Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Maziso aJehovha Anopenya’ Anoongorora Zvose

‘Maziso aJehovha Anopenya’ Anoongorora Zvose

‘Maziso aJehovha Anopenya’ Anoongorora Zvose

“Maziso [aJehovha] anopenya anoongorora vanakomana vevanhu.”—PIS. 11:4.

1. Tinonzwa tichida kuva nevanhu vakaita sei?

UNONZWA sei nezvevanhu vanokufarira nemwoyo wose? Vanotaura chokwadi kana paine chawavabvunza. Kana uchida rubatsiro, vanokupa nemwoyo wose. Paunenge uchida zano, vanokupa murudo. (Pis. 141:5; VaG. 6:1) Haunzwi uchida kuva nevanhu vakadaro here? Jehovha neMwanakomana wake ndizvo zvavari. Chokwadi ndechokuti vanotokuda kupfuura zvingaitwa chero nomunhu upi zvake, uye havazviitire kuti vawane chimwe chinhu; vanoda kukubatsira kuti u“batisise upenyu chaihwo.”—1 Tim. 6:19; Zvak. 3:19.

2. Jehovha anofarira vashumiri vake zvakadini?

2 Munyori wepisarema Dhavhidhi akaratidza kuti Jehovha anotida zvakadzama paakati: “Maziso [aJehovha] anoona, maziso ake anopenya anoongorora vanakomana vevanhu.” (Pis. 11:4) Mwari haangotitariri; anotiongorora. Dhavhidhi akanyorawo kuti: “Makanzvera mwoyo wangu, makandiongorora usiku . . . Muchaona kuti handina kuruka mazano.” (Pis. 17:3) Zviri pachena kuti Dhavhidhi aiziva kuti Jehovha aimufarira zvakadzama. Aiziva kuti aizorwadzisa Jehovha uye aisazofarirwa naye kana akarera pfungwa dzakaipa kana kuti akava nemwoyo unoruka mazano akaipa. Unoona Jehovha somunhu chaiye sezvaiita Dhavhidhi here?

Jehovha Anoona Zviri Mumwoyo

3. Jehovha anoratidza sei kuti haangotariri kusakwana kwedu chete?

3 Jehovha anonyanya kufarira zviri mumwoyo momunhu. (Pis. 19:14; 26:2) Rudo runoita kuti asangotarira tunhu twatinokanganisa chete. Somuenzaniso, mudzimai waAbrahamu, Sara, paakabvunzwa nengirozi asi akaramba zvaakanga ataura, ngirozi inoratidza kuti yakanzwisisa kuti aitya uye ainyara, saka yakangomutsiura zvinyoronyoro. (Gen. 18:12-15) Jobho paakataura kuti “mweya wake wakarurama pane kuti Mwari ndiye akarurama,” Jehovha haana kumunyima makomborero, achiziva kuti Jobho akanga ayauriswa naSatani. (Job. 32:2; 42:12) Saizvozvowo, Jehovha haana kutsamwira chirikadzi yokuZarefati payakataura shungu dzayo kumuprofita Eriya. Mwari akanzwisisa kuti dzaiva shungu dzokufirwa nemwana wake zai regondo.—1 Madz. 17:8-24.

4, 5. Jehovha akaratidza Abhimereki nyasha sei?

4 Jehovha akaratidza nyasha kunyange kuvanhu vasingatendi, nokuti anoongorora mwoyo. Chimbofunga zvaakaitira Abhimereki, mambo weGerari, guta reFiristiya. Asingazivi kuti Abrahamu naSara vaiva mukadzi nomurume, Abhimereki akatora Sara kuti ave mudzimai wake. Zvisinei, Abhimereki asati atombodii, Jehovha akataura naye kuhope akati: “Iniwo ndaziva kuti waita izvi nomwoyo wakatendeseka, uye ndanga ndichikudzivisawo kuti usanditadzira. Ndokusaka ndisina kukubvumira kumubata. Asi zvino, dzorera mudzimai womurume wacho, nokuti iye muprofita, uye achakutetererera. Naizvozvo ramba uchirarama.”—Gen. 20:1-7.

5 Zvechokwadi, Jehovha angadai akaomesera Abhimereki, uyo ainamata vanamwari venhema. Asi Mwari akaona kuti murume uyu akanga aita zvinhu asingazivi. Jehovha akanzwira mambo wacho nyasha akamuudza zvokuita kuti akanganwirwe uye ‘arambe achirarama.’ Handiye Mwari waunoda kunamata here?

