Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wakagadzirira Kurasikirwa Zvakadini Kuti Urarame?

Wakagadzirira Kurasikirwa Zvakadini Kuti Urarame?

Wakagadzirira Kurasikirwa Zvakadini Kuti Urarame?

“Munhu achatsinhanisa mweya wake nechii?”—MAT. 16:26.

1. Nei Jesu asina kubvumirana nokutsiurwa kwaakaitwa naPetro?

MUAPOSTORA Petro akashamiswa nezvaakanzwa. Mutungamiriri wake waaida zvikuru, Jesu Kristu, aitaura “asingavanzi” kuti akanga ava kuzotambura uye kuzofa! Petro akapindura achifunga kuti ari kuita zvakanaka, akatsiura Jesu achiti: “Zviitirei mutsa, Ishe; hamungambovi nomugumo uyu.” Jesu akapa Petro gotsi akatarira vamwe vadzidzi. Zvichida ivowo vaifunga zvisizvo sezvaiita Petro. Akabva azoti kuna Petro: “Enda shure kwangu, Satani! Uri chinhu chinogumbura kwandiri, nokuti haufungi zvinofungwa naMwari, asi zviya zvinofungwa nevanhu.”—Mako 8:32, 33; Mat. 16:21-23.

2. Jesu akatsanangura kuti chii chinodiwa kuti munhu ave mudzidzi wechokwadi?

2 Mashoko akazotaurwa naJesu angava akabatsira Petro kuona kuti nei Jesu akamupindura achidaro. Jesu “akashevedza boka revanhu nevadzidzi vake” ndokuti: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rokutambudzikira, arambe achinditevera. Nokuti munhu wose anoda kuponesa mweya wake acharasikirwa nawo; asi munhu wose anorasikirwa nomweya wake nokuda kwangu nemashoko akanaka achauponesa.” (Mako 8:34, 35) Pano Jesu akashandisa shoko rokuti “mweya” achireva “upenyu.” Zviri pachena kuti akanga ava kuda kuzopa upenyu hwake sechibayiro uyewo aitarisira kuti vaya vaimutevera vaizofanira kuva vakagadzirira kupira upenyu hwavo mukushumira Mwari. Kana vakadaro, vaizowana mubayiro wakakura.—Verenga Mateu 16:27.

3. (a) Jesu akabvunza vateereri vake mibvunzo ipi? (b) Mubvunzo waJesu wechipiri ungadaro wakayeuchidza vateereri vake nezvechii?

3 Pachiitiko ichocho, Jesu akabvunza mibvunzo miviri inoda kufungisiswa: “Zvinobatsirei kuti munhu awane nyika yose orasikirwa nomweya wake?” uye “Chokwadi, munhu angatsinhananisa mweya wake nechii?” (Mako 8:36, 37) Kuvanhu, mhinduro yemubvunzo wokutanga iri pachena. Hazvibatsiri kuti munhu awane nyika yose kana achizorasikirwa noupenyu hwake, kana kuti mweya wake. Zvinhu zvinongobatsira kana uri mupenyu uchizvishandisa. Mubvunzo waJesu wechipiri wokuti: “Chokwadi, munhu angatsinhananisa mweya wake nechii?” ungadaro wakayeuchidza vateereri vake nezvezvakanga zvambotaurwa naSatani panguva yaJobho, zvokuti: “Munhu achapa zvose zvaainazvo nokuda kwomweya wake.” (Job. 2:4) Kune vasinganamati Jehovha, Satani angava aitaura chokwadi. Vakawanda vangaita chero chii zvacho, vangatyora chero mutemo upi zvawo kuti varambe vachirarama. Zvisinei, vaKristu vane maonero akasiyana neaya.

4. Nei mibvunzo yaJesu ichida kufungisiswa nevaKristu?

4 Tinoziva kuti Jesu haana kuuya panyika kuti azotipa utano hwakanaka, pfuma uye kuti tizorarama kwenguva yakareba munyika ino. Akauya kuzoita kuti pave nomukana wokurarama nokusingaperi munyika itsva, uye tariro youpenyu ihwohwo ndiyo yatinonyanya kukoshesa. (Joh. 3:16) MuKristu anganzwisisa kuti mubvunzo wokutanga wakabvunzwa naJesu waireva kuti, “Zvinobatsirei kuti munhu awane nyika yose orasikirwa netariro yake youpenyu husingaperi?” Mhinduro ndeyokuti, Hazvina kana zvazvinobatsira. (1 Joh. 2:15-17) Kuti tikwanise kupindura mubvunzo waJesu wechipiri, tingazvibvunza kuti, ‘Ndakagadzirira kurasikirwa zvakadini iye zvino kuti ndisimbise tariro yangu youpenyu munyika itsva?’ Mapinduriro atinoita mubvunzo iwoyo, ayo anoonekwa pamararamiro edu, anoratidza kusimba kwakaita tariro yedu mumwoyo.—Enzanisa naJohani 12:25.

