Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsunga Kupupura Kwazvo

Kutsunga Kupupura Kwazvo

Kutsunga Kupupura Kwazvo

“Akatirayira kuparidzira vanhu nokupupura kwazvo.”—MAB. 10:42.

1. Petro paaitaura naKoneriyasi, akamuudza nezvebasa ripi?

MUKURU mukuru weuto rokuItari akakokorodza hama dzake neshamwari nokuda kwechiitiko chakazochinja zvakanyanya kushanda kwaMwari nevanhu. Murume aitya Mwari iyeye ainzi Koneriyasi. Muapostora Petro akaudza boka racho kuti vaapostora vakanga varayirwa “kuparidzira vanhu nokupupura kwazvo” nezvaJesu. Kupupura kwakaita Petro kwakabereka zvibereko zvakawanda. Vanhu vemamwe marudzi vakanga vasina kudzingiswa vakagamuchira mudzimu waMwari, vakabhabhatidzwa, uye vaizova madzimambo kudenga naJesu. Kupupura kwazvo kwakaitwa naPetro kwakaita kuti pave nezvibereko zvakawanda.—Mab. 10:22, 34-48.

2. Tinoziva sei kuti vaapostora 12 havasivo voga vakapiwa murayiro wokupupura?

2 Izvi zvakaitika muna 36 C.E. Makore anenge maviri akanga apfuura, pane chiitiko chakachinja mararamiro omumwe munhu aishora chiKristu. Sauro wokuTaso akanga ari kuenda kuDhamasiko Jesu paakazviratidza kwaari akati: “[Pinda] muguta, uye uchaudzwa zvaunofanira kuita.” Jesu akavimbisa mudzidzi Ananiyasi kuti Sauro aizopupura kwazvo “kune mamwe marudzi nokumadzimambo nevanakomana vaIsraeri.” (Verenga Mabasa 9:3-6, 13-20.) Paaiva naSauro, Ananiyasi akati: “Mwari wemadzitateguru edu akusarudza . . . nokuti uchava chapupu chake kuvanhu vose.” (Mab. 22:12-16) Sauro, akazenge ava kunzi Pauro, akakoshesa zvakadini basa iri rokupupura?

Akapupura Kwazvo!

3. (a) Tichanyanya kukurukura nezvenhoroondo ipi? (b) Vakuru vokuEfeso vakaita sei pavakanzwa zvaitaurwa naPauro, uye vakasiya muenzaniso upi wakanaka?

3 Zvinganakidza chaizvo kudzidza zvose zvakazoitwa naPauro, asi iye zvino ngatinyanyei kutarisa hurukuro yaakapa munenge muna 56 C.E., iri muna Mabasa chitsauko 20. Pauro akapa hurukuro iyi ava kuda kuzopedza rwendo rwake rwechitatu somumishinari. Akanga aburukira ngarava pachiteshi chepaMireto, kuAegean Sea, uye akanga atumira shoko kuvakuru veungano yeEfeso. Efeso yaiva makiromita 50 kubva ipapo, kunyange zvazvo rwendo rwacho rwaiva rwakareba nokuti nzira dzacho dzaitenderera. Imbofungidzira kufara kwakaita vakuru vokuEfeso pavainzwa zvaitaurwa naPauro. (Enzanisa naZvirevo 10:28.) Kunyange zvakadaro, vaifanira kuronga kuenda kuMireto. Vamwe vavo vaifanira kukumbira nguva kubasa here kana kuti kuvhara zvitoro zvavo? Ndizvo zvinoita vaKristu vakawanda mazuva ano kuti vasatomboshayikwa pachikamu kana chimwe zvacho chegungano reruwa gore negore.

