Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anotitarira Kuti Zvitinakire

Jehovha Anotitarira Kuti Zvitinakire

Jehovha Anotitarira Kuti Zvitinakire

“Maziso [aJehovha] anotarira-tarira panyika pose kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.”—2 MAK. 16:9.

1. Nei Jehovha achitiongorora?

JEHOVHA ndivo Baba vakakwana. Anonyatsotiziva zvokuti anoziva kunyange “zvinodiwa nepfungwa” dzedu. (1 Mak. 28:9) Zvisinei, haationgorori kuti angotsvaka zvakaipa chete. (Pis. 11:4; 130:3) Pane kudaro, anoda kutidzivirira kuzvinhu zvingakanganisa ukama hwedu naye kana kuti mukana wedu wokuwana upenyu husingaperi.—Pis. 25:8-10, 12, 13.

2. Jehovha anoshandisa simba rake achibatsira vanaani?

2 Jehovha ane simba risingaenzaniswi uye anoona zvose. Saka anokwanisa kubatsira vakavimbika vake pose pavanomukumbira, uye anogona kuvatsigira pamiedzo yavo. “Maziso [aJehovha] anotarira-tarira panyika pose kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari,” inodaro 2 Makoronike 16:9. Cherechedza kuti Jehovha anoshandisa simba rake kuti abatsire vaya vanomushumira nomwoyo wakakwana, mwoyo une vavariro dzakachena dzechokwadi. Haaitire izvozvo vaya vanonyengera.—Josh. 7:1, 20, 21, 25; Zvir. 1:23-33.

Famba naMwari

3, 4. ‘Kufamba naMwari’ zvinorevei uye Bhaibheri rine mienzaniso ipi ingatibatsira kunzwisisa zvazvinoreva?

3 Vakawanda vanofunga kuti hazvitomboiti kuti Musiki wedu abvumire vanhu vanomunamata kufamba naye. Asi ndizvo chaizvo zvinodiwa naJehovha kuti tiite. Makarekare, Inoki naNoa ‘vakafamba naMwari.’ (Gen. 5:24; 6:9) Mosesi “akaramba akasimba seaiona Uyo asingaoneki.” (VaH. 11:27) Mambo Dhavhidhi akafamba naBaba vake vokudenga achizvininipisa. Akati: “Nokuti [Jehovha] ari kuruoko rwangu rworudyi, handizozununguswi.”—Pis. 16:8.

4 Hazvireve hazvo kuti tinobva tabatana maoko chaizvo naJehovha tichifamba naye. Asi tinogona kudaro zvokufananidzira. Sei? Munyori wepisarema Asafi akati: “Ndinemi nguva dzose; makabata ruoko rwangu rworudyi. Muchanditungamirira nezano renyu.” (Pis. 73:23, 24) Zvichitaurwa muchidimbu, tinofamba naJehovha kana tichitevera nemazvo zano ratinowana muShoko rake uye ku“muranda akatendeka, akangwara.”—Mat. 24:45; 2 Tim. 3:16.

5. Jehovha anogara sei ziso rake riri pavakavimbika vake sababa, uye isu tinofanira kunzwa sei nezvake?

5 Jehovha anogara ziso rake riri pavanhu vanofamba naye nokuti anovada sezvinoita baba vane hanya, vanodzivirira uye vanodzidzisa vana vavo. “Ndichaita kuti uve nenjere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo,” anodaro Mwari. “Ndichakupa zano ziso rangu rakakutarira.” (Pis. 32:8) Zvibvunze kuti: ‘Ndiri kunzwa sendakabatwa ruoko naJehovha tichiita setiri kufamba tose here, ndichiteerera uchenjeri hwake uye ndichiziva kuti ziso rake rerudo riri pandiri? Mafungiro angu, mashoko angu uye zviito zvinoratidza kuti ndiri kuziva kuti ndinaye here? Uye kana ndikatadza, ndinoona Jehovha saBaba vane ngoni vanoda kubatsira vaya vanopfidza here kana kuti saMwari akaoma mwoyo asina basa neni?’—Pis. 51:17.

6. Jehovha anopfuura vabereki chaivo sei?

6 Dzimwe nguva, Jehovha angatibatsira tisati tatomboita chakaipa. Somuenzaniso, angaona kuti mwoyo wedu unonyengera watanga kushuva zvinhu zvisina kunaka. (Jer. 17:9) Pakadaro anokurumidza kugadzirisa zvinhu kupfuura zvingaitwa nevabereki chaivo nokuti “maziso ake anopenya” anokwanisa kuona mukatikati medu, oongorora zvatiri kunyatsofunga. (Pis. 11:4; 139:4; Jer. 17:10) Chimbofunga zvakaitwa naMwari pakaitika zvimwe zvinhu muupenyu hwaBharuki, munyori uye shamwari yepedyo yomuprofita Jeremiya.

