Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba Dzakanyorerwa Tito, Firimoni, Uye VaHebheru

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba Dzakanyorerwa Tito, Firimoni, Uye VaHebheru

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba Dzakanyorerwa Tito, Firimoni, Uye VaHebheru

KWAPERA nguva muapostora Pauro abudiswa mujeri muRoma muna 61 C.E., anoshanyira chitsuwa cheKrete. Achiona manamatiro ari kuita ungano dzeikoko, anoita kuti Tito asare achivasimbisa. Pava paya, zvichida ava kuMakedhoniya, Pauro anonyorera Tito tsamba kuti amurayiridze maitirwo ezvinhu uye kuti aratidze kuti iye somuapostora ndiye akanga amupa simba rokuzviita.

Izvi zvisati zvaitika, ava kuda kuzobuda mujeri muna 61 C.E., Pauro akanyorera tsamba Firimoni, imwe hama yechiKristu yaigara muKorose. Itsamba yokuteterera shamwari yake.

Munenge muna 61 C.E., Pauro akanyorerawo tsamba vanamati vechiHebheru vaiva muJudhiya, yairatidza kuti chiKristu chaiva nesimba kupfuura manamatiro evaJudha. Tsamba dzacho dzose dziri nhatu dzine mashoko anokosha kwatiri.—VaH. 4:12.

RAMBA UINE KUTENDA KWAKASIMBA

(Tito 1:1–3:15)

Pashure pokumuudza zvokutarisa ‘pakugadza varume vakuru muguta rimwe nerimwe,’ Pauro anoudza Tito kuti ‘arambe achitsiura vasingadzoreki zvakaoma kwazvo, kuti vave nokutenda kune utano.’ Anokurudzira vose vari muungano dziri muKrete kuti ‘varambe zvinhu zvinopesana nezvinodiwa naMwari uye kuti vararame nepfungwa dzakanaka.’—Tito 1:5, 10-13; 2:12.

Pauro anobatsira hama dzomuKrete nokuvaudza zvimwe zvokuita kuti varambe vaine kutenda kwakasimba. Anorayira Tito kuti ‘arambe mibvunzo youpenzi nokurwa pamusoro poMutemo.’—Tito 3:9.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:15—“Zvinhu zvose” zvinogona sei kunzi “zvakachena kuvanhu vakachena,” asi zvisina kuchena “kune vanhu vakasvibiswa nevasina kutenda”? Mhinduro tinoiwana kana tikanzwisisa kuti zvii zvainzi naPauro “zvinhu zvose.” Akanga asingatauri nezvezvinhu zvinoshorwa zvakananga muShoko raMwari rakanyorwa, asi nezvenyaya dzinonzi neMagwaro muKristu mumwe nomumwe azvisarudzire. Kumunhu anofunga maererano nemitemo yaMwari, zvinhu zvakadai zvakachena. Asi hazvina kuchena kumunhu ane mafungiro akavhiringika uye ane hana yakasvibiswa. *

3:5—VaKristu vakazodzwa ‘vanoponeswa nokushambidzwa’ uye ‘vanoitwa vatsva nomudzimu mutsvene’ sei? ‘Vanoponeswa nokushambidzwa’ mukuti Mwari akavashambidza kana kuti akavachenesa neropa raJesu rechibayiro chorudzikinuro. ‘Vakaitwa vatsva nomudzimu mutsvene’ nokuti vakava “chisikwa chitsva” sevanakomana vaMwari vakaberekwa nomudzimu.—2 VaK. 5:17.

Zvatinodzidza:

1:10-13; 2:15. Vatariri vechiKristu vanofanira kuva noushingi pakugadzirisa zvinhu zvinenge zvisina kururama muungano.

2:3-5. Sezvaiitwa muzana remakore rokutanga, nhasi hanzvadzi dzechiKristu dzakasimba pakunamata dzinofanira ‘kuzvibata zvakakodzera vanhu vatsvene, vasingacheri vamwe, vasingaitwi varanda newaini zhinji, vari vadzidzisi vezvakanaka.’ Vakaita saizvozvo vanobudirira pakurayira “vakadzi vaduku” vari muungano.

3:8, 14. “Zvakanaka uye zvinobatsira” kuramba ti“chifunga nezvokuita mabasa akanaka,” nokuti zvinoita kuti tibudirire mubasa raMwari uye tirambe takaparadzana nenyika yakaipa.

