Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuita Ushumiri Hwepaimba Neimba Pasinei Nokuti Hwakaoma

Kuita Ushumiri Hwepaimba Neimba Pasinei Nokuti Hwakaoma

Kuita Ushumiri Hwepaimba Neimba Pasinei Nokuti Hwakaoma

“Takava noushingi . . . naMwari wedu kuti tikutaurirei mashoko akanaka aMwari tichitamburira kwazvo.”—1 VAT. 2:2.

1. Jeremiya akatarisana nematambudziko api, asi akakwanisa sei kuakurira?

JEREMIYA aiva munhu ane manzwiro akaita seedu. Paakaudzwa naJehovha nezvebasa raaizoita rokuva “muprofita kumarudzi,” akachema chema achiti: “Maiwe, haiwa, Changamire Ishe Jehovha! Tarirai handigoni kutaura, nokuti ndinongovawo hangu mukomana.” Asi akabvuma kuita basa racho, nokuti aivimba naJehovha. (Jer. 1:4-10) Kwemakore anopfuura 40, Jeremiya aisateererwa, airambwa nevanhu vorudzi rwake, aisekwa, kunyange kutorohwa. (Jer. 20:1, 2) Dzimwe nguva aiona sokuti zviri nani kurega basa racho. Asi akaramba achizivisa shoko racho kuvanhu vakanga vasingatomborifariri. Nesimba raMwari, Jeremiya akaita zvaaisambofa akakwanisa kuita nesimba rake oga.—Verenga Jeremiya 20:7-9.

2, 3. Mazuva ano vashumiri vaMwari vari kusangana nematambudziko api akafanana neakasangana naJeremiya?

2 Mazuva ano vashumiri vaMwari vakawanda vanonzwawo semanzwiro aiita Jeremiya. Vakawanda vedu pataifunga nezvokuparidza paimba neimba, takambofunga kuti, ‘Handingambozvikwanisi.’ Asi patakaziva kuti Jehovha ndiye anoda kuti tizivise mashoko akanaka, hatina kuzotya tichibva tatanga kushingaira kuparidza. Kunyange zvakadaro, muupenyu hwedu vakawanda takambotarisana nemamiriro ezvinhu aiita kuti zvitiomere kuramba tichiparidza. Chokwadi zvakaoma kutanga kuparidza paimba neimba, uye kuramba tichiparidza kusvikira kumugumo chaiko.—Mat. 24:13.

3 Zvakadini kana wava nenguva uchidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye uchipinda misangano yeungano asi uchizeza kutanga kuparidza paimba neimba? Kana kuti zvakadini kana uri Chapupu chakabhabhatidzwa asi uchiomerwa chaizvo nebasa rokuparidza pasuo nesuo, kunyange zvazvo uine utano hwakanaka? Vanhu vane mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana vari kuita ushumiri hwepaimba neimba pasinei nokuti hwakaoma. Saka iwe uchibatsirwa naJehovha, unogonawo kuhuita.

Kuva Noushingi

4. Chii chakaita kuti muapostora Pauro ataure mashoko akanaka noushingi?

4 Hapana mubvunzo kuti unoziva kuti basa rokuparidza riri kuitwa munyika yose harisi kuitwa nesimba kana uchenjeri hwevanhu, asi nomudzimu waMwari. (Zek. 4:6) Uye ushumiri hunoitwa nomuKristu mumwe nomumwe hunotsigirwawo nomudzimu iwoyo. (2 VaK. 4:7) Chimbofunga nezvomuapostora Pauro. Achifunga nezvenguva yaasina kubatwa zvakanaka aine mumwe waaiita naye basa roumishinari, akanyora kuti: “Pashure pokunge tatambura uye taitirwa zvakaipa muFiripi, takava noushingi sei naMwari wedu kuti tikutaurirei mashoko akanaka aMwari tichitamburira kwazvo.” (1 VaT. 2:2; Mab. 16:22-24) Zvingatiomera kufungidzira kuti muparidzi aishingaira saPauro aimboomerwawo nokuparidza. Asi sezvatinongoitawo tose, Pauro aifanira kuvimba naJehovha kuitira kuti ataure mashoko akanaka noushingi. (Verenga VaEfeso 6:18-20.) Tingatevedzera sei muenzaniso waPauro?

