Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kupindura kwaJehovha Munyengetero Wemwoyo Wose

Kupindura kwaJehovha Munyengetero Wemwoyo Wose

Kupindura kwaJehovha Munyengetero Wemwoyo Wose

“Kuti vanhu vazive kuti imi, mune zita rokuti Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.”—PIS. 83:18.

1, 2. Zvii zvakaitika kune vakawanda, uye mibvunzo ipi ingamuka?

MAKORE akawanda akapfuura, mumwe mukadzi akashungurudzwa nenjodzi yakaitika kwaaigara. Sezvo akaberekerwa mumhuri yaipinda chechi yeRoma, akaenda kumupristi kuti abatsirwe, asi mupristi wacho akanga asingatombodi kutaura naye. Saka akanyengetera kuna Mwari achiti: “Handizivi kuti ndimi ani . . . , asi ndinoziva kuti muriko. Ndapota itai kuti ndikuzivei!” Angoti gare garei, Zvapupu zvaJehovha zvakamushanyira zvikamunyaradza nokumupa zivo yaaitsvaka. Chimwe chezvinhu zvakawanda zvavakamudzidzisa ndechokuti Mwari ane zita rinonzi Jehovha. Paakadzidza izvozvo akaita kunge achabuda misodzi. Akati, “Mufunge, uyu ndiye Mwari wandaida kuziva kubvira ndichiri muduku!”

2 Izvi zvakaitika kuvanhu vakawanda. Vakawanda vavo vakatanga kuziva zita raJehovha pavakaverenga muBhaibheri pana Pisarema 83:18. MuShanduro yeNyika Itsva, ndima yacho inoti: “Kuti vanhu vazive kuti imi, mune zita rokuti Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.” Zvisinei, wakambozvibvunza here kuti nei Pisarema 83 rakanyorwa? Zvii zvaizomanikidza munhu wose kubvuma kuti Jehovha ndiye oga Mwari wechokwadi? Tingadzidzei mupisarema iri nhasi? Tichakurukura mibvunzo iyi munyaya ino. *

Kupandukira Vanhu vaJehovha

3, 4. Pisarema 83 rakanyorwa naani, uye anorondedzera nezvechii chaida kuitika?

3 Mashoko okusuma anoratidza kuti Pisarema 83 “rwiyo rwaAsafi.” Munyori waro angave aiva muzukuru womumwe muRevhi ainzi Asafi, muimbi aizivikanwa zvikuru panguva yaitonga Mambo Dhavhidhi. Mupisarema racho, munyori uyu anoteterera kuti Jehovha apindire kuitira kuti uchangamire hwake hurevererwe uye zita rake rizivikanwe. Pisarema racho rinofanira kuva rakanyorwa Soromoni ava nenguva afa. Nei tichidaro? Nokuti panguva yokutonga kwaDhavhidhi naSoromoni, mambo weTire aiwirirana neIsraeri. Pakazonyorwa Pisarema 83, vagari vomuTire vakanga vapandukira vaIsraeri uye vakanga vava kurutivi rwevavengi vavo.

4 Munyori wepisarema wacho anodoma marudzi gumi airangana kuparadza vanhu vaMwari. Vavengi ivavo vaiva munzvimbo dzakapoteredza Israeri uye aya ndiwo mazita avo: “Vaigara mumatende eEdhomu nevaIshmaeri, vaMoabhi nevaHagri, Gebhari naAmoni naAmareki, Firistiya pamwe chete nevagari vokuTire. Uyewo, Asiriya yakabatanawo navo.” (Pis. 83:6-8) Inyaya ipi yakanga yaitika iri kutaurwa nezvayo nepisarema iri? Vamwe vanoti pisarema iri rinotaura nezvekurwiswa kwakaitwa vaIsraeri nemubatanidzwa wemarudzi aAmoni, Moabhi uye vagari vomuGomo reSeiri panguva yaitonga Jehoshafati. (2 Mak. 20:1-26) Vamwe vanoti rinotaura nezvekuvengwa kwaigara kuchiitwa vaIsraeri nevavakidzani vavo.

