Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba Dzakanyorerwa VaTesaronika uye Timoti

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba Dzakanyorerwa VaTesaronika uye Timoti

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba Dzakanyorerwa VaTesaronika uye Timoti

VANHU vomuungano itsva iri muTesaronika vanga vachipikiswa kubvira payakavambwa pakashanyira muapostora Pauro ikoko. Saka Timoti, uyo ane makore okuma20, paanodzoka achitaura kuti iri kuita zvakanaka, Pauro anobva anyorera vaTesaronika achivarumbidza uye achivakurudzira. Tsamba iyoyo, inova ndiyo yokutanga patsamba dzaPauro dzakafuridzirwa, ingava yakanyorwa gore ra50 C.E. rava kunopera. Achangobva kutumira iyoyo, anonyorera vaKristu vomuTesaronika tsamba yechipiri. Iye zvino anonyora achigadzirisa vamwe vaiva nemaonero asiri iwo uye anokurudzira hama kumira dzakasimba mukutenda.

Pashure peanenge makore gumi, Pauro ava muMakedhoniya uye Timoti ari muEfeso. Pauro anonyorera Timoti achimukurudzira kuramba ari muEfeso achirwa hondo yokutenda nevadzidzisi venhema vari muungano. Panotanga kutambudzwa vaKristu pashure pokunge muRoma maita moto unopisa zvinhu zvakawanda muna 64 C.E., Pauro anonyorera Timoti tsamba yechipiri. Ndiyo yokupedzisira patsamba dzake dzakafuridzirwa. Nhasi uno tinogona kubatsirwa nekurudziro uye mazano anowanikwa mutsamba ina dzaPauro idzi.—VaH. 4:12.

“RAMBAI MAKAMUKA”

(1 VaT. 1:1–5:28)

Pauro anorumbidza vaTesaronika nokuda ‘kwebasa ravo rinobva pakutenda nebasa ravo rorudo nokutsungirira kwavo.’ Anovaudza kuti ivo ‘itariro yake nomufaro nekorona yokupembera.’—1 VaT. 1:3; 2:19.

Akurudzira vaKristu vaiva kuTesaronika kuti vanyaradzane netariro yorumuko, Pauro anoti: “Zuva raJehovha riri kuuya sezvinonyatsoita mbavha usiku.” Anovapa zano rokuti ‘varambe vakamuka,’ uye kuti varambe vakasvinura.—1 VaT. 4:16-18; 5:2, 6.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

4:15-17—Ndivanaani ‘vachatorwa mumakore, kuti vasangane naShe mumhepo,’ uye izvi zvinoitika sei? Ava vaKristu vakazodzwa vanorarama panguva yokuvapo kwaKristu musimba roUmambo. ‘Vanosangana naShe’ Jesu kudenga risingaoneki. Zvisinei, kuti izvi zviitike, vanofanira kutanga vafa vomutswa sezvisikwa zvomudzimu. (VaR. 6:3-5; 1 VaK. 15:35, 44) Nguva yokuvapo kwaKristu yakatotanga, saka vaKristu vakazodzwa vanofa mazuva ano havarambi vakafa. Vano“torwa,” kana kuti vanobva vangomutswa.—1 VaK. 15:51, 52.

5:23—Pauro airevei paakanyengetera kuti “mweya nomuviri [zvehama] ngazvichengetedzwe zvakanaka”? Pauro aireva mudzimu, mweya uye muviri une nhengo dzakawanda dzeungano yechiKristu, dzaisanganisira vaKristu vakazodzwa nomudzimu vokuTesaronika. Pane kungonyengeterera kuti ungano ichengetedzwe, akanyengeterera kuti irambe iine ‘mudzimu,’ kana kuti maonero ayo. Akanyengetererawo “mweya” wayo, upenyu hwayo, kana kuti kuvapo kwayo, uye akanyengeterera “muviri” wayo, kureva vaKristu vakazodzwa vose. (1 VaK. 12:12, 13) Saka munyengetero wacho wairatidza kuti Pauro aiva nehanya chaizvo neungano.

Zvatinodzidza:

1:3, 7; 2:13; 4:1-12; 5:15. Nzira inoshanda yokupa zano ndeyokurumbidza wozokurudzira kuita zvakanaka.

4:1, 9, 10. Vanamati vaJehovha vanofanira kuramba vachifambira mberi pakunamata.