5. Chii chimwe chingatibatsira kuti tive noushingi hwokuparidza?

5 Chimwe chinoita kuti tive noushingi pakuparidza kunyengetera. Mumwe piyona akati: “Ndinonyengeterera kuti nditaure nechivimbo, ndinonyengeterera kuti nditaure zvinobaya mwoyo yevanhu, uye ndinonyengeterera kuti ndifare muushumiri. Handiti ibasa raJehovha, kwete redu, saka tingaitei kana asingatibatsiri?” (1 VaT. 5:17) Tose zvedu tinofanira kuramba tichinyengeterera kubatsirwa nomudzimu mutsvene waMwari kuti tiparidze noushingi.—Ruka 11:9-13.

6, 7. (a) Ezekieri akaratidzwei, uye zvairevei? (b) Zvakaratidzwa Ezekieri zvine chidzidzo chei kuvashumiri vaMwari mazuva ano?

6 Bhuku raEzekieri rinotaura chimwezve chingatibatsira kuti titaure noushingi. Pane zvaakamuratidza, Jehovha akapa Ezekieri mupumburu wakanyorwa “nziyo dzemariro uye kuchema nokuungudza” kumativi ose uye akamuudza kuti audye, achiti: “Mwanakomana womunhu, ita kuti dumbu rako ridye, kuti uzadze ura hwako nomupumburu uyu wandiri kukupa.” Zvakaratidzwa Ezekieri izvi zvairevei? Ezekieri aifanira kunyatsopinza mashoko aaifanira kuzotaura mupfungwa dzake oabatisisa . Mashoko acho aifanira kuita sokunge kuti aitova mukati make. Muprofita wacho anoenderera achirondedzera kuti: “Ndakatanga kuudya, ukaita souchi mukanwa mangu nokuda kwokutapira kwawo.” Kuzivisa mashoko aMwari pachena kwainakidza Ezekieri, sokunakidza kunoita kuravidza uchi. Kumiririra Jehovha uye kuita basa raainge apiwa naMwari aikuona seropafadzo yakakura, kunyange zvazvo zvaireva kuti aizoudza vanhu vaisada mashoko aya.—Verenga Ezekieri 2:8–3:4, 7-9.

7 Izvi zvine chidzidzo chinokosha kuvashumiri vaMwari nhasi. Isuwo tine mashoko anokosha atinofanira kuudza vanhu vasingakoshesi basa redu nguva dzose. Kuti tirambe tichiona ushumiri hwechiKristu seropafadzo yatakapiwa naMwari, tinofanira kugara tichidzidza Shoko raMwari. Kungodzidza zvemasiyandaita kana zvetsuro yamukira mumakumbo hakuna kukwana kuti tinyatsonzwisisa Shoko raMwari. Zvingaita here kuti uvandudze maverengero nemadzidziro aunoita Bhaibheri uye kuti uzviite nguva dzose? Zvingaita here kuti ufungisise zvaunodzidza nguva dzose?—Pis. 1:2, 3.

Kutanga Kukurukura Bhaibheri Nevanhu

8. Inzira dzipi dzakabatsira vamwe vaparidzi voUmambo kuti vatange kukurukura Bhaibheri muushumiri hwepaimba neimba?

8 Vaparidzi vakawanda vanonyanyoomerwa nokutanga kukurukura nasaimba pavanenge vachiita ushumiri hwepaimba neimba. Ichokwadi kuti mune dzimwe ndima zvakaoma kutanga kutaura nomunhu. Pavanenge vachitaura nevanhu pasuo, vamwe vaparidzi zvinovaitira nyore kana vakatanga vataura mashoko mashomanana avanenge vakaronga, vobva vagamuchidza saimba wacho turakiti, sezviri kutaurwa mubhokisi riri pasi apa. Musoro weturakiti racho kana kuti mufananidzo waro wakanaka ungaita kuti saimba ade kunzwa zvakawanda, zvoita kuti titaure muchidimbu chaita kuti tishanye, tozobvunza mibvunzo. Zvimwe zvaungaita ndezvokuratidza saimba wacho maturakiti matatu kana mana womukumbira kusarudza ramunakidza. Chokwadi, chinangwa chedu hachisi chokungogovera maturakiti kana chokuashandisa pasuo roga roga, asi ndechokutanga kukurukura Bhaibheri zvichaita kuti tizoridzidza.

