Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ita Zvinoenderana Nezvaunokwanisa Kuti Ufare

Ita Zvinoenderana Nezvaunokwanisa Kuti Ufare

Ita Zvinoenderana Nezvaunokwanisa Kuti Ufare

“NDATADZA zvakare!” Kangani kawakazvidemba saizvozvo pawakanga watadza kuita zvawainge waronga? Amai vechiduku vane kacheche vanganzwa saizvozvo nokuti vanenge vaneta chaizvo nokutarisira kacheche kavo uye vachishungurudzwa nokuti havachakwanisi kuita zvakawanda zvine chokuita nebasa ravo somuKristu. Mumwewo muKristu anganzwa sokuti haakwanisi kuita zvakawanda nemhaka yemarererwo aakaitwa, ofunga kuti zvaanoita muungano hazvina kukwana. MuKristu akwegura angaodzwa mwoyo nokuti haachakwanisi kuita zvizere mabasa echiKristu aainakidzwa nawo paaiva achine simba uye makumbo achada. “Dzimwe nguva hurukuro inenge ichikurudzira basa rokupayona inogona kundichemedza,” anodaro Christiane, anotadziswa kuita zvakawanda zvaangada kuita mubasa raJehovha nemamiriro ezvinhu omumhuri yake.

Tingaita sei patinonzwa saizvozvo? Vamwe vaKristu vakaita sei kuti vaone zvinhu sezvazviri? Zvinobatsirei kuona zvinhu sezvazviri?

Usatarisira Kuita Zvausingakwanisi

Muapostora Pauro anotiudza zvingaita kuti tirambe tichifara paanoti: “Garai muchifara munaShe. Ndinotizve, Farai! Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vose. Ishe ari pedyo.” (VaF. 4:4, 5) Kuti tifare uye tigutsikane nebasa ratinoitira Mwari, tinofanira kuona mamiriro edu ezvinhu torega kutarisira zvatisingakwanisi. Kana tikaedza kuita zvatisingakwanisi, tinopedzisira tangozviomesera. Asiwo tinofanira kungwarira kuti tisanyanya kungozviregerera, torega kuita zvatinofanira kuita muushumiri hwechiKristu tichizvipembedza nezvatinofunga kuti hatikwanisi kuita.

Pasinei nemamiriro edu ezvinhu, Jehovha anoda kuti timupe zvakanakisisa zvedu, kureva kuita basa rake nomweya wose uye nomwoyo wose. (VaK. 3:23, 24) Kana tikasapa Jehovha zvakanakisisa zvedu, tinenge tisiri kurarama zvinoenderana nokuzvitsaurira kwatakaita kwaari. (VaR. 12:1) Uyezve, tinenge tichizvitadzisa kunyatsogutsikana, kufara zvechokwadi, uye kuwana zvimwe zvikomborero zvakakura zvinobva pakuita basa rake nomweya wose.—Zvir. 10:22.

Shoko rakashandurwa kuti “kunzwisisa” muBhaibheri rine pfungwa yokuchinja zvawaimbofunga. (Jak. 3:17) Shoko racho rinewo pfungwa yokusanyanya kuzviomesera. Saka kana tichinzwisisa, tichaita zvatinokwanisa zvichienderana nemamiriro edu ezvinhu. Zvakaoma here izvozvo? Kune vamwe zvakaoma, kunyange zvazvo vachinzwisisa pavanofunga nezvevamwe. Somuenzaniso, kana shamwari yako yepamwoyo ikaratidza kuti yaneta chaizvo nokuti iri kushanda zvakanyanyisa, haungaedzi kumubatsira kuona kuti ane zvaanofanira kuchinja muupenyu hwake here? Saizvozvowo, tinofanira kudzidza kuona zvinhu zvingaratidza kuti tiri kunyanya kuita zvatisingakwanisi.—Zvir. 11:17.

Kubvuma kuti pane zvatisingakwanisi kuita kunganyanya kutiomera kana takarerwa nevabereki vaitarisira kuti tiite zvakawandisa. Pavaiva vaduku, vamwe vaiona sokuti vaifanira kugara vachiita zvakawanda kana kuti zvakanaka kuti vadiwe nevabereki vavo. Kana takarerwa saizvozvo, tingasava nemafungiro akanaka nezvemaonerwo atinoitwa naJehovha. Jehovha anotida nokuti tinoita basa rake nomwoyo wose. Shoko raMwari rinotivimbisa kuti Jehovha “anonyatsoziva maumbirwo atakaitwa, achiyeuka kuti tiri guruva.” (Pis. 103:14) Anoziva zvatisingakwanisi kuita uye anotida patinomushumira tichishingaira kunyange zvakadaro. Kuyeuka kuti Mwari wedu haanyanyi kutarisira zvakawanda kuchatibatsira kuva nomwero pane zvatinotarisira kuti tiite, tichiziva zvatisingakwanisi.—Mika 6:8.