KURUDZIRA “NOKUDA KWORUDO”

(Fir. 1-25)

Firimoni anorumbidzwa kuti ari kuita zvakanaka pakuva muenzaniso ‘werudo nokutenda.’ Pauro “akawana mufaro mukuru nenyaradzo” nokuti Firimoni ainyaradza vaainamata navo.—Fir. 4, 5, 7.

Achiratidza zvinenge zvichifanira kuitwa nevatariri vose, Pauro anogadzirisa nyaya yainetsa nezvaOnesimo achiita zvokukurudzira “nokuda kworudo,” kwete kuvaudza zvokuita. Anoudza Firimoni kuti: “Ndiri kukunyorera, ndichivimba nokuteerera kwako, ndichiziva kuti uchatoita zvinopfuura zvinhu zvandinotaura.”—Fir. 8, 9, 21.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

10, 11, 18—Ko Onesimo aimbova “asingabatsiri” akazova sei ‘anobatsira’? Onesimo aiva muranda asi asingazvifariri ndokubva atiza tenzi wake Firimoni muKorose achienda kuRoma. Zvichida, Onesimo akatoita zvokubira tenzi wake kuti awane mari yokufambisa rwendo urwu rwaiva makiromita 1 400. Zvechokwadi akanga asingabatsiri kuna Firimoni. Zvisinei, ava muRoma, Onesimo akabatsirwa naPauro kuva muKristu. Muranda uyu aimbova “asingabatsiri” akazova ‘anobatsira’ zvaakanga ava muKristu.

15, 16Nei Pauro asina kukumbira Firimoni kuti asunungure Onesimo? Pauro aida kungoita basa rake ‘rokuparidza umambo hwaMwari uye kudzidzisa zvinhu zvine chokuita naIshe Jesu Kristu.’ Naizvozvo, akasarudza kusabatanidzwa munyaya dzine chokuita nemagariro evanhu, dzakadai souranda.—Mab. 28:31.

Zvatinodzidza:

2. Firimoni akaita kuti pamba pake paitirwe misangano yechiKristu. Kana musangano webasa romumunda uchiitirwa pamba pedu iropafadzo chaiyo.—VaR. 16:5; VaK. 4:15.

4-7. Tisu tinofanira kutanga kurumbidza vatinonamata navo vanoratidza muenzaniso wakanaka wokutenda uye rudo.

15, 16. Zvinhu zvisina kunaka pazvinoitika muupenyu hatifaniri kuzvirega zvichiita kuti tizvidye mwoyo. Zvinogona kutozotibatsira sezvakaitika kuna Onesimo.

21. Pauro aitarisira Firimoni kuti akanganwire Onesimo. Isuwo tinotarisirwa kuti tikanganwire hama ingadaro yatigumbura.—Mat. 6:14.

“NGATISHANDEI NESIMBA KUTI TIVE VAKURU”

(VaH. 1:1–13:25)

Kuti aratidze kuti kutenda chibayiro chaJesu kunokosha kupfuura mabasa oMutemo, Pauro anosimbisa kunaka kweakatanga chiKristu, upristi hwake, chibayiro chake, uye sungano itsva. (VaH. 3:1-3; 7:1-3, 22; 8:6; 9:11-14, 25, 26) Kuziva izvi kunofanira kunge kwakabatsira vaHebheru vaiva vaKristu kuti vatsungirire kutambudzwa kwavaiitwa nevaJudha. Pauro anokurudzira vaHebheru vaanonamata navo kuti ‘vashande nesimba kuti vave vakuru.’—VaH. 6:1.

Kutenda kunokosha zvakadini kumuKristu? Pauro anonyora kuti: ‘Pasina kutenda hazvibviri kunyatsofadza Mwari.’ Anokurudzira vaHebheru kuti: “Ngatimhanyei nokutsungirira nhangemutange yakaiswa pamberi pedu,” tichidaro nokutenda.—VaH. 11:6; 12:1.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

2:14, 15Sezvo Satani “ane simba rokukonzera rufu,” zvinoreva here kuti anogona kungouraya chero munhu waada paangodira? Hazvirevi kudaro. Zvisinei, kubvira pakatanga Satani kuita zvakaipa muEdheni, nhema dzake dzakaita kuti vanhu vafe nokuti Adhamu akatadza, akaita kuti vanhu vave nechivi uye vafe. (VaR. 5:12) Uyezve, vaya vari panyika vanoita zvinodiwa naSatani vakatambudza vashumiri vaMwari kusvikira vafa, sezvavakaita Jesu. Asi hazvirevi kuti Satani anongouraya chero munhu waada paanodira. Kudai zvakadaro, angadai akatotsakatisa vanamati vaJehovha kare kare. Jehovha anodzivirira vanhu vake uye haaregi Satani achivatsakatisa vose panguva imwe chete. Kunyange kana Mwari akarega vamwe vedu vachiurayiwa naSatani, tine chivimbo chokuti Mwari achabvisa zvakaipa zvose zvatiri kuitirwa.

