Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzinobva Mutsamba Dzakanyorerwa VaKorinde

Pfungwa Huru Dzinobva Mutsamba Dzakanyorerwa VaKorinde

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzinobva Mutsamba Dzakanyorerwa VaKorinde

MUAPOSTORA Pauro ane hanya zvikuru nemanamatiro eungano yokuKorinde. Anzwa kuti hama dziri ikoko dziri kukakavadzana. Vari kuregerera unzenza. Ungano yacho yanyorerawo Pauro, ichibvunza nezvedzimwe nyaya. Saka munenge muna 55 C.E., paanenge ari kuEfeso parwendo rwake rwechitatu rwoumishinari, Pauro anonyora tsamba yake yokutanga pambiri dzaakanyorera VaKorinde.

Tsamba yake yechipiri, inoratidza kuti yakanyorwa mwedzi mishomanana pashure peyokutanga, itsamba inopfuudzira pakasiyira yokutanga. Sezvo mamiriro ezvinhu kunze uye muungano yokuKorinde yomuzana remakore rokutanga akafanana chaizvo nezviri kuitika mazuva ano, mashoko ari mutsamba dzaPauro dzaakanyorera vaKorinde anokosha zvikuru kwatiri.—VaH. 4:12.

‘RAMBAI MAKAMUKA, MIRAI MAKASIMBA, IVAI NESIMBA’

(1 VaK. 1:1–16:24)

Pauro anorayira kuti, “Mose mutaure muchibvumirana.” (1 VaK. 1:10) Hapana ‘imwe nheyo kunze kwaJesu Kristu,’ pakavakirwa unhu hwechiKristu. (1 VaK. 3:11-13) Achitaura nezvechifeve chaiva muungano yacho, Pauro anoti: “Bvisai munhu akaipa pakati penyu.” (1 VaK. 5:13) “Muviri hausi woufeve” anodaro, “asi waShe.”—1 VaK. 6:13.

Achipindura “zvinhu zva[v]akanyora,” Pauro anovapa mazano anobatsira nezvokuroora uye kusaroora. (1 VaK. 7:1) Ataura nezvokuva musoro kwevaKristu, nezvokurongeka kwemisangano yechiKristu, uye nezvokuti kumuka kuchanyatsoitika, Pauro anorayira kuti: “Rambai makamuka, mirai makasimba mukutenda, rambai muchiita sevarume, ivai nesimba.”—1 VaK. 16:13.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:21—Jehovha anoshandisa “upenzi” chaihwo kuti aponese vaya vanotenda here? Aiwa, haadaro. Zvisinei, “nyika zvaisina kusvika pakuziva Mwari nouchenjeri hwayo,” zvaanoshandisa kuponesa vanhu zvinoita soupenzi kunyika.—Joh. 17:25.

5:5—Zvinorevei kuisa “munhu aka[ipa] kuna Satani kuti nyama iparadzwe, kuti mudzimu weungano uchengetedzwe”? Munhu anoita chivi asingapfidzi paanodzingwa muungano, anovazve wenyika yaSatani yakaipa. (1 Joh. 5:19) Saka anonzi akaiswa kuna Satani. Kudzingwa kwomunhu iyeye kunoita kuti kukanganiswa kwanga kuchiitwa ungano kuparare kana kubviswa uye kunoita kuti mafungiro evanhu vari muungano yacho arambe akanaka.—2 Tim. 4:22.

7:33, 34—“Zvinhu zvenyika” zvinonzi vanhu vakaroorana vane hanya nazvo zvii? Pauro aireva zvinhu zvisinganyanyi kukosha muupenyu izvo vaKristu vakaroora kana kuroorwa vaine hanya nazvo. Izvi zvinosanganisira zvokudya, zvokupfeka, uye pokugara, asi hazvibatanidzi zvinhu zvakaipa zvenyika ino, zvisingafaniri kuitwa nevaKristu.—1 Joh. 2:15-17.

11:26—Rufu rwaJesu runofanira kurangarirwa kakawanda zvakadini, uye “kusvikira” riini? Pauro akanga asiri kuti rufu rwaJesu rwaizorangarirwa pose pose. Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “pose” rinoreva kuti “chero pamuno-” kana kuti “nguva dzose pamuno-.” Saka Pauro aireva kuti pose panodya nokunwa vakazodzwa zviratidzo zveChirangaridzo, kamwe chete pagore, pana Nisani 14, vanenge ‘vachizivisa rufu rwaShe.’ Vanozviita “kusvikira asvika,” kureva kuti kusvikira avagamuchira kudenga pavanomutswa.—1 VaT. 4:14-17.

