Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Rwisanai naDhiyabhorosi” Sezvakaita Jesu

“Rwisanai naDhiyabhorosi” Sezvakaita Jesu

“Rwisanai naDhiyabhorosi” Sezvakaita Jesu

“Rwisanai naDhiyabhorosi, uye iye achakutizai.”—JAK. 4:7.

1. Jesu aiziva kuti aizorwiswa nani pasi pano, zvichizoguma sei?

JESU KRISTU aiziva kuti aizorwiswa naDhiyabhorosi. Izvi zvaiva pachena kubva pane zvakataurwa naMwari kunyoka, kureva kuti kumupanduki asingaoneki aitaura achiishandisa, kuti: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi [chikamu chokudenga chesangano raJehovha] nepakati pevana vako nomwana wake. Iye [Jesu Kristu] achakupwanya musoro uye iwe uchamupwanya chitsitsinho.” (Gen. 3:14, 15; Zvak. 12:9) Kupwanywa chitsitsinho kwaizoitwa Jesu kwaireva kuti aizongotambudzwa kwekanguva nokuurayiwa paaiva pasi pano, Jehovha zvaaizomumutsa achimupa mbiri kudenga. Asi kupwanywa kwenyoka mumusoro kwaireva kuti Dhiyabhorosi aizourayiwa zvokusazombomutswazve.—Verenga Mabasa 2:31, 32; VaHebheru 2:14.

2. Nei Jehovha aiva nechivimbo chokuti Jesu aizobudirira kuramba zvido zvaDhiyabhorosi?

2 Jehovha aiva nechivimbo chokuti Jesu paaiva pasi pano aizobudirira kuita basa rake uye kurwisa Dhiyabhorosi. Nei Jehovha aigona kuva nechivimbo chakadai? Nokuti akanga ava nenguva yakareba asika Jesu kudenga, akanga amuongorora, uye aiziva kuti “mhizha” iyi uye “dangwe rezvisikwa zvose” aiteerera uye aizoramba akatendeka. (Zvir. 8:22-31; VaK. 1:15) Saka Jesu paakatumwa pasi pano uye Dhiyabhorosi paakabvumirwa kumuedza kusvika pakufa, Mwari aiva nechivimbo chokuti Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga aizokunda.—Joh. 3:16.

Jehovha Anochengetedza Vashumiri Vake

3. Dhiyabhorosi anoona sei vashumiri vaJehovha?

3 Jesu akataura nezvaDhiyabhorosi achimuti “mutongi wenyika ino” uye akanyevera vadzidzi vake kuti vaizotambudzwa, sezvaakanga aitwa iye. (Joh. 12:31; 15:20) Nyika, iyo iri musimba raSatani Dhiyabhorosi, inovenga vaKristu vechokwadi nokuti vanoshumira Jehovha uye vaparidzi vokururama. (Mat. 24:9; 1 Joh. 5:19) Dhiyabhorosi anonyanya kurwisa vakasara vakazodzwa vachaguma vava kutonga naKristu muUmambo hwake hwokudenga. Satani anorwisawo Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvine tariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano. Shoko raMwari rinotinyevera kuti: “Mhandu yenyu Dhiyabhorosi, inofamba-famba seshumba inodzvova, ichitsvaka kudya mumwe munhu.”—1 Pet. 5:8.

4. Chii chinoratidza kuti vanhu vaMwari vabudirira kurwisa Dhiyabhorosi munguva yedu?

4 Sesangano rinotsigirwa naJehovha Mwari, tinobudirira kurwisa Dhiyabhorosi. Funga nezveizvi: Makore 100 akapfuura, vadzvinyiriri vanotyisa vakaedza kutsakatisa Zvapupu zvaJehovha. Asi Zvapupu zviri kuramba zvichiwedzera uye zvava kuda kusvika 7 000 000 muungano dzinopfuura 100 000 dziri munyika yose. Vadzvinyiriri vaiva noutsinye vakatambudza vanhu vaJehovha ndivo vakatotsakatika!

5. Mashoko aIsaya 54:17 akaratidza sei kuti ndeechokwadi kuvashumiri vaJehovha?

5 Paakataura neungano yevaIsraeri vekare so“mukadzi” wake, Mwari akavimbisa kuti: “Chero chombo chipi zvacho chichagadzirirwa kukurwisa hachizobudiriri, uye uchapa mhosva rurimi chero rupi zvarwo ruchakurwisa pakutongwa. Iyi inhaka yevashumiri vaJehovha, uye kururama kwavo kunobva kwandiri.” (Isa. 54:11, 17) Vimbiso iyoyo yakaratidza kuti ndeyechokwadi kuvanhu vaJehovha pasi pose “mumazuva [ano] okupedzisira.” (2 Tim. 3:1-5, 13) Tinoramba tichirwisa Dhiyabhorosi, uye hapana chombo chaanoedza kushandisa kuparadza vanhu vaMwari chichabudirira, nokuti Jehovha ari kutitsigira.—Pis. 118:6, 7.