Kunyange zvakadaro, vamwe vanoomerwa nokuva nemaonero akadaro. Kana iwe uchiomerwawo, wadii kukumbira kubatsirwa nomuKristu ane ruzivo anokuziva zviri nani? (Zvir. 27:9) Somuenzaniso, unoda kuva piyona wenguva dzose here? Ichocho chinangwa chakanaka chaizvo! Zviri kukuomera here kuita kuti chinangwa ichocho chibudirire? Pamwe unofanira kubatsirwa kurarama usina zvimwe zvakawanda zvisingakoshi. Kana kuti shamwari yaunovimba nayo yechiKristu ingakurukura newe kuti ungakwanisa here kupayona iye zvino iwe uine zvakawanda zvaunofanira kuita mumhuri mako. Angakubatsira kuona kana uchikwanisa kupayona kana kuti uine zvaunofanira kutanga wagadziridza. Murume anokwanisawo kubatsira mudzimai wake kuti aite zvinoenderana nezvaanogona. Somuenzaniso, angamuudza kuti azorore asati atanga mwedzi waanoda kuzopayona. Izvi zvingaita kuti ave nesimba uye zvingamubatsira kuti arambe achifara muushumiri.

Ziva Zvinhu Zvaunogona Kuita

Kukwegura kana utano husina kunaka zvingatitadzisa kuita zvimwe zvinhu mubasa raJehovha. Kana uri mubereki, ungaona sokuti kudzidza woga kana kuti misangano yechiKristu hazvinyanyi kukubatsira nokuti kakawanda unenge uine vana uye waneta. Zvisinei, haungava here uri kunyanya kufunga nezvezvausingakwanisi zvokuti dzimwe nguva hauchaoni kuti une zvimwe zvauchiri kukwanisa?

Zviuru zvemakore zvakapfuura, mumwe muRevhi akataura nezvezvimwe zvaaida kuita asi asingazvikwanisi. Aiva neropafadzo yokushumira patemberi vhiki mbiri pagore. Zvisinei, akataura pfungwa yakanaka yokuti aida kubva agarira pedyo neatari. (Pis. 84:1-3) Chii chakabatsira murume uyu akatendeka kuti agutsikane? Akazoona kuti kunyange zuva rimwe chete muzvivanze zvetemberi yaitova ropafadzo inokosha. (Pis. 84:4, 5, 10) Saizvozvowo, pane kugara tichingofunga nezvezvatisingakwanisi, tinofanira kuedza kuona uye kukoshesa zvatinokwanisa.

Chimbofunga nezvomuenzaniso waNerlande, imwe hanzvadzi yechiKristu yokuCanada. Anogara muwiricheya uye aifunga kuti anongokwanisa kuita zvishoma muushumiri. Zvisinei, akachinja maonero aaiita ndokutanga kuona mashopu aiva pedyo sendima yake. Anotsanangura kuti: “Ndinogara muwiricheya yangu pedyo nebhenji riri pamashopu acho. Ndinonakidzwa nokuparidzira vanhu vanouya vogara pabhenji racho kuti vambozorora.” Kuita ushumiri seizvi kunoita kuti Nerlande agutsikane zvikuru.

Gadziridza Zvinoda Kugadziridzwa

Chikepe chingave chichimhanya zvikuru, mhepo ichivhuvhuta pamaseiri acho. Zvisinei, kana ari kutyaira chikepe chacho akaona kuri kuuya dutu rinotyisa, anotofanira kuchinja maseiri acho. Haana zvaanokwanisa kuita nezvedutu racho, asi kana akagadzirisa maseiri, angakwanisa kuramba achidzora chikepe chake. Saizvozvowo, kakawanda hatina zvatinokwanisa kuita nezvemamiriro ezvinhu akaita sedutu atingatarisana nawo muupenyu. Asi tinogona kuita kuti upenyu hwedu hurambe huri mugwara nokugadzirisa mashandisiro atinoita zvinhu zvedu zvenyama, pfungwa dzedu, uye manzwiro atinoita. Patinoronga zvinhu zvedu tichifunga nezvemamiriro ezvinhu atinenge tava maari, tichabatsirwa kuramba tichigutsikana uye tichifara mubasa raMwari.—Zvir. 11:2.