Baba Vechokwadi Kuna Bharuki

7, 8. (a) Bharuki aiva ani, uye zvishuwo zvipi zvisina kunaka zvaakatanga kuva nazvo mumwoyo make? (b) Jehovha akaratidza sei kuti aiva nehanya naBharuki sezvinoita baba?

7 Bharuki aiva munyori wemandorokwati akashanda naJeremiya nokutendeka vachiita basa rakazopedzisira raoma zvokuti, rokuzivisa mutongo waJehovha panyika yeJudha. (Jer. 1:18, 19) Pane imwe nguva Bharuki, uyo angava aibva kumbahuru, akatanga kuzvitsvakira “zvinhu zvikuru.” Zvichida akarega pfungwa yokuda kubudirira ichikura. Chero zvipi zvingava zvakaitika, Jehovha akaona kuti Bharuki akanga apindwa nepfungwa yakaipa. Achishandisa Jeremiya, Jehovha akabva agadzirisa nyaya yacho, achiti kuna Bharuki: “Iwe wakati: ‘Zvino ndava nenhamo, nokuti Jehovha awedzera shungu pakurwadziwa kwangu! Ndaneta nokugomera kwangu, uye handina kuwana nzvimbo yokuzororera.’” Mwari akazoti: “Unoramba uchizvitsvakira zvinhu zvikuru. Usaramba uchitsvaka.”—Jer. 45:1-5.

8 Kunyange zvazvo Jehovha asina kungorega Bharuki achiita zvaaida, haana kumugumbukira, asi akataura achiratidza kuva nehanya zvechokwadi sezvinoita baba. Zviri pachena kuti Mwari akaona kuti zvaidiwa nomurume uyu zvaisaratidza mwoyo uzere nouipi kana kuti unonyengera. Jehovha aizivawo kuti maguta eJerusarema neJudha akanga ava mumazuva awo okupedzisira, uye akanga asingadi kuti Bharuki avhiringidzike panguva yakaoma iyoyo. Naizvozvo, kuti aite kuti mushumiri wake afunge zvakanaka, Mwari akamuyeuchidza kuti akanga ari kuzo“unza dambudziko panyama yose,” achiwedzera kuti kana Bharuki akaita nokuchenjera, aizopona. (Jer. 45:5) Zvaiita sokuti Mwari aiti: ‘Ona zvinhu sezvazviri Bharuki. Funga nezvezvinhu zvava kuda kuitika kumaguta eJudha neJerusarema anotadza. Ramba wakatendeka ugopona! Ini ndichakudzivirira.’ Zvakataurwa naJehovha zvinofanira kunge zvakabaya mwoyo waBharuki, nokuti akagadzirisa mafungiro ake uye akapukunyuka pakaparadzwa Jerusarema, pashure pemakore 17.

9. Ungapindura sei mibvunzo yabvunzwa mundima ino?

9 Pakukurukura nhoroondo yaBharuki, funga nezvemibvunzo nemagwaro anotevera: Mabatiro akaita Mwari naBharuki anoratidzei nezvemanzwiro anoita Jehovha pamusoro pevashumiri vake? (Verenga VaHebheru 12:9.) Tichifunga nezvenguva yakaoma yatiri kurarama, tingadzidzei pazano rakapiwa Bharuki naMwari uye pane zvakaitwa naBharuki wacho? (Verenga Ruka 21:34-36.) Vakuru vechiKristu vangatevedzera sei Jeremiya pakuratidza kuva nehanya kwaJehovha nevashumiri vake?—Verenga VaGaratiya 6:1.

Mwanakomana Anotevedzera Rudo rwaBaba

10. Jesu akakodzera sei kuva Musoro weungano yechiKristu?

10 ChiKristu chisati chavapo, Jehovha akaratidza kuti anoda vanhu vake nokuita kuti pave nevaprofita uye vamwe vashumiri vakatendeka. Mazuva ano, rudo rwake runooneka muna Jesu Kristu, Musoro weungano yechiKristu. (VaEf. 1:22, 23) Ndokusaka mubhuku raZvakazarurwa Jesu achifananidzwa negwayana rine “maziso manomwe, maziso anomirira midzimu minomwe yaMwari yakatumirwa munyika yose.” (Zvak. 5:6) Jesu anonzwisisa zvakakwana nokuti anotungamirirwa nomudzimu waMwari. Naiyewo anoona zvatiri mumwoyo, uye anoziva zvose zviri kuitika.

