakunyeurirai kuti mutize hasha dzinouya? Naizvozvo berekai zvibereko zvakakodzera rupfidzo.”—Mat. 3:7, 8.

3 Johani akanga asiri kutaura nezvokutiza chaiko. Akanga ari kunyevera nezvokutonga kwaiuya, zuva rehasha; uye akaudza vatungamiriri vechitendero ivavo kuti kana vaizofanira kutiza pazuva iroro, vaifanira kubereka zvibereko zvairatidza kuti vakanga vapfidza. Pava paya, Jesu akatuka asingatyi vatungamiriri ivavo vechitendero—mafungiro avo oumhondi airatidza kuti baba vavo chaivo vaiva Dhiyabhorosi. (Joh. 8:44) Achisimbisa nyevero yakanga yambopiwa naJohani, Jesu akavati “vana venyoka” ndokuvabvunza kuti: “Muchatiza sei kutonga kweGehena?” (Mat. 23:33) Jesu airevei paakati “Gehena”?

4. Jesu airevei paakataura ‘nezveGehena’?

4 Gehena wakanga uri mupata waiva kunze kwemasvingo eJerusarema kwaipisirwa marara nezvitunha zvemhuka. Jesu akashandisa shoko rokuti Gehena kuratidza kufa zvachose. (Ona peji 27.) Paakabvunza nezvokutiza muGehena airatidza kuti vatungamiriri ivavo vechitendero seboka vakanga vakakodzera kuparadzwa zvachose.—Mat. 5:22, 29.

5. Zvakanyeverwa naJohani naJesu zvakazadzika sei?

5 Vatungamiriri vechiJudha vakawedzera zvivi zvavo nokutambudza Jesu nevateveri vake. Gare gare, sokunyevera kwakanga kwaita Johani naJesu, zuva rehasha dzaMwari rakasvika. Panguva iyi, “hasha dzinouya” dzakangova panzvimbo imwe chete, Jerusarema neJudhiya, saka zvaiita kuita zvokutiza chaizvo. Hasha dzakaratidzwa pakaparadzwa Jerusarema netemberi yaro nemauto evaRoma muna 70 C.E. “Kutambudzika” kwacho kwakanga kwakakura kupfuura kwose kwakanga kwamboitika muJerusarema. Vakawanda vakaurayiwa uye vakatapwa. Izvi zvaimiririra kuparadzwa kukuru kwakamirira vakawanda vanozviti vaKristu uye vaya vezvimwe zvitendero.—Mat. 24:21.

Hasha Dziri Mberi Dzinofanira Kutizwa

6. Chii chakatanga kuitika muungano yechiKristu yepakutanga?

6 Vamwe vaKristu vepakutanga vakaramba kutenda uye vakawana vakavateverawo. (Mab. 20:29, 30) Vaapostora vaJesu pavakanga vachiri vapenyu, vaiita “sesimba rinodzivisa” kuramba kutenda ikoko, asi vafa, mapoka akawanda evaKristu venhema akavapo. Mazuva ano, kune mazana ezvitendero zvechiKristudhomu zvine dzidziso dzinopesana. Bhaibheri rakafanotaura kuti vafundisi vechiKristudhomu vaizowedzera, richivarondedzera vose so“munhu asingateereri mutemo” uye so“mwanakomana wokuparadzwa . . . uya achaparadzwa naIshe Jesu . . . uye waachaparadza nokuoneka kwokuvapo kwake.”—2 VaT. 2:3, 6-8.

7. Nei mashoko okuti “munhu asingateereri mutemo” achikodzera vafundisi vechiKristudhomu?

7 Vafundisi vechiKristudhomu havateereri mukuti vakatsausa mamiriyoni akawanda nokusimudzira dzidziso, mazororo, uye tsika zvinopesana neBhaibheri. Kufanana nevatungamiriri vechitendero vakatukwa naJesu, vamwe vari kunamata mazuva ano ndevamwewo ve“mwanakomana wokuparadzwa” vachaparadzwa pasina tariro yorumuko. (2 VaT. 1:6-9) Zvisinei, chii chakamirira vanhu vakatsauswa nevafundisi vechiKristudhomu nevamwe vafundisi vezvimwe zvitendero zvenhema? Kuti tipindure mubvunzo uyu, ngatimbokurukura zvakamboitika pakatanga kuparadzwa Jerusarema muna 607 B.C.E.

