Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndi“Mwari Anoita Kuti Zvikure”!

Ndi“Mwari Anoita Kuti Zvikure”!

Ndi“Mwari Anoita Kuti Zvikure”!

“Anodyara kana anodiridza haasi chinhu, asi Mwari anoita kuti zvikure.”—1 VAK. 3:7.

1. Tiri “vashandi pamwe chete naMwari” pakudini?

“VASHANDI pamwe chete naMwari.” Ndiwo marondedzerero akaita muapostora Pauro ropafadzo yatinogona kuva nayo tose zvedu. (Verenga 1 VaKorinde 3:5-9.) Basa raitaurwa naPauro ibasa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. Akarienzanisa nokudyara uye kudiridza mbeu. Kana tichizobudirira mubasa iroro rinokosha, tinofanira kubatsirwa naJehovha. Pauro anotiyeuchidza kuti ndi“Mwari anoita kuti zvikure.”

2. Nei kuziva kuti ndi“Mwari anoita kuti zvikure” kuchitibatsira kuti tione ushumiri hwedu zvakanaka?

2 Pfungwa iyoyo inoita kuti tizvininipise pamaonero atinoita ushumiri hwedu. Tingashingaira mubasa rokuparidza nokudzidzisa, asi kana tikawana mudzidzi mutsva Jehovha ndiye anozofanira kurumbidzwa. Nemhaka yei? Nokuti pasinei nezvatingaedza kuita, hapana kana mumwe wedu anganyatsonzwisisa zvizere kuti munhu anova sei mudzidzi, ndoda kumuita kuti ave mudzidzi. Mambo Soromoni akataura nezvazvo zvakarurama paakanyora kuti: “Hauzivi basa raMwari wechokwadi, anoita zvinhu zvose.”—Mup. 11:5.

3. Basa rokudyara mbeu chaiyo rakafanana papi nerokuita kuti vanhu vave vadzidzi?

3 Kutadza kwedu kunzwisisa kuti munhu anova sei mudzidzi kunoita kuti basa redu risanakidza here? Aiwa. Kunotoita kuti rinakidze uye rifadze. Mambo Soromoni akati: “Dyara mbeu yako mangwanani uye usarega ruoko rwako ruchizorora kusvikira manheru; nokuti hauzivi kuti zvichabudirira kupi, kuno here kana kuti uko, uye kana zvose zvazvo zvichava zvakanaka.” (Mup. 11:6) Chokwadi, patinodyara mbeu chaiyo, hatizivi kuti ichamera kupi uye kuti ichamera here. Pane zvakawanda zvatisingakwanisi kuita. Panyaya yebasa rokuita vadzidzi, tinogonawo kutaura zvakafanana. Jesu akataura pfungwa iyi achishandisa mifananidzo miviri yatakanyorerwa muchitsauko chechina cheEvhangeri yaMako. Ngationei kuti tingadzidzei pamifananidzo iyi.

Ivhu Rakasiyana-siyana

4, 5. Rondedzera muchidimbu mufananidzo waJesu womudyari anokusha mbeu.

4 Sezvakanyorwa pana Mako 4:1-9, Jesu anorondedzera mudyari anokusha kana kuti anodyara mbeu inozowira paivhu rakasiyana-siyana, achiti: “Teererai. Tarirai! Mudyari akaenda kunodyara. Paaidyara, imwe mbeu yakawira parutivi pomugwagwa, shiri dzikauya dzikaidya yose. Imwe yakawira panzvimbo ine matombo, paisinawo kuva neivhu rakawanda, uye yakabva yangomera nokuti yakanga isina ivhu rakadzika. Asi zuva parakabuda, yakatsva, uye yakaoma nokuti yakanga isina midzi. Imwe mbeu yakawira pakati peminzwa, uye minzwa yakakura ikaivhunga, uye haina kubereka zvibereko. Asi imwe yakawira paivhu rakanaka, ikamera, ikakura, uye yakatanga kubereka zvibereko, uye yakanga ichibereka zvine makumi matatu, nezvine makumi matanhatu uye zvine zana.”