Chimbofunga nezvemimwe mienzaniso. Kana tisina simba rakawanda, zvingava zvakakodzera kuti tisaita zvinopedza simba redu masikati kuitira kuti tive nesimba rokupinda misangano yechiKristu manheru. Izvi zvichaita kuti tibatsirwe zvizere nokuwadzana nehama dzedu dzechiKristu. Kana kuti kana amai vasingakwanisi kuita ushumiri hwepaimba neimba nokuti mwana wavo ari kurwara, zvingabatsira kana vakakumbira imwe hanzvadzi yechiKristu kuti iuye kumba kwavo kuzovabatsira kuparidzira norunhare mwana wacho paanenge amborara.

Zvakadini kana mamiriro ako ezvinhu asingakupi mukana wokufanogadzirira zvose zvichakurukurwa pamisangano yeungano? Unogona kuona kuti ndezvipi zvaunogona wonyatsogadzirira izvozvo. Kana tikagadziridza zvinangwa zvedu zviduku, tinogona kuramba tichifara uye tichishingaira.

Kugadziridza zvinangwa zvedu kungada kuti tishande nesimba uye titsunge. Serge naAgnès, vamwe vakaroorana vokuFrance, vaifanira kuchinja chaizvo zvirongwa zvavo. “Patakaziva kuti Agnès akanga ava nepamuviri, takabva taziva kuti zvataida zvokuva mamishinari zvakanga zvaenda musango,” anodaro Serge. Serge uyo ava nevanasikana vaviri vanoshingaira uye vanofara, anotsanangura kuti vakachinja sei zvavaida kuti vave nezvinangwa zvitsva. Anoti: “Zvatakanga tisingachakwanisi kunoshumira kune imwe nyika, takaronga kuva ‘mamishinari’ tiri munyika yedu. Takatanga kupinda neboka romumwe mutauro.” Vakabatsirwa here nechinangwa chitsva ichi? Serge anoti: “Tinofara kuti zvatiri kuita zviri kubatsira vamwe chaizvo muungano iyi.”

Odile, imwe hanzvadzi yechiKristu yokuFrance yava nemakore okuma70 uye ine chirwere chinonzi osteoarthritis mumabvi, haigoni kumira kwenguva yakareba. Yakaodzwa mwoyo nokuti utano hwayo hwaiitadzisa kuita ushumiri hwepaimba neimba. Zvisinei, haina kukanda mapfumo pasi. Yakagadziridza maparidziriro ayo ndokutanga kuparidzira norunhare. Anoti: “Zviri nyore uye zvinonakidza kupfuura zvandaifunga!” Nzira iyi yokuparidzira yakaita kuti adezve kuita ushumiri.

Kutarisira Zvatinogona Kunoita Kuti Tikomborerwe

Kutarisira zvatinogona kuchaita kuti tisaodzwa mwoyo kakawanda. Kana tikava nezvinangwa zvine musoro, tichagutsikana pasinei nezvatinenge tisingakwanisi. Saka tinofara nezvatinokwanisa, kunyange zvazvo zvingava zvishoma.—VaG. 6:4.

Kusatarisira zvatisingagoni kunotibatsirawo kuti tinzwisise vamwe vaKristu vanenge vaine zvavasingagoni. Tikaziva zvavasingakwanisi, tichagara tichionga zvavanokwanisa kutiitira. Kana tikaratidza kuti tinoonga zvose zvatinoitirwa, zvinoita kuti tishande pamwe chete uye tinzwisisane. (1 Pet. 3:8) Yeuka kuti Jehovha, Baba vane rudo, haambotitarisiri kuti tiite zvatisingakwanisi. Uye kana tichitarisira kuita zvatinokwanisa uye tichironga zvinangwa zvatinokwanisa, mabasa edu echiKristu achaita kuti tigutsikane uye tifare.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]

Kuti tifare uye tigutsikane nebasa ratinoitira Mwari, tinofanira kuona mamiriro edu ezvinhu torega kutarisira zvatisingakwanisi

[Mufananidzo uri papeji 30]

Nerlande anofara nezvaanokwanisa kuita muushumiri

[Mufananidzo uri papeji 31]

Dzidza ku“chinja maseiri”

[Kwazvakatorwa]

© Wave Royalty Free/age fotostock

[Mufananidzo uri papeji 32]

Serge naAgnès vakabatsirwa zvikuru nokuronga zvinangwa zvitsva