Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uri Kutaura “Mutauro Wakachena” Uchitsetsenura Here?

Uri Kutaura “Mutauro Wakachena” Uchitsetsenura Here?

Uri Kutaura “Mutauro Wakachena” Uchitsetsenura Here?

“Ndichaita kuti marudzi achinjire kumutauro wakachena, kuti ose zvawo adane zita raJehovha.”—ZEF. 3:9.

1. Jehovha akatipa chipo chipi chakaisvonaka?

CHIPO chomutauro hachina kutangwa nevanhu asi kuti chakabva kuMusiki wavo, Jehovha Mwari. (Eks. 4:11, 12) Akaita kuti munhu wokutanga Adhamu, akwanise kutaura uyewo kufunga mashoko matsva achiwedzera pane aaitoziva. (Gen. 2:19, 20, 23) Ichi chakava chipo chakakura zvikuru! Chiri kutoitawo kuti vanhu vakwanise kukurukura naBaba vavo vokudenga uye kuti varumbidze zita ravo rinokudzwa.

2. Nei vanhu vasingachatauri mutauro mumwe chete?

2 Mumazana emakore 17 kubvira pakatanga vanhu kuvapo, vanhu vose vaingotaura mutauro mumwe chete, vaiva ne“mashoko mamwe chete.” (Gen. 11:1) Ndipo pakazouya kupanduka kwomumazuva aNimrodhi. Vachipesana nezvavakanzi naJehovha vaite, vanhu vasingateereri vakaungana panzvimbo yakazonzi Bhabheri, nokuti vakanga vachida kuramba vachigara panzvimbo imwe. Vakatanga kuvaka zishongwe rakakura zvikuru kuti ‘vazviitire zita rakakurumbira,’ kwete kuti vakudze Jehovha. Saka Jehovha akavhiringidza mutauro waitaurwa nevapanduki ivavo ndokuita kuti vataure mitauro yakasiyana-siyana. Nokudaro, vakapararira nenyika yose.—Verenga Genesisi 11:4-8.

3. Chii chakaitika Jehovha paakavhiringidza mutauro wevapanduki kuBhabheri?

3 Mazuva ano munyika munotaurwa zviuru zvemitauro, vamwe vanoti inopfuura 6 800. Mumwe nomumwe wemitauro iyi unoda kuti munhu afunge zvinoenderana nomutauro wacho. Saka zvinoita sokuti Jehovha Mwari paakavhiringidza mutauro wevapanduki ivavo, akaita kuti vasayeuka zvachose mutauro wavaimbotaura. Haana kungoita kuti vafunge mashoko matsva asiwo akachinja mafungiro avo ndokutanga matauriro matsva. Hazvishamisi kuti nzvimbo yaiva neshongwe iyoyo yakazonzi Bhabheri, zvinoreva kuti kuvhiringidzwa! (Gen. 11:9) Bhaibheri chete ndiro rinotsanangura zvinogutsa nezvokusiyana kwemitauro kwatinoona mazuva ano.

Mutauro Mutsva, Wakachena

4. Jehovha akafanotaura kuti chii chaizoitika mazuva ano?

4 Kunyange zvazvo nhoroondo yeBhaibheri yezvokupindira kwakaita Mwari kuBhabheri ichinakidza, pane zvinonakidza uye zvinokosha kupfuura ipapo zviri kuitika mazuva ano. Jehovha akafanozivisa achishandisa muprofita wake Zefaniya kuti: “Panguva iyoyo ndichaita kuti marudzi achinjire kumutauro wakachena, kuti ose zvawo adane zita raJehovha, kuti amushumire akabatana.” (Zef. 3:9) “Mutauro wakachena” iwoyo chii, uye tingadzidza sei kuutaura tichitsetsenura?

