Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ushumiri Hwepaimba Neimba—Nei Huchikosha Iye Zvino?

Ushumiri Hwepaimba Neimba—Nei Huchikosha Iye Zvino?

Ushumiri Hwepaimba Neimba—Nei Huchikosha Iye Zvino?

“Mazuva ose vakaramba vachidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paiye Kristu Jesu, mutemberi uye paimba neimba vasingaregi.”—MABASA 5:42.

1, 2. (a) Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa nenzira ipi yokuparidza? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

ZVAKAJAIRIKA kuona vanhu vachiita izvi munyika dzakawanda pasi pano. Vanhu vaviri vanenge vakapfeka zvakanaka vanosvika pane imwe imba vachida kuudza saimba shoko pfupi romuBhaibheri rine chokuita noUmambo hwaMwari. Kana munhu wacho akafarira mashoko acho, vangamuratidza mabhuku eBhaibheri vomuudza kuti vanogona kudzidza naye Bhaibheri asingabhadhari. Zvadaro vanoenda paimba inotevera. Kana uri mumwe wevanoita basa iri, kakawanda vanhu vanokuziva somumwe weZvapupu zvaJehovha usati watombotanga kutaura. Chokwadi seZvapupu zvaJehovha tinozivikanwa nebasa iri.

2 Tinoshandisa nzira dzakasiyana-siyana pakuita basa ratakapiwa naJesu rokuparidza nokuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Tinoparidza mumisika, mumigwagwa, nedzimwe nzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda. (Mab. 17:17) Tinoparidzira vakawanda norunhare uye netsamba. Tinoudza vaya vatinosangana navo patinenge tichiita mabasa edu ezuva nezuva chokwadi cheBhaibheri. Tinotova nenzvimbo yokubudisira mashoko paIndaneti, inoita kuti mashoko eBhaibheri awanike mumitauro inopfuura 300. * Nzira dzose idzi dzinoita kuti pave nemigumisiro yakanaka. Asi munzvimbo dzakawanda, nzira yatinonyanya kushandisa pakuparadzira mashoko akanaka ndeyokuparidza paimba neimba. Nei tichishandisa nzira iyi yokuparidza? Zvakafamba sei kuti inyanye kushandiswa nevanhu vaMwari mazuva ano? Uye nei ichikosha iye zvino?

Nzira Yaishandiswa Nevaapostora

3. Jesu akapa vaapostora mirayiridzo ipi nezvokuparidza, uye izvi zvinoratidzei nezvenzira yavaizofanira kuparidza nayo?

3 Nzira yokuparidza paimba neimba inotorwa muMagwaro. Jesu paakatuma vaapostora vake kunoparidza, akavarayira kuti: “Muguta rose kana musha wamunopinda, tsvakai mariri munhu akakodzera.” Vaizotsvaka sei vanhu vakakodzera? Jesu akavaudza kuti vaende mumisha yevanhu, achiti: “Pamunenge muchipinda mumba, kwazisai imba yacho; uye kana imba yacho yakakodzera, rugare rwamunoishuvira ngaruuye pairi.” Vaifanira kushanya vasina kukokwa here? Cherechedza mashoko akazotaurwa naJesu, okuti: “Kwose kusina munhu anokupinzai mukati kana kuteerera mashoko enyu, pamunobuda muimba iyoyo kana muguta iroro, zunzai guruva riri patsoka dzenyu.” (Mat. 10:11-14) Mirayiridzo iyi inojekesa kuti vaapostora pavaizo“pfuura nomunharaunda vachifamba pamusha nomusha, vachizivisa mashoko akanaka,” ndivo vaifanira kutanga kushanyira vanhu vaiva mumisha yavo.—Ruka 9:6.

4. Basa rokuparidza paimba neimba rinotaurwa papi muBhaibheri?

4 Bhaibheri rinotaura zvakananga kuti vaapostora vakaparidza paimba neimba. Somuenzaniso, Mabasa 5:42 inoti nezvavo: “Mazuva ose vakaramba vachidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paiye Kristu Jesu, mutemberi uye paimba neimba vasingaregi.” Kwapera makore anenge 20, muapostora Pauro akayeuchidza varume vakuru vomuungano yokuEfeso kuti: “Handina kurega kukuudzai zvinhu zvaikubatsirai kana kukudzidzisai pachena uye paimba neimba.” Pauro akamboshanyira vakuru ivavo vasati vava vatendi here? Zviri pachena, nokuti zvimwe zvaakavadzidzisa “kupfidza kuna Mwari nokutenda munaShe wedu Jesu.” (Mab. 20:20, 21) Bhuku rinonzi Robertson’s Word Pictures in the New Testament rakataura nezvaMabasa 20:20 richiti: “Zvinokosha kuona kuti muparidzi mukuru pane vose uyu akaparidza paimba neimba.”