5 Munguva yeBhaibheri, mbeu dzaiwanzodyarwa nokuita zvokukusha. Mudyari aiisa mbeu muhomwe yenguo yake kana kuti mugaba oita zvokuikusha. Saka mumufananidzo uyu, mudyari haakushi mbeu paivhu rakasiyana-siyana nemaune. Asi mbeu yacho inowira pakasiyana-siyana.

6. Jesu akatsanangura sei mufananidzo womudyari?

6 Hatifaniri hedu kuita zvokufungidzira zvinorehwa nomufananidzo uyu. Jesu akautsanangura, sezvakanyorwa pana Mako 4:14-20, kuti: “Mudyari anodyara shoko. Saka, ava, ndivo iya iri parutivi pomugwagwa panodyarwa shoko; asi pavanenge vangorinzwa Satani anouya otora shoko rakadyarwa mavari. Saizvozvowo ava ndivo iya yakadyarwa panzvimbo dzine matombo: pavanenge vangonzwa shoko chete, vanorigamuchira nomufaro. Zvisinei ivo havana midzi mavari, asi vanopfuurira kwenguva yakati; zvino panongomuka kutambura kana kutambudzwa nokuda kweshoko, ivo vanogumburwa. Kune imwezve inodyarwa pakati peminzwa; iyi ndivo vaya vakanzwa shoko, asi kuzvidya mwoyo nezvinhu zvomumamiriro ezvinhu epanguva ino nesimba rinonyengera repfuma noruchiva rwezvimwe zvinhu zvose zvinopinda, zvovhunga shoko racho, uye haribereki zvibereko. Pakupedzisira, iya yakadyarwa paivhu rakanaka ndivo vaya vanoteerera shoko, vorigamuchira, vobereka zvibereko zvine makumi matatu uye zvine makumi matanhatu uye zvine zana.”

7. Mbeu neivhu rakasiyana-siyana zvinomiririrei?

7 Cherechedza kuti Jesu haana kuti pane mbeu dzakasiyana-siyana dzakadyarwa. Asi anotaura nezverudzi rwembeu imwe chete inowira paivhu rakasiyana-siyana, rinoita kuti ibereke zvakasiyana-siyana. Ivhu rokutanga rakaoma kana kuti rakatsindirika, rechipiri harina kudzika; rechitatu rakazara minzwa; uye rechina rakanaka, ivhu rinobereka zvakanaka. (Ruka 8:8) Mbeu yacho chii? Mashoko oUmambo ari muShoko raMwari. (Mat. 13:19) Ivhu rakasiyana-siyana rinomiririrei? Vanhu vane mwoyo yakasiyana-siyana.—Verenga Ruka 8:12, 15.

8. (a) Mudyari anomiririra ani? (b) Nei vanhu vachiita zvakasiyana-siyana pavanoparidzirwa nezvoUmambo?

8 Ndiani anomiririrwa nomudyari? Anomiririra vanhu vanoshanda pamwe chete naMwari, vaya vanozivisa mashoko akanaka oUmambo. Sezvaiita Pauro naAporo, vanodyara uye vanodiridza. Asi kunyange zvazvo vachishanda nesimba, zvibereko zvacho zvinosiyana. Nei? Nemhaka yokusiyana kwakaita mwoyo yevaya vanonzwa shoko racho. Mumufananidzo wacho, mudyari haana zvaanogona kuita nezvezvinoitika kumbeu yacho iri muvhu. Izvi zvinonyaradza zvikuru, kunyanya kuhama dzedu nehanzvadzi dzakatendeka dzave dzichishanda nesimba kwemakore, vamwe kwemakumi emakore, asi zvichiita sokuti hapana chavari kuita chinooneka! * Nei zvichivanyaradza?