5. Mutauro wakachena chii, uye kuchinjira kwauri kuri kuita kuti vanhu vaite sei?

5 Mutauro wakachena ichokwadi nezvaJehovha Mwari nezvinangwa zvake zviri muShoko rake, Bhaibheri. “Mutauro” iwoyo unosanganisira kunzwisisa zvakarurama chokwadi nezvoUmambo hwaMwari uye kuti huchatsvenesa sei zita raJehovha, huchareverera sei uchangamire hwake, uye huchaunza sei zvikomborero zvisingaperi kuvanhu vakatendeka. Kuchinja mutauro uku kunoita kuti munhu aite sei? Tinoudzwa kuti vanhu ‘vachadana zita raJehovha’ uye ‘vachamushumira vakabatana.’ Kusiyana nezvakaitika kuBhabheri, kuchinjira kumutauro wakachena kuri kuita kuti zita raJehovha rirumbidzwe uye vanhu vake vabatane.

Kudzidza Mutauro Mutsva

6, 7. (a) Kudzidza mumwe mutauro kunosanganisirei, uye izvi zvinoshanda sei pakudzidza mutauro wakachena? (b) Iye zvino tichakurukurei?

6 Munhu paanotanga kudzidza mumwe mutauro, haangofaniri kuziva nomusoro mashoko matsva. Kudzidza mumwe mutauro kunosanganisira kudzidza kuva nemafungiro matsva. Zvinhu zvine musoro nezvinosetsa zvingasadaro mune mumwe mutauro. Kududzwa kwemashoko kuchada kuti uchinje mashandisiro enhengo dzinoshandiswa pakutaura, dzakadai sorurimi. Ndozvinoitikawo patinotanga kudzidza mutauro wakachena wechokwadi cheBhaibheri. Hatingofaniri kudzidza dzidziso shomanana dzeBhaibheri chete. Kugona mutauro mutsva uyu kunosanganisira kuchinja mafungiro edu nepfungwa dzedu.—Verenga VaRoma 12:2; VaEfeso 4:23.

7 Chii chichatibatsira kunzwisisa uye kutsetsenura mutauro wakachena? Sezvatinoita patinodzidza mumwe mutauro, pane nzira dzokudzidza nadzo dzinokosha dzingatibatsira kugona kutaura mutauro wechokwadi cheBhaibheri. Ngatimbokurukurai matanho anokosha anoshandiswa nevanhu kudzidza mumwe mutauro uye kuona kuti matanho iwayo angatibatsira sei kudzidza mutauro uyu mutsva.

Kutsetsenura Mutauro Wakachena

8, 9. Tinofanira kuitei kana tichida kudzidza mutauro wakachena, uye nei izvozvi zvichikosha kwazvo?

8 Nyatsoteerera. Kana uchitanga kunzwa mutauro mutsva hapana kana chaunombobata. (Isa. 33:19) Asi paunogara uchiteerera panotaurwa mutauro wacho, unotanga kuziva mashoko uye kusiyana kwawo uye nzira dzaanobatanidzwa nadzo. Saizvozvowo, tinokurudzirwa kuti: “Zvakakodzera kuti isu titeerere zvinhu zvatakanzwa kupfuura zvatinogara tichiita, kuti tirege kumbokukurwa.” (VaH. 2:1) Jesu akakurudzira akurudzirazve vateveri vake achiti: “Ane nzeve ngaanzwe.” (Mat. 11:15; 13:43; Mako 4:23; Ruka 14:35) Tinofanira ‘kuteerera tinzwisise’ zvatinenge tichinzwa kuti tifambire mberi pakutaura mutauro wakachena.—Mat. 15:10; Mako 7:14.

9 Kuteerera kunoda kuti tiise pfungwa dzedu pane zvinenge zvichitaurwa, uye patinodaro tinobatsirwa. (Ruka 8:18) Patinenge tiri pamisangano yechiKristu, tinoisa pfungwa dzedu pane zvinenge zvichikurukurwa here, kana kuti tinombofunga zvimwe zvinhu? Zvinokosha kuti tiedze nepatinogona napo kuisa pfungwa dzedu pane zvinenge zvichikurukurwa. Tikasadaro, tingaguma tagomara pakunzwa kwedu.—VaH. 5:11.