Uto Remhashu Remazuva Ano

5. Muuprofita hwaJoeri basa rokuparidza rinotaurwa sei?

5 Kuparidza kwaiitwa muzana remakore rokutanga kwaifanoratidza basa rakakura raizoitwa mazuva ano. Muprofita Joeri akafananidza basa rokuparidza raiitwa nevaKristu vakazodzwa nedambudziko rezvipembenene, zvaisanganisira mhashu. (Joe. 1:4) Dzichiuya sezvinoita uto, mhashu dzacho dzinokunda zvipingamupinyi zvakawanda, dzinopinda mudzimba uye dzinoparadza zvose zvadzinowana. (Verenga Joeri 2:2, 7-9.) Izvi zvinofananidzira zvakajeka kutsungirira uye kuita nomazvo basa rokuparidza kunoitwa nevanhu vaMwari mazuva ano! Ushumiri hwepaimba neimba ndihwo hunonyanya kushandiswa nevaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo “mamwe makwai” kuti vazadzike uprofita uhwu. (Joh. 10:16) Zvakafamba sei kuti isu Zvapupu zvaJehovha tishandise nzira iyoyo yaishandiswa nevaapostora pakuparidza?

6. Muna 1922, vanhu vakakurudzirwei nezvokuparidza paimba neimba, asi vamwe vakaita sei?

6 Kubvira muna 1919, zvakasimbiswa kuti muKristu mumwe nomumwe anofanira kuita basa rokuparidza. Somuenzaniso, nyaya yaiva nomusoro unoti “Ushumiri Hunokosha” yaiva muNharireyomurindi yaAugust 15, 1922, yakayeuchidza vaKristu vakazodzwa kukosha kwo“kuendesa mashoko akanyorwa kuvanhu uye kutaura navo pamasuo avo, tichipupurira kuti umambo hwokudenga hwava pedyo.” Mharidzo dzaiva nemashoko akakwana dzaibudiswa muBulletin (hwava kunzi Ushumiri Hwedu hwoUmambo). Kunyange zvakadaro, pakutanga vaiparidza paimba neimba vaiva vashoma. Vamwe vakanga vasingaparidzi paimba neimba. Vaitaura zvikonzero zvakasiyana-siyana, asi chainyanya kunetsa ndechokuti vamwe vaiona sokuti kuparidza paimba neimba kwaivabvisa chimiro. Pakanyanya kusimbiswa basa romumunda, vakawanda vavo vakarega zvishoma nezvishoma kuwadzana nesangano raJehovha.

7. Kuma1950, zvakava pachena kuti chii chaifanira kuitwa?

7 Mumakumi emakore akazotevera, vakawanda vakatanga kuita basa rokuparidza. Zvisinei, zvakava pachena kuti munhu mumwe nomumwe aifanira kuramba achidzidziswa ushumiri hwepaimba neimba. Somuenzaniso, chimbofunga zvakaitika muUnited States. Mukutanga kwema1950, Zvapupu 28 muzana zvomunyika iyoyo zvaingoparidza nokugovera mahendibhiri kana kuti kumira mumigwagwa nemagazini. Vanopfuura 40 muzana vakanga vasinganyanyi kuita basa rokuparidza, vaitorega mwedzi yakawanda ichipfuura vasina kana kumboparidzira. Chii chaigona kuitwa kuti vaKristu vose vakazvitsaurira vabatsirwe kuparidza paimba neimba?

8, 9. Urongwa hupi hwokudzidzisa vanhu hwakatangwa muna 1953, uye hwakaguma nei?

8 Pane rimwe gungano remarudzi akawanda rakaitirwa kuNew York City muna 1953, ushumiri hwepaimba neimba ndihwo hwakanyanya kutaurwa nezvahwo. Hama Nathan H. Knorr vakazivisa kuti basa guru revatariri vose vechiKristu nderokubatsira Chapupu chimwe nechimwe kuti chiite ushumiri hwepaimba neimba nguva dzose. Vakati: “Munhu wose anofanira kugona kuparidza mashoko akanaka paimba neimba.” Urongwa hwokudzidzisa kuparidza hwakatangwa munyika dzose kuti izvi zvibudirire. Vaya vakanga vasati vava kuparidza paimba neimba vakadzidziswa kutanga kutaura nevanhu pamasuo avo, kukurukura navo zviri muBhaibheri, uye kupindura mibvunzo yavo.

9 Zvakabuda paurongwa uhwu hwokudzidzisa zvaishamisa. Mumakore gumi, munyika yose vaparidzi vakawedzera ne100 muzana, shanyo dzedzokerero ne126 muzana, uye zvidzidzo zveBhaibheri ne150 muzana. Mazuva ano, vaparidzi voUmambo vanenge mamiriyoni manomwe vari kuparidza mashoko akanaka munyika yose. Kuwedzera kunoshamisa uku uchapupu hwokuti Jehovha ari kukomborera basa rokuparidza paimba neimba riri kuitwa nevanhu vake.—Isa. 60:22.

