Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kushumira Mwari ‘Nomwoyo Nomweya Mumwe’

Kushumira Mwari ‘Nomwoyo Nomweya Mumwe’

Kushumira Mwari ‘Nomwoyo Nomweya Mumwe’

VAJUDHA uye vanhu vakatendeukira kuchiJudha vanounganira vadzidzi vaJesu Kristu. Vari paMutambo wePendekosti, uye vaenzi ava vauya kuJerusarema vachibva kure kwakadai sokuRoma kumavirira uye kuPatiya kumabvazuva. Mumhomho iyi muri kunzwika mitauro yakasiyana-siyana. Asi vakawanda vevadzidzi vaJesu vari kutaura navo vaGarireya. Vashamiswa, vamwe vashanyi vanobvunza kuti: “Asi sei mumwe nomumwe wedu ari kunzwa mutauro wake waakaberekwa nawo?”—Mab. 2:8.

Muapostora Petro anosimuka otsanangura zvinorehwa nechishamiso chavari kuona. Vanhu vanobva vatora matanho pakarepo. Zviuru zvevanhu zvinobhabhatidzwa! (Mab. 2:41) Kunyange zvazvo ungano yacho ichikurumidza kukura, inoramba yakabatana. “Vanhu vazhinji pane vaya vakanga vatenda vakanga vaine mwoyo nomweya mumwe,” anodaro munyori weBhaibheri Ruka.—Mab. 4:32.

Vanhu vane zviuru vakabhabhatidzwa musi wePendekosti muna 33 C.E. vaida kuramba vari muJerusarema kwemazuva kuti vadzidze zvakawanda nezvechitendero chavo chitsva. Asi vakanga vasina kuuya nepfungwa yokuzogara kwenguva refu. Saka pakarongwa kuti pave nehomwe yemari kwenguva iyoyo. Vamwe vaKristu vakatengesa zvinhu zvavo vasina kuita zvokuudzwa ndokuunza mari dzacho kuvaapostora avo vaizogovera vanenge vachishaya. (Mab. 2:42-47) Rupo uye rudo rwakadaro rwunoyemurika zvechokwadi!

VaKristu vechokwadi vagara vachiratidza rudo uye rupo rwakadaro. Nhasi, ungano yechiKristu inoramba ichishumira Jehovha yakabatana ‘nomwoyo nomweya mumwe.’ VaKristu vanopa nguva yavo, simba ravo, uye mari yavo kuti vaparidze mashoko akanaka uye vatsigire Umambo hwaMwari.—Ona bhokisi rakanzi  “Mapiro Anoita Vamwe.”

[Bhokisi riri papeji 6, 7]

 MAPIRO ANOITA VAMWE

ZVIPO KUTI VATSIGIRE BASA ROMUNYIKA YOSE

Vakawanda vanochengeta kana kuronga mari yavanozoisa mumabhokisi ezvipo akanzi “Basa Romunyika Yose.”

Mwedzi woga woga ungano dzinotumira mari iyi kuhofisi yeZvapupu zvaJehovha yomunyika yadzo. Zvipo zvemari inopiwa nokuzvidira zvinogonawo kutumirwa zvakananga kuWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., Attention Treasurer’s Office, 25 Columbia Heights, Brooklyn, New York 11201-2483, kana kuti kuhofisi yebazi romunyika yenyu reZvapupu zvaJehovha. Cheki dzinotumirwa kukero iri pamusoro apa dzinofanira kunyorerwa “Watchtower.” Mungapawo zvishongo kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha. Zvinofanira kuuya netsamba pfupi inotaura kuti zvipo.

CHIRONGWA CHOKUPA UCHIZOGONA KUDZORERWA

Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania ingachengeteswa mari kuti ishandiswe munyika yose. Zvisinei, muridzi anogona kudzorerwa mari yake kana ava kuida. Kuti uwane mamwe mashoko, tapota nyorera Treasurer’s Office pakero iri pamusoro apa kana kuti fonera (04) 2910591.

KURONGA KUBATSIRA VAMWE

Kuwedzera kuzvipo chaizvo zvemari, kune dzimwe nzira dzokupa nadzo kutsigira basa roUmambo romunyika yose. Dzimwe dzacho ndeidzi:

Inishuwarenzi: Munhu angaita kuti Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania izopiwa inishuwarenzi yake youpenyu kana kuti mari yake yomudyandigere.

Maakaundi Okubhengi: Munhu angaita kuti maakaundi ake okubhengi, magwaro anoratidza mari yaiswa mubhengi, kana kuti maakaundi okurega basa atarisirwe kana kuti azopiwa Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, kana afa, zvichienderana nezvinodiwa nebhengi romunzvimbo iyoyo.

Mari yeBhizimisi Neyakakwereteswa: Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania ingapiwa mugove waiva nomunhu pabhizimisi nemagwaro anoratidza mari yaakakweretesa yaanofanira kudzorerwa.

Zvivako Nenzvimbo: Zvivako kana nzvimbo inotengeseka zvingapiwa sechipo chaicho kana kuti, kana iri nzvimbo yokugara, anenge apa wacho anogona kuramba achigarapo paanenge achiri mupenyu. Zivisa hofisi yebazi romunyika yako usati wanyora gwaro repamutemo uchipa chivako kana nzvimbo ipi neipi.

Chipo Chinobviswa Gore Negore: Uhwu urongwa hwokuti gore negore munhu anotamisa mari kana kuti mubereko wayo achizviendesa kusangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha. Munhu wacho kana kuti mumwe munhu waanosarudza anozowana mari inenge yabvumiranwa gore negore kwoupenyu hwose. Anenge apa wacho anoderedzerwa mari yomutero yaanobhadhara gore rinotanga kubviswa chipo chacho chepagore negore.

Zvido Zvenhaka uye Pfuma Yakachengeteswa: Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania ingasiyirwa zvinhu sechido chenhaka chepamutemo, kana kuti Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania inganzi ndiyo inozotora zvinhu zvinenge zvakachengeteswa. Zvinhu zvakachengeteswa zvinobatsira sangano rechitendero zvingava nezvazvinobatsira pakudzikisirwa mutero.

Sezvinoreva mashoko okuti “kuronga kubatsira vamwe,” zvipo zvakadai zvinoda kuti ari kupa wacho anyatsoronga. Pane bhurocha riri mumutauro weChirungu neSpanish rine musoro unoti Charitable Planning to Benefit Kingdom Service Worldwide, rinoyamura vanhu vanoda kubatsira basa romunyika yose reZvapupu zvaJehovha nedzimwe nzira. Bhurocha racho rakanyorerwa kupa mashoko enzira dzakasiyana-siyana dzokupa nadzo zvipo kana mari iye zvino kana kuti pakufa. Vaverenga bhurocha iri uye vataura navanachipangamazano vavo vomutemo kana kuti vemitero, vakawanda vanga vachikwanisa kutsigira basa rechitendero chedu uye rokubatsira vanhu munyika yose, uye pavanenge vachidaro ivo vanenge vachibatsirwa pamutero wavanobhadhara. Ungawana bhurocha iri kana ukarikumbira kuCharitable Planning Office.

Kana uchida mamwe mashoko, unganyorera kana kufonera Charitable Planning Office, pakero iri pasi apa, kana kuti nehofisi yebazi romunyika yenyu.

Charitable Planning Office

Jehovah’s Witnesses

P. Bag WG-5001

Westgate

Runhare: (04) 2910591