5. Tingawana sei chipo choupenyu husingaperi?

5 Ichokwadi kuti Jesu akanga asiri kureva kuti upenyu husingaperi hunotengwa. Upenyu, kunyange hupfupi ihwohwu hwatiinahwo, chipo. Hatigoni kuhutenga kana kuti kuita chimwe chinhu chokuti tibhadharwe nahwo. Nzira bedzi yatingawana nayo chipo choupenyu husingaperi ndeyokuva ‘nokutenda muna Kristu Jesu’ uye muna Jehovha, uyo “anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” (VaG. 2:16; VaH. 11:6) Zvisinei, kutenda kunofanira kuratidzwa nemabasa, sezvo “kutenda kusina mabasa kwakafa.” (Jak. 2:26) Saka patinofunga zvakadzama nezvemubvunzo waJesu, tingaita zvakanaka kunyatsoongorora kuti takagadzirira kurasikirwa zvakadini munyika ino uye takagadzirira kuitei mubasa raJehovha kuti tiratidze kuti kutenda kwedu kupenyu zvechokwadi.

“Kristu Haana Kuzvifadza”

6. Chii chainyanya kukosheswa naJesu?

6 Panzvimbo pokuisa pfungwa dzake pazvinhu zvaive munyika panguva yake, Jesu akaramba akatarira zvinhu zvaikosha akaramba muedzo wokuzvitsvakira zvinhu zvakamunakira. Upenyu hwake hwaiva hwokuzvipira uye kuteerera Mwari. Pane kuzvifadza, akati: “Ndinogara ndichiita zvinhu zvinomufadza [Mwari].” (Joh. 8:29) Jesu akaita zvakadini kuti afadze Mwari?

7, 8. (a) Jesu akazvipira zvakadini, uye akapiwa mubayiro wei? (b) Mubvunzo upi watinofanira kuzvibvunza?

7 Mumwe musi Jesu akati kuvadzidzi vake: “Mwanakomana womunhu [haana] kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.” (Mat. 20:28) Nguva yakanga yapfuura Jesu paakanyevera vateveri vake kuti akanga ava ‘kuzopa mweya wake,’ Petro akamukurudzira kuti azvinzwire tsitsi. Kunyange zvakadaro, Jesu haana kudzokera shure. Akapa achizvidira mweya wake, upenyu hwake hwakakwana, kuti vanhu vapone. Nemhaka yokurarama kwake kwokuzvipira, Jesu aive asina chokutya nezveramangwana rake. Akamutswa uye “akakwidziridzwa kuruoko rworudyi rwaMwari.” (Mab. 2:32, 33) Akabva ava muenzaniso wakanaka kwatiri.

8 Muapostora Pauro akapa vaKristu vaive muRoma zano rokuti ‘vasazvifadza’ uye akavayeuchidza kuti “kunyange Kristu haana kuzvifadza.” (VaR. 15:1-3) Saka tingashandisa zvakadini zano rakapiwa nomuapostora iyeye tozvipira tichitevedzera Kristu?

Jehovha Anoda Kuti Timupe Zvakanakisisa

9. MuKristu paanozvitsaurira kuna Mwari anenge achitoitei?

9 MuIsraeri yekare, Mutemo waMosesi waiti varanda vechiHebheru vaifanira kusunungurwa pangava pagore rechinomwe kana kuti gore reJubheri. Zvisinei, pane zvimwe zvavaigona kuita. Kana muranda afarira kugara nomuridzi wake, aigona kusarudza kuramba ari muranda mumusha make kwoupenyu hwake hwose. (Verenga Dheuteronomio 15:12, 16, 17.) Zvakafananawo nokusarudza kwatinoita patinozvitsaurira kuna Mwari. Tinobvuma nokuzvidira kuita kuda kwaMwari, kwete kuita zvatinoda isu. Patinoita izvozvo, tinoratidza kuti tinoda Jehovha zvakadzama uye tinoda kumushumira nokusingaperi.

10. Mwari ndiye muridzi wedu pakudini, uye kuziva izvozvo kunoita kuti tiite sei uye tifunge sei?

10 Kana uri kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uchiparidza mashoko akanaka, uye uchipinda misangano yechiKristu, uri kuita zvakazonaka. Tinovimba kuti uchaona zvakakodzera kuzvitsaurira kuna Jehovha wobvunza mubvunzo wakabvunzwa nomuItopiya kuna Firipi wokuti: “Chii chinonditadzisa kubhabhatidzwa?” (Mab. 8:35, 36) Ukama hwako naMwari huchabva hwafanana nohuya hwevaKristu vakanyorerwa naPauro kuti: “Hamusi venyu pachenyu, nokuti makatengwa nomutengo.” (1 VaK. 6:19, 20) Kana takazvitsaurira kuna Jehovha, iye Muridzi wedu, pasinei nokuti tariro yedu ndeyokuzorarama kudenga kana kuti pasi pano. Saka zvinokosha kuti tisiye zvido zvedu uye ‘tirege kuva varanda vevanhu’! (1 VaK. 7:23) Iropafadzo chaiyo kuva mushumiri waJehovha akavimbika waanogona kushandisa sezvaanoda!