4. Pauro akaitei mumakore aakambogara muEfeso?

4 Unofunga kuti Pauro aiitei kuMireto mazuva matatu kana mana vakuru vacho vasati vasvika? Uriwe ungadai wakaitei? (Enzanisa naMabasa 17:16, 17.) Zvakataurwa naPauro kuvakuru vokuEfeso zvinotibatsira kuziva. Anorondedzera mararamiro aakanga achiita makore akapfuura, kusanganisira paakanga achiri kuEfeso. (Verenga Mabasa 20:18-21.) Achinyatsoziva kuti hapana aizoramba zvaaitaura, akati: “Munonyatsoziva kuti kubvira pazuva rokutanga randakapinda muruwa rweEzhiya . . . ndakapupura kwazvo.” Akanga akatsunga kuita basa raakanga anzi naJesu aite. Akariita sei paaiva muEfeso? Pamwe pacho akapupurira vaJudha, achiita zvokuenda kwaiwanikwa vakawanda vavo. Ruka anoti Pauro paaiva muEfeso munenge muna 52-55 C.E., ‘akakurukura achinyengetedza’ ari musinagogi. VaJudha “pavakaomesa mwoyo, vasingatendi,” Pauro akaenda kune vamwe, akachinja kwokugara muguta racho asi achiri kuparidza. Saka akapupura kwazvo kuvaJudha nevaGiriki vaiva muguta iroro rakakura.—Mab. 19:1, 8, 9.

5, 6. Tinoziva sei kuti Pauro aiparidzira vasingatendi paaiparidza paimba neimba?

5 Nokufamba kwenguva vamwe vakava vaKristu vakazova vakuru, avo Pauro aitaura navo kuMireto. Pauro akavayeuchidza nezvenzira yaakanga ashandisa, achiti: “Handina kurega kukuudzai zvinhu zvaikubatsirai kana kukudzidzisai pachena uye paimba neimba.” Iye zvino, vamwe vanhu vanoti pano Pauro aireva kungoshanyira vaainamata navo achivafudza. Asi handizvo. Mashoko okuti ‘kudzidzisa pachena uye paimba neimba’ ainyanya kureva kuparidzira vanhu vasingatendi. Izvi tinozviona patinofunga nezvemashoko aakazotaura. Pauro akati akanga achipupura “kuvaJudha nevaGiriki pamusoro pokupfidza kuna Mwari nokutenda munaShe wedu Jesu.” Zviri pachena kuti Pauro aipupura kuvasingatendi, vaifanira kupfidza uye kutenda muna Jesu.—Mab. 20:20, 21.

6 Imwe nyanzvi payakanyotsoongorora Magwaro echiKristu echiGiriki, yakati nezvaMabasa 20:20: “Pauro akanga apedza makore matatu ari kuEfeso. Akashanyira dzimba dzose, kana kuti akaparidzira vanhu vose (ndima 26). Pano ndipo pane murayiro womuMagwaro wokuparidza paimba neimba uye kuparidza kunoitwa pamisangano inokokwa voruzhinji.” Pauro angave akaparidza paimba neimba chaizvo sezviri kutaurwa nenyanzvi iyi, kana kuti asina, akanga asingadi kuti vakuru vokuEfeso vakanganwe kupupura kwaakanga aita uye kuti zvakaguma nei. Ruka anoti: “Vose vaigara muruwa rweEzhiya vakanzwa shoko raShe, vaJudha nevaGiriki.” (Mab. 19:10) Asi zvakafamba sei kuti “vose” vaiva muEzhiya vanzwe, uye izvi zvingareva kuti tinofanira kupupura sei?