9. Nei kunyatsogadzirira kuchikosha?

9 Pasinei nokuti uchashandisa nzira ipi, kunyatsogadzirira kuchakubatsira kuva nechivimbo uye kunzwa wakasununguka muushumiri hwepaimba neimba. Mumwe piyona akati: “Ndinofara zvikuru kana ndakanyatsogadzirira. Ndinonzwa ndichida kutaura mharidzo yandakagadzirira.” Mumwezve piyona akati, “Kana ndichiziva zviri mumabhuku andichagovera, zvinoita kuti ndinzwe ndakasununguka kuagovera.” Kunyange zvazvo zvichibatsira kudzokorora chinyararire zvauchataura, vakawanda vanoona zvichinyanya kubatsira kudzidzira mharidzo yavo zvinonzwika. Izvi zvinovabatsira kupa Jehovha zvakanakisisa.—VaK. 3:23; 2 Tim. 2:15.

10. Chii chingaitwa kuti misangano yebasa romumunda ibatsire pane zvinosanganwa nazvo muushumiri?

10 Misangano yebasa romumunda inonyatsobatsira pane zvinosanganwa nazvo muushumiri hwedu hwepaimba neimba ichaita kuti tibudirire uye tifare. Kana rugwaro rwezuva iroro rwune chokuita nebasa rokuparidza, rwungaverengwa rwokurukurwa muchidimbu. Zvisinei, hama iri kuitisa musangano webasa romumunda inofanira kushandisa nguva yakakwana kukurukura kana kuti kuenzanisira mharidzo iri nyore yakanyatsokodzera ndima yacho kana kuti kukurukura mamwe mashoko anobatsira angashandiswa muushumiri zuva iroro. Izvi zvichaita kuti vaya varipo vabudirire pakuparidza. Kana vakuru nevamwe vanoitisa misangano iyi vakafanogadzirira, vanogona kubudirira kuita izvi vogumisa musangano wacho panguva yakarongwa.—VaR. 12:8.

Kuteerera Kune Simba

11, 12. Kuteerera tichiratidza kunzwira tsitsi kunotibatsira sei kuudza vanhu mashoko akanaka? Taura mienzaniso.

11 Kunze kwokungogadzirira, kunyatsofarira vanhu kunotibatsira kutanga kukurukura navo Bhaibheri uye kutaura zvinobaya mwoyo yavo patinenge tiri muushumiri. Imwe nzira yatinoratidza nayo kuti tinovafarira ndeyokuteerera. Mumwe mutariri anofambira akati: “Kuva nomwoyo murefu uye kunyatsoratidza kuti wakateerera kunoita kuti vanhu vade kunzwa mashoko akanaka uye kunoratidza kuti tinovafarira nomwoyo wose.” Kuteerera tichiratidza kunzwira tsitsi kungaita kuti saimba abvume kukurukura nesu, sezvinoratidzwa nechakaitika chiri mundima inotevera.