10, 11. (a) Chii chimwe chatinofanira kuita kunze kwokunyatsoteerera? (b) Kutaura mutauro wakachena kunosanganisira chimwe chii?

10 Tevedzera vanoutaura vachitsetsenura. Vanhu vanodzidza mutauro mutsva vanokurudzirwa kunyatsoteerera votevedzera, kana kuti kuedzesera madudzirwo anoitwa mashoko acho uye nzira inorongwa nayo mashoko nevanoutaura vachitsetsenura. Izvi zvinobatsira ari kudzidza kuti asava norurimi rwunorema urwo rwungazomutadzisa kunzwisiswa nevamwe. Saka isuwo tinofanira kudzidza kune vaya vava “nounyanzvi hwokudzidzisa” mutauro mutsva. (2 Tim. 4:2) Kumbira rubatsiro. Bvuma kugadziridzwa kana wakanganisa.—Verenga VaHebheru 12:5, 6, 11.

11 Kutaura mutauro wakachena kunosanganisira kutenda chokwadi nokuchidzidzisa vamwe uye kurarama maererano nezvinodiwa naMwari nemitemo yake. Kuti tikwanise kuita izvi tinofanira kutevedzera vamwe. Izvi zvinosanganisira kutevedzera kutenda uye kushingaira kwavo. Zvinosanganisirawo kutevedzera mararamiro aJesu pane zvose. (1 VaK. 11:1; VaH. 12:2; 13:7) Kana tikaramba tichiita izvi, vanhu vaMwari vanobva vabatana, zvichiita kuti vaite sevari kutaura rurimi rumwe chete.—1 VaK. 4:16, 17.

12. Kubata nomusoro kunobatsira sei pakudzidza mutauro mutsva?

12 Bata nomusoro. Vanodzidza mutauro vanofanira kuchengeta mupfungwa zvinhu zvitsva zvakawanda. Izvi zvinosanganisira mashoko matsva. KuvaKristu, kubata nomusoro kunobatsira zvikuru kuti vadzidze mutauro wakachena. Zvakanaka chaizvo kuti tibate nomusoro mazita emabhuku omuBhaibheri sekutevedzana kwaakaita. Vamwe vane chinangwa chokubata nomusoro magwaro akasiyana-siyana omuBhaibheri uye kuti anowanika papi. Vamwe vakabatsirwa nokubata nomusoro nziyo dzoUmambo, mazita emadzinza evaIsraeri neevaapostora 12, uyewo nounhu hunoumba chibereko chomudzimu. Kare vaIsraeri vakawanda vakadzidza mapisarema nomusoro. Mazuva ano, mumwe mukomana muduku, paaingori nemakore matanhatu, akabata nomusoro magwaro omuBhaibheri anopfuura 80 semanyorerwo aakaitwa chaiwo. Tingashandisawo unyanzvi uhu hunobudirira here?

13. Nei kudzokorora kuchikosha kwazvo?

13 Kudzokorora kunotibatsira kuyeuka, uye kugaroyeuchidzwa kunokosha pakudzidza kwedu kwechiKristu. Muapostora Petro akati: “Ndichagara ndichida kukuyeuchidzai nezvezvinhu izvi, kunyange muchizviziva uye makamira zvakasimba muchokwadi chiri mamuri.” (2 Pet. 1:12) Nei tichida zviyeuchidzo? Nokuti zvinotibatsira kuwedzera kunzwisisa, kuwedzera maonero edu, uye zvinosimbisa kutsunga kwedu kuteerera Jehovha. (Pis. 119:129) Kuramba tichidzokorora zvinodiwa naMwari nemirayiro yake kunotibatsira kuzviongorora uye kunoita kuti tisava “munzwi anokanganwa.” (Jak. 1:22-25) Kana tikasagara tichizviyeuchidza chokwadi, zvimwe zvinhu zvichakanganisa mwoyo yedu uye tingapedzisira tisisataure mutauro wakachena tichitsetsenura.

