Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Rwiyo Rwepagungwa” Mupumburu—Unoratidza Kuti Bhaibheri Harina Kumbomira Kukopwa

“Rwiyo Rwepagungwa” Mupumburu—Unoratidza Kuti Bhaibheri Harina Kumbomira Kukopwa

“Rwiyo Rwepagungwa” Mupumburu—Unoratidza Kuti Bhaibheri Harina Kumbomira Kukopwa

MUSI waMay 22, 2007, chipenga chomupumburu chakanyorwa muzana remakore rechinomwe kana kuti rechisere C.E. chakaratidzwa muIsrael Museum kuJerusalem. Uyu mupumburu worugwaro rwaEksodho 13:19–16:1. Unosanganisira “Rwiyo Rwepagungwa,” rwiyo rwokukunda rwakaimbwa nevaIsraeri pavakanunurwa zvinoshamisa paGungwa Dzvuku. Nei kuratidzwa kwechipenga chomupumburu uyu kuchikosha?

Mhinduro tinoiwana patinofunga nezvenguva yakanyorwa mupumburu wacho. Mipumburu yeGungwa Rakafa yakanyorwa pakati pezana remakore rechitatu B.C.E. nezana remakore rokutanga C.E. Isati yawanika anenge makore 60 akapfuura, mupumburu wechiHebheru weAleppo Codex wakanyorwa munenge mugore ra930 C.E ndiwo wainzi wekare kare. Kunze kwezvipenga zvishoma, hapana mimwe mipumburu yechiHebheru yakawanika inoratidza kuti yakanyorwa mumazana emakore ari pakati penguva yakanyorwa mipumburu yegungwa rakafa kusvikira pana 930 C.E.

James S. Snyder mukuru wepaIsrael Museum anoti: “Mupumburu weRwiyo Rwepagungwa wakanyorwa mumakore ari pakati penguva yakanyorwa mupumburu weGungwa Rakafa nepakanyorwa Aleppo Codex.” Achitaura nezvemupumburu uyu nedzimwe ndima dzeBhaibheri dzekare akati: “Uyu muenzaniso unonyatsoratidza kuti mashoko acho akaramba achikopwa asingachinjwi.”

Chipenga ichi chinofungidzirwa kuti chimwe chemipumburu yakawanda yakawanika mukupera kwezana remakore rechi19 mune rimwe sinagogi riri muCairo, kuEgypt. Zvisinei, mumwe munhu aiunganidza mipumburu yechiHebheru aisaziva kukosha kwawo kuzosvikira abvunza imwe nyanzvi mukupera kwema1970. Wakaongororwa kuti uonekwe kuti wakanyorwa rini ndokuchengetwa kusvikira pawakazoratidzwa muIsrael Museum.

Adolfo Roitman, mukuru wechikamu chinotarisira mabhuku anoyereswa muIsrael Museum uye muchengeti wemipumburu Yegungwa Rakafa anoti: “Mupumburu weRwiyo Rwepagungwa unoratidza kuti VaMasoreti vakanga vakavimbika zvinoshamisa pakukopa Bhaibheri kwemazana emakore. Zvinoshamisa kuona kuti manyorerwo akaitwa Rwiyo Rwepagungwa haana kuchinja kubva muzana remakore rechinomwe nerechisere kusvikira nhasi.”

Bhaibheri iShoko raMwari rakafuridzirwa, uye Jehovha ndiye akaita kuti richengetedzwe. Uyezve Magwaro akanyatsokopwa nevanyori. Naizvozvo, hapana mubvunzo kuti mashoko ari muBhaibheri ratinoshandisa nhasi haana kuchinja.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Courtesy of Israel Museum, Jerusalem