Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Gara Uchiita “Zvinhu Zvinoita Kuti Pave Norugare”

Gara Uchiita “Zvinhu Zvinoita Kuti Pave Norugare”

Gara Uchiita “Zvinhu Zvinoita Kuti Pave Norugare”

KANA mugwagwa uchangogadzirwa unenge wakanyatsoti papata, usingakanganiswi nezvinofamba pauri. Zvisinei, nokufamba kwenguva, ungatanga kutsemuka uye kuchereka. Izvi zvinofanira kugadziriswa, kuti mugwagwa uyu urambe uripo uye usakonzera njodzi.

Saizvozvowo, ukama hwedu nevamwe dzimwe nguva hungakanganisika uye hungatotsemuka. Muapostora Pauro akabvuma kuti paiva nokupesana pakati pevaKristu vaiva muRoma. Akarayira vaKristu vaainamata navo kuti: “Ngatiteverei zvinhu zvinoita kuti pave norugare uye zvinhu zvinovaka mumwe nomumwe.” (VaR. 14:13, 19) Nei zvichikosha kuti tigare tichiita “zvinhu zvinoita kuti pave norugare”? Tingabudirira uye tingaratidza sei ushingi pakuita kuti parambe paine rugare?

Nei Tichifanira Kuramba Tichiita Kuti Pave Norugare?

Kana mitswi iri mumugwagwa ikasagadziriswa inogona kukura yova makomba anokonzera njodzi. Kusataurirana kana matadzirana kunogonawo kuva nengozi. Muapostora Johani akanyora kuti: “Kana munhu achitaura kuti: ‘Ndinoda Mwari,’ asi achivenga hama yake, iye murevi wenhema. Nokuti uyo asingadi hama yake, yaakaona, haangavi achida Mwari, waasina kumboona.” (1 Joh. 4:20) MuKristu akasataurirana nehama yake kana vatadzirana anogona kuzopedzisira ava kuivenga.

Jesu Kristu akaratidza kuti Jehovha haabvumi kuti timunamate kana tisina kutaurirana nevatinenge tatadzirana navo. Jesu akarayiridza vadzidzi vake achiti: “Zvino, kana uchiuya nechipo chako kuatari wobva wayeuka uri ikoko kuti hama yako ine chigumbu newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, woenda; tanga waita kuti uve norugare nehama yako, uye kana wadzoka, ipa chipo chako.” (Mat. 5:23, 24) Kureva kuti chikonzero chedu chikuru chokutaurirana kana tatadzirana ndechokuti tinoda kufadza Jehovha Mwari. *

Zvimwe zvakamboitika muungano yeFiripi zvinoratidza chimwe chikonzero nei tichifanira kuva norugare nevamwe. Pane zvakanetsa pakati pehanzvadzi dzechiKristu mbiri, Yudhiya naSindike, zvinoratidza kuti zvaida kuvhiringa rugare rweungano yose. (VaF. 4:2, 3) Vanhu vakasagadzirisa zvavakanganisirana, zviri nyore kuti zvipedzisire zvazivikanwa nevanhu vose. Kana tiine chido chokuti vanhu vari muungano vagare vachidanana uye vakabatana tichagara tichiita zvinoita kuti pave norugare.

“Vanofara vanoita kuti pave norugare,” akadaro Jesu. (Mat. 5:9) Kugara tichiita zvinoita kuti pave norugare kunoita kuti tifare uye tigutsikane. Uyezve, kugarisana nevamwe zvakanaka kunoita kuti munhu ave noutano hwakanaka, nokuti “mwoyo wakadzikama upenyu hwomuviri wenyama.” (Zvir. 14:30) Asi kugara uine chigumbu kungaita kuti ugume warwara.

Kunyange zvazvo vaKristu vakawanda vachibvuma kuti kugarisana nevamwe zvakanaka kunokosha, ungazvibvunza kuti ungaita sei kana wagumburisana nomumwe munhu. Ngationgororei dzimwe pfungwa dzomuMagwaro dzingatitungamirira.