Kuisa Vanhu Chiratidzo Kuti Vaponeswe

10, 11. (a) Ezekieri akaratidzwei, sezvakanyorwa muna Ezekieri chitsauko 9? (b) Zvaakaratidzwa izvozvo zviri kuzadzika sei mazuva ano?

10 Zvakaratidzwa muprofita Ezekieri zvinobudisa kukosha kwoushumiri hwepaimba neimba. Pane zvaanoratidzwa, Ezekieri anoona varume vatanhatu vakabata zvombo uye murume wechinomwe akapfeka nguo yerineni uye aine nyanga yeingi yomunyori padivi pake. Murume wechinomwe wacho anoudzwa kuti ‘apfuure nomuguta’ uye ‘aise chiratidzo pahuma dzevanhu vari kuchema nokugomera pamusoro pezvinhu zvose zvinosemesa zviri kuitwa mukati maro.’ Basa iroro rokuisa chiratidzo raitwa, varume vatanhatu vane zvombo zvokuurayisa vanorayirwa kuti vauraye vose vasina chiratidzo.—Verenga Ezekieri 9:1-6.

11 Tinonzwisisa kuti pakuzadzika kwouprofita uhwu, murume “akapfeka nguo yerineni” anomiririra vaKristu vakazodzwa nomudzimu vasara pasi pano. Basa rokuparidza uye rokuita kuti vanhu vave vadzidzi rinoita kuti boka revakazodzwa riise chiratidzo chokufananidzira pane vaya vanova “mamwe makwai” aKristu. (Joh. 10:16) Chiratidzo chacho chii? Uchapupu hunoita sehwakanyorwa pahuma dzavo dzisina kufukidzwa, hwokuti makwai iwayo vadzidzi vaJesu Kristu vakazvitsaurira, vakabhabhatidzwa uye vakapfeka unhu hutsva hwakaita sohwaKristu. (VaEf. 4:20-24) Ava vakaita semakwai vanova boka rimwe nevaKristu vakazodzwa uye vanovabatsira mubasa ravo rinokosha rokuisa chiratidzo pane vamwe vakawanda.—Zvak. 22:17.

12. Zvakaratidzwa Ezekieri nezvokuisa chiratidzo pahuma zvinoratidza sei kukosha kwebasa redu rokutsvaka vanhu vakafanana nemakwai?

12 Zvakaratidzwa Ezekieri zvinobudisa chimwe chikonzero chokuti nei tichifanira kukurumidza kutsvaka vanhu vari “kuchema nokugomera.” Upenyu hwevanhu huri pangozi. Munguva pfupi iri kuuya, mauto aJehovha okudenga anouraya, anomiririrwa nevarume vatanhatu vane zvombo, achaparadza vaya vasina chiratidzo chokufananidzira. Nezvokutongwa kuri kuuya ikoko, muapostora Pauro akanyora kuti Ishe Jesu, pamwe chete ne“ngirozi dzake dzine simba,” acha“tsiva vaya vasingazivi Mwari nevaya vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu.” (2 VaT. 1:7, 8) Cherechedza kuti vanhu vachatongwa zvinoenderana nezvavakaita pavakanzwa mashoko akanaka. Saka kuziviswa kwemashoko aMwari kunofanira kuramba kuchienderera kusvikira kumugumo. (Zvak. 14:6, 7) Izvi zvinopa vashumiri vaJehovha vose vakazvitsaurira basa rinokosha zvikuru.—Verenga Ezekieri 3:17-19.

13. (a) Muapostora Pauro ainzwa aine chikwereti chei, uye nei ainzwa saizvozvo? (b) Iwe unonzwa uine chikwereti chei nevanhu vari mundima yako?

13 Muapostora Pauro akanga asingatori basa rokuudza vamwe mashoko akanaka sechinhu chaangaitirwa nomumwe munhu. Akanyora kuti: “Ndine chikwereti nevaGiriki nevasiri vaGiriki, nevakachenjera uye nemapenzi: naizvozvo ndinoda kwazvo kuzivisawo mashoko akanaka kwamuri kuRoma ikoko.” (VaR. 1:14, 15) Achionga ngoni dzaakanga aitirwa, Pauro ainzwa achifanira kuedza kubatsira vamwe kuti vabatsirwewo nomutsa waMwari usina kukodzera sezvo iye akanga abatsirwa nawo. (1 Tim. 1:12-16) Ainzwa sokuti ane chikwereti nomunhu wose waaiona, chikwereti chaingogona kubhadharwa bedzi nokuudza munhu iyeye mashoko akanaka. Iwe unonzwawo sokuti une chikwereti nevanhu vari mundima yako here?—Verenga Mabasa 20:26, 27.