14. Chii chichatibatsira patinenge tichidzidza mutauro wakachena?

14 Verenga zvinonzwika. (Zvak. 1:3) Vamwe vanoedza kudzidza mutauro mutsva chinyararire vari voga. Izvi hazvinyatsobudiriri. Patinenge tichidzidza mutauro wakachena, dzimwe nguva tingafanira kuverenga “nenzwi riri pasi” kuti pfungwa dzedu dzirambe dziri pane zvatiri kuverenga. (Verenga Pisarema 1:1, 2.) Kuita izvi kunoita kuti zvatiri kuverenga zvizogara zvachose mupfungwa dzedu. MuchiHebheru, mashoko okuti ‘kuverenga nenzwi riri pasi’ anoreva zvakada kufanana nokuti kufungisisa. Sokungokoshawo kunoita kudzeya kuti zvatinodya zvinyatsotibatsira, kufungisisa kunokosha kuti tinzwisise zvatinoverenga. Tinowana nguva yakakwana yokufungisisa zvatinodzidza here? Pashure pokuverenga Bhaibheri, tinofanira kufunga zvakadzama zvatinenge taverenga.

15. Tingadzidza sei marongerwo emashoko omutauro wakachena?

15 Ongorora marongerwo emashoko omutauro wacho. Paunenge uchidzidza, pane paunozofanira kudzidza marongerwo emashoko, kana kuti kubatana kwaanoita uye mitemo yomutauro wacho mutsva. Izvi zvichakubatsira kunzwisisa maumbirwo akaitwa mutauro wacho, zvoita kuti unyatsoutaura. Sezvo mutauro uine marongerwo emashoko awo, mutauro wakachena wechokwadi chomuMagwaro une “muenzaniso [marongerwo] wemashoko anopa utano.” (2 Tim. 1:13) Tinofanira kutevedzera “muenzaniso” iwoyo.

16. Itsika ipi yatinofanira kukurira, uye tingazviita sei?

16 Ramba uchifambira mberi. Munhu anogona kudzidza mutauro zvokuti akwanise kukurukura achiushandisa zvobva zvagumira ipapo. Izvozvo zvingaitika kune vanotaura mutauro wakachena. (Verenga VaHebheru 5:11-14.) Chii chingatibatsira kukurira tsika iyi? Ramba uine chido chokuwedzera mashoko aunoziva omutauro wacho. “Zvatakasiya dzidziso yokutanga pamusoro paKristu, ngatishandei nesimba kuti tive vakuru, tisingavakizve nheyo, iko kupfidza pamabasa akafa, nokutenda kuna Mwari, zvinodzidziswa pamusoro porubhabhatidzo nokuiswa kwemaoko, kumuka kwevakafa nokutongwa kusingaperi.”—VaH. 6:1, 2.

17. Nei kugara wakaronga nguva yaunoziva kuti ndiyo yokudzidza kuchikosha? Enzanisira.

17 Ronga nguva yaunopota uchidzidza. Kudzidza kwenguva pfupi asi uchigara uchizviita kuri nani pane kudzidza kwenguva yakareba asi zviri zvetsuro yamukira mumakumbo. Dzidza paunenge wakachangamuka usingavhiringwi zviri nyore. Kudzidza mutauro mutsva kwakafanana nokuvamba nzira musango. Kana nzira yacho ikagara ichifambwa, inobva yapfumbira. Kana nzira yacho ikagarisa isingafambwi, inopedzisira yamera uswa. Saka kana wazvitanga wototi sika sika nazvo! (Dhan. 6:16, 20) Uchibatsirwa nomunyengetero ‘ramba wakamuka nguva dzose’ kana pava pakutaura mutauro wakachena wechokwadi cheBhaibheri.—VaEf. 6:18.

