Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Pana Nehemiya 8:10, vaJudha vakanzi va“dye zvinhu zvakakora,” kunyange zvazvo pana Revhitiko 3:17 Mutemo waiti: “Hamufaniri kumbodya mafuta.” Mashoko aya anopesana here?

MuchiHebheru, mashoko akashandurwa kuti “zvinhu zvakakora” pana Nehemiya 8:10 uye “mafuta” pana Revhitiko 3:17 akasiyana. Shoko rechiHebheru rokuti cheʹlev, rakashandurwa kuti “mafuta” pana Revhitiko 3:17, rinoreva mafuta emhuka kana kuti evanhu. (Revh. 3:3; Vat. 3:22) Mashoko anotangira ndima 17 anoratidza kuti vaIsraeri vakanga vasingafaniri kudya mafuta aiva paura uye paitsvo dzemhuka dzaipiwa sezvibayiro kana kudya mafuta aiva pahudyu nokuti “mafuta ose ndeaJehovha.” (Revh. 3:14-16) Saka mafuta aiva mumuviri wemhuka dzaipiwa Jehovha sezvibayiro akanga asingafaniri kudyiwa.

Ukuwo, shoko rakashandurwa kuti “zvinhu zvakakora” pana Nehemiya 8:10 ndimash·man·nimʹ, uye ndipo chete parinowanika muMagwaro echiHebheru. Rinobva pachiito chokuti sha·menʹ, chinoreva kuti “kukora, kufuta.” Zvinoita sokuti pfungwa yemashoko anoenderana nechiito ichi ndeyokubudirira uye kugara zvakanaka. (Enzanisa naIsaya 25:6.) Rimwe remashoko anowanzotorwa pachiito ichi nderokuti sheʹmen, rinowanzoshandurwa kuti “mafuta,” kusanganisira mashoko okuti “mafuta omuorivhi.” (Dheut. 8:8; Revh. 24:2) Parinoshandiswa pana Nehemiya 8:10, mash·man·nimʹ  rinenge rinoreva zvokudya zvakabikwa nemafuta akawanda uye zvingasanganisira nyama ine tumafuta asi kwete mazifuta emhuka.

Kunyange zvazvo vaIsraeri vakarambidzwa kudya mazifuta emhuka, vaigona kudya zvokudya zvinonaka, zvakabikwa nemafuta. Zvimwe zvinhu zvakaita semakeke aibikwa nezviyo, zvaisabikwa nemafuta emhuka, asi nemafuta emiriwo, kazhinji kacho mafuta emiorivhi. (Revh. 2:7) Saka, Insight on the Scriptures rinotsanangura kuti mashoko okuti “zvinhu zvakakora” pano “anoreva nhindi dzine mafuta, dzisina kuondoroka, asi dzinonaka, kusanganisira zvokudya zvinonaka zvakabikwa nemafuta emiriwo.”

VaKristu vanoziva kuti Mutemo ndiwo wairambidza kudya mafuta. Ivo havasi pasi poMutemo, kusanganisira zvawaitaura zvine chokuita nezvibayiro zvemhuka.—VaR. 3:20; 7:4, 6; 10:4; VaK. 2:16, 17.