12 Mumwe mukadzi wokuSaint-Étienne, kuFrance, akanyora tsamba kupepanhau rinonzi Le Progrès achirondedzera kushanyirwa kwaakaitwa nevanhu vaviri vakagogodza pasuo rake achangobva kufirwa nomwanasikana wake aiva nemwedzi mitatu. Akati, “Ndakakurumidza kuziva kuti vaiva Zvapupu zvaJehovha. Ndaida kuvaudza zvakanakanaka kuti vaende havo, asi ndakaona kuti vaiva nebhurocha ravaida kundipa. Raitaura kuti nei Mwari achirega vanhu vachitambura. Saka ndakasarudza kuvati vapinde nechinangwa chokuvaratidza kuti zvavaitaura inhema. . . . Zvapupu zvacho zvakagara kweinopfuura zvishoma awa imwe chete. Vakateerera vachiratidza kundinzwira tsitsi, uye pavakanga vava kuenda, ndakanga ndava kunzwa zviri nani zvokuti ndakabvuma kuti vadzoke.” (VaR. 12:15) Nokufamba kwenguva, mukadzi uyu akabvuma kudzidza Bhaibheri. Tinodzidza zvakawanda pakuti mukadzi uyu chaakanyanya kuyeuka pakushanyirwa kwaakaitwa kokutanga inzira yakateerera nayo Zvapupu zvacho, kwete zvazvakataura.

13. Tingachinja sei mharidzo dzedu dzemashoko akanaka kuti dzienderane nevanhu vatinoonana navo?

13 Patinoteerera tichiratidza kunzwira tsitsi, tinenge tichitopa vanhu mukana wokuti vatiudze kuti nei vachida Umambo. Izvi zvinoita kuti tikwanise kuvaudza mashoko akanaka. Ungadaro wakatoona kuti vaparidzi vanobudirira kazhinji vane unyanzvi hwokuteerera. (Zvir. 20:5) Vanonyatsofarira vanhu vavanoonana navo muushumiri. Vanonyora mazita nekero dzavo uyewo vanonyora pasi zvavanofarira nezvavanoda. Kana munhu akataura chinhu chinomunetsa, vanotsvakurudza vokurumidza kudzokera kunomuudza zvavanenge vawana. Sezvaiita muapostora Pauro, vanochinja mharidzo dzavo dzeshoko roUmambo kuti dzienderane nevanhu vavanoonana navo. (Verenga 1 VaKorinde 9:19-23.) Kufarira vanhu nomwoyo wose ikoko kunoita kuti vade kunzwa mashoko akanaka uye kunoita kuti “tsitsi huru dzaMwari wedu” dzionekwe patiri.—Ruka 1:78.

Ramba Uine Maonero Akanaka

14. Patinoita ushumiri hwedu, tingaratidza sei unhu hwaJehovha?

14 Jehovha akatiremekedza nokutipa rusununguko rwokusarudza. Kunyange zvazvo ari Mwari Wemasimbaose, haana waanomanikidza kumushumira, asi anokumbira vanhu murudo, achikomborera vaya vanenge vabvuma zvakanaka zvaanovapa. (VaR. 2:4) Sevashumiri vake, tinofanira kugadzirira kuzivisa mashoko akanaka nenzira inokodzera Mwari wedu ane ngoni pose patinoparidza. (2 VaK. 5:20, 21; 6:3-6) Kuti tibudirire kuita izvozvo, tinofanira kuramba tichiona zvakanaka vanhu vari mundima yedu. Chii chingatibatsira kuva nemaonero akadai?

15. (a) Jesu akarayira vaapostora vake kuti vaitei kana vanhu vakaramba kuteerera shoko? (b) Chii chingatibatsira kuisa pfungwa dzedu pakuwana vanhu vakakodzera?

15 Jesu akarayira vateveri vake kuti vasanyanya kunetseka kana vamwe vakaramba kuteerera shoko asi kuti vaise pfungwa dzavo pane vakakodzera. (Verenga Mateu 10:11-15.) Kuva nezvinangwa zviduku, zvinokwanisika, kungatibatsira kuita izvi. Imwe hama inozvifananidza nomunhu ari kutsvaka matombo anokosha. Inoti, “Nhasi ndinotarisira kuti pane imwe nguva ndichawana goridhe.” Imwe hama ine chinangwa “chokuona munhu mumwe chete anoteerera vhiki yoga yoga uye chokudzoka mumazuva mashomanana kuzomubatsira kuti arambe achifarira.” Vamwe vaparidzi vanovavarira kuti kana zvichiita vaverengere saimba mumwe nomumwe rugwaro rumwe chete. Ko iwe ndezvipi zvaungaronga zvaunoziva kuti unozokwanisa?

