Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unotanga Iwe Kukudza Vamwe Here?

Unotanga Iwe Kukudza Vamwe Here?

Unotanga Iwe Kukudza Vamwe Here?

“Pakukudzana, tungamiriranai.”—VAR. 12:10.

1. Chii chisisanyanyi kuitwa munzvimbo dzakawanda munyika?

MUNE dzimwe nyika, vane tsika yokuti vana vaduku havafaniri kumira pane vanhu vakuru. Kana vachidaro havazovatarisi panhongonya. Munzvimbo idzi, zvinonziwo hazvina unhu kuti mwana muduku ape gotsi vakuru. Kunyange zvazvo ruremekedzo ruchiratidzwa nenzira dzakasiyana munzvimbo dzakasiyana-siyana, nzira idzodzo dzinotiyeuchidza nezvoMutemo waMosesi. Mumutemo uyu maiva nomurayiro wokuti: “Unofanira kusimukira achena bvudzi, nokuremekedza munhu akwegura.” (Revh. 19:32) Chinosuwisa ndechokuti mazuva ano rukudzo hakuchina. Tingatoti kusaremekedzana ndiwo atova magariro.

2. Shoko raMwari rinotitaurira kuti tikudze vanaani?

2 Shoko raMwari rinokoshesa zvikuru nyaya yokukudzana. Rinotitaurira kuti tikudze Jehovha naJesu. (Joh. 5:23) Rinotirayirawo kuti tikudze vamwe mumhuri nemuungano uyewo vamwe vatisinganamati navo. (VaR. 12:10; VaEf. 6:1, 2; 1 Pet. 2:17) Tinoratidza sei kuti tinokudza Jehovha? Tinoratidza sei kuti tinokudza uye tinoremekedza hama dzedu nehanzvadzi dzechiKristu? Ngatimbokurukurai mibvunzo iyi nemimwewo inoenderana naiyoyi.

Kudza Jehovha Uye Zita Rake

3. Ndeipi imwe nzira inokosha yokukudza nayo Jehovha?

3 Imwe nzira inokosha yokukudza nayo Jehovha ndeyokuremekedza zita rake. Pakutika tiri “vanhu vezita rake.” (Mab. 15:14) Zvechokwadi kudanwa nezita raMwari wemasimbaose, Jehovha, kukudzwa chaiko. Muprofita Mika akati: “Marudzi ose, achafamba rumwe norumwe nezita ramwari warwo; asi isu, tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingagumi, kunyange nokusingaperi.” (Mika 4:5) Ku“famba nezita raJehovha” kunoreva kuedza kurarama zuva nezuva nenzira inoita kuti zita ratinodanwa naro rikudzwe. Sezvakayeuchidzwa vaKristu vokuRoma naPauro, kana tisingararami zvinoenderana nemashoko akanaka atinoparidza, zita raMwari ‘rinomhurwa,’ kureva kuti rinozvidzwa.—VaR. 2:21-24.

4. Unoona sei ropafadzo yokupupurira Jehovha?

4 Tinokudzawo Jehovha nebasa redu rokupupurira. Kare Jehovha akakumbira kuti rudzi rwevaIsraeri rwuve zvapupu zvake, asi rwakakundikana. (Isa. 43:1-12) Kazhinji kacho vaitopira Jehovha gotsi uye “vakarwadzisa Mutsvene waIsraeri.” (Pis. 78:40, 41) Rudzi rwacho rakazopedzisira rwaraswa naJehovha zvachose. Zvisinei, nhasi uno tinotenda kuti tine ropafadzo yokuparidza nezvaJehovha uye kuita kuti zita rake rizivikanwe. Tinoita izvi nokuti tinomuda uye tinoshuva kuti dai zita rake ratsveneswa. Tingarega sei kuparidza isu tichiziva chokwadi nezvaBaba vedu vokudenga nezvinangwa zvavo? Tinonzwa sezvaiita muapostora Pauro paakati: “Ndinofanira kuzviita. Chokwadi, ndine nhamo kana ndikasazivisa mashoko akanaka!”—1 VaK. 9:16.