11. Ibasa ripi rinoitwa naKristu, uye maonero aanotiita anoratidza sei maonerwo atinoitwa naBaba vake?

11 Zvisinei, kungofanana naJehovha, Jesu haasi mupurisa ari kudenga. Anotiongorora neziso rerudo. Rimwe remazita okuremekedza aJesu rokuti, “Baba Vasingagumi,” rinotiyeuchidza zvaachaita pakupa upenyu husingaperi kune vanhu vose vanotenda maari. (Isa. 9:6) Uyewo, sezvo ari iye Musoro weungano, Kristu anogona kushandisa vaKristu vane chido, vakasimba pakunamata, zvikurukuru vakuru, kuti vatipe nyaradzo uye zano ratinoda.—1 VaT. 5:14; 2 Tim. 4:1, 2.

12. (a) Tsamba nomwe dzakanyorerwa kuungano dzaiva kuAsia Minor dzinoratidzei nezvaJesu? (b) Vakuru vanoratidza sei maonero anoita Kristu makwai aMwari?

12 Kuda kwakadzama kunoitwa naKristu makwai kunooneka mutsamba dzaakanyorera vakuru vomuungano nomwe dzaiva kuAsia Minor. (Zvak. 2:1–3:22) Mutsamba idzodzo, Jesu akaratidza kuti ainzwisisa zvaiitika muungano imwe neimwe uye kuti ainyatsoda zvakadzama vateveri vake. Ndizvo zvazviriwo mazuva ano sezvo zvakaratidzwa muna Zvakazarurwa zviri kuzadzika “muzuva raShe.” * (Zvak. 1:10) Rudo rwaKristu runonyatsooneka muvakuru, vanoshanda sevafudzi muungano. Anogona kuita kuti “zvipo zviri varume” izvi zvipe nyaradzo, kurudziro kana kuti zano pazvinenge zvichidiwa. (VaEf. 4:8; Mab. 20:28; verenga Isaya 32:1, 2.) Unoona zvavanoita sechiratidzo chokuti Kristu anokufarira iwe pachako here?

Rubatsiro Panguva Yarwunodiwa

13-15. Mwari angasarudza kupindura sei minyengetero yedu? Taura mienzaniso.

13 Wakambonyengetera zvakadzama uchikumbira kubatsirwa, uchibva wapindurwa pawakashanyirwa nomuKristu akasimba mune zvokunamata achikukurudzira here? (Jak. 5:14-16) Kana kuti zvichida rubatsiro rwacho rwakauya pakapiwa hurukuro pamisangano yechiKristu kana kuti mune zvawakaverenga mumabhuku edu. Kakawanda ndiwo mapinduriro anoita Jehovha minyengetero. Somuenzaniso, pashure pokunge mumwe mukuru apa hurukuro, imwe hanzvadzi yakanga isina kururamisirwa mavhiki akanga apfuura yakauya kuzotaura nomukuru uyu. Panzvimbo pokuti inyunyute nezvechinetso chayo, yakatenda nomwoyo wose pfungwa dzomumagwaro dzakataurwa muhurukuro yacho. Dzaishanda kwaari uye dzakamunyaradza zvikuru. Hakusi kufara kwaakaita kuti akanga apinda musangano uyu!

14 Panyaya yerubatsiro runouya kana wanyengetera, chimbofunga nezvevamwe vasungwa vatatu vakadzidza chokwadi cheBhaibheri vari mujeri, vakava vaparidzi vasina kubhabhatidzwa. Nemhaka yemhirizhonga yakanga yaitika mujeri racho, vasungwa vose vaivamo vakatanga kurambidzwa zvimwe zvinhu zvakawanda. Izvi zvakaita kuti vasungwa vacho vaite bongozozo. Vasungwa vacho vakaronga kuti pashure pokudya kwemangwanani zuva raitevera, vaizoramba kudzorera ndiro kuratidza kunyunyuta kwavo. Vaparidzi vaya vasina kubhabhatidzwa vatatu vakanga vava parumananzombe. Vaiziva kuti dai vaizobatana nevamwe pane zvainge zvarongwa, zvaizopesana nezano raJehovha riri pana VaRoma 13:1. Kana vakasabatana nevamwe, zvaizoita kuti vaoneswe nhamo nevasungwa vaiva vakagumbuka.

15 Sezvo vakanga vasingakwanisi kutaurirana kuti voita sei, varume vatatu ava vakanyengeterera uchenjeri. Mangwanani aitevera, vakazoona kuti zvavakanga vasarudza kuita zvakanga zvakafanana, zvokuti vaizoramba zvokudya zvacho. Pakazouya varindi vejeri vachitora ndiro, varume vatatu ava vakanga vasina chokudzorera. Vakafara kuti “Munzwi womunyengetero” akava pedyo navo!—Pis. 65:2.

