Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndakaona Boka raMwari Richiwedzera muKorea

Ndakaona Boka raMwari Richiwedzera muKorea

Ndakaona Boka raMwari Richiwedzera muKorea

Yakataurwa naMilton Hamilton

“Tine urombo kukuzivisai kuti hurumende yeRepublic of Korea yakanzura mavhiza ose enyu mamishinari uye yataura kuti hamuchadiwi munyika imomo. . . . Saka mava kumbonoshandira kuJapan.”

GORE ra1954 rava kuda kunopera, ini nomudzimai wangu takawana mashoko ari pamusoro apa kubva kuBrooklyn, New York, U.S.A. Kutanga kwegore iroro, takanga tapedza kudzidza mukirasi yechi23 yeChikoro cheGiriyedhi nechokuchamhembe kweNew York. Patakawana tsamba yacho, takanga tiri kuIndianapolis, kuIndiana, kwatakanga tanzi timbofanoshumira tiri.

Ini nomudzimai wangu Liz, (aimbonzi Liz Semock) takadzidza tose chikoro chesekondari. Pave paya, muna 1948, takaroorana. Aida chaizvo basa renguva yakazara asi aizeza nyaya yokunoshumira kune imwe nyika achibuda muUnited States. Zvakafamba sei kuti azochinja?

Liz akabvuma kuenda neni kune mumwe musangano wevaida kuzonodzidza kuGiriyedhi. Musangano iwoyo wakaitwa pagungano remarudzi akawanda rakaitirwa paYankee Stadium, New York, muchirimo cha1953. Pashure pomusangano iwoyo waikurudzira, takanyorera kuenda kuGiriyedhi. Takashamisika patakakokwa kuti tipinde kirasi yaitevera yacho, yaizotanga muna February 1954.

Takatumirwa kuKorea, kunyange zvazvo hondo yakanga yarwiwa kwemakore matatu ikasakadza nyika yacho yakanga ichangopera muchirimo cha1953. Sezvatakanzi tiite netsamba ine mashoko ari pamusoro apa, takatanga taenda kuJapan. Takazosvikako muna January 1955, tapedza mazuva 20 tiri mungarava pamwe chete namamwe mamishinari matanhatu akanga atumirwawo kuKorea. Lloyd Barry, aitarisira bazi reJapan panguva iyoyo, akauya kuzotichingura pachiteshi chengarava na6:00 mangwanani. Takabva tangoenda kumusha wemamishinari waiva kuYokohama. Musi iwoyo chaiwo ava masikati, takabuda mubasa romumunda.

Takazobudirira Kuenda kuKorea

Nokufamba kwenguva, takawana mavhiza okupinda muRepublic of Korea. Musi waMarch 7, 1955, ndege yedu yakasimuka panhandare yendege yeHaneda kuTokyo ikafamba kwemaawa matatu kusvika panhandare yendege yokuYoido, kuSeoul. Zvapupu zvinopfuura 200 zvokuKorea zvakauya kuzotichingura uye hakusi kufara kwatakaita. Kare ikako muKorea yose maingova neZvapupu 1 000 chete. Sezvinongoita vakawanda vanobva kunyika dzokumadokero, taiona sokuti vanhu vose vanobva kunyika dzokumabvazuva vakafanana uye vanongoita zvakafanana, pasinei nokuti vanobva kunyika ipi. Pasina nguva takazoona kuti izvi handizvo. Vanhu vokuKorea vane mutauro wavo nearufabheti yavo uyewo vane mabikiro avo, chimiro chavo, mapfekero avo, nezvimwe zvinhu zvavanongoita ivo chete, zvakadai semavakirwo ezvivako zvavo.

Kudzidza mutauro wavo ndiro raiva dambudziko redu guru rokutanga. Pakanga pasina mabhuku aigona kutidzidzisa mutauro wokuKorea. Pasina nguva takaziva kuti zvakanga zvisingaiti kutaura chiKorea semataurirwo anoitwa Chirungu. Munhu anongogona kudzidza madudzirwo akarurama omutauro wacho kana akadzidza arufabheti yokuKorea.