5. Kutenda muna Jehovha uye kumuremekedza zvakabatana pakudini?

5 Munyori wepisarema Dhavhidhi akati: “Vaya vanoziva zita renyu vachavimba nemi, nokuti hamuzosiyi vaya vanokutsvakai, haiwa Jehovha.” (Pis. 9:10) Kana tichiziva Jehovha zvechokwadi uye tichiremekedza zvinorehwa nezita rake, tichavimba naye sezvakaita vashumiri vake vakatendeka vakare. Kuvimba kwakadaro uye kutenda muna Jehovha ndeimwe nzira yatinoratidza nayo kuti tinomukudza. Cherechedza kuti Shoko raMwari rinoratidza kubatana kwakaita kuvimba naJehovha uye kumuremekedza. Pakakundikana vaIsraeri vekare kuvimba naye, Jehovha akabvunza Mosesi kuti: “Vanhu ava vacharamba vasingandiremekedzi kusvikira rini, uye vacharamba vasingatendi mandiri nokuda kwezviratidzo zvose zvandakaita pakati pavo kusvikira rini?” (Num. 14:11) Kana tikavimba naJehovha kuti achatidzivirira uye achatibatsira kunyange mumatambudziko, tinenge tichiratidza kuti tinomuremekedza.

6. Chii chinoita kuti tiremekedze Jehovha zvakadzama?

6 Jesu akaratidza kuti tinofanira kuremekedza Jehovha zvichibva pamwoyo. Paaitaura nevanhu vaisanamata nomwoyo wose, Jesu akadzokorora mashoko akambotaurwa naJehovha okuti: “Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni.” (Mat. 15:8) Kuremekedza Jehovha zvechokwadi kunofanira kubva pakumuda nomwoyo wose. (1 Joh. 5:3) Uyewo tinoramba tichiyeuka zvakavimbiswa naJehovha zvokuti: “Ndichakudza vaya vanondikudza.”—1 Sam. 2:30.

Vaya Vanotungamirira Muungano Vanoremekedza Vamwe

7. (a) Nei hama dzinoshumira muungano dzichifanira kuremekedza vavanotungamirira? (b) Pauro akaratidza sei kuti airemekedza vaainamata navo?

7 Muapostora Pauro akakurudzira vaainamata navo achiti: “Pakukudzana, tungamiriranai.” (VaR. 12:10) Hama dzinoshumira muungano dzinofanira kuva mienzaniso, kureva kuti ‘kutungamirira’ pakuremekedza vavanoshumira. Panyaya iyi, vaya vanotungamirira vangaita zvakanaka kutevedzera zvakaitwa naPauro. (Verenga 1 VaTesaronika 2:7, 8.) Hama dzaiva muungano dzakashanyirwa naPauro dzaiziva kuti aisazombovakumbira kuita zvinhu zvaakanga asingaiti iye pachake. Pauro airemekedza vaainamata navo, zvikaita kuti ivowo vamuremekedze. Pauro paakati: “Naizvozvo, ndinokutetererai, kuti muve vatevedzeri vangu,” tinogona kuva nechokwadi chokuti vakawanda vakamutevedzera nomwoyo wose.—1 VaK. 4:16.

8. (a) Ndeipi imwe nzira inokosha yakaratidzwa nayo naJesu kuti airemekedza vadzidzi vake? (b) Vatariri nhasi vangatevedzera sei muenzaniso waJesu?

8 Hama ine mutoro ingaratidzawo kuremekedza vainotungamirira nokuvaudza zvokuita uyewo kuti nei vachifanira kuzviita. Painodaro inenge ichitevedzera Jesu. Somuenzaniso, Jesu paakaudza vadzidzi vake kuti vanyengeterere vashandi vakawanda vokukohwa, akavaudza chikonzero chacho. Akati: “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” (Mat. 9:37, 38) Saizvozvowo, paakavaudza kuti “rambai makarinda,” akavataurira chikonzero chacho. Akati: “Nokuti hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya zuva ripi.” (Mat. 24:42) Jesu akataura ataurazve kuvadzidzi vake zvavaifanira kuita uye chavaifanira kuzviitira. Paaidaro aivaremekedza uye aivabata nechiremerera. Muenzaniso wakazonaka kuvatariri vechiKristu!

