Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Isa Mwoyo Wako Pachinhu Chimwe Chete Kuti Urambe Wakavimbika

Isa Mwoyo Wako Pachinhu Chimwe Chete Kuti Urambe Wakavimbika

Isa Mwoyo Wako Pachinhu Chimwe Chete Kuti Urambe Wakavimbika

“Ndichafamba muchokwadi chenyu. Batanidzai mwoyo wangu kuti utye zita renyu.”—PIS. 86:11.

1, 2. (a) Maererano nePisarema 86:2, 11, chii chichatibatsira kuramba takatendeka kuna Jehovha pasinei nemiedzo? (b) Tinofanira kutanga riini kuva vakavimbika nomwoyo wose?

NEI vamwe vaKristu vanenge vamboramba vakatendeka kwemakore pasinei nokuiswa mumajeri nokutambudzwa vachizopedzisira vava kudisa pfuma? Mhinduro yacho ine chokuita nemwoyo wedu wokufananidzira, kureva zvatiri chaizvo nechomukati. Pisarema rechi86 rinoti mwoyo wakabatana wakavimbika; kureva kuti wakakwana, hauna kukamuka. Munyori wepisarema Dhavhidhi akanyengetera achiti, “Haiwa, rindai mweya wangu, nokuti ndakavimbika. Imi muri Mwari wangu—ponesai mushumiri wenyu—anovimba nemi.” Dhavhidhi akanyengeterawo kuti: “Haiwa Jehovha, ndirayiridzei pamusoro penzira yenyu. Ndichafamba muchokwadi chenyu. Batanidzai mwoyo wangu kuti utye zita renyu.”—Pis. 86:2, 11.

2 Kana tikasavimba naJehovha nemwoyo wedu wose, vanhu vatinoda uye zvimwe zvatinofunga zvingakanganisa kuvimbika kwedu kuna Mwari. Zvido zvoudyire zvakaita sezvimbambaira zvakachererwa munzira yatinofamba. Kunyange zvazvo tingava taramba takavimbika kuna Jehovha mumiedzo yakakura, tinogona kubatwa nomusungo kana kuti zviteyeso zvaSatani. Zvinokosha kwazvo kuti iye zvino miedzo isati yasvika, titange kuva vakavimbika kuna Jehovha zvichibva pamwoyo! “Pazvinhu zvose zvinofanira kuchengetedzwa,” rinodaro Bhaibheri, “chengetedza mwoyo wako.” (Zvir. 4:23) Tinogona kuwana zvidzidzo zvinokosha nezvenyaya iyi kubva pane zvakaitika kumuprofita wokuJudha akatumwa naJehovha kuna Mambo Jerobhoamu wokuIsraeri.

Handei “Ndikupe Chipo”

3. Jerobhoamu akaita sei paakaudzwa nomuprofita waMwari kuti aizotongwa?

3 Chimbofungidzira zviri kuitika. Munhu waMwari achangobva kutaura mashoko anopedza simba kuna Mambo Jerobhoamu, uyo akanga aita kuti umambo hwaIsraeri hwokuchamhembe hwemadzinza gumi hunamate mhuru. Mambo wacho anoshatirwa. Anoudza varume vake kuti vabate mutumwa wacho. Asi Jehovha ane mushumiri wake. Ruoko rwamambo rwaatambanudza ashatirwa runobva rwangooma, uye atari iri kushandiswa pakunamata kwenhema inotsemuka. Manyemwe ose aJerobhoamu anobva angopera. Anoteterera munhu waMwari achiti: “Ndapota, kumbira kuti Jehovha Mwari wako andinzwire nyasha, undinyengeterere kuti ruoko rwangu ruporeswe.” Muprofita anonyengetera, uye ruoko rwamambo runopora.—1 Madz. 13:1-6.

4. (a) Nei mashoko amambo aiva muedzo wokuvimbika kwomuprofita? (b) Muprofita wacho akapindura sei?