6. Jesu akatevedzera sei Baba vake?

6 Jesu akatevedzera Baba vake zvakakwana, achingotarira zvakanaka chete pavadzidzi vake uye zvakanga zvisingamuomeri kuvakanganwira zvavainge vakanganisa. (Mako 10:35-45; 14:66-72; Ruka 22:31, 32; Joh. 15:15) Zvaiitwa naJesu zvinoenderana nemashoko ake ari pana Johani 3:17 anoti: “Mwari haana kutumira Mwanakomana wake munyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye.” Kudiwa kwatinoitwa naJehovha naJesu kwakadzama uye hakuchinji. Kunooneka pachido chavo chokuti tiwane upenyu. (Job. 14:15) Rudo irworwo ndirwo runoita kuti Jehovha ationgorore, atione sezvaanoita, uye atiitire maererano nezvaanenge aona patiri.—Verenga 1 Johani 4:8, 19.

Anotiongorora Neziso Rerudo

7. Jehovha anotiongorora nevavariro yei?

7 Saka zvechokwadi kukanganisa kana tichiona Jehovha somupurisa ari kudenga akangomirira kuona zvatiri kutadza! Satani ndiye anotogara achititarira saizvozvo. (Zvak. 12:10) Kunyange patinenge tichiita zvakanaka anoti tine vavariro dzakaipa! (Job. 1:9-11; 2:4, 5) Munyori wepisarema akati nezvaMwari: “Haiwa Jah, kudai maitarira kukanganisa, haiwa Jehovha, ndiani aizomira?” (Pis. 130:3) Chokwadi ndechokuti, Hapana! (Mup. 7:20) Jehovha anototitarira neziso rengoni nomutsa, sezvinoita mubereki ane rudo anoda kudzivirira vana vake kuti vasakuvadzwa. Anowanzoita kuti tingwarire kusakwana kwedu uye patisina kusimba kuitira kuti tisazvikuvadza.—Pis. 103:10-14; Mat. 26:41.

8. Jehovha anorayiridza uye anoranga sei vashumiri vake?

8 Mwari anoratidza kuti anotida nokutirayiridza uye kutiranga kwaanoita achishandisa Magwaro uye zvokudya zvatinopiwa no“muranda akatendeka, akangwara.” (Mat. 24:45; VaH. 12:5, 6) Jehovha anotibatsirawo achishandisa ungano yechiKristu uye “zvipo zviri varume” zviri mairi. (VaEf. 4:8) Uyewo, Jehovha anotitarira kuti aone kuti tiri kushandisa sei zvaari kutirovedza sababa, aine chinangwa chokuramba achitibatsira. Pisarema 32:8 rinoti: “Ndichaita kuti uve nenjere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo. Ndichakupa zano ziso rangu rakakutarira.” Saka zvechokwadi zvinokosha kuti titeerere Jehovha nguva dzose! Tinofanira kugara tichizvinipisa pamberi pake, tichiziva kuti iye Mudzidzisi wedu uye ndiBaba vane rudo.—Verenga Mateu 18:4.

9. Unhu hupi hwatisingafaniri kuva nahwo, uye nei?

9 Asiwo ngatisambova vakaoma mwoyo nokuzvikudza, nokusava nokutenda, kana kuti “nesimba rinonyengera rechivi.” (VaH. 3:13; Jak. 4:6) Kazhinji kacho zvinotangira pakurera pfungwa uye zvishuwo zvakaipa. Munhu angatosvika pakuramba zano rakakodzera rinobva muMagwaro. Chakatoipa ndechokuti angatoomesa musoro pamafungiro ake uye nzira dzake ozviita muvengi waMwari, chinova chinhu chinotyisa zvechokwadi! (Zvir. 1:22-31) Funga nezvomuenzaniso waKaini, dangwe raAdhamu naEvha.

Jehovha Anoona Zvose Obva Aita Zvinoenderana Nazvo

10. Nei Jehovha asina kufarira zvakapiwa naKaini, uye Kaini wacho akaita sei?

10 Pakauya Kaini naAbheri nezvibayiro zvavo kuna Jehovha, iye akanga asina basa nezvipo zvavo chete asiwo vavariro yavo. Saka Mwari akafarira zvakapiwa naAbheri, zvaakapa nokutenda, asi haana kufarira zvaKaini, izvo neimwe nzira zvairatidza kuti akanga asina kutenda. (Gen. 4:4, 5; VaH. 11:4) Panzvimbo pokudzidza pane zvakaitika ochinja maonero ake, Kaini akashatirirwa munun’una wake zvokunge achaputika.—Gen. 4:6.

