Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vabatsirei Vasaverengera Kudzoka!

Vabatsirei Vasaverengera Kudzoka!

Vabatsirei Vasaverengera Kudzoka!

“Tichaenda kuna ani? Ndimi mune mashoko oupenyu husingaperi.”—JOH. 6:68.

1. Petro akatii vadzidzi vakawanda pavakasiya Jesu?

JESU KRISTU akambosiyiwa nevadzidzi vakawanda vakaramba imwe yedzidziso dzake. Akabvunza vaapostora vake kuti: “Munoda kuendawo here?” Petro akamupindura kuti: “Ishe, tichaenda kuna ani? Ndimi mune mashoko oupenyu husingaperi.” (Joh. 6:51-69) Pakanga pasina kumwe kwokuenda. ChiJudha chakanga chisina “mashoko oupenyu husingaperi” panguva iyoyo, uye nhasi mashoko akadaro haawaniki muBhabhironi Guru, mubatanidzwa wezvitendero zvenhema zvose. Kune vose vakarasika kubva pakati pemakwai aMwari asi vanoda kufadza Jehovha, ‘yasvika zvino nguva yokuti vamuke’ uye vadzoke kuboka remakwai.—VaR. 13:11, Bhaibheri Dzvene.

2. Chii chatinofanira kuyeuka nezvenyaya dzinoda dare rinotonga kana kuti dzisingafaniri kuudzwa vanhu vasinei nadzo?

2 Jehovha akaratidza kuti aiva nehanya nemakwai akarasika aIsraeri. (Verenga Ezekieri 34:15, 16.) Saizvozvowo, vakuru vechiKristu vanoda chaizvo kubatsira munhu akaita segwai anenge arasika kubva pakati peboka uye vanoriona sebasa ravanofanira kuita. Kana vakakumbira mumwe muparidzi kuti adzidze nemunhu akaneta anoda hake kubatsirwa, muparidzi wacho anofanira kuitei kana akaziva kuti munhu uyu akaita chivi chakakomba? Pane kumupa zano nezvenyaya inoda dare rinotonga kana kuti imwe isingafaniri kuudzwa vanhu vasinei nayo, muparidzi anofanira kumuudza kuti ataure nevakuru. Kana munhu wacho akaneta akasadaro, muparidzi wacho anofanira kuudza vakuru.—Revh. 5:1; VaG. 6:1.

3. Murume aiva nemakwai zana akaitei paakawana rimwe chete rakanga rarasika?

3 Nyaya yakapfuura yakataura nezvomuenzaniso waJesu womurume aiva nemakwai 100. Rimwe chete parakarasika, akasiya 99 acho akanotsvaka riya rakanga rarasika. Murume wacho akafara zvokufara zviya paakariwana! (Ruka 15:4-7) Tinofarawo rimwe remakwai aMwari rinenge ramborasika parinodzoka kuboka. Vakuru nevamwe vari muungano vangadaro vakatomboshanyira munhu wacho akaneta nokuti vanomuda. Ivowo vanoda kuona munhu wacho achidzoka kuboka otsigirwa, odzivirirwa uye okomborerwa naMwari. (Dheut. 33:27; Pis. 91:14; Zvir. 10:22) Vangaitei kana vaine mukana wokubatsira pakadai?

4. VaGaratiya 6:2, 5 inobatsira kunzwisisei?

4 Zvichida vanogona kukurudzira munhu wacho kuti adzoke kuungano nokumuratidza nomutsa kuti Jehovha anoda makwai ake uye anongoda kuti tiite zvatinokwanisa. Izvi zvinosanganisira kudzidza Magwaro, kupinda misangano yechiKristu, uye kuparidza mashoko akanaka oUmambo. Zvingava zvakakodzera kuverenga VaGaratiya 6:2, 5 uye kutaura kuti vaKristu vanogona kubatsirana pakutakurirana mitoro, asi panyaya yokunamata, “mumwe nomumwe achatakura mutoro wake.” Hapana anogona kutendeka kuna Mwari nepeduwo.

“Kuzvidya Mwoyo Nezvinhu Zvoupenyu” Ndiko Kwakavanetesa Here?

5, 6. (a) Nei zvichikosha kunyatsoteerera zvinotaurwa nevatinonamata navo vakaneta? (b) Ungakwanisa sei kubatsira vakaneta kuti vaone kuti kurega kuwadzana nevanhu vaMwari kwakavakanganisa?