Remekedza Ungano yaJehovha Uye Zvainotaura

9. Ndiani watinenge tichikudza kana tichiremekedza ungano yechiKristu yomunyika yose uye vanoimiririra? Tsanangura.

9 Kuti tikudze Jehovha tinofanirawo kukudza ungano yechiKristu yomunyika yose, zvose nevanoimiririra. Patinoteerera mazano anobva muMagwaro atinopiwa neboka romuranda akatendeka, tinenge tichiremekedza zvakarongwa naJehovha. Muungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga, muapostora Johani akaona zvakakodzera kushora vaya vakanga vasingaremekedzi vanhu vakagadzwa. (Verenga 3 Johani 9-11.) Mashoko aJohani anoratidza kuti paive nevamwe vaisaremekedza vatariri uye zvavaidzidzisa nezvavaitaura. Chinofadza ndechokuti vaKristu vakawanda vaiva vasina kudaro. Vaapostora vachiri vapenyu, zviri pachena kuti vaKristu seboka vairemekedza zvakadzama vaya vaitungamirira.—VaF. 2:12.

10, 11. Tsanangura uchishandisa Magwaro nei zvakakodzera kuti muungano yechiKristu muve nevamwe vanotungamirira.

10 Vamwe vakafunga kuti sezvo Jesu akaudza vadzidzi vake kuti “imi mose muri hama,” muungano yechiKristu hamufaniri kuva nevanotungamirira. (Mat. 23:8) Zvisinei, muMagwaro echiHebheru neechiGiriki mune mienzaniso yakawanda yevarume vakanzi naMwari vatungamirire. Zvaiitika kare pakwaiva nevatongi uye madzimambo panguva yevaHebheru zvinonyatsoratidza kuti Jehovha anotungamirira achishandisa vanhu vanomumiririra. Vanhu pavairega kukudza vaivatungamirira, vairangwa naJehovha.—2 Madz. 1:2-17; 2:19, 23, 24.

11 VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakabvumawo kutungamirirwa nevaapostora. (Mab. 2:42) Somuenzaniso, Pauro aiudza hama dzake zvokuita. (1 VaK. 16:1; 1 VaT. 4:2) Asi iye aizviisawo pasi pevaiva pamusoro pake. (Mab. 15:22; VaG. 2:9, 10) Chokwadi Pauro aiva nemaonero akanaka panyaya yeutungamiriri muungano yechiKristu.

12. Zvidzidzo zvipi zviviri zvokuteerera vane masimba zvatinowana muBhaibheri?

12 Tinowana zvidzidzo zviviri panyaya iyi. Kutanga, zviri muMagwaro kuti “muranda akatendeka, akangwara,” ashandise Dare Rinodzora kugadza varume kuti vashumire muungano, uye kuti vamwe vagadzwe kuti vatungamirire vamwe varume vakagadzwa. (Mat. 24:45-47; 1 Pet. 5:1-3) Chechipiri, tose zvedu, kusanganisira hama dzakagadzwa, tinofanira kukudza vaya vari pamusoro pedu. Saka tingaita sei chaizvo kuti tikudze vaya vanotungamirira muungano yechiKristu yenyika yose?

Kuremekedza Vatariri Vanofambira

13. Tingaremekedza sei vamiririri veungano yechiKristu mazuva ano?

13 Pauro akati: “Tinokukumbirai, hama, kuti muremekedze vaya vari kushanda nesimba pakati penyu vachikutungamirirai munaShe uye vachikurayirai; uye kuti muvakudze kwazvo murudo nokuda kwebasa ravo. Itai kuti muve norugare nevamwe.” (1 VaT. 5:12, 13) Vatariri vanofambira vamwe ve“vaya vari kushanda nesimba.” Saka ‘ngativakudzei kwazvo murudo.’ Imwe nzira yatingazviita nayo ndeyokubvuma nomwoyo wose zano nokukurudzira kwavanenge vatiita. Kana mutariri akadaro akatiudza zvinobva kuboka romuranda akatendeka, “uchenjeri hunobva kumusoro” huchaita kuti ‘tide kuteerera.’—Jak. 3:17.