11. Kaini akaratidza sei mwoyo unonyengera, uye tinodzidzei paari?

11 Jehovha akaona kuti Kaini akanga opinda mungozi, akataura naye zvakanakanaka, achimuudza kuti dai aiita zvakanaka, aizofara. Zvinosuwisa kuti Kaini akaomesa gotsi achipiwa zano noMusiki wake ndokuponda munun’una wake. Kuipa kwemwoyo waKaini kwakaratidzwawo pamapinduriro okusaremekedza aakaita Mwari paakabvunzwa kuti: “Munun’una wako Abheri aripiko?” Kaini akachenama achiti: “Handizivi. Ndini muchengeti womunun’una wangu here?” (Gen. 4:7-9) Zvinoratidza kuti mwoyo unogona kunyengera zvisingaiti, zvokutosvika pakuramba kutsiurwa naMwari! (Jer. 17:9) Saka ngatidzidzei kubva munhoroondo dzakadaro tokurumidza kuramba pfungwa uye zvishuvo zvakaipa. (Verenga Jakobho 1:14, 15.) Kana tikapiwa zano rinobva muMagwaro, ngatirikoshesei toriona sechiratidzo chokuti Jehovha anotida.

Hapana Chivi Chingavanzwa

12. Jehovha anoita sei kana munhu atadza?

12 Vamwe vangafunga kuti kana pasina avaona vachiita zvakaipa, hapana zvinozovawana. (Pis. 19:12) Kutaura chokwadi, hapana chivi chingavanzwa. “Hapana chisikwa chaasingaoni, asi zvinhu zvose zvakafukurwa uye zviri pachena mumaziso aiye watinozvidavirira kwaari.” (VaH. 4:13) Jehovha Mutongi anoongorora vavariro dzedu dzakadzama, uye zvaanoita patinenge tatadza zvinoratidza kuti anoruramisira zvakakwana. NdiMwari “ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere nomutsa worudo, nechokwadi.” Asi, haa“zomboregi kuranga,” munhu asingapfidzi kana aine “tsika yokuita chivi nemaune” kana kuti achinyengera, achironga mazano akaipa. (Eks. 34:6, 7; VaH. 10:26) Izvi Jehovha akazviratidza pamabatiro aakaita Akani naAnaniyasi naSafira.

13. Kufunga kwakaipa kwakaita sei kuti Akani atadze?

13 Achityora murayiro waMwari nemaune, Akani akatora zvinhu pakaparadzwa guta reJeriko akazviviga mutende rake, zvichida mhuri yake ichitobvumirana naye. Pakafumurwa chivi chake, Akani akaratidza kuti ainzwisisa kuti zvaakanga aita zvakanga zvakaipa zvikuru nokuti akati: “Ndakatadzira Jehovha.” (Josh. 7:20) Kufanana naKaini, mwoyo waAkani wakanga watozara nouipi. Pana Akani makaro ndiwo akanetsa, uye ndiwo akaita kuti azonyengera. Sezvo zvinhu zvaiva muJeriko parakaparadzwa zvaive zvaJehovha, Akani akatobira Mwari, uye zvakazomuendesa kwamupfiganebwe iye nemhuri yake.—Josh. 7:25.

14, 15. Nei Ananiyasi naSafira vaikodzera kurangwa naMwari, uye chii chatinodzidza?

14 Ananiyasi nomudzimai wake Safira, vaiva muungano yechiKristu yomuJerusarema yepakutanga. Pashure pePendekosti ya33 C.E., pakarongwa kuti pave nehomwe yemari yokubatsira vakanga vachangotendeuka vaibva kure vakanga vachiri muJerusarema. Vanhu vainge vachida vaingobvisa yavanenge vagona. Ananiyasi akatengesa munda ndokubva aisa kuhomwe iyi imwe yemari yaakawana. Zvisinei, mudzimai wake achinyatsozviziva, Ananiyasi akaita sokunge kuti akanga abvisa mari yose yaakanga awana. Zviri pachena kuti vaviri ava vaida kuti vazobatwa noruremekedzo muungano. Asi zvavakaita zvaiva zvounyengeri. Jehovha akaita chishamiso chokuita kuti zvakanga zvaitika zvizivikanwe nomuapostora Petro, uyo akabva abvunza Ananiyasi nezvechivi chake. Zvangodaro Ananiyasi akabva awira pasi ndiye sarai. Vangoti gare garei, Safira akabva afawo.—Mab. 5:1-11.

15 Ananiyasi naSafira havana kungokanganisa kufunga zvenguva iyoyo. Vakaronga kunyepa vachiedza kunyengedza vaapostora. Zvakatoipisisa ndezvokuti ‘vakanyengera mudzimu mutsvene naMwari.’ Zvakaitwa naJehovha zvinoratidza pachena kuti akagadzirira kudzivirira ungano pavanyengeri. Zvechokwadi, “zvinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu”!—VaH. 10:31.

Ramba Wakatendeka Nguva Dzose

16. (a) Satani ari kuedza sei kushatisa vanhu vaMwari? (b) Kwaunogara Dhiyabhorosi anoshandisa nzira dzipi kuti ashatise vanhu?

