Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Gara Uchishandisa Magwaro Pakuronga Nezvoutano Hwako

Gara Uchishandisa Magwaro Pakuronga Nezvoutano Hwako

Gara Uchishandisa Magwaro Pakuronga Nezvoutano Hwako

“Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose uye nesimba rako rose.”—MAKO 12:30.

1. Chinangwa chaMwari nezvevanhu chaiva chei kubvira pakutanga?

CHINANGWA chaJehovha Mwari nezvevanhu kubvira pakutanga chakanga chisingasanganisiri kurwara nokufa. Adhamu naEvha vakaiswa mumunda weEdheni, ‘kuti vaurime nokuutarisira’ nokusingaperi, kwete kwemakore 70 kana kuti 80 chete. (Gen. 2:8, 15; Pis. 90:10) Kudai vaviri ava vokutanga vakanga varamba vakatendeka kuna Jehovha uye vakaratidza kuti vanomuda nokuzviisa pasi pouchangamire hwake, vangadai vasina kumborwara, kuchembera uye kufa.

2, 3. (a) Kukwegura kunorondedzerwa sei mubhuku raMuparidzi? (b) Ndiani akaita kuti chivi chaAdhamu chiitike, uye zvachakakonzera zvichabviswa sei?

2 Muparidzi chitsauko 12 inorondedzera zvakajeka “mazuva okutambudzika” anokonzerwa nokukwegura kwevanhu vasina kukwana. (Verenga Muparidzi 12:1-7.) Bvudzi jena rinofananidzwa ne“muti womuarumondi” watumbuka. Makumbo anofananidzwa ne“varume vane simba” vakotama uye vanofamba vachidedera. Mufananidzo wevakadzi vanoenda pahwindo kuti vatsvake chiedza asi vongoona rima unonyatsoenderana nemaziso asingachaoni zvakanaka. Munhu zvaanenge asisina mamwe mazino, zvinoita sokuti “vakadzi vanokuya varega kushanda nokuti vava vashoma.”

3 Nhetemwa, maziso asingachaoni zvakanaka, uye mukanwa musina mazino zvechokwadi handicho chaiva chinangwa chaMwari nezvevanhu. Uyezve, rufu rwakagarwa nhaka kuna Adhamu nderimwe re“mabasa aDhiyabhorosi” achabviswa noMwanakomana waMwari achishandisa Umambo hwake saMesiya. Muapostora Johani akanyora kuti: “Nokuda kwaizvozvi Mwanakomana waMwari akaratidzwa pachena, kuti aputse mabasa aDhiyabhorosi.”—1 Joh. 3:8.

Kunetseka Zvine Mwero Kuri Muropa

4. Nei vashumiri vaJehovha vachinetseka zvine mwero nezvoutano hwavo, asi vanozivei?

4 Iye zvino, vamwe vashumiri vaJehovha vane zvinetso zvoutano husina kunaka uye zvokukwegura zviri kungowirawo vanhu vose vane chivi. Pakadaro, kunetseka nezvoutano hwedu kuri muropa uye kunotobatsira. Handiti tinoda kushumira Jehovha ‘nesimba redu rose’? (Mako 12:30) Zvisinei, patinenge tichiedza kuramba tiine utano hwakanaka, tinofanira kuona zvinhu sezvazviri toziva kuti hapana zvakawanda zvatingaita kuti tisakurumidza kukwegura kana kuti tisatomborwara zvachose.

5. Tingadzidzei pane zvaiitwa nevashumiri vaMwari vakatendeka pavairwara?

5 Vashumiri vaJehovha vakawanda vakatendeka vaiva noutano husina kunaka. Epafrodhito aiva mumwe wavo. (VaF. 2:25-27) Shamwari yomuapostora Pauro yakavimbika Timoti aigara achinetswa nomudumbu, ndokusaka Pauro akamuti ashandise “waini shomanana.” (1 Tim. 5:23) Pauro pachake aiva no“munzwa munyama,” ungadaro waiva chirwere chemaziso kana kuti chimwewo chaisarapika panguva iyoyo. (2 VaK. 12:7; VaG. 4:15; 6:11) Pauro akateterera Jehovha nomwoyo wose ‘nezvemunzwa waiva munyama’ yake. (Verenga 2 VaKorinde 12:8-10.) Mwari haana kuita chishamiso chokubvisira Pauro ‘munzwa uyu waiva munyama.’ Asi akamupa simba rokuti autsungirire. Saka simba raJehovha rakaoneka mune zvainetsa Pauro. Nyaya iyi ingava nechidzidzo kwatiri here?

Usanyanya Kunetseka Nezvoutano

6, 7. Nei tisingafaniri kunyanya kunetseka nezvoutano hwedu?

