Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Ane Hanya Zvechokwadi Nevashumiri Vake Vakwegura

Jehovha Ane Hanya Zvechokwadi Nevashumiri Vake Vakwegura

Jehovha Ane Hanya Zvechokwadi Nevashumiri Vake Vakwegura

“Mwari haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.”—VAH. 6:10.

1, 2. (a) Kuona munhu achena musoro kungakuyeuchidza nezvechii? (b) Jehovha anoona sei vaKristu vachembera?

PAUNOONA vanhu vakwegura vane misoro yachena muungano, hauyeuchidzwi here nezvenhoroondo iri mubhuku reBhaibheri raDhanieri? Mune zvaakaratidza Dhanieri, Jehovha Mwari akazvifananidza nomunhu ane musoro wachena. Dhanieri akanyora kuti: “Ndakaramba ndakatarira kusvikira zvigaro zvoumambo zvaiswa, Akakwegura Pamazuva akagara ipapo. Chipfeko chake chakanga chakachena sechando, uye bvudzi romusoro wake rakanga rakachena semvere dzemakwai dzisina tsvina.”—Dhan. 7:9.

2 Mvere dzemakwai kana dzisina tsvina, kazhinji kacho dzinenge dzakanyatsoti mbee kuchena. Saka bvudzi jena nemashoko okuremekedza okuti “Akakwegura Pamazuva” zvinoratidza kuti Mwari agara aripo uye akachenjera kwazvo, izvo zvinoita kuti timuremekedze zvakadzama. Saka Akakwegura Pamazuva, Jehovha, anoona sei varume nevakadzi vakatendeka vakwegura? Shoko raMwari rinoti “kuchena musoro ikorona yorunako pakunowanikwa munzira yokururama.” (Zvir. 16:31) Chokwadi kana muKristu akasvika pakuchena musoro, chitarisiko ichocho chinoyevedza kuna Mwari. Unoona hama nehanzvadzi dzachembera semaonerwo adzinoitwa naJehovha here?

Nei Vachidiwa Kudaro?

3. Nei tichida chaizvo vakwegura vatinonamata navo?

3 Pavashumiri vaMwari vanodiwa vakwegura ivavo, pane nhengo dzeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, vatariri vanofambira nevamwe vaimbofambira, mapiyona anoshingaira, uye vaparidzi voUmambo vakasimba pakunamata—hama nehanzvadzi dzinoshumira nokutendeka muungano dzedu. Ungadaro uchiziva vamwe vakaparidza mashoko akanaka kwemakore nemakore vachishingaira uye vane muenzaniso wakanaka wakakurudzira nokuumba vaduku kwavari. Vamwe vaKristu vakwegura vakaita mabasa anorema uye vakatsungirira kutambudzirwa mashoko akanaka. Jehovha uye “muranda akatendeka, akangwara” vanokoshesa zvikuru zvakaitwa nehama idzi uye zvadziri kuita mubasa roUmambo.—Mat. 24:45.

4. Nei tichifanira kunyengeterera vaKristu vachembera uye kuvaremekedza?

4 Zvakakodzera kuti vamwe vashumiri vaJehovha Mwari vaonge uye varemekedze vakwegura vakatendeka. Kutaura zvazviri, Mutemo waMwari wakapiwa pachishandiswa Mosesi unoratidza kubatana kwakaita kuremekedza vanhu vachembera nokutya Jehovha. (Revh. 19:32) Tinofanira kugara tichinyengeterera ava vakatendeka uye tichitenda Mwari nokuda kwemabasa avo orudo. Muapostora Pauro akanyengeterera vaaishanda navo, vaduku nevakuru, vaaida chaizvo.—Verenga 1 VaTesaronika 1:2, 3.

5. Tingabatsirwa sei nokuwadzana nevanamati vaJehovha vachembera?

5 Uyezve, vose vari muungano vangabatsirwa nokuwadzana nevaKristu vachembera. Vanamati vaJehovha vakatendeka vachembera vakawana ruzivo rwakawanda kubva pane zvavakasangana nazvo, pane zvavakadzidza, uye pakucherechedza zviri kuitika. Vakadzidza kushivirira uye kunzwira tsitsi, uye vanofara nokugutsikana pavanodzidzisa vamwe zvavanenge vava kuziva. (Pis. 71:18) Imi vaduku kwavari, cherai uchenjeri uhwu kubva kwavari sokuchera kwamungaita mvura iri mutsime rakadzika.—Zvir. 20:5.