5:1-3, 8, 20, 21. Zuva raJehovha zvariri kusvika kudai, “ngatisvinurei tipfeke chinhu chinovhariridza chipfuva, chokutenda uye rudo uye tariro yoruponeso sengowani.” Uyezve, tinofanira kuteerera Shoko raMwari rouprofita, Bhaibheri.

“MIRAI MAKASIMBA”

(2 VaT. 1:1–3:18)

Vamwe vaive muungano, vachitaura nepasipo zvakanga zvataurwa naPauro mutsamba yake yokutanga, zvinoita sokuti vanoita nharo dzokuti “kuvapo kwaShe” kwaive kwatosvika. Kuti agadzirise maonero iwayo, Pauro akarondedzera zvaifanira ‘kutanga zvauya.’—2 VaT. 2:1-3.

Pauro anovakurudzira achiti: “Mirai makasimba uye rambai makabata tsika dzamakadzidziswa.” Anovarayira achiti, “mubve pahama imwe neimwe inofamba zvisina kukodzera.”—2 VaT. 2:15; 3:6.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

2:3, 8—Ndiani ari kunzi “munhu asingateereri mutemo,” uye achaparadzwa sei? Uyu “munhu” ari kufananidzira vafundisi vechiKristudhomu. Munhu akapiwa simba rokuzivisa kutonga kuchaita Mwari vakaipa uye rokutaura kuti vachiparadzwa i“Shoko,” kureva Mutauriri waMwari Mukuru, Jesu Kristu. (Joh. 1:1) Saka zvinogona kunzi Jesu achaparadza munhu asingateereri mutemo “nomudzimu [simba rinoshanda] womuromo wake.”

2:13, 14VaKristu vakazodzwa ‘vakasarudzwa kubva pakutanga kuti vaponeswe’ sei? Vakazodzwa vose pamwe chete vakagara vagadzwa Jehovha paakazivisa kuti mbeu yomukadzi ichapwanya Satani musoro. (Gen. 3:15) Jehovha akagara ataurawo zvaizodiwa kuti vakodzere, basa ravaizoita, uye kuedzwa kwavaizoitwa. Saka akavadanira ‘izvozvo.’

Zvatinodzidza:

1:6-9. Jehovha haangoparadzi vose vose.

3:8-12. Kuswedera kwaita zuva raJehovha hakusi iko kwatingaregerera kuzviriritira uye kuzvitsigira muushumiri. Kushaya zvokuita kunoita kuti tive nyope uye kunotifurira ku“pindira munyaya dzevamwe vanhu.”—1 Pet. 4:15.

“RINDA ZVAWAKARONZESWA”

(1 Tim. 1:1–6:21)

Muapostora Pauro anorayiridza Timoti achiti “urambe uchirwa hondo yakanaka; uine kutenda nehana yakanaka.” Anomuudza zvinotarisirwa pamunhu kuti agadzwe muungano. Pauro anorayiridzawo Timoti kuti “ramba ngano dzinoshatisa zvinhu zvitsvene.”—1 Tim. 1:18, 19; 3:1-10, 12, 13; 4:7.

“Usatsoropodza kwazvo murume akura,” anonyora kudaro Pauro. Anokurudzira Timoti achiti: “Rinda zvawakaronzeswa, uchifuratira kutaura kusina zvakunobatsira kunoshatisa zvinhu zvitsvene, nokupokanidzana pamusoro peinonzi ‘zivo’ iyo iri yenhema.”—1 Tim. 5:1; 6:20.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:18; 4:14—Zvii “zvakafanotaurwa” nezvaTimoti? Zvingareva uprofita hwakafanotaurwa nezvebasa raizoitwa naTimoti muungano yechiKristu, hungava hwakataurwa naPauro achifuridzirwa paakashanyira Ristra parwendo rwake rwechipiri somumishinari. (Mab. 16:1, 2) Varume vakuru vomuungano “vakaisa maoko” pana Timoti zvabva pa“zvakafanoziviswa” izvi, vachiita kuti asarudzwe kuita rimwe basa muungano.

2:15—Mukadzi anova sei “akachengeteka nokubereka vana”? Kubereka vana, kuvachengeta, uye kuita mabasa omumba zvinoita kuti mukadzi ave nezvokuita uye ave “akachengeteka” ‘pakuita makuhwa uye kupindira munyaya dzevamwe vanhu.’—1 Tim. 5:11-15.