6. Uprofita hwaDhanieri hunoti chii chichaitika kuutongi hwaSatani?

6 Pamugumo wenyika ino yakaipa wava kutosvika, zvose zvinobatanidzwa mukutonga kwaSatani zvichatsakatiswa. Muprofita Dhanieri akafanotaura aita zvokufuridzirwa naMwari achiti: “Zvino mumazuva emadzimambo iwayo [aripo iye zvino], Mwari wokudenga achamutsa umambo [kudenga] husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu [huripo iye zvino], uye ihwo huchamira nokusingagumi.” (Dhan. 2:44) Pazvichaitika, kutonga kwaSatani nokwevanhu vasina kukwana kuchatsakatika. Chero chinhu chine chokuita nenyika yaDhiyabhorosi chichange chisisipo zvachose, uye Umambo hwaMwari huchatonga nyika yose husingarwiswi.—Verenga 2 Petro 3:7, 13.

7. Tinoziva sei kuti mushumiri waJehovha oga oga anogona kubudirira kurwisa Dhiyabhorosi?

7 Hapana mubvunzo kuti sangano raJehovha richachengetedzwa uye richabudirira pakunamata. (Verenga Pisarema 125:1, 2.) Ko isu? Bhaibheri rinotiudza kuti tinogona kubudirira kurwisa Dhiyabhorosi, sezvakangoita Jesu. Chokwadi, uprofita hwakataurwa naJesu achishandisa muapostora Johani hunoratidza kuti pasinei nokurwiswa naSatani, “boka guru” revaya vane tariro yokurarama pasi pano richapukunyuka kuguma kwenyika ino. Maererano neMagwaro, vanoshevedzera vachiti: “Tinowana ruponeso kuna Mwari wedu, agere pachigaro choumambo, uye kuGwayana [Jesu Kristu].” (Zvak. 7:9-14) Vakazodzwa vanonzi vanokunda Satani, uye shamwari dzavo, “mamwe makwai,” anobudirirawo kumurwisa. (Joh. 10:16; Zvak. 12:10, 11) Asi izvi zvinoda kushanda nesimba uye kunyengetera nomwoyo wose kuti ‘tinunurwe pane akaipa.’—Mat. 6:13.

Muenzaniso Wakakwana Wokurwisa Dhiyabhorosi

8. Ndoupi muedzo wokutanga wakanyorwa muBhaibheri wakashandiswa naDhiyabhorosi pana Jesu murenje, uye Kristu akapindura sei?

8 Dhiyabhorosi akaedza kukanganisa kutendeka kwaJesu. Ari murenje, Satani akashandisa miedzo kuti Jesu asateerera Jehovha. Asi Jesu akatisiyira muenzaniso wakakwana wokurwisa Satani. Pashure pokutsanya kwemazuva 40 neusiku 40, Jesu anofanira kuva akanga afa nenzara. “Kana uri mwanakomana waMwari,” akadaro Satani, “udza matombo aya kuti ave zvingwa.” Asi Jesu akaramba kushandisa simba raakapiwa naMwari kuti aite zvakamunakira. Panzvimbo pokudaro, Jesu akati: “Zvakanyorwa kuti, ‘Munhu haangararami nechingwa chete, asi nemashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.’”—Mat. 4:1-4; Dheut. 8:3.

9. Nei tisingafaniri kurega Dhiyabhorosi achishandisa zvinhu zvinongodiwawo nomunhu wose kuti atiwanire ipapo?

9 Nhasi Dhiyabhorosi achiziva kuti vashumiri vaJehovha vanoda zvinongodiwawo nomunhu wose, anobva avawanira ipapo. Naizvozvo tinofanira kutsunga kuramba miedzo yezvepabonde, yakanyanya kuzara munyika ino inoita zvounzenza. Shoko raMwari rinosimbisa kuti: “Chii! Hamuzivi here kuti vanhu vasina kururama havazogari nhaka youmambo hwaMwari? Musatsauswa. Zvifeve, kana vanonamata zvidhori, kana mhombwe, kana varume vanochengeterwa kuita zvinhu zvisiri zvomusikirwo, kana varume vanorara nevarume . . . havazogari nhaka youmambo hwaMwari.” (1 VaK. 6:9, 10) Saka zviri pachena kuti vanhu vanoita unzenza vachiramba kuchinja havazobvumirwi kurarama munyika itsva yaMwari.