4 Jerobhoamu anozoti kumunhu waMwari wechokwadi: “Handei tose kumba, udye zvokudya, ndikupe chipo.” (1 Madz. 13:7) Muprofita wacho achaita sei? Obvuma kuenda namambo kwaari kumukoka here, iye amuudza kuti achatongwa? (Pis. 119:113) Kana kuti oramba here, kunyange zvazvo mambo wacho achiita seapfidza? Zvechokwadi Jerobhoamu ane zvinhu zvakawanda zvinodhura zvaanogona kupa shamwari dzake. Kana muprofita waMwari agara aine karuchiva kepfuma, zviri kutaurwa namambo zvingava muedzo mukuru chaiwo. Asi Jehovha akaudza muprofita wacho kuti: “Usadya zvokudya kana kunwa mvura, uye usadzoka nenzira yawaenda nayo.” Saka muprofita wacho anopindura asingatendereri kuti: “Kunyange maizondipa hafu yeimba yenyu, ndaisazoenda nemi ndodya zvokudya kana kunwa mvura munzvimbo ino.” Uye muprofita wacho anobuda muBheteri neimwe nzira. (1 Madz. 13:8-10) Chisarudzo chomuprofita wacho chinotidzidzisei nezvokuvimbika nomwoyo wose?—VaR. 15:4.

“Gutsikana”

5. Kudisa pfuma inyaya inoratidza kuti hatina kuvimbika pakudini?

5 Kudisa pfuma kungasatorwa senyaya inoratidza kuti hatina kuvimbika, asi ndizvo zvazviri. Tinovimba here nezvakapikirwa naJehovha zvokuti achatipa zvokurarama nazvo? (Mat. 6:33; VaH. 13:5) Pane kuita zvose zvatingagona kuti tiwane zvinhu zvinonzi “zviri nani” muupenyu isu tisati tava kukwanisa kuzviwana, zvinoita here kuti tirarame tisinazvo? (Verenga VaFiripi 4:11-13.) Tinombonzwa tichida kurega kuita zvakawanda mubasa raMwari kuti tiwane zvatinoda iye zvino here? Kushumira Jehovha nokuvimbika ndicho chinhu chokutanga muupenyu hwedu here? Mhinduro dzedu dzichaenderana nokuti tinoshumira Mwari nomwoyo wose here kana kuti kwete. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kuzvipira kuna Mwari uku pamwe chete nokugutsikana inzira inopfumisa kwazvo. Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, uye hapana chatingabuda nacho. Naizvozvo, kana tiine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.”—1 Tim. 6:6-8.

6. “Zvipo” zvipi zvatingapiwa, uye chii chichatibatsira kusarudza kuzvigamuchira kana kuzviramba?

6 Somuenzaniso, munhu watinoshandira angati anoda kutisimudzira pabasa, mari nezvimwe zvatinowana zvowedzera. Kana kuti tingafunga kuti tingawana mari yakawanda tikaenda kunotsvaga basa kunze kwenyika kana kuti kure nokumusha. Pakutanga tingaona mikana yakadaro sechikomborero chinobva kuna Jehovha. Asi tisati taishandisa, hatifaniri kuongorora kuti chinangwa chedu ndechei here? Tinofanira kunyanya kuzvibvunza kuti, “Chisarudzo changu chichasiya ukama hwangu naJehovha hwava papi?”

7. Nei zvichikosha kuti tibvise pfungwa yokudisa pfuma?

7 Nyika yaSatani inoramba ichitsigira kudisa pfuma. (Verenga 1 Johani 2:15, 16.) Chinangwa chaDhiyabhorosi ndechokushatisa mwoyo yedu. Saka tinofanira kungwarira kuti tione kana tiri kudisa pfuma tobva tabvisa pfungwa dzakadaro mumwoyo medu. (Zvak. 3:15-17) Jesu haana kumboomerwa nokuramba umambo hwenyika hwaakanga anzi naSatani atore. (Mat. 4:8-10) Akanyevera kuti: “Rambai makasvinura, muchenjerere kuchochora kwemarudzi ose, nokuti kunyange kana munhu aine zvizhinji upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.” (Ruka 12:15) Pane kuti tizvivimbe, kuvimbika kuchatibatsira kuvimba naJehovha.

Muprofita Akwegura “Akamunyengedza”

8. Kuvimbika kwomuprofita waMwari kwakaedzwa sei?

8 Zvinhu zvingadai zvakafambira zvakanaka muprofita waMwari dai akapfuurira nerwendo rwake rwokudzokera kumusha. Zvisinei, pasina nguva akatarisana nomumwe muedzo. Bhaibheri rinoti: “Zvino muBheteri maigara mumwe muprofita akanga akwegura, uye vanakomana vake vakasvika, vakarondedzera kwaari” zvose zvakanga zvaitika zuva iroro. Anzwa izvozvo, mukweguru wacho anokumbira kuti vamuisire chigaro pambongoro kuti atevere muprofita waMwari. Pasina nguva, anomuwana akagara pasi pomuti mukuru uye anoti: “Handei kumba unodya zvokudya.” Panoramba munhu waMwari wechokwadi kuenda kwaari kukokwa, mukweguru wacho anomupindura kuti: “Iniwo ndiri muprofita sewe, ngirozi yataura neni neshoko raJehovha, ichiti, ‘Mudzose kumba kwako kuti adye zvokudya nokunwa mvura.’” Asi Magwaro anoti: “Akamunyengedza.”—1 Madz. 13:11-18.