6. Ungaratidza sei vakwegura kuti unonyatsovada?

6 Unoudza here vakwegura kuti unovada sokudiwa kwavanoitwa naJehovha? Imwe nzira yaungaita nayo izvozvo ndeyokuvaudza kuti unovadira kutendeka kwavakaita uye kuti unokoshesa zvavanotaura. Uyezve, paunoita zvavanenge vataura, unoratidza kuti unovaremekedza nomwoyo wose. VaKristu vachembera vakawanda vanoyeuka mazano ouchenjeri avakapiwa nevaiva vakuru kwavari vakatendeka uye kuti kuatevedzera kwakavabatsira sei muupenyu hwavo. *

Ita Zvinoratidza Kuti Une Tsitsi

7. Jehovha anoti basa rokutarisira vanhu vachembera rinofanira kunyanya kuitwa naani?

7 Mwari akati mhuri dzine vanhu vachembera ndidzo dzinofanira kunyanya kuvatarisira. (Verenga 1 Timoti 5:4, 8.) Jehovha anofara mhuri padzinoita zvadzinofanira kuitira hama dzakwegura uye padzinoratidza kuti dzine hanya nevakwegura sezvaanoita. Mwari anotsigira mhuri idzi uye anokomborera zvadzinoita uye kuzvipira kwadzo. *

8. Nei ungano dzichifanira kuva nehanya nevaKristu vachembera?

8 Saizvozvowo, Jehovha anofara ungano padzinobatsira vakwegura vakatendeka vanenge vachida kubatsirwa asi vane mhuri dzisingatendi kana kuti dzisingadi kuvatarisira. (1 Tim. 5:3, 5, 9, 10) Kana ungano dzikadaro dzinoratidza kuti ‘dzinonzwirana ngoni, dzinodanana kwazvo sehama, uye dzinonzwira tsitsi’ vakwegura. (1 Pet. 3:8) Kuva nehanya nenhengo dzeungano dzachembera kunonyatsoratidzwa nomuenzaniso wakapiwa naPauro paakati nhengo imwe chete yomuviri womunhu painotambura, “dzimwe nhengo dzose dzinotambura pamwe chete nayo.” (1 VaK. 12:26) Kunyatsoita zvinoratidza kuti unonzwira tsitsi vanhu vachembera kunoratidza zvairehwa nezano raPauro rokuti: “Rambai muchitakurirana zvinorema, muzadzike mutemo waKristu.”—VaG. 6:2.

9. Kuchembera kunowanzokonzera matambudziko api?

9 Vanhu vachembera vanowanzonetswa nei? Vakawanda havatani kuneta. Vangatoona riri basa chairo kuita zvinhu zviduku zvakadai sokuenda kwachiremba, kutumira matsamba kana kuti kubhadhara mari dzinofanira kubhadharwa, kutsvaira mumba, uye kubika. Sezvo kuchembera kuchiwanzoita kuti munhu asakurumidza kunzwa nzara kana nyota, vangafunga kuti havana basa nokudya kana kunwa, vasingazivi kuti vanofanira kudaro. Vanganzwawo saizvozvo panyaya dzokunamata. Maziso nenzeve zvomunhu akura zvingaita kuti aomerwe nokuverenga nokuteerera mapurogiramu okunamata, uye kusimuka kuti vaende kumisangano yechiKristu ringatova basa chairo. Saka vamwe vangabatsira sei vachembera vakadaro?

Kubatsira Kwaungaita

10. Vakuru vangaitei kuti vave nechokwadi kuti vakwegura vanobatsirwa pane zvavanoda?

10 Muungano dzakawanda, vakwegura vari kutarisirwa zvinonwisa mvura. Hama nehanzvadzi dzine rudo dzinovabatsira kunotenga, kubika uye kuvatsvairira mumba. Vanobatsira vakwegura kudzidza, kuenda kumisangano, uye kuramba vachibuda muushumiri. VaKristu vaduku kwavari vanovaperekedza uye vanovabatsira nechokufambisa. Kana vakwegura vasingakwanisi kubva pamba, vanoitwa kuti vateerere misangano nepafoni, kana kuti vanorekodherwa. Pose pazvinoita, vakuru vanova nechokwadi kuti zvinhu zvarongwa nenzira inobatsira vakwegura vari muungano. *