10. Maererano naMateu 4:5, 6, ndoupi mumwe muedzo wakashandiswa naSatani kuedza kuvhiringidza kutendeka kwaJesu?

10 Magwaro anoti nezvomumwe muedzo wakawira Jesu paaiva murenje: “Dhiyabhorosi akabva aenda naye muguta dzvene, akamumisa pamusoro porusvingo rwetemberi, akati kwaari: ‘Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi; nokuti zvakanyorwa kuti, “Iye acharayira ngirozi dzake pamusoro pako, uye dzichakutakura pamaoko adzo, kuti tsoka yako irege kumbogumburwa nedombo.”’” (Mat. 4:5, 6) Satani aifunga kuti izvi zvaizoita kuti Jesu anyatsoratidza zvinoshamisa kuti ndiye Mesiya. Asi chokwadi ndechokuti izvi zvaisazova zvakanaka, uye kwaizova kuzvikudza kungadai kusina kubvumirwa uye kutsigirwa naMwari. Jesu akarambazve akatendeka kuna Jehovha uye akapindura nokutaura mashoko orumwe rugwaro. Akati: “Zvakare zvakanyorwa kuti, ‘Usaedza Jehovha Mwari wako.’”—Mat. 4:7; Dheut. 6:16.

11. Satani angatiedza sei, uye zvingaguma nei?

11 Satani angaita kuti tide kukudzwa nenzira dzakasiyana-siyana. Angaita kuti tidewo kutevedzera mafashoni enyika pakupfeka nokushambidzika kana kuti tivaraidzwe nezvinhu zvisina kunaka. Asi kana tikasateerera zano reBhaibheri totevedzera nyika, tingatarisira kuti ngirozi dzitidzivirire pane zvakaipa zvingazoitika here? Kunyange zvazvo Dhavhidhi akapfidza zvivi zvake panyaya yaBhati-shebha, haana kudzivirirwa panhamo dzakazokonzerwa nezvaakaita. (2 Sam. 12:9-12) Ngatisaedzai Jehovha nenzira dzisina kunaka, zvichida nokuva noushamwari nenyika.—Verenga Jakobho 4:4; 1 Johani 2:15-17.

12. Muedzo upi unotaurwa pana Mateu 4:8, 9, uye Mwanakomana waMwari akapindura achitii?

12 Mumwezve muedzo wakashandiswa naDhiyabhorosi murenje ndepaya paakati aizopa Jesu simba rezvematongerwo enyika. Satani akaratidza Jesu umambo hwose hwenyika nokukudzwa kwahwo achibva ati: “Ndichakupa zvinhu zvose izvi kana ukawira pasi wongondinamata kamwe chete.” (Mat. 4:8, 9) Uhwu ndihwo hunonzi unyengeri chaihwo—kuedza kuti anamatwe sezvinoitwa Jehovha uye kufurira Jesu kuti asaramba akatendeka kuna Mwari! Ngirozi iyi yaimbova yakatendeka payakanyanya kufunga nezvokunamatwa, yakachiva, ikatadza, ikaita zvakaipa zvikuru uye ikava muedzi Satani Dhiyabhorosi. (Jak. 1:14, 15) Zvisinei, kusiyana neizvi, Jesu akanga akatsunga kuramba akatendeka kuna Baba vake vokudenga, saka akamuti: “Ibva, Satani! Nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.’” Saka Jesu akarwisazve Dhiyabhorosi zvakajeka achimubudira pachena. Mwanakomana waMwari haana kuda nyika yaSatani uye haana kumbonamata munhu iyeye akaipa!—Mat. 4:10; Dheut. 6:13; 10:20.

“Rwisanai naDhiyabhorosi, Uye Iye Achakutizai”

13, 14. (a) Dhiyabhorosi paakaratidza Jesu umambo hwose hwenyika, chii chaaida kumupa? (b) Satani ari kuedza kutikanganisa sei?

13 Dhiyabhorosi paairatidza Jesu umambo hwose hwenyika, akanga ari kuda kumupa simba rakanga risati rambova nomumwe munhu. Satani aitarisira kuti Jesu atorwe mwoyo ofunga kuti aigona kuva mutungamiriri wezvematongerwo enyika ane simba kupfuura vamwe vose. Mazuva ano Dhiyabhorosi haasi kutipa umambo, asi anoedza kushatisa mwoyo yedu achishandisa maziso edu, nzeve nepfungwa.