Kukurukura Zvinyoronyoro Kunodzorera Rugare

Nzira inenge yaita tumitswi inowanzogadziriswa nokutuvhara. Zvinoita here kuti tikanganwire uye tivhare tuzvikanganiso twehama dzedu? Izvi zvingangoshanda pane zvakawanda zvatinenge takanganisirana, nokuti muapostora Petro akanyora kuti “rudo runofukidza zvivi zvizhinji.”—1 Pet. 4:8.

Zvisinei, dzimwe nguva nyaya yacho inoita seyakakura zvokuti hazviiti kungoinyarara. Funga zvakaitika kuvaIsraeri vachangotanga kutora Nyika Yakapikirwa. “Vanakomana vaRubheni nevanakomana vaGadhi nehafu yedzinza raManase” vasati vayambuka Rwizi rwaJodhani, vakavaka “atari yaiva huru pakuonekwa.” Mamwe madzinza aIsraeri akafunga kuti atari iyi yaiva yokunamata zvidhori uye zvakanga zvisingaiti kuti vangonyarara. Vakagadzirira kunovarwisa.—Josh. 22:9-12.

Vamwe vaIsraeri vangadaro vakafunga kuti paitova nouchapupu hwakakwana hwokuti pane chakaipa chakanga chiri kuitwa uye kuti kuita zvokuvarwisa vasina kugadzirira kwaizoita kuti vavakunde vasina kuurayisa vanhu vakawanda. Zvisinei, panzvimbo pokungokurumidza kurwisa, madzinza aiva kumadokero kwaJodhani akatuma vanhu kunokurukura nyaya yacho nehama dzavo. Vakabvunza kuti: “Kusatendeka uku kwamaitira Mwari waIsraeri nokurega kutevera Jehovha nhasi . . . ndokwei?” Chokwadi ndechokuti, madzinza akanga avaka atari akanga asiri kupandukira Mwari. Asi vaizoita sei pavaipomerwa zvakadaro? Vaizopindura vapomeri vavo pfocho kana kuramba kutaura navo here? Madzinza aipomerwa acho akapindura zvinyoronyoro, achitaura zvakajeka kuti vakanga vaivaka nechido chokushumira Jehovha. Mapinduriro avakaita akaita kuti varambe vaine ukama hwakanaka naMwari uye pasadeurwa ropa. Kukurukura vakadzikama kwakagadzirisa nyaya yacho uye kwakaita kuti pavezve norugare.—Josh. 22:13-34.

Vasati vatanga kurwisa, nouchenjeri vamwe vaIsraeri vakakurukura dambudziko ravo nemamwe madzinza aRubheni naGadhi nehafu yedzinza raManase. “Usakurumidza kugumbuka,” rinodaro Shoko raMwari, “nokuti kugumbuka kunogara pachipfuva chemapenzi.” (Mup. 7:9) Magwaro anoratidza kuti kana matadzirana munofanira kukurukura makanyatsodzikama uye muchibudirana pachena. Chokwadi tingatarisira kuti Jehovha atikomborere here kana tichigara takagumbukira munhu zvokutadza kutaura naye tichifunga kuti akatikanganisira?

Asi zvakadini kana mumwe muKristu akatiudza kuti takamukanganisira, zvichida ototipomera zvenhema? “Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa,” rinodaro Bhaibheri. (Zvir. 15:1) Madzinza evaIsraeri akanga agumbura vamwe, akatsanangura zvinyoronyoro, asi zvakajeka kuti akanga azviitirei, uye hapana mubvunzo kuti zvakapodza hama dzavo dzakanga dzagumbuka. Tingave tatanga isu kutaura nehama yedu kana kuti iyo yatanga kutaura nesu nezverimwe dambudziko, tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Kuti tirambe tiine rugare, ndingashandisa mashoko api uye izwi rangu nematauriro zvinofanira kuva zvakadini?’

