Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Une zvawakadzidza here pawakaverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Vamwe vaKristu vangasangana nematambudziko api varoorana, uye vanofanira kuedza kuitei?

Vamwe vaKristu vangazoona kuti havawirirane nomunhu wavaroorana naye pane zvakawanda. Vachiziva kuti kurambana zvisingabvumirwi nemagwaro haisi nzira yakanaka yokugadzirisa nayo zvinhu, vanofanira kushanda nesimba kuti vachengetedze imba yavo.—4/15, peji 17.

MuKristu ari mumusha unochengetwa vakwegura nendonda angatarisana nematambudziko api?

Angasaziva ungano iri pedyo. Vakawanda vari mumusha wacho vangava nemachechi avo uye vangaedza kuita kuti abatane navo panyaya dzavo dzokunamata. Voukama vechiKristu nevanhu vomuungano vanofanira kuziva matambudziko aya voedza kumutsigira uye kumutarisira.—4/15, mapeji 25-27.

Matanho api mana angabatsira murume nomudzimai kugadzirisa zvinetso?

Ivai nenguva yamunokurukura nyaya dzacho. (Mup. 3:1, 7) Taurawo zvaunofunga uchibudira mumwe wako pachena uye uchimuremekedza. (VaEf. 4:25) Teerera mumwe wako uchinzwisisawo zvinenge zvichimurwadza. (Mat. 7:12) Bvumiranai kuti mogadzirisa nyaya yenyu sei, moshanda pamwe chete kuti zvidaro. (Mup. 4:9, 10)—5/1, mapeji 10-12.

Jesu paakatikurudzira kuti tinyengeterere kukanganwirwa mungava wedu aireva nezvemungava upi?

Kana tikaenzanisa Mateu 6:12 naRuka 11:4 zvinova pachena kuti Jesu akanga asiri kutaura nezvemungava wemari. Aifunga nezvezvivi. Tinofanira kutevedzera Mwari nokuva vanoda kukanganwira.—5/15, peji 9.

Nhengo dzeDare Rinodzora dzinoshanda mumatare api?

Dare Revatsinhanisi; Dare Revashandi; Dare Rinobudisa Mashoko; Dare Rebasa; Dare Rokudzidzisa; Dare Rokunyora.—5/15, peji 29.

• Tinganyatsoziva sei kuti Mafashamo emunguva yaNoa akaitika pasi pose?

Jesu aitenda kuti Mafashamo acho akaitika uye aiva epasi pose. Nyevero dziri muBhaibheri dzakavakirwa pachokwadi chokuti Mafashamo acho akaitika.—6/1, peji 8.

• Tsika dzinotsanangurwa pana VaRoma 1:24-32 dzaiitwa nevaJudha here kana kuti Vemamwe Marudzi?

Rondedzero yacho ingakodzera mapoka acho ose, asi muapostora Pauro ainyatsoreva vaIsraeri vekare vakanga varamba kutevera Mutemo kwemazana emakore. Vaiziva mitemo yaMwari yakarurama, asi havana kurarama maererano nayo.—6/15, peji 29.

• Tel Arad iri kupi uye nei ichikosha?

Uyu murwi wemavhu uri kuIsrael waimbova guta reAradhi yekare, unowanika kumavirazuva kweGungwa Rakafa. Vanochera matongo vakawana zvaenga zvaishandiswa semahwendefa okunyorera pamurwi uyu wemavhu. Mamwe aiva akanyorwa mazita omuBhaibheri, uye airatidza kuti zita raMwari raishandiswa muzvinyorwa zvenyika.—7/1, mapeji 23-24.

• Nei kutarisira kuita zvatinokwanisa kuchiwedzera mufaro wedu?

Kana tikaedza kuita zvatisingakwanisi asi tichinyatsoona kuti zvakatiomera, tinopedzisira tangozviomesera. Asiwo hatifaniri kunyanya kungozviregerera, uye kuderedza basa redu tichizvipembedza nezvatinofunga kuti hatikwanisi kuita.—7/15, peji 29.

• Chii chingaita kuti zvinyanye kuomera vabereki kukurukurirana nevana vavo?

Zvimwe zvingaita kuti zvidaro kutya kwowechiduku, kuda kwake kuzvimiririra, uye kuda kuva ega. Zvingabatsira kana vabereki vakaedza kukurukurirana nevana vavo vasina kuita zvokuronga uye kana vakaedza kunzwisisa manzwiro evana vavo, kwete chete zvavanotaura.—8/1, mapeji 10-11.