7. Kuparidza kwaPauro kungadaro kwakabatsira sei vanhu vasiri vaakaparidzira iye pachake?

7 Kuparidza kwakaita Pauro munzvimbo dzaiwanika vanhu vakawanda uye paimba neimba kwakaita kuti vakawanda vanzwe shoko rake. Unofunga kuti zvinoita here kuti vose vakanzwa shoko vakaramba vachigara muEfeso, vasingatamiri kune dzimwe nzvimbo kunoita zvemabhizimisi, kuti vave pedyo nevoukama, kana kuti kutiza muguta guru rine zvakawanda? Hazvingadaro. Mazuva ano vakawanda vakatamira zvikonzero izvozvo; pamwe iwe wakatotamawo. Uyezve, kare ikako vanhu vaibva kune dzimwe nzvimbo vaishanyira Efeso kuzoita zvemabhizimisi kana kuti kungoshanyawo zvavo. Pavaishanya vangadaro vakaonana naPauro kana kuti vakamunzwa achiparidza. Vaizonoitei pavaidzokera kumba? Vaya vakanga vagamuchira chokwadi vaizonoparidzawo. Vamwe vangadaro vasina kugamuchira chokwadi asi vanofanira kunge vaitaura nezvezvavakanga vanzwa kuEfeso. Saka voukama, vavakidzani, kana kuti vavaitengeserana navo vangadaro vakanzwa chokwadi, uye vamwe vakachigamuchira. (Enzanisa naMako 5:14.) Izvi zvinoratidzei nezvezvingaitwa nokunyatsopupura kwaunoita?

8. Vanhu vaiva muruwa rweEzhiya vangadaro vakanzwa chokwadi sei?

8 Pauro akanyora nezvoushumiri hwaakanga aita paaiva muEfeso achiti “akazarurirwa suo guru rebasa.” (1 VaK. 16:8, 9) Raiva suo rei, uye akarizarurirwa sei? Pauro paakaramba achiita ushumiri kuEfeso zvakaguma nokuparadzirwa kwemashoko akanaka. Funga nezvemaguta matatu aiva kure neEfeso, eKorose, Raodhikiya, uye Hiraporisi. Pauro haana kumboashanyira, asi mashoko akanaka akasvika ikoko. Epafrasi ndokwaaibva. (VaK. 2:1; 4:12, 13) Epafrasi akanzwa Pauro achipupura muEfeso achibva ava muKristu here? Bhaibheri haritauri zvakananga. Asi paaiparadzira chokwadi kumusha kwake, Epafrasi angadaro akazviita achimiririra Pauro. (VaK. 1:7) Shoko rechiKristu ringadarowo rakasvika kumaguta akaita seFiradhefiya, Sadhisi, uye Tiyatira Pauro paaipupura ari muEfeso.

9. (a) Chii chaidiwa naPauro kwazvo? (b) Ndorupi ruchava rugwaro rwegore rwa2009?

9 Naizvozvo, vakuru vokuEfeso vaiva nechikonzero chakanaka chokubvuma zvakataurwa naPauro, zvokuti: “Handioni mweya wangu sounokosha kwandiri, kudai ndikangopedza basa rangu noushumiri hwaShe Jesu hwandakagamuchira, kuti ndipupurire kwazvo mashoko akanaka omutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari.” Mundima iyi ndimo munobva mashoko anokurudzira achange ari rugwaro rwegore rwa2009 okuti: ‘Pupurira kwazvo mashoko akanaka.’—Mab. 20:24.

Kupupura Kwazvo Nhasi

10. Tinoziva sei kuti tinofanira kupupura kwazvo?

10 Murayiro wo“kuparidzira vanhu nokupupura kwazvo” wakazoudzwawo vamwe vasiri vaapostora. Jesu akanga amutswa paakataura nevadzidzi vake vakanga vakaungana muGarireya, vangangosvika 500, akavarayira kuti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” Murayiro iwoyo unoshanda kuvaKristu vose vechokwadi nhasi, sezvinoratidzwa nemashoko aJesu okuti: “Tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.”—Mat. 28:19, 20.

11. Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa nokuita basa ripi rinokosha?