16. Zvii zvinoita kuti tirambe tichiparidza?

16 Zvinoitwa nevanhu vari mundima yedu hazvisizvo chete zvinoita kuti tibudirire muushumiri hwepaimba nemba. Chokwadi, basa rokuparidza rinokosha kana vanhu vakatendeka vachizoponeswa, asi rinoshanda zvimwewo zvinokosha. Ushumiri hwechiKristu hunotipa mukana wokuratidza Jehovha kuti tinomuda. (1 Joh. 5:3) Hunoita kuti tisava nemhaka yeropa. (Mab. 20:26, 27) Hunonyevera vanhu vasingadi Mwari kuti “awa yokutonga kwa[Mwari] yasvika.” (Zvak. 14:6, 7) Zvinotokosha ndezvokuti basa rokuparidza mashoko akanaka riri kuita kuti zita raJehovha rirumbidzwe munyika yose. (Pis. 113:3) Saka tinofanira kuramba tichizivisa shoko roUmambo, pasinei nokuti vanhu vanoteerera here kana kuti kwete. Chokwadi, zvose zvatinoita pakuzivisa mashoko akanaka zvakanaka mumaziso aJehovha.—VaR. 10:13-15.

17. Munguva pfupi iri kuuya vanhu vachatofanira kuzivei?

17 Kunyange zvazvo vakawanda mazuva ano vasingakoshesi basa redu rokuparidza, munguva pfupi iri kuuya vachatanga kuriona zvakanaka. (Mat. 24:37-39) Jehovha akavimbisa Ezekieri kuti paizoitika zvaaiva ataura, imba yaIsraeri yainge yapanduka yaizo“zivawo kuti pakati pavo paiva nomuprofita.” (Ezek. 2:5) Saizvozvowo, Mwari paachatonga nyika ino, vanhu vachatofanira kuziva kuti shoko raiparidzwa neZvapupu zvaJehovha pachena uye paimba neimba raibva kuna Mwari mumwe chete wechokwadi, Jehovha, uye kuti Zvapupu zvaiva vamiririri vake. Tine ropafadzo yokudanwa nezita rake uye yokuzivisa shoko rake munguva dzino dzinokosha! Nesimba rake, ngatirambei tichiita ushumiri hwepaimba neimba pasinei nokuti hwakaoma.

Ungapindura Sei?

• Tingaita sei kuti tive noushingi hwokuparidza?

• Chii chingatibatsira kutanga kukurukura Bhaibheri muushumiri hwepaimba neimba?

• Tingaratidza sei kuti tinofarira vamwe nomwoyo wose?

• Chii chingatibatsira kuramba tiine maonero akanaka nezvevanhu vari mundima yedu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 9]

Imwe Nzira Yokutanga Nayo Kukurukura Bhaibheri

Kuti utange kukurukura:

▪ Wakwazisa saimba, ungamugamuchidza turakiti wobva wati, “Nhasi ndakushanyirai kuti ndikuudzei imwe pfungwa inokurudzira nezvenyaya iyi inokosha.”

▪ Kana kuti ungagovera turakiti wobva wati, “Nhasi ndangokushanyirai kwenguva pfupi nokuti ndingada kuziva zvamunofunga nezvenyaya iyi.”

Kana akabvuma turakiti racho:

▪ Wambomira kwekanguva, bvunza mubvunzo uri nyore nezvemaonero aanoita musoro weturakiti racho.

▪ Nyatsoteerera, uchiedza kunzwisisa maonero anoita saimba wacho. Mutende nezvaanenge ataura wozvishandisa pamunenge muchikurukura.

Kuti murambe muchikurukura:

▪ Verenga uye kurukura rugwaro kana magwaro, uchichinja mharidzo yako kuti ienderane nezvinofarirwa uye zvinodiwa nomunhu wacho.

▪ Kana munhu wacho afarira, govera bhuku, kana zvichiita enzanisira kudzidzwa kunoitwa Bhaibheri. Ronga kuzodzoka.