9. Muapostora Pauro naJesu vakasimbisa pfungwa ipi yechokwadi inonyaradza?

9 Mudyari haaonekwi kuti akatendeka nezvinobva pabasa rake. Pauro akabudisa pfungwa iyoyo paakati: “Munhu mumwe nomumwe achawana mubayiro wake maererano nebasa rake.” (1 VaK. 3:8) Mubayiro unoenderana nekushanda kunenge kwaitwa, kwete nezvibereko zvebasa iroro. Jesu akataurawo pfungwa iyi vadzidzi vake pavakadzoka kurwendo rwavakanga vaenda rwokunoparidza. Vakafara zvikuru nokuti madhimoni akamanikidzwa kuti azviise pasi pavo pavakashandisa zita raJesu. Kunyange hazvo izvozvo zvainakidza, Jesu akati kwavari: “Musafara pamusoro peizvi, kuti midzimu inozviisa pasi penyu, asi farai nokuti mazita enyu anyorwa kumatenga.” (Ruka 10:17-20) Kunyange mudyari angasaona kuwedzera kuri kuita zvibereko zvebasa rake, hazvirevi hazvo kuti anga asingashingairi kana kuti asina kutendeka kupfuura vamwe. Kakawanda, zvibereko zvinobva pamwoyo womunzwi wacho. Asi Mwari ndiye anozoita kuti zvikure!

Zvinofanira Kuitwa Nevaya Vanonzwa Shoko

10. Chii chinoita kuti munhu anenge anzwa shoko afanane neivhu rakanaka kana kuti risina kunaka?

10 Zvakadini nevaya vanonzwa shoko? Zvavanozoita zvinenge zvakatorongwa here? Aiwa. Zviri kwavari kuti vachaita seivhu rakanaka here kana kuti kwete. Chokwadi, mwoyo womunhu ungachinja kuti aite zvakanaka kana zvakaipa. (VaR. 6:17) Mumufananidzo wake, Jesu akati vamwe ‘pavanenge vangonzwa’ shoko, Satani anouya oritora. Asi izvi hazvifaniri hazvo kuitika. Pana Jakobho 4:7, vaKristu vanokurudzirwa kuti “rwisanai naDhiyabhorosi,” uye vakadaro iye achavatiza. Jesu anorondedzera vamwe achiti vakatanga vagamuchira shoko nomufaro asi vakagumburwa nokuti “havana midzi mavari.” Asi vashumiri vaMwari vanorayirwa kuti ‘vadzike midzi uye vasimbiswe panheyo’ kuitira kuti vagone kunzwisisa ‘kufara nokureba nokukwirira nokudzika, uye kuti vazive rudo rwaKristu runopfuura zivo.’—VaEf. 3:17-19; VaK. 2:6, 7.

11. Munhu angaita sei kuti kuzvidya mwoyo uye pfuma zvisavhunga shoko?

11 Vamwe vakanzwa shoko vanorondedzerwa vachinzi vakarega “kuzvidya mwoyo nezvinhu zvomumamiriro ezvinhu epanguva ino nesimba rinonyengera repfuma” zvichipinda uye zvichivhunga shoko. (1 Tim. 6:9, 10) Vangaitei kuti izvi zvisaitika kwavari? Muapostora Pauro anopindura achiti: “Mararamiro enyu ngaave okusada mari, muchigutsikana nezvinhu zvinenge zviripo. Nokuti iye akati: ‘Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.’”—VaH. 13:5.

12. Nei vaya vanomiririrwa neivhu rakanaka vachibereka zvibereko zvine uwandu hwakasiyana-siyana?

12 Pakupedzisira, Jesu akati iya yakadyarwa paivhu rakanaka ino“bereka zvibereko zvine makumi matatu uye zvine makumi matanhatu uye zvine zana.” Kunyange zvazvo vamwe vachigamuchira shoko uye vaine mwoyo wakanaka uye vachibereka zvibereko, zvavanokwanisa kuita pakuzivisa mashoko akanaka zvinosiyana-siyana zvichienderana nemamiriro avo ezvinhu. Somuenzaniso, kukwegura kana kuti utano husina kunaka zvingaita kuti vamwe vaite zvishoma mubasa rokuparidza. (Enzanisa naMako 12:43, 44.) Uyezve, mudyari angava asina zvaanokwanisa kuita nezveizvi, asi anofara paanoona kuti Jehovha aita kuti zvikure.—Verenga Pisarema 126:5, 6.