11. Rondedzera kuti imwe mhuri yakabatsira sei hama yakwegura.

11 MuKristu mumwe nomumwe anogonawo kugamuchira vakwegura uye kuvapa zvavanoda. Pakafa mudzimai weimwe hama yechikuru, mari yerendi yakanga isisakwani nokuti yaimbobatsirwa nepenjeni yomukadzi. Iye nomudzimai wake vakanga vadzidza Bhaibheri neimwe mhuri yaiva nezimba rakakura, yaiti baba, amai, nevanasikana vaviri vari kuyaruka. Mhuri iyi yakati hama yokufirwa iya ishandise dzimba mbiri. Vakagara vose kwemakore 15 vachidya vose uye vachifara zvikuru nokudanana sehama. Mhuri iyi yakadzidza zvakawanda pakutenda uye zivo zvehama iyi, iyowo ikabatsirwa nokushamwaridzana kunofadza. Hama iyi yakwegura yakagara navo kusvikira payakazofa yava nemakore 89. Mhuri yacho ichiri kungotenda Mwari nezvikomborero zvakawanda zvayakawana kubva mukugara kwayakaita nehama iyi. Havana ‘kumborasikirwa nomubayiro’ wavo nokuda kwokubatsira mumwe mudzidzi waJesu Kristu.—Mat. 10:42. *

12. Ungaitei kuti uratidze kuti une hanya zvikuru nehama nehanzvadzi dzakwegura?

12 Ungasakwanisa hako kubatsira hama kana hanzvadzi yachembera sezvakaita mhuri iyi, asi ungakwanisa kubatsira vakwegura kuenda kumisangano uye kubuda mubasa romumunda. Unogonawo kuvakoka kumba kwenyu uye kuenda navo paunobvakacha. Unogona kuvashanyira, zvikuru kana vachirwara kana kuti vasingagoni kufamba. Uyezve, unogona kuvabata uchiziva kuti vanhu vakuru uye ndizvo zvaunofanira kugara uchiita. Chero bedzi vasina kurasika pfungwa, vanhu vakwegura vanofanira kubatanidzwawo pamunoita zvisarudzo zvichachinja mararamiro avo. Kunyange vaya vava kunyanya kurasika pfungwa vanogona kuona kuti vari kubatwa zvine chiremerera kana kuti kwete.

Jehovha Haazokanganwi Basa Renyu

13. Nei kunzwisisa manzwiro anoita vaKristu vakwegura kuchikosha?

13 Kunzwisisa manzwiro anoita vakwegura kunokosha. Zviri nyore kuti vakwegura varwadziwe kwazvo nokusakwanisa kwavo kuita zvose zvavaimboita pavaive vachatemwa dzinobva ropa. Somuenzaniso, imwe hanzvadzi yakashumira Jehovha kwemakore anenge 50 uye yaiva piyona wenguva dzose yakazova nechirwere chaiita kuti iyaure uye kupinda misangano rakanga ratova basa. Payaienzanisa ushumiri hwayo hwekare nezvayakanga yava kuita, yakatanga kuchema. Ichitsikitsira pasi, misodzi ichiti mokotomokoto yakati, “Hapana zvandichiri kuita.”

14. Vashumiri vaJehovha vakwegura vangakurudzirwa sei nemapisarema?

14 Kana uri munhu akwegura, wakamborwadziwa saizvozvo here? Kana kuti pane pamwe paunombonzwa sokuti Jehovha akusiya here? Munyori wepisarema angava ainzwa saizvozvo makore ake paakanga apindana, nokuti akakumbira Jehovha achiti: “Musandirasa munguva yokukwegura; musandisiya simba rangu parinenge rava kupera. Kunyange ndakwegura uye ndachena musoro, haiwa Mwari, musandisiya.” (Pis. 71:9, 18) Hazvirevi hazvo kuti Jehovha akanga ava kuda kusiya munyori wepisarema iyeye, uye haazokusiyi iwe. Mune rimwe pisarema, Dhavhidhi akaratidza kuti aivimba kuti Mwari aizomutsigira. (Verenga Pisarema 68:19.) Nyatsova nechivimbo chokuti kana uri muKristu akatendeka akwegura, Jehovha anewe uye acharamba achikutsigira zuva nezuva.