9. Magwaro anotii nezvevanhu vanonyengera, uye vanokanganisa ani?

9 Hatizivi kuti muprofita akwegura uyu akazviitirei, asi akanyepa. Zvichida mukweguru uyu aitombova muprofita akatendeka waJehovha. Asi panguva iyi akaratidza unyengeri. Maitiro akadaro anoshorwa zvakasimba muMagwaro. (Verenga Zvirevo 3:32.) Vanyengeri vanokanganisa ukama hwavo naJehovha uye vanowanzokanganisawo vamwe.

“Akadzokera” Nomukweguru Wacho

10. Muprofita waMwari akaita sei paakakokwa nomurume akwegura, uye izvi zvakazomusvitsa papi?

10 Muprofita wokuJudha aifanira kuona kuti ari kunyengedzwa nomuprofita akwegura. Angadai akazvibvunza kuti, ‘Sei Jehovha azotuma ngirozi kune mumwe munhu kuti azondiudza zvokuita?’ Muprofita uyu angadai akabvunza Jehovha kuti zvaakanga audzwa ndizvo here, asi Magwaro haatauri kuti ndizvo zvaakaita. Pane kudaro, “akadzokera naye [murume akwegura] kuti adye zvokudya mumba make nokunwa mvura.” Izvi hazvina kufadza Jehovha. Paakazopinda munzira odzokera kuJudha, muprofita wokunyengedzwa uyu akasangana neshumba ikabva yamuuraya. Basa riya rokuprofita rakabva rangopererawo ipapo!—1 Madz. 13:19-25. *

11. Muenzaniso waAhija wakanaka pakudini?

11 Asi muprofita Ahija, uyo akatumwa kunozodza Jerobhoamu kuva mambo, akaramba akatendeka kunyange akanga akwegura. Ahija paakanga akwegura uye asisaoni, Jerobhoamu akatuma mudzimai wake kunobvunza Ahija kuti chii chaizoitika kumwanakomana wavo airwara. Asingatyi, Ahija akafanotaura kuti mwanakomana waJerobhoamu aizofa. (1 Madz. 14:1-18) Ahija akawana zvikomborero zvakawanda, zvinosanganisira kuti zvimwe zvaakanyora zvakazoiswawo muShoko raMwari rakafuridzirwa. Sei? Panhoroondo yaakanyora, mupristi Ezra akatora mamwe mashoko pane zvakanyorwa naAhija.—2 Mak. 9:29.

12-14. (a) Tinodzidzei pane zvakaitika kumuprofita muduku? (b) Taura mienzaniso inoratidza kukosha kwokufungisisa tichinyengetera patinopiwa mazano anobva muBhaibheri nevakuru.

12 Bhaibheri haritauri kuti nei muprofita muduku asina kutanga abvunza Jehovha asati adzokera kunodya uye kunonwa nomukweguru. Hakusi here kuti mukweguru wacho akamutaurira zvaakanga agara achida kunzwa? Tinodzidzei pane izvi? Tinofanira kuva nechivimbo chizere chokuti zvinodiwa naJehovha zvakarurama. Uye tinofanira kutsunga kutevera zvaanoda, kunyange zvodini.

13 Pavanotsvaka mazano, vamwe vanenge vagara vane zvavanoda kunzwa. Somuenzaniso, muparidzi angapiwa basa ringaita kuti asare nenguva shomanana yokuva nemhuri yake uye yokuita zvokunamata. Angabvunza mumwe mukuru kuti oita sei. Mukuru wacho angatanga nokumutaurira kuti iye haasi kuzomuudza zvokuita kuti atarisire mhuri yake. Mukuru wacho angazokurukura naye achimuratidza zvakaipa zvinogona kuitika kwaari somuKristu kana akabvuma basa raari kupiwa. Hama iyi ichayeuka zvataurwa pakutanga chete nomukuru uyu here, kana kuti ichanyatsofungisisa zvimwe zvaazokurukura pashure? Zviri pachena kuti hama iyi inofanira kusarudza zvakanyanya kuinakira panyaya dzokunamata.