5. Pisarema 83 rinobatsira sei vaKristu mazuva ano?

5 Chero zvazvingava, zviri pachena kuti Jehovha Mwari akafuridzira kunyorwa kwepisarema iri rudzi rwake parwaiva panguva yakaoma. Pisarema racho rinokurudzirawo vashumiri vaMwari mazuva ano, avo vagara vachishungurudzwa uye vachida kuparadzwa nevavengi vavo. Uyewo munguva pfupi iri kuuya richanyatsotisimbisa apo Gogi weMagogi achaunganidza mauto ake oedzazve kokupedzisira kuparadza vose vanonamata Mwari nomudzimu nechokwadi.—Verenga Ezekieri 38:2, 8, 9, 16.

Chaainyanya Kukoshesa

6, 7. (a) Munyori wepisarema anonyengetera nezvei mumashoko okutanga ePisarema 83? (b) Chii chainyanya kukosheswa nomunyori wepisarema?

6 Inzwa zviri kutaurwa nomunyori wepisarema achidurura mwoyo wake achinyengetera: “Haiwa Mwari, regai kunyarara; musaramba musingatauri, musaramba makanyarara, haiwa imi Mwari. Nokuti tarirai! vavengi venyu vari kuita mheremhere; uye vaya vanokuvengai kwazvo vasimudza misoro yavo. Vanotaurirana zvakavanzika pamusoro pevanhu venyu nounyengeri . . . Nokuti vakarangana nomwoyo mumwe; vakaita sungano vachirwisana nemi.”—Pis. 83:1-3, 5.

7 Chii chainyanya kukosheswa nomunyori wepisarema? Angave hake aizvityira iye nemhuri yake. Asi ainyanya kunyengetera nezvokuzvidzwa kwezita raJehovha uye kutyisidzirwa kwaiitwa rudzi rwaiva nezita iroro. Nesuwo ngationei zvinhu saizvozvo, sezvatinotsungirira matambudziko emazuva ano okupedzisira.—Verenga Mateu 6:9, 10.

8. Marudzi aive nechinangwa chei paairangana kurwisa vaIsraeri?

8 Munyori wepisarema anoti vavengi veIsraeri vaiti: “Uyai tivaparadze, varege kuva rudzi, kuti zita raIsraeri rirege kuyeukwazve.” (Pis. 83:4) Hakusi kuvenga kwaiita marudzi iwayo vanhu vaMwari vaakasarudza! Asi vane chimwe chaiita kuti varangane saizvozvo. Vaichiva nyika yeIsraeri saka vaitozvikudza vachiti: “Ngatiitei kuti nzvimbo dzokugara dzaMwari dzive dzedu.” (Pis. 83:12) Pane zvakadaro zviri kuitika mazuva ano here? Hongu!

“Nzvimbo Yenyu Tsvene Yokugara”

9, 10. (a) Makarekare, chii chainzi nzvimbo tsvene yaMwari yokugara? (b) Zvikomborero zvipi zviri kuwanikwa nevasara vakazodzwa uye “mamwe makwai”?

9 Makarekare, Nyika Yakapikirwa yainzi inzvimbo tsvene yaMwari yokugara. Rangarira rwiyo rwokukunda rwakaimbwa nevaIsraeri pavakanunurwa muIjipiti: “Matungamirira vanhu vamakadzikinura nomutsa wenyu worudo; muchavaendesa nesimba renyu kunzvimbo yenyu tsvene yokugara.” (Eks. 15:13) Nokufamba kwenguva, ‘nzvimbo yokugara’ iyoyo yakazova netemberi yaiva nevapristi uye guta guru, Jerusarema, muine dzinza remadzimambo aigara pachigaro chaJehovha choumambo raitangira pana Dhavhidhi. (1 Mak. 29:23) Regai Jesu akazoti Jerusarema i“guta raMambo mukuru.”—Mat. 5:35.

