Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Zvechokwadi Iri Ndiro Zita raMwari Dzvene Uye Guru”

“Zvechokwadi Iri Ndiro Zita raMwari Dzvene Uye Guru”

“Zvechokwadi Iri Ndiro Zita raMwari Dzvene Uye Guru”

Nicholas wokuCusa akataura mashoko iwayo mumharidzo yaakapa mugore ra1430. * Munhu aifarira zvinhu zvakawanda, somuenzaniso akadzidza chiGiriki, chiHebheru, uzivi, zvechitendero, masvomhu uye zvenyeredzi. Paakanga ava nemakore 22, akava nedhigirii repamusoro romutemo wechechi yeRoma. Muna 1448 akagadzwa kuti ave mufundisi.

Makore anenge 550 akapfuura, Nicholas wokuCusa akatanga musha waichengeterwa vakwegura kuKues, yava kunzi Bernkastel-Kues, taundi riri makiromita 130 kumaodzanyemba kweBonn, muGermany. Chivako ichi ndicho chava neraibhurari yokuCusa yaiva nemagwaro aipfuura 310. Rimwe racho iCodex Cusanus 220 munogona kuwanikwa mharidzo yokuCusa ya1430. Mumharidzo iyoyo yainzi Pakutanga Shoko Rakanga Riripo (In principio erat verbum), Nicholas wokuCusa akashandisa chiperengo chechiLatin chokuti Iehoua nokuda kwaJehovha. * Peji 56 ine mashoko anotevera pamusoro pezita raMwari: “Rakapiwa naMwari. ITetragrammaton, kureva kuti zita rine mabhii mana. . . . Zvechokwadi iri ndiro zita raMwari dzvene uye guru.” Mashoko aNicholas wokuCusa anopindirana nepfungwa yokuti zita raMwari riri mumashoko okutanga eMagwaro echiHebheru.—Eks. 6:3.

Kodhekisi iyi yomuzana remakore rechi15 ndiyo imwe yemagwaro akare zvikuru makashandurwa Tetragrammaton kuti “Iehoua.” Uchapupu uhwu hwakanyorwa hunoratidza kuti manyorerwo ezita rakafanana nokuti “Jehovha” ndiwo mashandurirwo anga achiitwa zita raMwari kwemazana emakore.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Nicholas wokuCusa ainziwo Nikolaus Cryfts (Krebs), Nicolaus Cusanus, uye Nikolaus von Kues. Kues raiva zita retaundi rokuGerman kwaakaberekerwa.

^ ndima 3 Mharidzo yacho yaitsigira Utatu.

[Mufananidzo uri papeji 16]

Raibhurari yaCusa