15. Chii chingabatsira vakwegura kuramba vachifunga zvakanaka?

15 Imi Zvapupu zvaJehovha zvakwegura, zvose zvamakaita nezvamuchiri kuita kuti Mwari apiwe mbiri hazvitombobvi mupfungwa dzake. “Mwari haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake,” rinodaro Bhaibheri. (VaH. 6:10) Saka rwisana nepfungwa yokuzvishora, uchifunga kuti nokuchembera kwawaita, Jehovha ava kukuona sousisabatsiri. Edza kutsiva pfungwa dzokuora mwoyo nepfungwa dzakanaka. Farira zvikomborero zvauinazvo netariro yako yeramangwana! Tine “nguva yemberi netariro” yakanakisisa yatakavimbiswa noMusiki wedu. (Jer. 29:11, 12; Mab. 17:31; 1 Tim. 6:19) Fungisisa nezvetariro yako, ita kuti mwoyo wako nepfungwa zvisachembera, uye usambozvitarisira pasi muungano! *

16. Nei imwe hama yechikuru yaifunga kuti yaifanira kurega kuva mukuru, asi dare revakuru rakaikurudzira sei?

16 Funga nezvaJohan, ane makore 80 anogara achitarisira mudzimai wake Sannie, uyo asina chaachagona nokurwara. * Hanzvadzi dzinoita majana kusara naSannie kuitira kuti Johan aende kumisangano uye kuushumiri. Zvisinei, munguva ichangopfuura Johan akanga onzwa seasvika pakupera basa ndokutanga kufunga kuti anofanira kurega kuva mukuru muungano. “Zvinobatsirei kuva mukuru?” akabvunza kudaro misodzi ichitanga kuti yangarara mumaziso ake. “Hapana chandichiri kuita chine kumeso muungano.” Vamwe vakuru vakamuudza kuti vanobatsirwa zvikuru noruzivo rwake uye mabatiro aanoita nyaya dzinomuka. Vakamukurudzira kuramba ari mukuru, kunyange zvazvo asisakwanisi kuita zvakawanda. Akurudzirwa zvikuru, Johan anoramba achishumira somukuru, uye ungano iri kubatsirwa.

Zvechokwadi Jehovha Ane Hanya

17. Bhaibheri rinokurudzira sei vaKristu vakwegura?

17 Magwaro anoratidza pachena kuti vakwegura vanogona kubudirira mune zvokunamata pasinei nematambudziko anokonzerwa nokuchembera. Munyori wepisarema akati: “Vaya vakadyarwa muimba yaJehovha . . . vacharamba vachibudirira munguva yokuchena musoro, vacharamba vaine simba uye vari vatsva.” (Pis. 92:13, 14) Muapostora Pauro, uyo angava aiva nepaigara pachimurwadza, ‘haana kuneta, kunyange munhu waaive nechokunze akanga ari kupera.’—Verenga 2 VaKorinde 4:16-18.

18. Nei vakwegura vatinonamata navo nevanovatarisira vachida kubatsirwa nevamwe?

18 Kune vakawanda variko nhasi vanoratidza kuti vakwegura vanogona ‘kuramba vachibudirira.’ Asi kurwara nokuchembera zvinorwadza, kunyange kune vaya vane mhuri dzinovatarisira uye dzinovabatsira. Vanovatarisira vangapedzisirawo vaneta. Iropafadzo uye basa reungano kuratidza rudo kune vakwegura uye vanovatarisira. (VaG. 6:10) Kuvabatsira tichidaro kunoratidza kuti hatisi kungovaudza kuti “mudziyirwe, mugute,” tisina zvatavaitira.—Jak. 2:15-17.

19. Nei vaKristu vakwegura vakatendeka vachitarisira remangwana nechivimbo?

19 Kukwegura kungaderedza basa romuKristu, asi hakukwanisi kuderedza rudo rwaJehovha kuvashumiri vake vakavimbika vakwegura. Pane kudaro, anokoshesa zvikuru vaKristu vose ava vakatendeka, uye haazombovasiyi. (Pis. 37:28; Isa. 46:4) Jehovha achavatarisira uye achavatungamirira munguva yose youkweguru hwavo.—Pis. 48:14.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Ona mapeji 3-10 eAwake! yaFebruary 8, 1994.

^ ndima 10 Mune dzimwe nyika izvi zvingareva kubatsira vachembera kuti vawane rubatsiro kubva kuhurumende. Ona nyaya inoti “Mwari Ane Hanya Nevakwegura” iri muNharireyomurindi yaJune 1, 2006.

^ ndima 15 Ona nyaya inoti “Kuisvonaka Kwomusoro Wachena,” iri muNharireyomurindi yaMarch 15, 1993.

^ ndima 16 Haasi iwo mazita avo chaiwo.

Ungapindura Sei?

• Nei uchiona vaKristu vakwegura vakatendeka sevanokosha?

• Tingaratidza sei kuti tinoda vakwegura vatinonamata navo?

• Chii chingabatsira vashumiri vakwegura vaJehovha kuva nemaonero akanaka?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 18]

Vanhu vari muungano vanoremekedza chaizvo vakwegura