11. VaKristu vanokurudzirwa kuzvipira sei, uye izvozvo zvinonyatsorevei, maererano nomuenzaniso wezvibayiro zvomuMutemo waMosesi?

11 Pauro akakurudzira vaainamata navo kuti: “Mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, iro basa dzvene nesimba renyu rokufunga.” (VaR. 12:1) Mashoko iwayo angave akayeuchidza vaKristu vechiJudha nezvezvibayiro zvavaishandisa pakunamata vasati vava vateveri vaJesu. Vangavewo vaiziva kuti muMutemo waMosesi zvibayiro zvemhuka zvaipiwa paatari yaJehovha zvaifanira kuva zvakanakisisa. Zvaiva zvisina kunaka zvaisagamuchirwa. (Mar. 1:8, 13) Ndizvo zvatinofanirawo kuita kana tichipa miviri yedu “sechibayiro chipenyu.” Tinopa Jehovha zvakanakisisa zvedu, kwete kumupa zvinenge zvasara kana tapedza kuita zvatinoda isu pachedu. Patinozvitsaurira kuna Mwari, tinomupa “mweya” yedu, kureva upenyu hwedu, kusanganisira simba redu, pfuma yedu, uye zvatinogona. (VaK. 3:23) Izvozvo zvinoreva kuti tinofanira kuitei chaizvo?

Shandisa Nguva Yako Nokuchenjera

12, 13. Ndeipi imwe nzira yatingapa nayo Jehovha zvakanakisisa zvedu?

12 Imwe nzira yokupa nayo Jehovha zvakanakisisa ndeyokushandisa nguva yedu nokuchenjera. (Verenga VaEfeso 5:15, 16.) Izvozvo zvinoda kuzvidzora. Nyika yakatipoteredza uye kusakwana kwatinozvarwa tiinako zvinoita kuti tingoda kuita zvinotifadza uye zvinonakira isu chete. Ichokwadi kuti “chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa,” kusanganisira nguva yokutamba uye nguva yokushanda kuti tikwanise kuita zvinofanira kuitwa nomuKristu wose. (Mup. 3:1) Zvisinei, muKristu akazvitsaurira anofanira kunyatsoronga zvinhu zvake oshandisa nguva yake nokuchenjera.

13 Paakashanyira Atene, Pauro akacherechedza kuti “vaAtene vose nevagari vokune dzimwe nyika vaigara imomo kwenguva pfupi vaisapedza nguva yavo yokuzorora pasina chavaiita asi vachitaura kana kuteerera chimwe chinhu chitsva.” (Mab. 17:21) Nhasi, vakawanda vanotambisawo nguva yavo saizvozvo. Zvimwe zvinotambisa nguva mazuva ano zvinosanganisira kuona terevhizheni, kutamba mitambo yemavhidhiyo, nokuongorora Indaneti. Zvinhu zvinoita kuti titambise nguva yedu zviri kuramba zvichiwedzera. Kana tikasazvingwarira, tingapedzisira taderera panyaya dzokunamata. Tingatosvika pakufunga kuti takanyanya kubatikana zvokuti hatichagoni kuita “zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe,” kureva zviya zvine chokuita nokushumira Jehovha.—VaF. 1:9, 10.

14. Tinofanira kunyatsofungisisa mibvunzo ipi?

14 Saka somushumiri waJehovha akazvitsaurira, zvibvunze kuti, ‘Purogiramu yangu yezuva nezuva inosanganisira kuverenga Bhaibheri, kufungisisa, uye kunyengetera here?’ (Pis. 77:12; 119:97; 1 VaT. 5:17) ‘Ndine nguva yandinoti iyi ndeyokugadzirira misangano yechiKristu here? Ndinokurudzira vamwe nokupindura pamisangano here?’ (Pis. 122:1; VaH. 2:12) Shoko raMwari rinoti Pauro nevamwe vake vakapedza “nguva huru vachitaura noushingi uye vachishandisa simba raJehovha.” (Mab. 14:3) Ungaronga zvinhu zvako kuitira kuti ukwanise kupedza “nguva huru” mubasa rokuparidza here, zvichida uchipayona?—Verenga VaHebheru 13:15.