11 VaKristu vanoshingaira vanoramba vachiteerera murayiro iwoyo, ‘vachipupurira kwazvo mashoko akanaka.’ Nzira yavanonyanya kushandisa ndeiya yakataurwa naPauro kuvakuru vokuEfeso, yokuparidza paimba neimba. Mune rimwe bhuku ra2007 rinotaura nezvoku- budirira mubasa roumishinari, David G. Stewart, Jr., akati: “Nzira inonyanya kushandiswa neZvapupu zvaJehovha inobudirira zvikuru yokukurudzira vamwe kuti vaudzewo vamwe zvavanotenda inoshanda kupfuura kungoita zvokutaura usingaiti [kukudzira uri pachikuva]. Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvinonakidzwa nebasa rokuudzawo vamwe zvazvinotenda.” Izvi zvinobatsirei? “Muna 1999, vanhu 2 kusvika ku4 muzana chete vandakabvunza mumaguta makuru maviri okuEastern Europe vakati vakanga vamboparidzirwa nemamishinari eLatter-day Saints kana kuti ema‘Mormon.’ Vanopfuura 70 muzana vakati Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvataura navo, kakawanda.”

12. (a) Nei tichishanyira misha iri mundima yedu “kakawanda”? (b) Ungataura here nezvomumwe munhu akachinja maonero aaiita shoko redu?

12 Vanhu vokwaunogara vangangotaurawo zvakadaro kana vakabvunzwa. Iwe ungadaro wakabatsirawo kuti vanzwe shoko. Pawaka“taura nevanhu” uchiita ushumiri hwepaimba neimba, wakataura nevarume, vakadzi, uye pwere. Vamwe vangadaro vasina kuteerera kunyange zvazvo vakataurwa navo “kakawanda.” Vamwe vangadaro vakangoteerera kwenguva pfupi pawaivaverengera ndima yeBhaibheri kana kuvaudza zviri muMagwaro. Asi ungadaro wakakwanisa kupupurira vamwe zvakanaka, vakagamuchira. Zvose izvi zvinogona kuitika patinenge ‘tichipupura kwazvo mashoko akanaka.’ Ungadaro uchitoziva mienzaniso yakawanda yevanhu vakaratidza kuti havafariri pavakataurwa navo “kakawanda” asi vakazochinja. Zvichida pane zvakaitika kwavari, kana kuti kumunhu wavanoda, zvakaita kuti mwoyo yavo nepfungwa zvigamuchire chokwadi. Iye zvino vava hama dzedu nehanzvadzi. Saka kunyange usiri kumbowana vakawanda vanofarira, usakanda mapfumo pasi. Hatitarisiri kuti munhu wose achagamuchira chokwadi. Asi Mwari anotarisira kuti tirambe tichishingaira kupupura kwazvo.

Zvinozoitika Zvatingasaziva Nezvazvo

13. Chii chingaguma chaitika pakuparidza kwedu chatingasaziva nezvacho?

13 Ushumiri hwaPauro hahuna kungobatsira vaya vaakataura navo iye pachake kuti vave vaKristu; uye ndozvinoitikawo patinoparidzira vanhu. Tinoda kuva nechokwadi chokuti taita ushumiri hwepaimba neimba nguva dzose, tichiparidzira vakawanda vatinogona. Tinoudza vavakidzani, vatinoshanda navo, vatinodzidza navo uye voukama mashoko akanaka. Tinoziva here zvose zvinozoitika? Vamwe vangabva vatogamuchira chokwadi ipapo. Asi kune vamwe vacho, mbeu yechokwadi inombogara kwenguva yakati yozopinda muivhu romwoyo womunhu uye yokura. Kunyange izvozvo zvikasaitika, vanhu vatinotaura navo vangataura nevamwe nezvezvatakavaudza, zvatinotenda, uye maitiro edu. Chokwadi, dzimwe nguva vanoita kuti mbeu idzodzo dziwane ivhu rakanaka kune imwe nzvimbo vasingazivi.

14, 15. Kuparidza kwakaita imwe hama kwakaguma nei?