18. Nei tichifanira kutaura mutauro wakachena pamukana wose watinowana?

18 Ramba uchiutaura! Vamwe vanenge vachidzidza mutauro mutsva vangazeza kuutaura vachinyara kana kuti vachitya kuti vangakanganisa. Izvi zvinoita kuti vasanyatsougona. Pakudzidza mutauro, kugara uchiutaura kunokosha. Kana ari kudzidza achigara achitaura mutauro wacho mutsva, anonzwawo achiwedzera kusununguka kuutaura. Isuwo tinofanira kutaura mutauro wakachena pose patinowana mukana. “Munhu anotenda nomwoyo kuti awane kururama, asi anozivisa pachena nomuromo kuti awane ruponeso.” (VaR. 10:10) ‘Kuzivisa pachena’ hatingokuiti patinobhabhatidzwa chete asi patinotaura nezvaJehovha pamikana yose yatinowana, kusanganisira muushumiri. (Mat. 28:19, 20; VaH. 13:15) Misangano yedu yechiKristu inotipa mikana yokutaura mutauro wakachena zvakajeka uye tisingatendereri.—Verenga VaHebheru 10:23-25.

Ngatitaurei Mutauro Wakachena Tirumbidze Jehovha Takabatana

19, 20. (a) Zvapupu zvaJehovha zviri kuita chii chinoshamisa nhasi? (b) Watsunga kuitei?

19 Zvinofanira kuva zvainakidza kuva muJerusarema musi weSvondo mangwanani, Sivan 6, mugore ra33 C.E.! Mangwanani iwayo, dzava kuda kusvika kuma9:00, pakaitika chishamiso chokuti vose vaive vakaungana mumba yepamusoro “vakatanga kutaura nedzimwe ndimi.” (Mab. 2:4) Nhasi, vashumiri vaMwari havachakwanisi kutaura nendimi. (1 VaK. 13:8) Kunyange zvakadaro, Zvapupu zvaJehovha zvinozivisa mashoko akanaka oUmambo mumitauro inopfuura 430.

20 Hakusi kufara kwatinoita kuti pasinei nomutauro watinotaura, takabatana nevamwe mukutaura mutauro wakachena wechokwadi cheBhaibheri! Neimwe nzira uku kutogadziriswa kwezvakaitika kuBhabheri. Sokunge vari kutaura mutauro mumwe chete, vanhu vaJehovha vanorumbidza zita rake. (1 VaK. 1:10) Ngatitsungei kuramba tichishumira ‘takabatana’ nehama dzedu nehanzvadzi pasi pose sezvatinotaura mutauro mumwe tichiwedzera kuutsetsenura, kuti Baba vedu vokudenga Jehovha vakudzwe.—Verenga Pisarema 150:1-6.

Ungapindura Sei?

•Mutauro wakachena chii?

• Kutaura kwedu mutauro wakachena kunosanganisira chii?

• Chii chichatibatsira kutaura mutauro wakachena tichitsetsenura?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 23]

Vandudza Kutsetsenura Kwaunoita Pakutaura Mutauro Wakachena Noku-

nyatsoteerera.

Ruka 8:18; VaH. 2:1

◆ tevedzera vanoutaura vachitsetsenura.

1 VaK. 11:1; VaH. 13:7

◆ bata nomusoro uye kudzokorora.

Jak. 1:22-25; 2 Pet. 1:12

◆ verenga zvinonzwika.

Pis. 1:1, 2; Zvak. 1:3

◆ ongorora marongerwo emashoko omutauro wacho.

2 Tim. 1:13

◆ ramba uchifambira mberi.

VaH. 5:11-14; 6:1, 2

◆ ronga nguva yaunopota uchidzidza.

Dhan. 6:16, 20; VaEf. 6:18

utaura.

VaR. 10:10; VaH. 10:23-25

[Mifananidzo iri papeji 24]

Vanhu vaJehovha vari kutaura mutauro wakachena vakabatana