15. Vakuru vanoshandisa sei nguva yavo nokuchenjera?

15 Muapostora Pauro nevamwe varume vakatendeka pavakashanyira ungano yechiKristu yemuAndiyoki, “vakapedza nguva huru nevadzidzi” kuti vavakurudzire. (Mab. 14:28) Naizvozvo mazuva ano vakuru vane rudo vanoshandisa nguva yavo yakawanda pakusimbisa vamwe. Mukuwedzera kuushumiri hwavo hwomumunda, vakuru vanoshanda nesimba pakufudza boka, pakutsvaka makwai akarasika, pakubatsira vanorwara uye kutarisira mamwe mabasa akawanda muungano. Kana uri hama yakabhabhatidzwa, mamiriro ako ezvinhu anokubvumira here kuvavarira kuva neropafadzo idzi dzokushumira dzakawedzerwa?

16. Ndedzipi dzimwe nzira dzokuitira nadzo “zvakanaka . . . vaya vane ukama nesu mukutenda”?

16 Vazhinji vakawana mufaro pavaibatsira vakanga varasikirwa nezvinhu nemhaka yenjodzi dzinongozviitikira dzoga kana kuti dzinokonzerwa nevanhu. Somuenzaniso, imwe hanzvadzi yava nemakore anopfuura 60 inoshanda paBheteri yakaenda kunzvimbo dziri kure kakawanda ichizvipira kunobatsira vanenge vari mumatambudziko. Nei yakashandisa nguva yayo yokuzorora saizvozvo? Inoti: “Kunyange zvazvo ndisina unyanzvi hwebasa, yaive ropafadzo kushanda chero pandaidiwa. Ndakakurudzirwa zvikuru pandakaona kutenda kwakasimba kwehama nehanzvadzi dzakanga dzarasikirwa zvikuru nezvinhu zvadzo.” Uyezve, zviuru zvevanhu munyika yose zvinobatsira nokuvaka Dzimba dzoUmambo uye Dzimba dzeMagungano. Patinoitawo mabasa akadaro, tinenge tichiitira “zvakanaka . . . vaya vane ukama nesu mukutenda.”—VaG. 6:10.

“Ndinemi Mazuva Ose”

17. Chii chaungapa kuti uwane upenyu husingaperi?

17 Nyika yakaparadzana naMwari yava kuda kuzopfuura. Hatizivi hedu pazvichaitika chaipo. Asi tinoziva kuti “nguva yasara ipfupi” uye “mamiriro ezvinhu enyika ino ari kuchinja.” (Verenga 1 VaKorinde 7:29-31.) Izvi zvinoita kuti tinyatsonzwisisa mubvunzo waJesu wokuti: “Munhu achatsinhanisa mweya wake nechii?” Tichaita zvose zvatinenge tanzi naJehovha tiite kuti tiwane “upenyu chaihwo.” (1 Tim. 6:19) Zvechokwadi, kuteerera kurudziro yaJesu yokuti ‘tirambe tichimutevera’ uye ‘titange kutsvaka umambo’ kunokosha.—Mat. 6:31-33; 24:13.

18. Tinogona kuva nechivimbo chei, uye nei?

18 Ichokwadi kuti kutevera Jesu hakusi nyore nguva dzose, uye sezvakanyeverwa naJesu, vamwe vakatozvifira munyika ino yatichiri. Zvisinei, kufanana naJesu, tinorwisana nomuedzo ‘wokuzviitira mutsa.’ Tinotenda vimbiso yaakapa vateveri vake vakazodzwa vomuzana remakore rokutanga yokuti: “Ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mat. 28:20) Saka ngatishandise nepatinogona napo nguva yedu nezvatinogona kuita mubasa dzvene. Patinoita izvozvo, tinenge tichiratidza kuti tinovimba kuti Jehovha achatichengetedza pakutambudzika kukuru kana kuti kutimutsa munyika itsva. (VaH. 6:10) Tikadaro tinenge taratidza kukoshesa kwatinoita chipo choupenyu.

Ungapindura Sei?

• Jesu akaratidza sei kuti akanga akazvipira kushumira Mwari nevanhu?

• Nei munhu achifanira kuzviramba, uye izvozvo zvinoitwa sei?

• MuIsraeri yekare, zvibayiro zverudzii zvaingobvumwa naJehovha, uye izvozvo zvinotidzidzisei nhasi?

• Tingashandisa sei nguva yedu nokuchenjera?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 26]

Jesu aiita zvinhu zvaifadza Mwari nguva dzose

[Mufananidzo uri papeji 28]

VaIsraeri vaikoshesa zvokunamata vaipa zvakanakisisa zvavo kuti vatsigire kunamata kwechokwadi

[Mifananidzo iri papeji 29]

Tinofadza Mwari nokushandisa nguva yedu nokuchenjera