4:9-11Tinopinda sei “muzororo” raMwari? Pakapera mazuva matanhatu okusika, Mwari akazorora mabasa ake okusika, aine chivimbo chokuti chinangwa chake pamusoro penyika nevanhu chichazadzika. (Gen. 1:28; 2:2, 3) ‘Tinopinda muzororo iroro’ nokurega kuita mabasa okuzvipembedza uye nokugamuchira urongwa hwaMwari hwokuti tiponeswe. Patinoratidza kuti tine kutenda muna Jehovha totevera Mwanakomana wake pane kuita zvoudyire, tinokomborerwa uye tinozorodzwa zuva nezuva.—Mat. 11:28-30.

9:16Ndiani “munhu anoita sungano” itsva? Jehovha ndiye Muiti wesungano itsva, asi Jesu ndiye “munhu anoita sungano” yacho. Jesu ndiye Murevereri wesungano iyoyo, uye kufa kwaakaita kwakaita kuti ape chibayiro chokuisimbisa.—Ruka 22:20; VaH. 9:15.

11:10, 13-16Abrahamu akanga akamirira “guta” ripi? Iri rakanga risiri guta chairo asi rokufananidzira. Abrahamu akanga akamirira “Jerusarema rokudenga,” rinoumbwa naKristu Jesu nevaanotonga navo vanokwana 144 000. Ava vachatonga naye kudenga vanonziwo “guta dzvene, Jerusarema Idzva.” (VaH. 12:22; Zvak. 14:1; 21:2) Abrahamu aitarisira kurarama achitongwa noUmambo hwaMwari.

12:2“Mufaro wakaiswa pamberi” paJesu wakaita kuti ‘atsungirire padanda rokutambudzikira’ waiva chii? Waiva mufaro wokuona zvaizoitwa noushumiri hwake, kusanganisira kuti hwaizotsvenesa zita raJehovha, kureverera uchangamire hwaMwari, uye kununura vanhu pakufa achishandisa chibayiro chake. Jesu aitarisirawo mubayiro wokutonga saMambo uye kushumira soMupristi Mukuru zvichizobatsira vanhu.

13:20Nei sungano itsva ichinzi isungano “isingaperi”? Pane zvikonzero zvitatu: (1) Haizombotsiviwi, (2) zvaichaita zvicharamba zviripo, uye (3) “mamwe makwai” acharamba achibatsirwa nourongwa hwesungano itsva pashure peAmagedhoni.—Joh. 10:16.

Zvatinodzidza:

5:14. Tinofanira kushingaira kudzidza Shoko raMwari Bhaibheri, toita zvarinotidzidzisa. Ndiyo chete nzira yokuita “kuti simba [redu] rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.”—1 VaK. 2:10.

6:17-19. Kuvakira tariro yedu pavimbiso yaMwari nemhiko yake kuchatibatsira kusatsauka pakufamba munzira yechokwadi.

12:3, 4. Pane “kuneta nokupera simba pamweya” yedu nemhaka yetumiedzo kana kuti kupikiswa kwatingaitwa, tinofanira kushanda nesimba kuti tive vakuru tovandudza kutsungirira kwedu miedzo. Tinofanira kutsunga kurwisa “kusvika pakubuda ropa,” kureva kuti kusvikira pakufa.—VaH. 10:36-39.

12:13-15. Hatifaniri kurega “mudzi une muchetura,” kana kuti chero munhu upi zvake muungano anongoshora maitirwo anoitwa zvinhu, achititadzisa ‘kugadzirira tsoka dzedu nzira dzakarurama.’

12:26-28. “Zvinhu zvakaitwa” nemaoko asiri aMwari, kureva mamiriro ezvinhu epanguva ino, kunyange “denga” rakaipa, zvinofanira kuzununguswa zvibve. Kana izvozvo zvikaitika, “zvinhu zvisiri kuzununguswa” chete, kureva Umambo nevanohutsigira, ndizvo zvichasara. Zvinokosha chaizvo kuti tishingaire kuzivisa Umambo torarama zvinoenderana nemitemo yahwo!

13:7, 17. Kuramba tichifunga nezvezano iri rokuteerera uye kuzviisa pasi pevatariri vari muungano kuchatibatsira kushanda pamwe navo.

[Mashoko Omuzasi]