14. Ndechipi chikonzero chinonyanya kukosha chinoita kuti tiparidze pachena uye paimba neimba?

14 Kunyange zvazvo kuponeswa kwevanhu kuchikosha, pane chikonzero chinotonyanya kukosha chinoita kuti tiparidze paimba neimba. Muuprofita hwakanyorwa pana Maraki 1:11, Jehovha anozivisa kuti: “Zita rangu richava guru pakati pemarudzi kubvira kunobuda nezuva kusvikira kwarinovirira, uye . . . zita rangu richaunzirwa chinopiwa, icho chipo chakachena; nokuti zita rangu richava guru pakati pemarudzi.” Vachizadzika uprofita uhwu, vashumiri vaJehovha vakazvitsaurira vari kurumbidza zita rake pachena mupasi rose, sezvavanoita ushumiri hwavo vachizvininipisa. (Pis. 109:30; Mat. 24:14) Kupa Jehovha “chibayiro chokurumbidza” ndicho chikonzero chinonyanya kukosha chinoita kuti tiparidze pachena uye paimba neimba.—VaH. 13:15.

Zviitiko Zvinokosha Zviri Mberi

15. (a) VaIsraeri vakawedzera sei zvavaiita pavaitenderera Jeriko pazuva rechinomwe? (b) Izvi zvinoratidzei nezvebasa rokuparidza?

15 Zvii zvichiri kufanira kuitika zvine chokuita nebasa rokuparidza? Kukombwa kweJeriko, kwakanyorwa mubhuku raJoshua, kune zvakunofananidzira. Yeuka kuti kwasara nguva pfupi kuti Mwari aparadze Jeriko, vaIsraeri vakarayirwa kuti vafore vachitenderera guta racho kamwe chete pazuva kwemazuva matanhatu. Zvisinei, pazuva rechinomwe, vaifanira kuzviita kakawanda. Jehovha akaudza Joshua kuti: “Munofanira kufora muchitenderera guta kanomwe uye vapristi vanofanira kuridza hwamanda. Pavanoridza nyanga yegondohwe, . . . vanhu vose vanofanira kushevedzera kwazvo nokuda kwehondo; uye rusvingo rweguta racho ruchakoromoka rwose.” (Josh. 6:2-5) Basa redu rokuparidza rinogona kuwedzerawo saizvozvo. Hapana mubvunzo kuti panguva yokuparadzwa kwemamiriro ezvinhu epanguva ino, tichange taona kupupurirwa kwezita raMwari uye kwoUmambo kwakakura zvikuru uye kusati kwamboitika munyika ino.

16, 17. (a) Chii chichaitwa “kutambudzika kukuru” kusati kwapera? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

16 Nguva ingasvika apo shoko ratinozivisa richaita so“kushevedzera kwazvo nokuda kwehondo.” Mubhuku raZvakazarurwa, mashoko akasimba okutonga anofananidzirwa ne“chimvuramabwe chikuru chine matombo, rimwe nerimwe riine uremu hunenge hwetarenda.” * Uye Zvakazarurwa 16:21 inoti: “Dambudziko racho rakanga rakakura kwazvo.” Hatizivi kuti ushumiri hwepaimba neimba huchaita basa rakadini pakuita kuti mashoko iwayo okutonga okupedzisira aziviswe. Asi tinogona kuva nechokwadi chokuti “kutambudzika kukuru” kusati kwapera, zita raJehovha richange raziviswa zvarisati ramboitwa.—Zvak. 7:14; Ezek. 38:23.

17 Sezvatiri kumirira zviitiko zvinokosha zviri pamberi apa, ngatirambei tichishingaira kuzivisa mashoko akanaka oUmambo. Patinenge tichiita basa iroro, ushumiri hwepaimba neimba hunotiomera sei, uye tingaramba sei tichihuita zvakadaro? Mibvunzo iyi ichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Kero yedu yepamutemo yenzvimbo yokubudisira mashoko paIndaneti inoti www.watchtower.org.

^ ndima 16 Kana pari kurehwa tarenda raishandiswa nevaGiriki, chimvuramabwe chimwe nechimwe chaizorema makirogiramu anenge 20.

Ungapindura Sei?

• Kuparidza paimba neimba kunotorwa papi muMagwaro?

• Ushumiri hwepaimba neimba hwakasimbiswa sei mazuva ano?

• Nei vashumiri vaJehovha vakazvitsaurira vachifanira kuparidza?

• Zviitiko zvipi zvinokosha zviri mberi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 4]

Unonzwa uchifanira kuparidzira vamwe, sezvaiita muapostora Pauro here?

[Mufananidzo uri papeji 5]

Hama Knorr, 1953