“Tizai muBhabhironi”

8, 9. (a) Jeremiya akataura mashoko api ouprofita maererano nevaJudha vaiva nhapwa muBhabhironi? (b) Pashure pokukundwa kweBhabhironi nevaMedhiya nevaPezhiya, kutiza kworudzii kwakaitika?

8 Muprofita Jeremiya akafanotaura kuparadzwa kweJerusarema kwakaitika muna 607 B.C.E. Akataura kuti vanhu vaMwari vaizotorwa senhapwa asi vaizodzorerwa kunyika yokumusha kwavo pashure pe“makore makumi manomwe.” (Jer. 29:4, 10) Jeremiya aiva nemashoko anokosha evaJudha vaiva nhapwa muBhabhironi; vaifanira kuramba vasina kusvibiswa nechitendero chenhema chaiva muBhabhironi. Izvi zvaizoita kuti vave vakagadzirira kudzokera kuJerusarema votangazve kunamata zvakachena kana nguva yakagadzwa yasvika. Izvi zvakaitika nguva pfupi pashure pokunge vaMedhiya nevaPezhiya vakunda vaBhabhironi muna 539 B.C.E. Mambo wePezhiya, Koreshi II akabudisa murayiro wokuti vaJudha vadzokere vanovakazve temberi yaJehovha muJerusarema.—Ezra 1:1-4.

9 Zviuru zvevaJudha zvakashandisa mukana uyu uye zvakadzokera. (Ezra 2:64-67) Pavakaita izvi, vakazadzika uprofita hwakataurwa naJeremiya hwaitaura nezvokutiza kwavo, vachitamira kune imwe nzvimbo. (Verenga Jeremiya 51:6, 45, 50.) Mamiriro ezvinhu haana kubvumira vaJudha vose kuti vafambe rwendo urwu rurefu rwokudzokera kuJerusarema neJudha. Vaya vakasara muBhabhironi, vakadai saDhanieri muprofita akanga akwegura, vaigona kukomborerwa naMwari chero bedzi vaizotsigira nomwoyo wose kunamatwa kwake kwakachena kwaiitwa muJerusarema uye vachiramba vakaparadzana nokunamata kwenhema kwaiitwa muBhabhironi.

10. “Zvinhu zvinonyangadza” zvipi zviri kuitwa ne“Bhabhironi Guru”?

10 Mazuva ano, mabhiriyoni evanhu vari muzvitendero zvakasiyana-siyana zvenhema zvakatangira kuBhabhironi rekare. (Gen. 11:6-9) Pamwe chete, zvitendero izvozvi zvinozivikanwa se“Bhabhironi Guru, amai vemahure uye vezvinhu zvinonyangadza zvenyika.” (Zvak. 17:5) Kubvira kare chitendero chenhema chave chichitsigira vatongi vezvematongerwo enyika ino. Pakati pe“zvinhu zvinonyangadza” zvarinoita pane hondo dzakawanda dzakaguma ‘nokuurayiwa kwemazana emamiriyoni evanhu panyika.’ (Zvak. 18:24) Zvimwe “zvinhu zvinonyangadza” zvinosanganisira kushinha nevana uye humwe unzenza hunoitwa nevafundisi uye vakuru vakuru vechechi havana zvavanoita nezvazvo. Zvingatishamisa here kuti nokukurumidza Jehovha Mwari achabvisa chitendero chenhema panyika?—Zvak. 18:8.

11. VaKristu vechokwadi vanofanira kuitei Bhabhironi Guru risati raparadzwa?

11 VaKristu vechokwadi vanoziva izvi vanofanira kunyevera nhengo dzeBhabhironi Guru. Imwe nzira yavanoita nayo izvi ndeyokuparadzira maBhaibheri nemabhuku anobudiswa ne“muranda akatendeka, akangwara” akagadzwa naJesu kuti ape ‘zvokudya zvokunamata panguva yakakodzera.’ (Mat. 24:45) Kana vanhu vakafarira shoko reBhaibheri, panoitwa urongwa hwokuti vabatsirwe kudzidza Bhaibheri. Zvichida vachaona kuti vanofanira ‘kutiza muBhabhironi’ nguva ichiripo.—Zvak. 18:4.