3:16—Chii chinonzi chakavanzika chitsvene chokuzvipira kuna Mwari? Nyaya yokuti zvinoita here kuti munhu azviise pasi pouchangamire hwaJehovha zvakakwana yakagara kwemakore nemakore isati yazivikanwa. Jesu ndiye akazoita kuti mhinduro iwanike paakaramba akatendeka zvakakwana kuna Mwari kusvikira afa.

6:15, 16—Mashoko aya anoreva Jehovha Mwari here kana kuti Jesu Kristu? Mashoko aya anorondedzera kuratidzwa kwaJesu Kristu. (1 Tim. 6:14) Achienzaniswa nemadzimambo uye madzishe evanhu, Jesu ndiye “oga Mutongi,” uye ndiye chete asingafi. (Dhan. 7:14; VaR. 6:9) Kubvira paakakwira kumatenga asingaoneki, hapana munhu “anogona kumuona” nemaziso chaiwo.

Zvatinodzidza:

4:15. Pasinei nokuti tichangobva kuva vaKristu kana kuti tava nenguva, tinofanira kuedza kuramba tichifambira mberi mukunamata.

6:2. Kana tichishandira muKristu, hatifaniri kuti tazviwanirapo nenzira ipi zvayo, asi tinofanira kutoshanda nesimba kupfuura zvataizoitira mumwe munhu asiri muungano.

“PARIDZA SHOKO, SHINGAIRA KURIPARIDZA”

(2 Tim. 1:1–4:22)

Achida kuti Timoti agadzirire nguva dzakaoma dzaive mberi, Pauri anonyora kuti: “Mwari haana kutipa mudzimu woumbwende, asi wesimba noworudo nowokuva nepfungwa dzakanaka.” Timoti anopiwa zano rokuti: “Muranda waShe haafaniri kurwa, asi anofanira kuva norupfave kuna vose, anokwanisa kudzidzisa.”—2 Tim. 1:7; 2:24.

Pauro anokurudzira Timoti kuti: “Rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakaitwa kuti uve nechokwadi nazvo.” Dzidziso dzenhema dzapararira, saka muapostora anopa zano mutariri wechiduku uyu achiti: “Paridza shoko, shingaira kuriparidza . . . , tsiura, ranga, rayira.”—2 Tim. 3:14; 4:2.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:13—Chii chinonzi “mashoko anopa utano”? “Mashoko anopa utano” nde“aya aShe wedu Jesu Kristu,” kureva dzidziso yechokwadi yechiKristu. (1 Tim. 6:3) Zvakadzidziswa naJesu nezvaakaita zvaienderana neShoko raMwari, saka mashoko okuti “mashoko anopa utano” anogonawo kureva dzidziso dzose dzeBhaibheri. Dzidziso idzi dzinogona kutibatsira kuziva zvinodiwa naJehovha kwatiri. Tinoramba tichitevedzera muenzaniso uyu nokurarama maererano nezvatinodzidza muBhaibheri.

4:13—“Mipumburu yematehwe” chii? Iyi mipumburu yokunyorera yaigadzirwa nedehwe. Pauro angadaro aikumbira kuti avigirwe mamwe mabhuku eMagwaro echiHebheru kuti adzidze ari mujeri kuRoma. Mimwe mipumburu yacho ingadaro yaive yenhokwe mimwe iri yematehwe.

Zvatinodzidza:

1:5; 3:15. Kudzidziswa Magwaro achiri pamba kwakaitwa Timoti ndiko kwakaita kuti anyanye kuva nokutenda muna Kristu Jesu, kutenda kwaioneka pane zvose zvaaiita. Zvinokosha kwazvo kuti vabereki vafungisise kuti vari kuita sei panyaya yokudzidza Magwaro uye yokudzidza nevana vavo!

1:16-18. Kana vamwe vedu vari mumiedzo, vachitambudzwa kana kuti vakasungwa, ngativanyengeterere toita zvose zvatinogona kuvabatsira.—Zvir. 3:27; 1 VaT. 5:25.

2:22. VaKristu, zvikurukuru vechiduku, havafaniri kubva vanyura mukusimbisa muviri, mitambo, mimhanzi, kuita zvinovaraidza, kubvakacha, kudya nyaya, nezvimwewo zvakadaro zvokuti havazombofungi kuti kunonamatwa.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Patsamba dzakanyorwa nomuapostora Pauro ndeipi yaakapedzisira kunyora?