6 Sezvaunoziva, Zvapupu zvaJehovha zvinobvuma kurapwa kuzvipatara uye nedzimwewo nzira dzakasiyana-siyana. Magazini yedu inonzi Mukai! inowanzobudisa nyaya dzezvoutano. Kunyange zvazvo pasina marapirwo atinoti ndiwo chaiwo, tinoonga rubatsiro rwatinopiwa nenyanzvi dzezvoutano uye kushanda pamwe nesu kwavanoita. Tinoziva hedu kuti hazvisati zvava kuita kuti tishaye panotirwadza. Naizvozvo, tinoziva kuti kuchenjera kuti tisanyanyisa kunetseka nezvoutano zvokungogara tichifunga nezvahwo. Maonero atinozviita akasiyana neevaya ‘vasina tariro,’ vanofunga kuti upenyu huno ndihwo chete hwatiinahwo uye vanoita chero chii zvacho vachiedza kurapwa zvirwere zvavo. (VaEf. 2:2, 12) Takatsunga kusakanganisa ukama hwedu naJehovha tichida kuchengeta upenyu hwatinahwo iye zvino, nokuti tinonyatsoziva kuti kana tikaramba takatendeka kuna Mwari, ‘tichabatisisa upenyu chaihwo,’ upenyu husingaperi munyika itsva yaakapikira.—1 Tim. 6:12, 19; 2 Pet. 3:13.

7 Pane chimwe chinoita kuti tisanyanyozvidya mwoyo nezveutano hwedu. Kunyanya kungofunga nezveutano hwedu kungaguma kwaita kuti tingozvifunga isu chete. Pauro akanyevera kuti izvi zvine ngozi paakakurudzira vaFiripi kuti ‘vasaramba vachiva nehanya nezvinhu zvavanoda ivo pachavo, asi vave nehanya nezvinhu zvinodiwawo nevamwe.’ (VaF. 2:4) Hapana chakaipa nokuzvitarisira zvine mwero, asi kufarira kwatinoita hama dzedu nevamwe vanhu vatinoendesera “aya mashoko akanaka oumambo” kuchaita kuti tisagara tichingofunga nezvoutano hwedu.—Mat. 24:14.

8. Kungogara tichinetseka nezvoutano hwedu kungaita kuti tipedzisire taita sei?

8 Pane ngozi yokuti muKristu anganyanyisa kufunga nezvoutano hwake, zvoita kuti asakoshesa zvinhu zvine chokuita nokutsigira Umambo. Kunyanyofunga nezvoutano kungaitawo kuti tiedze kumanikidza vamwe kuti vabvume zvatinofunga nezvokudya kwatinoti kunopa utano, marapirwo atinoda, kana zvimwewo zvinobatsira utano. Panyaya iyi, ngatifungei pfungwa inokosha iri mumashoko aPauro anoti: “Muve nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi, kuti muve vasina chavanopomerwa uye musingagumburi vamwe kusvikira pazuva raKristu.”—VaF. 1:10.

Ndezvipi Zvinokosha Kupfuura Zvimwe?

9. Ndechipi chimwe chezvinhu zvinokosha zvatisingafaniri kukanganwa, uye nei?

9 Kana tiine chokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi, tichashingaira mubasa rokubatsira vanhu kuti vave noukama hwakanaka naMwari. Tinoriita patinoparidza nokudzidzisa vanhu Shoko raMwari. Basa iri rinofadza rinobatsira isu nevatinodzidzisa. (Zvir. 17:22; 1 Tim. 4:15, 16) Magazini eNharireyomurindi neMukai! anombobudisa dzimwe nyaya dzehama nehanzvadzi dzatinonamata nadzo dzine zvirwere zvinodzitambudza. Dzimwe nguva nhoroondo idzi dzinorondedzera kuti vanhu ivavo vanotsungirira sei zvinetso zvavo uye kubatsira vamwe kuziva Jehovha nezvinangwa zvake zvakaisvonaka kunovabatsira sei kuti vatombozvikanganwa. *

10. Nei zvine basa kuti tasarudza kurapwa sei?

10 MuKristu mumwe nomumwe ayaruka paanorwara, “achatakura mutoro wake” pakuzvisarudzira kuti orapwa sei. (VaG. 6:5) Asi tinofanira kuyeuka kuti kuna Jehovha zvine basa kuti tasarudza kurapwa sei. Sezvo kuremekedza zvinotaurwa neBhaibheri kuchiita kuti ‘tirege . . . ropa,’ kunzwisisawo Shoko raMwari kunofanira kuita kuti tisarapwa nenzira dzinopesana nezvinotaurwa neBhaibheri uye dzinokanganisa ukama hwedu naJehovha. (Mab. 15:20) Dzimwe nzira dzokuziva nadzo chauri kurwara nacho uye dzokurapwa dzakarerekera kuchidhimoni. Jehovha haana kufarira zvakaitwa nevaIsraeri vakaramba kutenda, vaishandisa “simba remashiripiti,” kana kuti zvemidzimu. Akati: “Chiregai kuunzazve zvinopiwa zvezviyo zvisina zvazvinobatsira. Rusenzi—chinhu chinondisemesa. Kugara kwomwedzi uye sabata, kukokera kuungana—handingashiviriri kushandiswa kwesimba remashiripiti pamwe chete nokuungana kukuru.” (Isa. 1:13) Chokwadi patinenge tichirwara haisi nguva yokuita zvinhu zvingatadzisa minyengetero yedu kusvika uye zvingakanganisa ukama hwedu naMwari.—Mari. 3:44.