Mudyari Anorara

13, 14. (a) Taura muchidimbu mufananidzo womunhu anokusha mbeu. (b) Ndiani anomiririrwa nomudyari uye mbeu chii?

13 Pana Mako 4:26-29, tinowana mumwe mufananidzo une chokuita nomudyari, wokuti: “Saizvozvo umambo hwaMwari hwakafanana neapo munhu anodyara mbeu muivhu, anorara usiku omuka kwayedza, mbeu inomera yoreba, kuti zvinoitika sei iye haazivi. Ivhu pacharo rinobereka zvibereko zvishoma nezvishoma, kutanga chipande, kwozotevera hura, pakupedzisira tsanga dzakasvika dziri pahura. Asi kana zvibereko zvangoibva, iye anopinza jeko, nokuti nguva yokukohwa yasvika.”

14 Mudyari uyu ndiani? Vamwe vari muchiKristudhomu vanofunga kuti ndiJesu pachake. Asi zvingadaro sei kuti Jesu anorara uye haazivi kuti mbeu inokura sei? Zvechokwadi Jesu anoziva kuti munhu anosvika sei pakuva mudzidzi! Asi mudyari uyu, kufanana nouya ambotaurwa, anomiririra muzivisi woUmambo mumwe nomumwe, vaya vanodyara mbeu yoUmambo nokuparidza kwavo vachishingaira. Mbeu inodyarwa muivhu ndiyo shoko ravanoparidza. *

15, 16. Paaitaura mufananidzo wake womudyari, Jesu akabudisa chokwadi chei nezvokukura chaiko uye kukura kwezvokunamata?

15 Jesu anoti mudyari “anorara usiku omuka kwayedza.” Izvi hazvirevi kuti mudyari haana hanya. Zvinongoratidza zvinogara zvichiitwa nevanhu vakawanda. Mashoko akashandiswa mundima ino anoratidza zvinogaroitwa kwenguva yakareba, zvokushanda masikati uye kurara usiku. Jesu aitsanangura zvaiitwa mazuva iwayo. Anoti: “Mbeu inomera yoreba.” Zvadaro Jesu anowedzera kuti: “Kuti zvinoitika sei iye haazivi.” Nyaya iri pakuti ivhu racho “pacharo” rinobereka zvibereko. *

16 Jesu aireveiko pano? Cherechedza kuti ainyanya kutaura nezvokukura uye kuti zvibereko zvinokura zvishoma nezvishoma. “Ivhu pacharo rinobereka zvibereko zvishoma nezvishoma, kutanga chipande, kwozotevera hura, pakupedzisira tsanga dzakasvika dziri pahura.” (Mako 4:28) Zvibereko zvinokura zvishoma nezvishoma. Hazvigoni kukurumidziswa kana kuti kumanikidzwa. Ndizvo zvinoitawo kukura pakunamata. Kunoitika zvishoma nezvishoma sezvo Jehovha anorega chokwadi chichikura mumwoyo momunhu akafanirwa.—Mab. 13:48; VaH. 6:1.

17. Ndivanaani vanofara mbeu yechokwadi painobereka zvibereko?

17 Mudyari anokohwa sei “kana zvibereko zvangoibva”? Jehovha paanoita kuti chokwadi choUmambo chikure mumwoyo yevadzidzi vatsva, vanoguma vafambira mberi zvokuti kuda Mwari kwavo kunoita kuti vatsaurire upenyu hwavo kwaari. Vanoratidza kuti vakazvitsaurira pavanobhabhatidzwa mumvura. Hama dzinoramba dzichikura pakunamata dzinoguma dzava nemamwe mabasa muungano. Zvibereko zvoUmambo zvinokohwewa neakatanga kudyara uyewo nevamwe vazivisi voUmambo vangadaro vasina kudyara mbeu inozobereka mudzidzi iyeye. (Verenga Johani 4:36-38.) Chokwadi, ‘mudyari nomukohwi vanofara pamwe chete.’