16 Satani ari kuita zvose zvaanogona kuti atisvibise uye kuti tisafarirwa naJehovha. (Zvak. 12:12, 17) Vavariro yaDhiyabhorosi inonyatsoonekwa munyika, iyo inoita kupenga nezvepabonde uye nechisimba. Zvinhu zvinonyadzisira hazvichazivani pamakombiyuta nepazvimwe zvigadzirwa zvinoshandisa magetsi. Ngatirege kumbokundwa naSatani. Asi ngatiitei sezvakaitwa nomunyori wepisarema Dhavhidhi akanyora kuti: “Ndichaita nokungwara nenzira isina mhosva. . . . Ndichafamba-famba mumba mangu nomwoyo wakarurama [wakatendeka].”—Pis. 101:2.

17. (a) Nei Jehovha achipedzisira afumura zvivi zvinenge zvavanzwa? (b) Tinofanira kutsunga kuitei?

17 Nhasi uno, Jehovha haaiti zvishamiso zvokufumura chivi chakaipisisa uye unyengeri sezvaaimboita kare. Kunyange zvakadaro, anoona zvinhu zvose uye panguva yake, nenzira yake anozobudisa pachena zvinhu zvakavanzwa. Pauro akati: “Zvivi zvevamwe vanhu zvinobuda pachena, zvichibva zvaita kuti vakurumidze kutongwa, asi vamwe vanhu zvivi zvavo zvinobuda pachena pava paya.” (1 Tim. 5:24) Rudo ndirwo runonyanya kuita kuti Jehovha afumure zvakaipa. Anoda ungano uye anoda kuti igare yakachena. Uyezve, anoratidza ngoni kune vaya vanenge vakurirwa nechivi asi vachipfidza zvechokwadi. (Zvir. 28:13) Ngatiedzei kuramba tiine mwoyo wakakwana kuna Mwari toramba zvinhu zvinoshatisa.

Ramba Uine Mwoyo Wakakwana

18. Mambo Dhavhidhi aida kuti mwanakomana wake anzwe sei nezvaMwari?

18 Mambo Dhavhidhi akati kumwanakomana wake Soromoni: “Ziva Mwari wababa vako, umushumire nomwoyo wakakwana uye nomweya unofara; nokuti Jehovha anoongorora mwoyo yose, uye anonzwisisa zvose zvinodiwa nepfungwa.” (1 Mak. 28:9) Dhavhidhi aida kuti mwanakomana wake asangogumira pakuziva kuti Mwari ariko. Aida kuti Soromoni anzwisise kuti Jehovha anofarira vashumiri vake zvakadzama sei. Ndiwo maziviro aunoita Jehovha here?

19, 20. Maererano naPisarema 19:7-11, chii chakabatsira Dhavhidhi kuswedera pedyo naMwari, uye isu tingamutevedzera sei?

19 Jehovha anoziva kuti vanhu vane mwoyo yakarurama vachakweverwa kwaari uye kuti kuziva unhu hwake hwakanaka kunovafadza. Saka Jehovha anoda kuti timuzive tisvike pakujairana nounhu hwake hwakanaka. Tinozviita sei izvozvo? Nokudzidza Shoko rake uye kucherechedza zvaanotiitira muupenyu hwedu.—Zvir. 10:22; Joh. 14:9.

20 Unoverenga Bhaibheri mazuva ose here uchiriona serinobva kuna Mwari, uye uchinyengetera kuti ubatsirwe kushandisa zvaunodzidza? Unoona zvazvakakoshera kurarama uchitevedzera mirayiro yomuBhaibheri here? (Verenga Pisarema 19:7-11.) Kana zvakadaro, kutenda kwako muna Mwari uye kumuda kwaunoita kucharamba kuchikura. Iyewo acharamba achiswedera pedyo newe, achiita seari kufamba newe akakubata ruoko. (Isa. 42:6; Jak. 4:8) Chokwadi Jehovha acharatidza kuti anokuda nokukukomborera uye kukudzivirira mune zvokunamata sezvaunofamba munzira yakamanikana inoenda kuupenyu.—Pis. 91:1, 2; Mat. 7:13, 14.

Ungapindura Sei?

• Nei Jehovha achitiongorora?

• Chii chakaita kuti vamwe vanhu vazova vavengi vaMwari?

• Tingaratidza sei kuti Jehovha munhu chaiye kwatiri?

• Tingaramba sei tiine mwoyo wakakwana kuna Mwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 4]

Jehovha anotitarira sei somubereki anotarisira vana vake?

[Mufananidzo uri papeji 5]

Tinodzidzei pane zvakaitwa naAnaniyasi?

[Mufananidzo uri papeji 6]

Chii chichatibatsira kuramba tichishumira Jehovha nemwoyo wakakwana?