10 Zvakadini nemazuva ano? Muna 33 C.E., “Israeri waMwari,” rudzi rutsva rwakazvarwa. (VaG. 6:16) Rudzi irworwo, rwunoumbwa nehama dzaJesu Kristu dzakazodzwa, rwakazadzisa zvakatadzwa nevaIsraeri chaivo, zvokuva zvapupu zvezita raMwari. (Isa. 43:10; 1 Pet. 2:9) Jehovha akavavimbisa sezvaakaita vaIsraeri vekare achiti: “Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.” (2 VaK. 6:16; Revh. 26:12) Muna 1919, Jehovha akatanga kunyatsofarira vakanga vasara va“Israeri waMwari,” uye panguva iyoyo vakatora “nyika,” kureva kuti paradhiso yokufananidzira mavari kuita mabasa okunamata. (Isa. 66:8) Kubvira kuma1930, mamiriyoni emamwe makwai ari kupitipidzana achiuya kwavari. (Joh. 10:16) Kufara uye kubudirira pakunamata kuri kuita vaKristu vemazuva ano ava kunopa uchapupu hwokuti uchangamire hwaJehovha hwakarurama. (Verenga Pisarema 91:1, 2.) Hakusi kutsamwa kunobva kwaita Satani!

11. Ndechipi chichiri chinangwa chikuru chevavengi vaMwari?

11 Munguva ino yose yomugumo, Satani anga achifurira vanhu vake kuti vapikise vasara vakazodzwa neshamwari dzavo dzemamwe makwai. Izvozvo zvakaitika paitongwa Western Europe nevaNazi uye Eastern Europe payaitongwa nehurumende yeSoviet Union yechiKomonisiti. Zvakaitikawo mudzimwe nyika dzakawanda, uye zvichaitika zvakare, zvikurukuru pacharwisa Gogi weMagogi. Paacharwisa ipapo, vavengi vevanhu vaJehovha vangaedza kuvabvutira zvinhu zvavo, sezvakamboitwa nevavengi kare. Zvisinei, chinangwa chikuru chaSatani chagara chiri chokuti atiparadzanise kuitira kuti zita redu ratakapiwa naMwari ritsakatike. Jehovha anoita sei nokushorwa kwakadaro kwouchangamire hwake? Ngatidzokerei kumashoko omunyori wepisarema.

Zvairatidza Kuti Jehovha Aizokunda

12-14. Ihondo mbiri dzipi dzakakundwa zvisingakanganwiki pedyo neguta reMegidho dzinotaurwa nezvadzo nomunyori wepisarema?

12 Cherechedza kuti munyori wepisarema aitenda zvakasimba sei kuti Jehovha anokwanisa kuvhiringidza zvirongwa zvevavengi. Mupisarema racho anotaurawo nezvehondo mbiri pakakunda vaIsraeri vavengi vavo pedyo neguta reMegidho raiva mubani, panova ndipo pakabva zita raro. Kana muri muchirimo, Rwizi rweKishoni rwunooneka rwuchimonyoroka nomubani racho rusina mvura. Kana yava nguva yemvura, rwizi rwacho rwunofashukira. Zvichida ndokusaka rwizi rwacho rwuchinziwo “mvura yeMegidho.”—Vat. 4:13; 5:19.

13 Anenge makiromita 15 kubva pabani reMegidho pane chikomo cheMore apo mazuva oMutongi Gidhiyoni, mubatanidzwa wemauto eMidhiyani, Amareki, neVokumabvazuva akaungana kuti arwe. (Vat. 7:1, 12) Mauto aGidhiyoni mashomanana akapedzisira ava 300, asi achibatsirwa naJehovha, akakurira uto rakakura. Sei? Vaudzwa zvokuita naMwari, vakakomba musasa womuvengi usiku vakabata zvirongo zvakavhara mazhenje omoto. Gidhiyoni paakapa chiratidzo, varume vake vakapwanya zvirongo zviya mazhenje omoto ndokungoerekana ati pachena ngwee. Pakare ipapo, vakaridza hwamanda dzavo vachidaidzira kuti: “Bakatwa raJehovha neraGidhiyoni!” Vavengi vakavhiringika, vakatanga kuurayana pachavo; vakanga vapukunyuka vakatiza vachiyambuka Rwizi rwaJodhani. Vamwe vaIsraeri vakazopindirawo ndokudzingirira muvengi. Mauto ose omuvengi akafa aiva 120 000.—Vat. 7:19-25; 8:10.