Zvatinodzidza Mazuva Ano

18, 19. (a) Kudzokorora mifananidzo yaJesu iyi kwakukurudzira sei iwe pachako? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

18 Tadzidzei pakudzokorora kwataita mifananidzo iyi miviri yakanyorwa muna Mako chitsauko 4? Taona zvakajeka kuti tine basa ratinofanira kuita—rokudyara. Hatimbofaniri kuzvipembedza kana kurega zvinetso zvingamuka nematambudziko atingava nawo zvichititadzisa kuita basa iri. (Mup. 11:4) Zvisinei, tinozivawo kuti tine ropafadzo yakaisvonaka yokuva vashandi pamwe chete naMwari. Jehovha ndiye anoita kuti vanhu vave vadzidzi, achikomborera zvatinoita uye zvinoitwa nevaya vanogamuchira shoko racho. Tinoziva kuti hapana watingamanikidza kuti ave mudzidzi. Saka hatifaniri kuodzwa mwoyo kana vanhu vakanonoka kuva vadzidzi kana kuti vakasatombova vadzidzi. Zvinonyaradza zvikuru kuziva kuti kubudirira kwedu kunobva pakutendeka kwatakaita kuna Jehovha uye kutendeka kuropafadzo yaakatipa yokuparidza “mashoko akanaka oumambo . . . kuti ave uchapupu kumarudzi ose.”—Mat. 24:14.

19 Chii chimwe chatadzidziswa naJesu nezvokufambira mberi kwevadzidzi vatsva uye nezvebasa roUmambo? Mhinduro yomubvunzo iwoyo iri mune mimwe mifananidzo yakanyorwa munhoroondo dzeEvhangeri. Tichaongorora mimwe mifananidzo iyi munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Ona muenzaniso woushumiri hwakaitwa naHama Georg Fjölnir Lindal kuIceland, uri mu2005 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mapeji 210-211, uye zvakaitika kuvashumiri vakatendeka vakatsungirira kuIreland kwemakore akawanda vasina zvibereko zvaioneka zviri mu1988 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mapeji 82-99.

^ ndima 14 Munguva yakapfuura magazini ino yakatsanangura kuti mbeu inomiririra unhu hunofanira kukura, hunoitwa kuti huve zvahuri nezvinhu zvakapoteredza. Asi tinofanira kuona kuti mumufananidzo waJesu mbeu haichinji kuva yakaipa kana kuti kuva muchero wakaora. Inongoenderera kukura.—Ona Nharireyomurindi yaJune 15, 1980, mapeji 17-19.

^ ndima 15 Pamwe panongoshandiswa shoko iri ndepanaMabasa 12:10, panotaurwa nezvegedhi resimbi, richinzi “rakangovavhurikira roga.”

Unoyeuka Here?

• Kudyara mbeu chaiyo nokuparidza shoko roUmambo zvakafanana pakudini?

• Jehovha anoona sei kuti muparidzi woUmambo akatendeka?

• Jesu akati kukura kwembeu uye kukura mune zvokunamata kwakafanana pakudini?

• ‘Mudyari nomukohwi vanofara pamwe chete’ pakudini?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 13]

Nei Jesu akaenzanisa vaparidzi voUmambo hwaMwari nomudyari wembeu?

[Mifananidzo iri papeji 15]

Vaya vanomiririrwa neivhu rakanaka vanoita basa rokuparidza Umambo zvichienderana nemamiriro avo ezvinhu

[Mifananidzo iri papeji 16]

NdiMwari anoita kuti zvirambe zvichikura