Tizai Kunamata Zvidhori

12. Mwari anoona sei kunamata zvifananidzo nezvidhori?

12 Chimwe chinhu chinosembura chinowanzoitwa muBhabhironi Guru ndechokunamata zvifananidzo nezvidhori. Mwari anozviti ‘zvinhu zvinonyangadza nezvidhori zvinosembura sendove.’ (Dheut. 29:17) Vose vanoda kufadza Mwari havafaniri kunamata zvidhori, vachiita maererano nemashoko aMwari anoti: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu; handizopi kukudzwa kwangu kune mumwe munhu, nokurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.”—Isa. 42:8.

13. Tinofanira kutiza nzira dzipi dzisinganyatsooneki dzokunamata zvidhori?

13 Shoko raMwari rinofumurawo nzira dzisinganyatsooneki dzokunamata zvidhori. Somuenzaniso, rinoti kuchochora “kunamata zvidhori.” (VaK. 3:5) Kuchochora zvinoreva kuda chinhu chinorambidzwa, zvakadai sezvinhu zvomumwe munhu. (Eks. 20:17) Ngirozi yakazova Satani Dhiyabhorosi yakatanga kuchochora kuti ive yakafanana noWokumusorosoro uye kuti inamatwe. (Ruka 4:5-7) Izvi zvakaita kuti ipandukire Jehovha uye inyengedze Evha kuti achochore chimwe chinhu chakanga charambidzwa naMwari. Neimwe nzira, Adhamu akanamatawo chidhori nokuti akabvumira chido choudyire chomudzimai wake kuti chive icho chinonyanya kukosha kupfuura kuteerera Baba vake vokudenga vane rudo. Kusiyana neizvi, vose vanoda kutiza zuva rehasha dzaMwari vanofanira kuzvipira kwaari oga vodzivisa kuchochora kwakadaro.

“Tizai Ufeve”

14-16. (a) Nei Josefa aiva muenzaniso wakanaka womunhu ane tsika? (b) Tinofanira kuitei kana tikanzwa chishuvo chisina kuchena chokuita zvepabonde? (c) Tingabudirira sei pakutiza ufeve?

14 Verenga 1 VaKorinde 6:18. Paaida kunyengedzwa nomudzimai waPotifari, Josefa akaita chitsoka ndibereke kutiza. Akasiyira vaKristu vasina kuroora nevakaroora muenzaniso wakanaka zvikuru! Zviri pachena kuti hana yaJosefa yakanga yaumbwa nezvinhu zvakamboitika kare zvairatidza maonero aiita Mwari nyaya yacho. Kana tichida kuteerera murayiro waMwari ‘wokutiza ufeve,’ tichadzivisa zvinhu zvingaita kuti mumwe munhu watisina kuroorana naye anzwe achida kuita zvepabonde nesu. Tinoudzwa kuti: “Urayai nhengo dzemiviri yenyu . . . kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomumwe munhu, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora uko kunoreva kunamata zvidhori. Hasha dzaMwari dziri kuuya nokuda kwezvinhu izvozvo.”—VaK. 3:5, 6.

15 Ona kuti “hasha dzaMwari dziri kuuya.” Vakawanda vari munyika vanova nezvido zvisina kunaka mune zvepabonde vobva vaita zvavanenge vachishuva. Naizvozvo isu vaKristu tinofanira kunyengetera kuna Mwari kuti tibatsirwe uye atipe mudzimu mutsvene kuti zvishuvo zvisina kuchena zvepabonde zvisatikanganise. Uyezve, kudzidza Bhaibheri, kupinda misangano yechiKristu, uye kuzivisa vavakidzani vedu mashoko akanaka kuchatibatsira kuti ‘tirambe tichifamba maererano nomudzimu.’ Nokudaro ‘hatizomboiti zvinodiwa nenyama.’—VaG. 5:16.

16 Chokwadi kana tichiona zvinonyadzisira tinenge ‘tisingafambi maererano nomudzimu.’ Saizvozvowo, muKristu wose anofanira kuona kuti haaoni, haaverengi, kana kuteerera zvinhu zvinoita kuti anzwe achida kuita zvepabonde. Uyewo, zvakaipa kuti “vanhu vatsvene” vaMwari vanakidzwe nokuita majee kana kukurukura zvinhu zvakadaro. (VaEf. 5:3, 4) Nokudaro tinoratidza Baba vedu vane rudo kuti tinoda chaizvo kunzvenga hasha dziri kuuya torarama munyika itsva yakarurama.

Tiza “Kuda Mari”

17, 18. Nei tichifanira kutiza “kuda mari”?