14. Ungano ingaremekedza sei vatariri vanofambira nomwoyo wose, uye ikadaro zvinobatsirei?

14 Zvisinei, zvakadini kana tikanzi tiite chimwe chinhu nenzira yakasiyana neyatajaira? Kana tichiremekedza hatizotauri mashoko okuti, “Kuno hatidaro” kana kuti, “Izvozvo zvingashanda kune dzimwe nzvimbo asi kwete muungano medu.” Pane kudaro, tinoedza kuteerera zvatinoudzwa. Kuramba tichiziva kuti ungano ndeyaJehovha uye kuti Jesu ndiye Musoro wayo kuchatibatsira kuti tidaro. Kana ungano ikateerera yoita zvinenge zvataurwa nomutariri anofambira, zvinoratidza kuti inoremekedza nomwoyo wose. Muapostora Pauro akatenda hama dzomuKorinde nokuti vakateerera noruremekedzo zvavakanga vaudzwa nomukuru akanga avashanyira, Tito. (2 VaK. 7:13-16) Isuwo nhasi tinogona kuva nechokwadi chokuti kana tikaita nomwoyo wose zvatinenge tanzi tiite nevatariri vanofambira zvinoita kuti tifare mubasa redu rokuparidzira.—Verenga 2 VaKorinde 13:11.

“Kudzai Vanhu Vemarudzi Ose”

15. Tingaremekedza sei vatinonamata navo?

15 Pauro akanyora kuti: “Usatsoropodza kwazvo murume akura. Asi, murayire sababa, varume vaduku sevanun’una, vakadzi vakura savanaamai, vakadzi vaduku sehanzvadzi nokuchena kwose. Kudza chirikadzi dziri chirikadzi chaidzo.” (1 Tim. 5:1-3) Shoko raMwari rinotikurudzira kukudza munhu wose ari muungano yechiKristu. Zvisinei, zvakadini kana iwe neimwe hama kana hanzvadzi mukatadza kuwirirana? Izvozvo zvingakutadzisa kuremekedza hama yako iyi here? Kana kuti ungagadzirisa maonero ako nokutarisawo unhu hwake hwakanaka hwechiKristu here? Vatariri ndivo vanofanira kunyanya kuremekedza hama dzavo, ‘vasingazviiti madzishe . . . kuboka.’ (1 Pet. 5:3) Sezvo muungano yechiKristu muine vanhu vanozivikanwa nokudanana, tine mikana yakawanda yokukudzana.—Verenga Johani 13:34, 35.

16, 17. (a) Nei zvichikosha kuti tiremekedze vanhu vatinoparidzira uye vanotishora? (b) ‘Tinokudza vanhu vemarudzi ose’ sei?

16 Hatingogumiri pakuremekedza vatinonamata navo bedzi. Pauro akanyorera vaKristu vomunguva yake kuti: “Chero bedzi tiine nguva yakakodzera nokuda kwazvo, ngatiitirei vose zvakanaka.” (VaG. 6:10) Chokwadi zvingatiomera kuita izvozvo kana watinoshanda naye kana kuti watinodzidza naye achitibata neseri kweruoko. Pakadaro tinofanira kuyeuka mashoko aya: “Usatsamwira vanoita zvakaipa.” (Pis. 37:1) Kushandisa zano iri kuchatibatsira kuremekedza kunyange vanotishora. Saizvozvowo, patinenge tiri muushumiri, kuzvininipisa kuchatibatsira kupindura “nounyoro noruremekedzo rukuru.” (1 Pet. 3:15) Kunyange chitarisiko chedu nemapfekero edu zvinoratidza kuti tinoremekedza vanhu vatinoparidzira.

17 Zvechokwadi, tingava tiri kuita zvinhu nevomuungano kana kuti vokunze, tinoda kuedza kushandisa zano iri: “Kudzai vanhu vemarudzi ose, idai sangano rose rehama, ityai Mwari, kudzai mambo.”—1 Pet. 2:17.

Ungapindura Sei?

Ungaratidza sei kuti unoremekedza:

• Jehovha?

• Vakuru vomuungano nevatariri vanofambira?

• Munhu wose ari muungano?

• Vaunoparidzira?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

VaKristu vomuzana remakore rokutanga vairemekedza dare rinodzora

[Mufananidzo uri papeji 24]

Vakuru vari munyika yose vanokudza vatariri vanofambira, avo vanogadzwa neDare Rinodzora