Taimbokanganisa. Somuenzaniso, Liz akabvunza mumwe saimba kana aiva neBhaibheri. Saimba wacho akaratidza kushamisika ndokubva apinda mumba akabuda aine bhokisi remachisi. Liz akanga akumbira sungnyang (machisi) pane kukumbira sungkyung, shoko rinoreva kuti “Bhaibheri.”

Kwapera mwedzi mishomanana, takanzi titange musha wemamishinari kuPusan, guta raisvikira zvikepe raiva kuchamhembe. Isu tiri vaviri nedzimwe hanzvadzi mbiri dzakanzi dziende nesu ikoko takakwanisa kurenda dzimba nhatu duku. Mudzimba dzacho makanga musina pombi dzemvura uye chimbudzi chomumba. Usiku mvura yacho ndipo payaibuda iine simba zvokukwanisa kusvika pauriri hwechipiri tichishandisa hosipaipi. Saka taiita majana okumuka kwava kunoedza kuti tichereredze mvura muzvigubhu. Taifanira kuvidza mvura yacho kana kuiisa chlorine kuti inwike.

Pane zvimwewo zvainetsa. Magetsi akanga ari mashoma zvokuti taisakwanisa kushandisa muchina wokuwacha kana kuti ayini. Paseji ndiyo yaiva kicheni yedu, uye maingova nechitofu cheparafini. Munguva pfupi, mumwe nomumwe wedu akadzidza kubika zvokudya paisvika jana rake. Tava nemakore matatu tiriko, ini naLiz takarwara nehepatitis. Mazuva iwayo mamishinari akawanda aibatwa nechirwere ichi. Zvakatora mwedzi yakawanda kuti tipore, uye takatanga kurwara nezvimwewo.

Kubatsirwa Kuti Tikurire Zvipingamupinyi

Kwemakore 55 akapfuura, Korea ndiyo imwe yenyika dzisina kugadzikana panyaya dzematongerwo enyika kupfuura dzimwe muAsia yose. Nzvimbo isingabvumirwi mauto ndiyo yakaganhura nyika yacho. Iri makiromita 55 kuchamhembe kweSeoul, guta guru reRepublic of Korea. Muna 1971, Frederick Franz aibva kudzimbahwe rokuBrooklyn akatishanyira. Ndakaenda naye kunzvimbo iyi, muganhu wakavakirirwa zvakasimba kupfuura mimwe yose pasi pano. Mumakore akapfuura, vakuru vakuru veSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose vaiita musangano ikoko nevamiririri vehurumende dzacho mbiri.

Hatina kwatakarerekera panyaya dzezvematongerwo enyika, kusanganisira zviri kuitika muKorea. (Joh. 17:14) Zvapupu zvokuKorea zvinopfuura 13 000 zvakaiswa mumajeri kwemakore anopfuura 26 000 kana abatanidzwa, nokuti zvakaramba kuenda kuhondo kunorwisa hama dzazvo. (2 VaK. 10:3, 4) Hama dzose dzechiduku dziri munyika iyi dzinoziva kuti dzichatarisana nomuedzo uyu, asi hadzityi. Zvinonzwisa tsitsi kuti hurumende inotora vaKristu sevapari vemhosva nokuti vanoramba kutsigira zvematongerwo enyika.

Muna 1944, pairwiwa Hondo Yenyika II, ndakarambawo kuenda kuhondo, saka ndakapedza makore maviri nehafu ndiri mujeri rokuUnited States kuLewisburg, Pennsylvania. Saka kunyange zvazvo hama dzedu dzokuKorea dzainyanya kuomeserwa mujeri, ndinoziva kutambura kunoita Zvapupu zvechiduku izvi. Zvakakurudzira vakawanda vavo kuziva kuti isu mamishinari ari muKorea takambosungirwawo nyaya iyoyo.—Isa. 2:4.