14 Somuenzaniso, funga nezvaRyan nomudzimai wake Mandi, vanogara kuFlorida, U.S.A. Ryan akaparidzira zvisina kurongwa kune waaishanda naye. Murume iyeye, akanga akurira muchitendero chechiHindu, aifarira mapfekero aRyan nematauriro ake. Pavaikurukura, Ryan aitanga nyaya dzakaita sorumuko uye kuti vakafa pane zvavanoziva here. Mamwe manheru muri muna January, murume wacho akabvunza mudzimai wake Jodi kana pane zvaaiziva nezveZvapupu zvaJehovha. Mudzimai wacho aipinda Roma, uye akati chaaingoziva nezveZvapupu ndechokuti “zvinoparidza paimba neimba.” Zvadaro Jodi akatsvaka mashoko okuti “Zvapupu zvaJehovha” paIndaneti, akaawana panzvimbo yedu yatinobudisira mashoko inoti www.watchtower.org. Kwemwedzi yakati kuti, Jodi aiverenga mashoko ari panzvimbo iyoyo, kusanganisira Bhaibheri nenyaya dzaimunakidza.

15 Nokufamba kwenguva, Jodi akaonana naMandi, sezvo vose vaiva vanamukoti. Mandi akapindura mibvunzo yaJodi achifara. Kwapera kanguva, vakakurukura nyaya dzakawanda dzomuBhaibheri. Jodi akabvuma kudzidza Bhaibheri kumba kwake. Nenguva isipi akatanga kuenda kuImba yoUmambo. Muna October, Jodi akava muparidzi asina kubhabhatidzwa, akazobhabhatidzwa muna February. Anonyora kuti: “Zvandava kuziva chokwadi, ndava kufara chaizvo uye kugutsikana noupenyu.”

16. Zvakaitwa neimwe hama yokuFlorida zvinoratidzei nezvokupupura kwazvo kwatinoita?

16 Ryan haana kumboziva kuti kuparidzira mumwe murume kwaakaita kwaizoguma kwaita kuti mumwewo munhu auye muchokwadi. Akazoziva hake kuti kutsunga kwake “kupupura kwazvo” kwakabudirira. Asi iwe ungaparidza pasuo nesuo, kubasa, kuchikoro, uye zvisina kurongwa, uye usingambozvizivi, zvinogona kuita kuti chokwadi chisvikewo kune vamwe. Ungasaziva zvose zvakanaka zvinobva pakupupura kwazvo kwaunoita, sezvakangoitawo Pauro asina kuziva kuti kuparidza kwake ‘muruwa rweEzhiya’ kwakaguma nei. (Verenga Mabasa 23:11; 28:23.) Asi zvinokosha zvikuru kuti urambe uchidaro!

17. Watsunga kuitei muna 2009?

17 Muna 2009, dai tose tikakoshesa basa redu rokuparidza paimba neimba uye nedzimwe nzira. Tikadaro tichakwanisa kutaura mashoko akafanana neakataurwa naPauro, okuti: “Handioni mweya wangu sounokosha kwandiri, kudai ndikangopedza basa rangu noushumiri hwaShe Jesu hwandakagamuchira, kuti ndipupurire kwazvo mashoko akanaka omutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari.”

Ungapindura Sei?

• Muzana remakore rokutanga, muapostora Petro naPauro nevamwe vakapupura kwazvo sei?

• Nei kupupura kwatinoita kungasvika kure zvatingasaziva?

• Rugwaro rwegore rwa2009 runotii, uye nei uchifunga kuti rwakakodzera?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]

Rugwaro rwegore rwa2009 ruchange ruchiti: ‘Pupurira kwazvo mashoko akanaka.’—Mab. 20:24.

[Mufananidzo uri papeji 17]

Vakuru vokuEfeso vaiziva kuti Pauro aigara achiparidza paimba neimba

[Mufananidzo uri papeji 18]

Mashoko aunotaura uchipupura kwazvo anogona kusvika kure zvakadini?