5 Kuti vabatsire vakaneta, vakuru nevamwe vaparidzi vakasimba pakunamata vanofanira kunyatsoteerera vaparidzi vakaneta pavanenge vachitaura zviri pamwoyo. Ngatimboti mukuru ari kushanyira murume nomukadzi vasingachapindi misangano nokuti vakaneteswa “nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu.” (Ruka 21:34) Kushaya mari kana kuva nezvakawanda zvokuita mumhuri zvingadaro zvakaita kuti vapedzisire vaneta. Ichokwadi kuti vanganzwa vaneta, asi ungavaratidza kuti kuzviparadzanisa nevamwe hakusiko kuchagadzirisa zvinhu. (Verenga Zvirevo 18:1.) Uchivaremekedza, ungabvunza kuti: “Kubva zvamakarega kupinda misangano, muri kufara here? Upenyu hwemhuri yenyu hwava nani here? Muchine mufaro unobva pakuziva kuti makachengetedzwa naJehovha here?”—Neh. 8:10.

6 Kufunga nezvemibvunzo yakadaro kungabatsira vakaneta kuti vaone kuti nemhaka yokusawadzana kwavo neungano, havasisina kusimba pakunamata uye havachafari. (Mat. 5:3; VaH. 10:24, 25) Ungakwanisa kuvabatsira kuona kuti havasi kuwana mufaro unobva pakuparidza mashoko akanaka. (Mat. 28:19, 20) Saka vodini?

7. Tingakurudzira vaya vakasiya boka kuti vaite sei?

7 Jesu akati: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu irege kumboremerwa nokudyisa nokunwisa nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu . . . Saka rambai makamuka, muchigara muchiteterera kuti mugone kupukunyuka zvinhu zvose izvi zvinofanira kuitika.” (Ruka 21:34-36) Vaya vakasiya boka asi vava kuda kufara sezvavaimboita vangakurudzirwa kunyengeterera mudzimu mutsvene uye kuti vabatsirwe naMwari voita maererano nezvavanenge vanyengeterera.—Ruka 11:13.

Vakagumburwa Here?

8, 9. Mukuru angabatsira sei munhu akagumbuka zvokusada kunamata?

8 Vanhu vangapesana nokuti havana kukwana, uye mumwe angabva agumbuka zvokusada kunamata. Vamwe vakagumbuka apo munhu wavairemekedza muungano akaita zvisingaenderani nezvinodiwa naMwari. Kana zviri izvo zvakagumbura munhu akaneta, mukuru anenge ashanya angamuratidza kuti Jehovha haasi iye anogumbura vanhu. Saka munhu angachekerei ukama naMwari nevanhu vake? Haatofaniri kuramba achishumira Mwari here, aine chivimbo chokuti “Mutongi wenyika yose” anoziva zvakaitika uye kuti achagadzirisa zvinhu nenzira yakanaka? (Gen. 18:25; VaK. 3:23-25) Kana munhu akagumburwa odonha, haarambi akarara pasi nemaune asingatomboedzi kumuka.

9 Achiedza kumubatsira pakunamata, mukuru angataura kuti nokufamba kwenguva, vamwe vakaona kuti zvakanga zvavagumbura hazvichanyanyi kukosha. Pamwe zvakamugumbura zvacho zvingadaro zvisisipo. Kana kuri kuti munhu wacho akaramwa nokuti akanga apiwa chirango, kufungisisa achinyengetera kungamubatsira kuti aone kuti iye ane paakakanganisawo uye aisafanira kurega kurangwa kwacho kuchimugumbura.—Pis. 119:165; VaH. 12:5-13.

Pane Dzidziso Yaasina Kubvumirana Nayo Here?

10, 11. Ungabatsira sei munhu akaneteswa nokusanyatsonzwisisa imwe dzidziso yeBhaibheri?

10 Vamwe vangava vakasiya boka raMwari nokuti vakanga vasingabvumirani neimwe dzidziso yomuMagwaro. VaIsraeri pavakanunurwa muuranda muIjipiti ‘vakakanganwa mabasa aMwari’ aakanga avaitira uye “havana kumirira zano rake.” (Pis. 106:13) Zvingabatsira kuyeuchidza munhu akaneta kuti “muranda akatendeka, akangwara” ari kutipa zvokudya zvokunamata zvakanaka. (Mat. 24:45) Ndiwo madzidziro akaita munhu wacho chokwadi. Saka haafaniri kutsunga kufambazve muchokwadi here?—2 Joh. 4.

11 Mukuru paanenge achiedza kubatsira vaya vakasiya boka raMwari, angataura nezvevadzidzi vaJesu vakamusiya nokuti vakaramba imwe yedzidziso dzake. (Joh. 6:53, 66) Pavakarega kuwadzana naKristu nevateveri vake vakatendeka, vakanga vasingachakoshesi zvokunamata uye vasingachafari. Vaya vakarega kuwadzana neungano yechiKristu vakawana imwe nzvimbo ine zvokudya zvokunamata zvakanaka here? Aiwa, nokuti hakuna imwe nzvimbo yakadaro!