Shandisa Rurimi Nokuchenjera

Jehovha anoziva kuti tinoda kutaura zvinenge zvichitinetsa. Zvisinei, kana tikatadza kugadzirisa kukanganisirana kwatinenge taita, tingaiswa pamuedzo wokuda kuudza mumwe munhu. Zviri nyore kuti kuramba makagumbukirana kuite kuti mugume mava kutaurirana mashoko akaipa. Zvirevo 11:11 inotaura nezvokushandisa rurimi zvisina kunaka ichiti: “Taundi . . . rinoputswa nokuda kwemiromo yevakaipa.” Saka kutaura zvisina kunaka nezvemumwe muKristu kungakanganisa rugare rweungano yakaita setaundi.

Zvisinei, kuva norugare hakurevi kurega kutaura zvachose nezvehama nehanzvadzi dzedu. Muapostora Pauro akati kune vaainamata navo: “Musashandisa mazwi akaipa.” Asi akawedzera kuti: “Taurai zvakanaka bedzi nezvinobatsira vamunenge muchitaura navo. . . . Munofanira kuva vanhu vanoitirana tsitsi, nomwoyo munyoro, muchiregererana.” (VaEf. 4:29-32, Bhaibheri Dzvene) Kana imwe hama ikataura newe ichiti haina kufarira zvawakataura kana kuti zvawakaita, hazvingavi nyore here kukumbira ruregerero uye kuita kuti pave norugare kana akambotaura zvakanaka nezvako kune vamwe? Saizvozvowo, kugara tichitaura zvinovaka nezvevamwe vaKristu kuchaita kuti zvive nyore kuti tirambe tiine rugare patinokanganisirana.—Ruka 6:31.

Shumirai Mwari ‘Makabatana’

Sevanhu vasina kukwana tinowanzoda kurega kutaura nevaya vanenge vatikanganisira, tozviita zindoga. Kuita izvozvo hakusi kuchenjera. (Zvir. 18:1) Sevanhu vakabatana vanodana zita raJehovha, takatsunga ‘kumushumira takabatana.’—Zef. 3:9.

Mashoko asina kunaka anotaurwa nevamwe kana kuti zvavanoita hazvimbofaniri kutinetesa pakushingairira kunamata kwakachena. Kwangosara mazuva mashomanana kuti chibayiro chaJesu chitsive zvaipiwa zvepatemberi uye Jesu achangopedza kushora vanyori vepatemberi vose, akaona imwe chirikadzi ichiisa ‘zvose zvokurarama nazvo zvayakanga iinazvo’ mumudziyo wokuisa mari. Jesu akamurambidza here? Ka- na, akatomurumbidza nezvokuvimbika kwaakaita pakutsigira ungano yaJehovha panguva iyoyo. (Ruka 21:1-4) Zvakaipa zvaiitwa nevamwe hazvina kuita kuti arege kutsigira kunamatwa kwaJehovha.

Kunyange zvazvo tingaona sokuti hama kana hanzvadzi yedu yechiKristu yaita zvisina kukodzera, kana kuti zvakatoipa, tichaita sei? Ticharega zvichikanganisa basa redu ratinoitira Jehovha nomweya wose here? Kana kuti tichashinga kugadzirisa zvatinenge takanganisirana kuti ungano yaMwari yemazuva ano irambe iine rugare?

Magwaro anotiudza kuti: “Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose.” (VaR. 12:18) Ngatitsungei kuramba tichiita izvozvo kuti tirambe tiri munzira inoenda kuupenyu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Ona Nharireyomurindi yaOctober 15, 1999, mapeji 17-22 nezvezano raJesu rakanyorwa pana Mateu 18:15-17.

[Mufananidzo uri papeji 17]

Yudhiya naSindike vaifanira kuita kuti varambe vaine rugare

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kuti tirambe tiine rugare, ndingashandisa mashoko api uye izwi rangu nematauriro zvinofanira kuva zvakadini?