14 Anenge makiromita matanhatu nechemberi kwechikomo cheMore, pamhiri pebani reMegidho, pane Gomo reTabhori. Ipapo, Mutongi Bharaki akanga aunganidza mauto eIsraeri 10 000 kuti arwe nemauto aJabhini, mambo wechiKenani wokuHazori, ayo aitungamirirwa nomukuru wake wemauto Sisera. Uto iri reKenani raive nengoro dzehondo 900 dzaiva nemajeko esimbi akareba aitenderera pamwe nemavhiri. Mauto eIsraeri aive asina zvombo zvakawanda paaive akaungana paGomo reTabhori, uto raSisera rakazvinyengera ndokudzika mubani. Zvadaro, “Jehovha akatanga kuvhiringidza Sisera nengoro dzake dzose dzehondo.” Kunenge kuti kwakaerekana kwanaya zvokuti Rwizi rweKishoni rwakazarisa rwukafashukira ndokutadzisa ngoro dzehondo kufamba. Uto rose rakarakashwa nevaIsraeri.—Vat. 4:13-16; 5:19-21.

15. (a) Munyori wepisarema anonyengeterera kuti Jehovha aitei? (b) Zita rehondo yaMwari yokupedzisira rinotiyeuchidza nezvechii?

15 Munyori wepisarema anokumbira Jehovha kuti aite sezvaakaitira marudzi aida kutsakatisa vaIsraeri mumazuva ake. Anonyengetera achiti: “Vaitirei sezvamakaitira Midhiyani, sezvamakaitira Sisera, sezvamakaitira Jabhini pamupata une rukova weKishoni. Vakatsakatiswa paEndori; vakava mupfudze wenyika.” (Pis. 83:9, 10) Sezvineiwo, hondo yaMwari yokupedzisira paacharwisana nenyika yaSatani inonzi Ha-Magedhoni (zvinoreva kuti “Gomo reMegidho”), kana kuti Amagedhoni. Zita iroro rinotiyeuchidza nezvehondo dzinoshamisa dzakarwiwa pedyo neMegidho. Kukunda kwakaita Jehovha muhondo idzodzo dzekare kunotipa chivimbo chokuti anototi akunde chete paAmagedhoni.Zvak. 16:13-16.

Nyengeterera Kurevererwa kwaJehovha

16. Zviso zvevavengi ‘zvakazadzwa nenyadzi’ sei mazuva ano?

16 Mu“mazuva okupedzisira” ano, Jehovha akatadzisa zvose zvaiedza kuitwa kuti vanhu vake vatsakatiswe. (2 Tim. 3:1) Izvi zvakanyadzisa vavengi. Pisarema 83:16 rakafanotaura nezvazvo parakati: “Fukidzai zviso zvavo nenyadzi, kuti vanhu vatsvake zita renyu, haiwa Jehovha.” Munyika dzakawanda, vavengi vakakundikana zvinonyadzisa pavaiedza kunyaradza Zvapupu zvaJehovha. Munyika idzodzo, kutsungirira kwevanamati vaMwari mumwe wechokwadi kwakapa uchapupu kune vane mwoyo yakarurama, zvikaita kuti vakawanda ‘vatsvake zita raJehovha.’ Munyika dzakawanda maimbotambudzwa noutsinye Zvapupu zvaJehovha, mava nemakumi ezviuru, kunyange mazana ezviuru evarumbidzi vaJehovha vanofara. Jehovha akakunda zvinopedza mate mukanwa! Vavengi vake vakashaya pokupinda nenyadzi!—Verenga Jeremiya 1:19.