17 Mutsamba yokutanga yaakanyorera Timoti, Pauro akabudisa pachena mirayiro yaifanira kudzora vaKristu vaiva varanda, vamwe vacho vangadai vaitarisira kuwana zvinhu nokuti vanatenzi vavo vaiva vaKristu. Vamwe vangadai vakaedza kushandisa zvinhu zvitsvene kuti vawane zvinhu noudyire. Pauro akanyevera kuti vanhu vasa“funga kuti kuzvipira kuna Mwari inzira inopfumisa.” Mudzi wedambudziko racho ungave waiva wo“kuda mari,” kungakanganisa munhu wose, mupfumi kana murombo.—1 Tim. 6:1, 2, 5, 9, 10.

18 Ungafunga here nezvemienzaniso yevanhu vomuBhaibheri vakakanganisa ukama hwavo naMwari no“kuda mari” kana kuda zvimwe zvinhu zvisinganyanyi kukosha zvinogona kutengwa nemari? (Josh. 7:11, 21; 2 Madz. 5:20, 25-27) Pauro akakurudzira Timoti kuti: “Zvisinei, haiwa iwe munhu waMwari, tiza zvinhu izvi. Asi tevera kururama, kuzvipira kuna Mwari, kutenda, rudo, kutsungirira, unyoro.” (1 Tim. 6:11) Zvinokosha kuti vose vanoda kupukunyuka zuva rehasha riri kuuya vateerere zano iroro.

“Tiza Kuchiva Kwouduku”

19. Vechiduku vose vanodei?

19 Verenga Zvirevo 22:15. Upenzi huri mumwoyo womunhu wechiduku hunogona kumutsausa zviri nyore. Chimwe chingabatsira kukurira izvi izano romuBhaibheri. VaKristu vakawanda vechiduku vane vabereki vasingatendi vanotsvaka kuziva mirayiro yeBhaibheri uye kuishandisa. Vamwe vanobatsirwa nemazano ouchenjeri anobva kune vakasimba pakunamata vari muungano. Pasinei nokuti zano romuBhaibheri rinobva kuna ani, kuriteerera kunoita kuti munhu afare iye zvino uye munguva yemberi.—VaH. 12:8-11.

20. Vechiduku vangabatsirwa sei kuti vatize zvishuvo zvakaipa?

20 Verenga 2 Timoti 2:20-22. Vechiduku vakawanda vane mwoyo isina kuwana mazano anobatsira vakaita zvoupenzi, zvakadai semakwikwi, kuchochora, ufeve, kuda mari uye kudzingirirana nemafaro. Izvi zvinoratidza “kuchiva kwouduku” kwatinokurudzirwa neBhaibheri kuti titize. Kuti atize, muKristu wechiduku anofanira kuramba zvinhu zvinokuvadza, pasinei nokuti zvinobva kupi. Zano raMwari rokuti tive nounhu hwake ndiro rinobatsira zvikuru “pamwe chete nevaya vanodana panaShe zvichibva pamwoyo wakachena.”

21. Jesu Kristu akapa vimbiso ipi inoshamisa kuvateveri vake vakafanana nemakwai?

21 Pasinei nokuti tiri vaduku kana kuti vakuru, kuramba kuteerera vanhu vanoedza kutitsausa kunoratidza kuti tinoda kuverengwa pakati pevateveri vaJesu vakafanana nemakwai ‘anotiza inzwi revanhu vaasingazivi.’ (Joh. 10:5) Zvisinei, kuti titize zuva raMwari rehasha, pane zvakawanda zvatinofanira kuita zvinopfuura kungotiza zvinhu zvinokuvadza. Tinofanirawo kuva nounhu hwakanaka. Nyaya inotevera ichakurukura hunomwe hwacho. Tine chikonzero chakanaka chokuongorora izvi zvakare nokuti Jesu akavimbisa kuti: “Ndinoapa [makwai angu] upenyu husingaperi, uye haazomboparadzwi, uye hapana achaabvuta muruoko rwangu.”—Joh. 10:28.

Ungapindura Sei?

• Jesu akanyeverei vatungamiriri vechitendero?

• Nhasi mamiriyoni anotarisana nemamiriro ezvinhu api ane ngozi?

• Inzira dzipi dzokunamata zvifananidzo dzisinganyatsooneki dzatinofanira kutiza?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 8, 9]

Unofungei paunonzwa shoko rokuti ‘kutiza’?