13:13—Rudo runopfuura kutenda netariro pakudii? Kana “zvinhu zvinenge zvichitarisirwa” zvazoitika uye “kuratidzwa kuri pachena” kwazvo kwazoonekwa, kutenda kuya netariro zvinobva zvaguma. (VaH. 11:1) Rudo runopfuura kutenda netariro pakuti runoramba ruripo nokusingaperi.

15:29—Zvinorevei “kubhabhatidzwa kuti vave vakafa”? Pauro akanga asiri kureva kuti vanhu vapenyu vabhabhatidzirwe vaya vakafa vasina kubhabhatidzwa. Pauro pano ari kutaura nezvevaKristu vakazodzwa nomudzimu vanobhabhatidzwa kuti vararame upenyu hwokuzvipira kusvikira vafa, vozomutswa vaine muviri womudzimu.

Zvatinodzidza:

1:26-31; 3:3-9; 4:7. Kuzvirumbidza muna Jehovha tichizvininipisa, kwete kuzvirumbidza pachedu, kunoita kuti pave nokubatana muungano.

2:3-5. Paaiparidzira ari muKorinde, muzinda wezivo nedzidzo yechiGiriki, Pauro angave ainetseka kana aizokwanisa kunyengetedza vateereri vake. Zvisinei, haana kubvumira kusasimba kwake kana kutya kwaangadaro aiita kuti kumutadzise kuita ushumiri hwaakanga apiwa naMwari. Saizvozvowo, hatifaniri kubvumira mamiriro ezvinhu akaoma atisina kujairana nawo kuti atitadzise kuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Sezvakaitwa naPauro, tinogona kutarisira nechivimbo kuti Jehovha achatibatsira.

2:16. Kuva ne“pfungwa dzaKristu” kunoreva kuziva mafungiro ake, kufunga sezvaanoita, kunyatsonzwisisa zvakakwana unhu hwake, uye kumutevedzera. (1 Pet. 2:21; 4:1) Zvinokosha zvikuru kuti tinyatsodzidza upenyu hwaJesu noushumiri!

3:10-15; 4:17. Tinofanira kunyatsozviongorora tovandudza madzidzisiro edu uye tobatsira vanhu kuva vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Kana tikasadzidzisa munhu zvakanaka, angasazokunda miedzo yokutenda, uye zvingatirwadza zvokuti kunyange tikapona, zvingaita ‘sokunge tapfuura nomumoto.’

6:18. ‘Kutiza ufeve’ kurega zvose zvinonzi por·neiʹa uyewo kurega kuona zvinonyadzisira, kuva netsika dzisina kuchena, kufungidzira zvinhu zvounzenza, uye kutamba nomunhu wausina kuroorana naye uchiita sounomuda—kureva kuti chero chinhu chingaita kuti munhu azoita ufeve.—Mat. 5:28; Jak. 3:17.

7:29. Vanhu vakaroorana vanofanira kungwarira kuti vasanyanya kuti kwati kwati zvokuti zvokutsigira Umambo zvinotozoiswa panzvimbo yechipiri muupenyu hwavo.

10:8-11. Jehovha akagumbuka zvikuru apo vaIsraeri vakanyunyutira Mosesi naAroni. Tinofanira kungwarira tsika yokungonyunyuta-nyunyuta.

16:2. Kuti tipe nechinangwa chokutsigira Umambo nguva dzose, tinofanira kugara taronga zvatichapa zvacho uye kuzviita zvakarongeka.

‘RAMBAI MUCHIRURAMISWA’

(2 VaK. 1:1–13:14)

Pauro anoudza VaKorinde kuti vanofanira ‘kukanganwira nomutsa uye kunyaradza’ mutadzi anopfidza anenge atsiurwa. Kunyange zvazvo tsamba yake yokutanga yakavasuwisa, Pauro anofara nokuti ‘vakasuruvariswa kuti vapfidze.’—2 VaK. 2:6, 7; 7:8, 9.