Kuva “Nepfungwa Dzakanaka” Kunokosha

11, 12. Kuva “nepfungwa dzakanaka” kunoshanda sei patinenge tichisarudza marapirwo?

11 Patinenge tichirwara, hatitarisiri kuti Jehovha aite chishamiso chokutirapa, asi tinogona kunyengeterera uchenjeri pakusarudza marapirwo. Pane zvatinosarudza tinofanira kuedza kutungamirirwa nezvinotaurwa muMagwaro uye nepfungwa dzakanaka. Kana urwere hwacho hwakakomba, kungava kuchenjera kunzwa zvinotaurwa nevamwe vanachiremba kana zvichiita, maererano nepfungwa inotaurwa pana Zvirevo 15:22, inoti: “Pasina kurangana, zvirongwa hazvibudiriri, asi pane vanhu vazhinji vanopa mazano pane zvinobudirira.” Muapostora Pauro akakurudzira vaainamata navo kuti va“rarame nepfungwa dzakanaka nokururama nokuzvipira kuna Mwari pakati pemamiriro ezvinhu epanguva ino.”—Tito 2:12.

12 Vanhu vakawanda vari mumamiriro ezvinhu akaita seomukadzi airwara womuzuva raJesu. Pana Mako 5:25, 26 panoti: “Kwakanga kuine mukadzi aibuda ropa kwemakore gumi nemaviri, akanga arwadziswa kazhinji navanachiremba vazhinji uye akanga apedza pfuma yake yose uye akanga asina kubatsirwa, asi, akanga atonyanyisa kurwara.” Jesu akarapa mukadzi iyeye uye akamunzwira tsitsi. (Mako 5:27-34) Vapererwa, vamwe vaKristu vakasvika pakusarudza nzira dzokuziva nadzo chirwere chavo kana kuti marapirwo asingawirirani nokunamata kwakachena.

13, 14. (a) Satani angashandisa sei zvatinosarudza pakurapwa kuti akanganise kutendeka kwedu? (b) Nei tisingafaniri kuita chero chinhu chipi zvacho chakada kurerekera kune zvemidzimu?

13 Satani achaita zvose zvaanogona kuti atitsause pakunamata kwechokwadi. Anoedza kukanganisa kutendeka kwevamwe achishandisa marapirwo akangofanana nokuita zvemashiripiti kana zvemidzimu, semashandisiro aanongoita unzenza uye kunyanya kuda pfuma kuti avakanganise pakunamata. Tinonyengeterera kuti Jehovha atinunure pane “akaipa” uye “pakusateerera mutemo kwemarudzi ose.” Saka hatifaniri kuzviisa mumaoko aSatani nokuita chero chinhu chipi zvacho chinorerekera kune zvokudavira midzimu uye zvemashiripiti.—Mat. 6:13; Tito 2:14.

14 Jehovha akarambidza vaIsraeri kushopera uye kutenda mashura. (Dheut. 18:10-12) Pauro anoti “tsika yokuita zvemidzimu” rimwe re“mabasa enyama.” (VaG. 5:19, 20) Uyezve, “vaya vanoita zvemidzimu” havazogari munyika itsva yaJehovha. (Zvak. 21:8) Saka zviri pachena kuti chero chinhu chipi zvacho chakada kurerekera kune zvemidzimu chinosemesa Jehovha.

“Kunzwisisa Kwenyu Ngakuzivikanwe”

15, 16. Nei tichifanira kuchenjerera pakusarudza marapirwo, uye izano ripi rakapiwa nedare rinodzora romuzana remakore rokutanga?

15 Tichifunga zvambotaurwa, kana tisina chokwadi nedzimwe nzira dzokuziva nadzo chatiri kurwara nacho kana kuti dzokurapwa, kungava kuchenjera kusiyana nadzo. Asi kana tisinganyatsonzwisisi kuti mamwe marapirwo anoshanda sei, hazvirevi hazvo kuti ane chokuita nemidzimu. Kugara tichishandisa Magwaro panyaya dzoutano kunoda kuti tive nouchenjeri hunobva kuna Mwari uye kuti tinzwisise. Muna Zvirevo chitsauko 3, mune zano rokuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako. . . . Chengetedza uchenjeri hunobatsira nemano okufunga, zvichava upenyu kumweya wako.”—Zvir. 3:5, 6, 21, 22.