Akaita Chivi Chakakomba Here?

12, 13. Kana munhu akasiya boka akataura kuti akaita chivi chakakomba, angabatsirwa sei?

12 Vamwe vanhu vanorega kuparidza nokupinda misangano nokuti vanenge vaita chivi chakakomba. Vangafunga kuti kana vakareurura chivi chacho kuvakuru, vachadzingwa muungano. Asi havazodzingwi muungano kana vakatorega chivi chacho uye vakapfidza zvechokwadi. (2 VaK. 7:10, 11) Panzvimbo paizvozvo vachagamuchirwa, uye vakuru vachavabatsira pakunamata.

13 Kana uri muparidzi akasimba pakunamata akumbirwa kubatsira munhu akaneta, ungaitei kana munhu wacho akakuudza kuti akaita chivi chakakomba? Sezvambotaurwa, pane kuramba uchibvunza zvakawanda, mubatsire kuti ataure nevakuru. Kana iye asingadi kuvaudza, kuita zvinotaurwa naJehovha panyaya idzi kunoratidza kuti une hanya nezita raMwari uye une hanya nokuti ungano irambe yakachena. (Verenga Revhitiko 5:1.) Vakuru vachaziva mabatsiriro avachaita munhu anoda kudzoka uye anoda kurarama maererano nezvinodiwa naMwari. Angafanira kurangwa nenzira yorudo. (VaH. 12:7-11) Kana munhu wacho akabvuma kuti akatadzira Mwari, akarega kuita chakaipa chacho, uye akapfidza zvechokwadi, vakuru vachamubatsira, uye angakanganwirwa naJehovha.—Isa. 1:18; 55:7; Jak. 5:13-16.

Kudzoka Kwomwanakomana Kunofadza

14. Usingaiti zvokuverenga, rondedzera muenzaniso waJesu wemwanakomana anopambadza.

14 Paanenge achiedza kubatsira gwai rakarasika, munhu anenge akumbirwa kubatsira angataura nezvomuenzaniso waJesu wakanyorwa pana Ruka 15:11-24. Mumufananidzo iwoyo, rimwe jaya rinopambadza pfuma yaro nounzenza. Anosvika pakusema upenyu hwakaipa hwaanga achirarama. Ane nzara, asuwa kumba, saka afunga zvokudzokera kumba! Achiri kure, baba vake vanomuona, vanomumhanyira vowira pamutsipa womwanakomana wavo, vomutsvoda zvinyoronyoro, uye anofara kwazvo. Kufunga nezvomufananidzo uyu kungaita kuti munhu anga atsauka adzoke kuboka. Sezvo nyika ino yava kuda kuparadzwa, anofanira kubva ‘atodzoka kumba.’

15. Nei vamwe vachibuda muungano?

15 Vakawanda vanobuda muungano havaiti havo zvakaitwa nomwanakomana anopambadza. Vamwe vanotsauka zvishoma nezvishoma, sezvinoita igwa riri kukukurwa zvishoma nezvishoma richipinda mugungwa. Vamwe vanoremerwa nokuzvidya mwoyo zvokuti vanotadza kuona kukosha kwezvinhu zvokunamata. Vamwezve vanozvirega vachigumburwa nomumwe munhu ari muungano, kana kuti vanorega nokuti pane dzidziso yomuMagwaro yavasingabvumirani nayo. Vamwewo vanenge vakaita chivi. Zvisinei, pfungwa dzataurwa nezvenyaya idzi dzingakubatsira kuti uyamurewo vamwe vakasiya boka nokuda kwezvikonzero izvi kuti vakurumidze kudzoka.

“Titambire Mwanangu”

16-18. (a) Mumwe mukuru akabatsira sei imwe hama yakanga yava nemakore yakaneta? (b) Hama iyi yakanga yaneteswa nei, yakabatsirwa sei, uye yakagamuchirwa sei neungano?

16 Mumwe mukuru wechiKristu anoti: “Dare revakuru reungano yedu rinoda chaizvo kushanyira vaya vakaneta. Ndakafunga nezvehama yandakanga ndadzidza nayo ndikaibatsira kuziva chokwadi. Akanga ava nemakore anenge 25 akaneta uye akanga aomerwa chaizvo noupenyu, saka ndakatsanangura pfungwa dzomuBhaibheri dzaigona kumubatsira. Kwapera nguva yakati, akatanga kuuya kuImba yoUmambo uye akabvuma kudzidziswa Bhaibheri kuti atsunge kudzoka kuboka.”