‘Zvavari kuwedzera pazvinhu zvose,’ Pauro anokurudzira VaKorinde kuti ‘vawedzere mukupa.’ Pashure pokupindura vaimupikisa, anopa vose zano rokupedzisira rokuti: “Rambai muchifara, muchiruramiswa, muchinyaradzwa, muchibvumirana pakufunga, muchigara norugare.”—2 VaK. 8:7; 13:11.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

2:15, 16—Tiri “kunhuhwirira kwakanaka kwaKristu” pakudini? Izvi zvinoitika nokuti tinonyatsotevedzera zvinotaurwa neBhaibheri uye tinoparadzira zvarinotaura. Kunyange zvazvo “kunhuhwirira” ikoko kungasemesa vasina kururama, kwakanaka kuna Jehovha, uye kuvanhu vane mwoyo yakatendeseka.

5:16—VaKristu vakazodzwa vanoti “hatizivi munhu panyama” pakudii? Havatarisi vanhu sezvinowanzoitwa nevanhu venyama, zvokuita tsvete kuvanhu vane pfuma, vorudzi rwavo, kana kuti vedzinza ravo. Chinokosha kwavari ukama hwavo nevamwe vavo panyaya dzokunamata.

11:1, 16; 12:11—Pauro airatidza kuva benzi here kuVaKorinde? Kwete. Zvisinei vamwe vangava vakamuona somunhu aizvikudza nemhaka yezvaaifanira kutaura achitsigira kuva kwake muapostora.

12:1-4—Ndiyani “akatorwa akaendeswa kuparadhiso”? Sezvo Bhaibheri risingatauri nezvomumwe munhu akaratidzwa zvakadaro uye ndima inotevera iine mashoko aPauro achitsigira kuva kwake muapostora, angangodaro aitaura nezvezvakaitika kwaari. Paradhiso yomudzimu ine ungano yechiKristu mu“nguva yokuguma” ndiyo ingangodaro yakafanoonekwa nomuapostora uyu.—Dhan. 12:4.

Zvatinodzidza:

3:5. Zvinotaura ndima iyi zvinoratidza kuti Jehovha anoita kuti vaKristu vanyatsokwanisa kuita ushumiri achishandisa Shoko rake, mudzimu wake mutsvene, uye sangano rake repasi pano. (Joh. 16:7; 2 Tim. 3:16, 17) Tingaita zvakanaka tikadzidza Bhaibheri nemabhuku anotsanangura Bhaibheri, tichiramba tichinyengetera kuti tipiwe mudzimu mutsvene, uye tichipinda misangano yechiKristu tichipindurawo.—Pis. 1:1-3; Ruka 11:10-13; VaH. 10:24, 25.

4:16. Sezvo Jehovha achimutsiridza “munhu watiri nechomukati” zuva nezuva, tinofanira kugara tichishandisa zvaanotipa, tisingaregi zuva richipfuura tisina kufunga nezveukama hwedu naMwari.

4:17, 18. Patinenge tiri mumatambudziko, tinofanira kubatsirwa kuramba takatendeka kuna Jehovha nokuyeuka kuti ‘kutambudzika kwacho ndokwenguva duku uye kwakareruka.’

5:1-5. Pauro anotaura zvakanaka manzwiro anoita vaKristu vakazodzwa nezvetariro yavo youpenyu hwokudenga!

10:13. Kazhinji tinofanira kushanda ndima yakapiwa ungano yedu chete, kunze kwokunge parongwa kuti tibatsire kunodiwa vaparidzi vakawanda.

13:5. Kuti ‘tizviedze kana tiri mukutenda,’ tinofanira kuva nechokwadi chokuti mufambiro wedu unoenderana nezvatinodzidza muBhaibheri. Kuti ‘tizviedze kuti tione kuti takadini,’ tinofanira kuongorora ukama hwedu naJehovha, kusanganisira kuti tinoshandisa zvakadini ‘simba redu rokunzwisisa’ uye kuti mabasa edu okutenda akawanda zvakadini. (VaH. 5:14; Jak. 1:22-25) Kana tikashandisa zano raPauro rakanaka, tinogona kuramba tichifamba munzira yechokwadi.

[Mufananidzo uri papeji 26, 27]

Mashoko okuti “pose pamunodya chingwa ichi nokunwira mukapu iyi” anorevei?—1 VaK. 11:26