16 Saka patinenge tichiedza kuramba tiri vatano, ngatingwarirei kuti tisaguma tisingachafarirwi naMwari patinenge tichiedza kurapwa kana kuti kuita zvimwe zvingaita kuti tisakurumidza kukwegura. Sezvatinongoitawo nedzimwe nyaya, panyaya dzoutano tinofanira kuita kuti ‘kunzwisisa kwedu kuzivikanwe nevanhu vose’ nokurarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri. (VaF. 4:5) Dare rinodzora romuzana remakore rokutanga rakanyorera vaKristu tsamba inokosha zvikuru richivarayira kuti varege zvidhori, ropa noufeve. Tsamba iyoyo yaivawo nevimbiso yokuti: “Kana mukanyatsozvidzivirira pazvinhu izvi, muchabudirira.” (Mab. 15:28, 29) Pakudini?

Kunetseka Zvine Mwero Tichifunga Nezvoutano Hwakakwana

17. Kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kunotibatsira sei panyaya dzoutano?

17 Zvingava zvakanaka kuti mumwe nomumwe wedu azvibvunze kuti, ‘Ndinoonga here kubatsirwa kwandakaitwa nokuramba ndichitevedzera zvinotaurwa neBhaibheri nezveropa noufeve?’ Fungawo nezvokubatsirwa kwatakaitwa nokuedza kwatinoita ‘kuzvichenesa pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama nomudzimu.’ (2 VaK. 7:1) Kutevedzera kwatinoita zvinotaurwa neBhaibheri nezvoutano kunoita kuti tizvidzivirire pazvirwere zvakawanda. Kurega kuputa fodya nezvimwe zvinodhaka zvinosvibisa miviri yedu uye zvinokanganisa ukama hwedu naMwari kunoita kuti tive noutano hwakanaka. Fungawo kubatsira kwazvinoita utano hwako kana uchidya uye kunwa zvine mwero. (Verenga Zvirevo 23:20; Tito 2:2, 3.) Kunyange zvazvo kuzorora nokusimbisa muviri kuchibatsira kuti tive noutano hwakanaka, tinonyanya kubatsirwa kana tikabvuma kutungamirirwa neMagwaro.

18. Chii chatinofanira kunyanya kufunga nezvacho, uye uprofita hupi hune chokuita noutano hwakanaka hwatakamirira kuti huzadzike?

18 Chinokosha kupfuura zvose kutarisira utano hwedu pane zvokunamata tosimbisa ukama hwedu hunokosha naBaba vedu vokudenga, vanotipa “upenyu huno nohuya huchauya” munyika itsva yavakapikira. (1 Tim. 4:8; Pis. 36:9) Munyika itsva yaMwari, ticharapwa zvirwere zvedu zvose uye ukama hwedu naMwari huchagadziriswa pachashandiswa chibayiro chaJesu kuti tikanganwirwe zvivi zvedu. Gwayana raMwari, Jesu Kristu, richatitungamirira “kuzvitubu zvemvura youpenyu,” uye Mwari achapukuta misodzi yose pamaziso edu. (Zvak. 7:14-17; 22:1, 2) Uyezve tichaona kuzadzika kwouprofita uhwu hunofadza, hwokuti: “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”—Isa. 33:24.

19. Patinenge tichitarisira utano hwedu zvakanaka, tinogona kuva nechivimbo chei?

19 Tinonyatsova nechokwadi chokuti tava pedyo kuponeswa, uye takamirira nemwoyo wose zuva richabviswa zvirwere zvose norufu naJehovha. Takamirira izvi, tine chivimbo chokuti Baba vedu vokudenga vachatibatsira kutsungirira marwadzo ose nokuti ‘ivo vane hanya nesu.’ (1 Pet. 5:7) Naizvozvo ngatitarisirei utano hwedu asi nguva dzose toita zvinoenderana nezvinotaurwa muShoko raMwari rakafuridzirwa!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Misoro yedzimwe nyaya dzakadai iri mubhokisi riri papeji 17 yeNharireyomurindi yaSeptember 1, 2003.

Kudzokorora

• Ndiani akaita kuti vanhu varware, uye ndiani achatisunungura pachivi?

• Kunyange zvazvo kunetseka nezvoutano kuri muropa, chii chatisingafaniri kuita?

• Nei zvatinosarudza pakurapwa zviine basa kuna Jehovha?

• Panyaya dzoutano hwedu, tingabatsirwa sei nokutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Vanhu havana kusikirwa kuti varware uye vakwegure

[Mufananidzo uri papeji 25]

Pasinei nokurwara, vanhu vaJehovha vanofara muushumiri