17 Hama iyi yakanga yaneteswa nei? Inoti: “Ndakatanga kunyanya kukoshesa zvinhu zvenyika pane zvinhu zvokunamata. Ndakabva ndarega kudzidza, kuenda muushumiri uye kupinda misangano. Ndakazongoona ndisisiri muungano yechiKristu. Asi ndakabatsirwa kudzoka nokufarirwa kwandakaitwa nomukuru uya.” Zvinetso zvehama iyi zvakatanga kudzikira payakabvuma kudzidza Bhaibheri. Inoti: “Ndakazoona kuti chinhu chandaishaya muupenyu rudo rwaJehovha norwesangano rake uye kutungamirirwa naye.”

18 Hama iyi yakagamuchirwa sei muungano? Inoti: “Ndinonzwa sezvakaita mwanakomana anopambadza akataurwa naJesu Kristu. Imwe hanzvadzi yedu yakwegura yaiva iri muungano iyi makore 30 akapfuura uye ichakasimba mukushumira Jehovha yakanditi: ‘Titambire Mwanangu!’ Ndakafara zvokufara zviya. Zvechokwadi kudzoka kuungano kwainge kudzoka kumba. Ndingada kutenda nomwoyo wose rudo, ushamwari, kushivirirwa uye kufarirwa kwandakaitwa nomukuru iyeye uye neungano yose. Kuda kwavanoita Jehovha nomuvakidzani kwakandibatsira kuti ndidzoke kuboka.”

Vakurudzire Kuti Vabve Vatodzoka!

19, 20. Ungakurudzira sei vakaneta kuti vasaverengera kudzoka kuboka uye ungavaratidza sei kuti Mwari haatarisiri zvakawandisa kwatiri?

19 Tiri kurarama mumazuva okupedzisira, uye kuguma kwenyika ino kwasvika. Saka kurudzira vakaneta kuti vapinde misangano yechiKristu. Vakurudzire kuti vabve vatotanga kupinda. Taura kuti Satani ari kuedza kuparadza ukama hwavo naMwari uye kuita kuti vafunge kuti vanogona kusunungurwa pamatambudziko oupenyu kana vakarega kunamata. Unogona kuvavimbisa kuti kana vakava vateveri vaJesu vakatendeka vanogona kunyatsozorodzwa.—Verenga Mateu 11:28-30.

20 Yeuchidza vakaneta kuti Mwari haatitarisiri kuita zvatisingakwanisi. Mariya hanzvadzi yaRazaro payakashorwa nokuti yakazodza Jesu mafuta anodhura ainhuhwirira kwasara nguva duku kuti afe, Jesu akati: “Muregei akadaro. . . . Aita zvaaigona.” (Mako 14:6-8) Jesu akarumbidza chirikadzi yaiva murombo yakanga yabvisa mupiro wemari shomanana patemberi. Naiyowo yakaita zvayaigona. (Ruka 21:1-4) Vakawanda vedu tinogona kupinda misangano yechiKristu uye kuita basa rokuparidza Umambo. Vachibatsirwa naJehovha, vakawanda vakaneta vachakwanisa kuitawo saizvozvo.

21, 22. Ungavimbisei vaya vanodzoka kuna Jehovha?

21 Kana munhu akaita segwai rakarasika achinyara kuonana nehama, ungamuyeuchidza nezvomufaro wakavapo mwanakomana anopambadza paakadzoka kumba. Vaya vanodzoka kuungano vanoitawo kuti pave nomufaro wakadaro. Vakurudzire kuti vabve varwisa Dhiyabhorosi iye zvino voswedera pedyo naMwari.—Jak. 4:7, 8.

22 Vaya vanodzoka kuna Jehovha vanogamuchirwa nomufaro. (Mari. 3:40) Hapana mubvunzo kuti zvavakaita pavaishumira Mwari zvakavafadza zvikuru. Vaya vasingaverengeri kudzoka kuboka vachakomborerwa zvisingatauriki!

Ungapindura Sei?

• Ungabatsira sei muKristu akagumburwa achibva aneta?

• Ungabatsira sei munhu akasiya boka raMwari nemhaka yemaonero aaiita imwe dzidziso?

• Munhu anozeza kudzoka kuungano angabatsirwa sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Nyatsoteerera kana munhu akaneta achitaura

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kufunga nezvomuenzaniso waJesu womwanakomana anopambadza kungakurudzira vamwe kuti vadzoke kuboka