14 Funga zvimwe zvingaitika. Hanzvadzi ingabvunza mukuru kana ichifanira kuparadzana nomurume wayo asingatendi. Mukuru wacho achatomutsanangurira kuti zviri kwaari kuti voparadzana here kana kuti kwete. Angazokurukura mazano emuBhaibheri panhau iyi. (1 VaK. 7:10-16) Hanzvadzi yacho ichanyatsofungisisa zvataurwa nomukuru here? Kana kuti akatosarudza kuti ari kuda kusiya murume wake? Acharatidza kuti akachenjera kana akatanga afungisisa mazano anobva muBhaibheri achinyengetera, asati asarudza zvaachaita.

Zvininipise

15. Tinodzidzei pakukanganisa kwakaita muprofita waMwari?

15 Chii chimwe chatingadzidza pakukanganisa kwakaita muprofita wokuJudha? Zvirevo 3:5 inoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako.” Pane kuti arambe achivimba naJehovha sezvaaisimboita, panguva iyi muprofita wokuJudha akanga ava kuzvivimba. Izvi zvakaita kuti arasikirwe noukama hwake naMwari, zvikamuurayisa. Zvakaitika kwaari zvinonyatsoratidza kukosha kwokushumira Jehovha nokuzvininipisa uye nokuvimbika!

16, 17. Chii chichatibatsira kuramba takavimbika kuna Jehovha?

16 Kazhinji mwoyo wedu unenge uchida kutitungamirira kuita zvakaipa. “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose uye wakaipa kwazvo.” (Jer. 17:9) Kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha, tinofanira kugara tichishanda nesimba kubvisa unhu hwekare hwokuzvikudza uye kuzvivimba. Uye tinofanira kupfeka unhu hutsva “hwakasikwa maererano nezvinodiwa naMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.”—Verenga VaEfeso 4:22-24.

17 “Vane mwero ndivo vane uchenjeri,” inodaro Zvirevo 11:2. Kuvimba naJehovha tichizvininipisa kunotibatsira kuti tisaita zvinhu zvatinozozvidemba. Somuenzaniso, kana takaora mwoyo zviri nyore kuti tisanyatsoziva zvatiri kuita. (Zvir. 24:10) Tinganzwa taneta pakuita rimwe remabasa okunamata uye tinganzwa sokuti zvatakaita makore akapfuura zvakatokwana, zvichida tofunga kuti tochisiyirawo vamwe. Kana kuti tingashuva kurarama sezviri kuitawo vamwe vari munyika. Zvisinei, ‘kushanda nesimba’ uye ‘kugara tiine zvizhinji zvokuita mubasa raShe’ kunochengetedza mwoyo yedu.—Ruka 13:24; 1 VaK. 15:58.

18. Tingaita sei kana tichishaya kuti toita zvipi?

18 Dzimwe nguva tingafanira kuita zvisarudzo zvakaoma, uye zvingatiomera kuziva zvokuita. Tingaedzwa kuti tiite zvatinofunga kuti ndizvo zvakarurama here? Pose pazvinenge zvadai, tinenge takachenjera kana tikakumbira Jehovha kuti atibatsire. Jakobho 1:5 inoti, “Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari . . . nokuti iye ane rupo kuna vose.” Baba vedu vokudenga vachatipa mudzimu mutsvene kuti utibatsire kusarudza zvakanaka.—Verenga Ruka 11:9, 13.

Tsunga Kuramba Wakavimbika

19, 20. Tinofanira kutsunga kuitei?

19 Kutsauka kwakaita Soromoni pakunamata kwechokwadi kwakaedza kuvimbika kwevanhu vaMwari uye kwakaita kuti makore akazotevera ave asina kugadzikana. Ichokwadi kuti vakawanda vakatsauka munzira dzakasiyana-siyana. Asi vamwe vakaramba vakavimbika kuna Jehovha.

20 Zuva nezuva tine zvisarudzo zvatinofanira kuita, izvo zvinoedza kuvimbika kwedu. Nesuwo tinogona kuratidza kuti takatendeka. Ngatirambei takavimbika kuna Jehovha nemwoyo wakakwana, tiine chivimbo chikuru chokuti acharamba achikomborera vanhu vake vakavimbika.—2 Sam. 22:26.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Bhaibheri haritauri kana Jehovha akazourayawo muprofita akakwegura.

Ungapindura Sei?

• Nei tichifanira kubvisa zvachose pfungwa yokudisa pfuma mumwoyo yedu?

• Chii chichatibatsira kuramba takavimbika kuna Jehovha?

• Kuzvininipisa kungatibatsira sei kuramba takavimbika kuna Mwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Zvakakuomera here kukurira miedzo?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Uchafungisisa nezvezano reBhaibheri uchinyengetera here?