17. Vanhu vatarisana nenguva ipi yakaoma, uye mashoko api atichayeuka munguva pfupi iri kuuya?

17 Chokwadi tinoziva kuti hondo yacho haisati yapera. Tichiri kuparidza mashoko akanaka—kunyange kuvavengi. (Mat. 24:14, 21) Zvisinei, mukana wokuti vanoshora vapfidze kuti vapone wava kuda kuvaperera. Kutsveneswa kwezita raJehovha kunokosha nokure kupfuura kupona kwevanhu. (Verenga Ezekieri 38:23.) Marudzi paachabatana sezvakafanotaurwa achiedza kuparadza vanhu vaMwari, tichayeuka mashoko aya omunyengetero womunyori wepisarema: “Haiwa, ivo ngavanyadziswe vavhunduke nguva dzose, ngavatsveruke vaparare.”—Pis. 83:17.

18, 19. (a) Chii chichaitika kune vaya vakatsunga kuvenga uchangamire hwaJehovha? (b) Kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha kokupedzisira kuri kuuya kuchaita kuti iwe uite sei?

18 Vaya vakatsunga kushora uchangamire hwaJehovha vachava nomugumo unonyadzisa. Shoko raMwari rinozivisa kuti vaya “vasingateereri mashoko akanaka” vacha“paradzwa nokusingaperi” paAmagedhoni. (2 VaT. 1:7-9) Kuparadzwa kwavachaitwa uye kupukunyuka kwevaya vari kunamata Jehovha muchokwadi kuchapa uchapupu husingasiyi mubvunzo hwokuti Jehovha ndiye chete Mwari wechokwadi. Munyika itsva, kukunda kuchaita Mwari hakuzombokanganwiki. Vaya vachadzoka pa“kumuka kwevakarurama nevasina kururama” vachadzidza nezvemabasa makuru aJehovha. (Mab. 24:15) Munyika itsva, vachaona uchapupu hwakasimba hwokuti kurarama vachitungamirirwa nouchangamire hwaJehovha kuchenjera. Uye vanyoro vachakurumidza kuva nechokwadi chokuti Jehovha ndiye bedzi Mwari wechokwadi.

19 Baba vedu vokudenga vakagadzirira vanamati vavo vakatendeka ramangwana rakaisvonaka. Izvi hazviiti here kuti ude kunyengetera kuti munguva pfupi iri kuuya Jehovha apindure munyengetero womunyori wepisarema wokupedzisira wokuti: “[Vavengi venyu] ngavanyadziswe vavhunduke nguva dzose, ngavatsveruke vaparare; kuti vanhu vazive kuti imi, mune zita rokuti Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose”?—Pis. 83:17, 18.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Usati wadzidza nyaya ino, uchabatsirwa kana ukatanga waverenga Pisarema 83 kuti uzive zviri mariri.

Ungatsanangura Sei?

• Zvinhu zvakanga zvakamira sei muIsraeri pakanyorwa Pisarema 83?

• Chii chainyanya kukosheswa nomunyori wePisarema 83?

• Ndivanaani vanonyanya kutsvakwa naSatani nhasi?

• Jehovha achapedzisira apindura sei munyengetero uri pana Pisarema 83:18?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mepu iri papeji 15]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Hondo dzakarwiwa pedyo neMegidho yekare dzine chokuita neramangwana redu pakudini?

Rwizi rwaKishoni

Harosheti

Gomo reKameri

Bani reJezreeri

Megidho

Taanaki

Gomo reGiribhoa

Tsime reHarodhi

More

Endori

Gomo reTabhori

Gungwa reGarireya

Rwizi rwaJodhani

[Mufananidzo uri papeji 12]

Chii chakaita kuti mumwe munyori wepisarema anyore munyengetero womwoyo wose?