Kutarisira Ramangwana Nechivimbo

16. Basa rokuparidzira rinoratidza sei kuti Jehovha anoda vanhu vakafanana nemakwai?

16 Basa rinoitwa pasi pose rokuparidzira rinoratidzawo kuti Jehovha anoda vanhu vane mwoyo wakatendeseka, pasinei nekwavanogara. (Gen. 18:25) Kakawanda Jehovha anogona kushandisa ngirozi kutungamirira vashumiri vake kune vanhu vakafanana nemakwai, kunyange vaya vanogara kunzvimbo isati yamboparidzirwa. (Zvak. 14:6, 7) Somuenzaniso, Mwari akashandisa ngirozi kutungamirira Firipi, uyo aiva muevhangeri airarama muzana remakore rokutanga kuti anosangana nomukuru mukuru weItiopiya uye amutsanangurire Magwaro. Izvi zvakaguma nei? Murume wacho akabvuma mashoko akanaka uye akava muteveri waJesu akabhabhatidzwa. *Joh. 10:14; Mab. 8:26-39.

17. Nei tisingafaniri kunyanya kunetseka nezveramangwana?

17 “Marwadzo enhamo” akafanotaurwa acharamba aripo nyika ino painenge yava kunoguma. (Mat. 24:8) Somuenzaniso, mitengo yezvokudya ingaramba ichikwira nemhaka yokushomeka kwazvo, mamiriro okunze akashata, kana kuti kusagadzikana kwoupfumi hwenyika. Mabasa angasava nyore kuwana, uye vashandi vangamanikidzwa kushanda kwemaawa akawanda. Chero zvingaitika, vose vanoisa zvokunamata panzvimbo yokutanga uye vanoramba vaine ‘ziso rakanaka’ havafaniri havo kunyanya kunetseka. Vanoziva kuti Mwari anovada uye kuti achavatarisira. (Mat. 6:22-34) Somuenzaniso, funga kuti Jeremiya akatarisirwa sei naJehovha zvinhu pazvakanga zvava manyama amire nerongo Jerusarema rava kunoguma muna 607 B.C.E.

18. Jehovha akaratidza sei kuti aida Jeremiya panguva yokukombwa kweJerusarema?

18 Jeremiya akapfigirwa muChivanze Chevarindi nechokumagumo kwokukombwa kweJerusarema nevaBhabhironi. Aizowanepi zvokudya? Kudai aiva asina kusungwa, aizozvitsvakira. Asi aitomirira kupiwa nevamwe vanhu, vakawanda vacho vaitomuvenga! Kunyange zvakadaro, Jeremiya aisavimba nevanhu asi naMwari, uyo akavimbisa kuti aizomutarisira. Jehovha akaita zvaaiva avimbisa here? Chaizvo! Akava nechokwadi chokuti Jeremiya apiwa “chingwa cheraundi zuva nezuva . . . kusvikira chingwa chose chapera muguta.” (Jer. 37:21) Jeremiya, Bharuki, Ebhedhi-mereki nevamwe vakapona panguva iyoyo yenzara, kurwara, uye rufu.—Jer. 38:2; 39:15-18.

19. Sezvatinotarisira ramangwana, tinofanira kutsunga kuitei?

19 Zvechokwadi, “maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuteterera kwavo.” (1 Pet. 3:12) Zvinokufadza here kuti Baba vako vokudenga vanokutarisira? Unonzwa wakachengeteka here nokuziva kuti maziso avo ari pauri nguva dzose kuti zvikunakire? Naizvozvo, tsunga kuramba uchifamba naMwari, pasinei nezvingaitika mangwana. Tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha acharamba achitarisira vanhu vake vakavimbika sezvinoita baba vane rudo.—Pis. 32:8; verenga Isaya 41:13.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 12 Kunyange tsamba idzi dzichinyanya kushanda kuvateveri vaKristu vakazodzwa, dzinoshandawo kuvashumiri vose vaMwari.

^ ndima 16 Pana Mabasa 16:6-10 tinowana mumwe muenzaniso unoratidza kuti Mwari anotungamirira vanhu vake. Ipapo panoti Pauro nevamwe vake “vakarambidzwa nomudzimu mutsvene” kuparidzira muAsia uye Bhitiniya. Panzvimbo pezvo, vakanzi vanoshanda kuMakedhoniya, kune vanhu vakawanda vanyoro vakabvuma zvavaiparidzira.

Ungatsanangura Here?

• Tingaratidza sei kuti tiri ‘kufamba naMwari’?

• Jehovha akaratidza sei kuti aida Bharuki?

• SoMusoro weungano yechiKristu, Jesu anoratidza sei unhu hwaBaba vake?

• Tingaratidza sei kuti tinovimba naMwari panguva ino yakaoma?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 9]

Kungofanana nezvakaitwa naJeremiya kuna Bharuki, nhasi vakuru vechiKristu vanoratidza hanya sezvinoita Jehovha

[Mufananidzo uri papeji 10]

Jehovha angatipa sei rubatsiro patinorwuda?