14 Dhiyabhorosi ndiye ari kutonga nyika ino. Saka ndiye muridzi wemapepanhau, terevhizheni neredhiyo. Naizvozvo hazvishamisi kuti mabhuku, terevhizheni uye redhiyo zviri munyika zvakazara unzenza nechisimba. Vanhu vanoita zvokushambadzira munyika vangaedza kutikurudzira kuti tide zvinhu zvakawanda zvinotengeswa zvatisingafaniri hedu kuva nazvo. Dhiyabhorosi anoshandisa nzira idzodzo kugara achitiedza kuti tinyanyise kuda zvinhu zvatinoona, zvatinonzwa, uye zvatinofunga. Asi patinoramba kuverenga, kuona kana kuti kuteerera zvinhu zvisingabvumirwi neMagwaro, tinenge tiri kutoti: “Ibva, Satani!” Saka tinotevedzera Jesu pakutsunga uye kusimba kuramba nyika yaSatani. Kusava kwedu venyika yaSatani kunoonekwawo pakuzvizivisa noushingi kuti tiri Zvapupu zvaJehovha uye vateveri vaKristu patinenge tiri kubasa, kuchikoro, kwatinogara, uye tiine voukama.—Verenga Mako 8:38.

15. Nei kurwisa Satani kuchida kuti tirambe takamuka?

15 Dhiyabhorosi paakaedza Jesu kechitatu kuti arege kutendeka kuna Mwari akamutadza, “akabva amusiya.” (Mat. 4:11) Zvisinei, Satani haana kuda kurega kuedza Jesu, nokuti tinoudzwa kuti: “Naizvozvo apedza kuedza kwose [murenje], Dhiyabhorosi akamusiya kusvikira pane imwe nguva yakakodzera.” (Ruka 4:13) Patinobudirira kurwisa Dhiyabhorosi, tinofanira kutenda Jehovha. Asi tinofanirawo kuramba tichikumbira kubatsirwa naMwari, nokuti Dhiyabhorosi achadzoka kuzotiedza pane imwe nguva yakamunakira, dzimwe nguva patinenge tisingatombotarisiri kuedzwa. Saka tinofanira kuramba takasvinura nguva dzose, takagadzirira kutsungirira kuita basa raJehovha pasinei nemiedzo yatingatarisana nayo.

16. Jehovha anotipa simba rorudzii, uye nei tichifanira kurinyengeterera?

16 Tinofanira kunyengeterera uye kugamuchira mudzimu mutsvene, simba guru kupfuura mamwe ose, kuti utibatsire kurwisa Dhiyabhorosi. Uchaita kuti tikwanise kuita zvinhu zvatisingakwanisi kuita nesimba redu. Jesu akavimbisa vateveri vake kuti vaigona kupiwa mudzimu waMwari paakati: “Naizvozvo, kana imi muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, kunyange zvazvo [musina kukwana uye] makaipa, Baba vari kudenga vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene zvikuru sei!” (Ruka 11:13) Ngatirambei tichinyengetera kuna Jehovha kuti atipe mudzimu wake mutsvene. Kana tichitsigirwa nesimba iri rakakura, tichakwanisa kukunda pakurwisa Dhiyabhorosi. Tinofanira kupfeka nhumbi dzokurwa nadzo dzakakwana dzinobva kuna Mwari uye kugara tichinyengetera nomwoyo wose kuitira kuti ‘timire takasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi.’—VaEf. 6:11-18.

17. Mufaro upi wakabatsira Jesu kuramba zvaidiwa naDhiyabhorosi?

17 Pane chimwezve chinhu chakabatsira Jesu kurwisana naDhiyabhorosi, uye chinogona kutibatsirawo. Bhaibheri rinoti: “[Jesu] akatsungirira padanda rokutambudzikira nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, asina hanya nokunyadziswa, uye akagara kuruoko rworudyi rwechigaro choumambo chaMwari.” (VaH. 12:2) Isu tinogonawo kuwana mufaro wakadaro kana tikatsigira uchangamire hwaJehovha, kukudza zita rake dzvene, uye kuramba tichifunga nezvomubayiro woupenyu husingaperi uri pamberi pedu. Hakusi kufara kwatichaita pachatsvairwa Satani nemabasa ake ose, ‘vanyoro vogara nhaka yenyika, vachifara kwazvo norugare rukuru’! (Pis. 37:11) Saka, ramba uchirwisana naDhiyabhorosi sezvakaita Jesu.—Verenga Jakobho 4:7, 8.

Ungapindura Sei?

• Chii chinoratidza kuti Jehovha anochengetedza vanhu vake?

• Jesu akasiya muenzaniso upi pakurwisa Satani?

• Ungarwisa Dhiyabhorosi sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 29]

Kushamwaridzana nenyika kunotiita vavengi vaMwari

[Mufananidzo uri papeji 31]

Jesu paakada kupiwa umambo hwose hwenyika naSatani, akaramba