Kutarisana Nedambudziko

Zvakaitika muna 1977 zvakaita kuti tiratidze kuti isuwo takanga tisingapindiri mune zvematongerwo enyika. Vakuru vakuru vehurumende vaifunga kuti tisu taiva tafurira vaduku vokuKorea kuti varambe kupinda muchiuto. Saka hurumende yakasarudza kuti mamishinari ose akanga abuda munyika aisazobvumidzwa kupindazve. Izvi zvakatanga muna 1977 kusvika muna 1987. Kudai takanga tabuda muKorea panguva iyoyo, tingadai tisina kuzobvumidzwa kudzoka. Saka makore ose iwayo hatina kumboshanya kumba.

Takaonana nevakuru vakuru vehurumende kakawanda tichitsanangura kuti isu sevateveri vaKristu hatipindiri mune zvematongerwo enyika. Vakazopedzisira vaona kuti zvavaiita zvaisazotidzorera shure, saka vakabvisa mutemo iwoyo kwapera makore gumi. Mumakore iwayo mamishinari mashomanana aifanira kubuda munyika nezvikonzero zvoutano, asi vamwe tose takasara, uye tinofara kuti takasara.

Nechepakati pema1980, vanhu vaishora ushumiri hwedu vakapomera vaitungamirira sangano redu zviri pamutemo kuti vakanga vari kudzidzisa majaya kuti arambe kuenda kuhondo. Hurumende yakabva yashevedza mumwe nomumwe wedu achibvunzurudzwa. Musi waJanuary 22, 1987, hofisi yomuchuchisi yakashaya uchapupu hwezvataipomerwa. Izvi zvakaita kuti zvose zvataizofungirwa zvishaye basa.

Mwari Anokomborera Basa Redu

KuKorea, basa redu rakanga rava kunyanya kushorwa nemhaka yokusapindira kwataiita mune zvematongerwo enyika. Nokudaro zvakaramba zvichioma kuti tiwane nzvimbo yakakodzera yokuitira magungano makuru. Saka Zvapupu zvakatanga kuvaka Imba yeMagungano kuPusan, yakava yokutanga kunyika dzokumabvazuva. Ndakava neropafadzo yokupa hurukuro yokutsaurira imba yacho musi waApril 5, 1976, paine vateereri 1 300.

Kubvira muna 1950, makumi ezviuru zvevarwi vanobva kuUnited States vanga vachiuya kuzoshandira muKorea. Vadzokera kuUnited States, vakawanda vakazova Zvapupu zvinoshingaira. Vanowanzotinyorera tsamba, uye tinoiona seropafadzo kuti takakwanisa kuvabatsira pakunamata.

Zvinondirwadza kuti ndakafirwa neshamwari yangu yandaida Liz, musi waSeptember 26, 2006. Ndinomusuwa zvokumusuwa zviya. Kwemakore 51 aakashumira kuno, aibvuma chero basa raainzi aite asingambonyunyuti. Haana kumbotaura kunyange nechibhende chaicho kuti tidzokere kuUnited States, nyika yaakanga amboti aisazoda kusiya!

Ndichiri nhengo yemhuri yeBheteri kuKorea. Kare mhuri yacho yaiva nevanhu vashoma asi iye zvino vava 250. Ndine ropafadzo yokushanda muDare Rebazi rine vanhu vanomwe rinotarisira basa riri kuitwa kuno.

Kunyange zvazvo Korea yaiva nourombo zvikuru patakasvika, yava imwe yenyika dzakabudirira zvikuru. MuKorea mava neZvapupu zvinopfuura 95 000, uye vanenge 40 muzana mapiyona enguva dzose kana kuti ebetsero. Zvose izvi zvinoita kuti ndionge kuti ndakakwanisa kushumira Mwari ndiri kuno ndikaona boka raMwari richikura.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Patakasvika muKorea tiine mamwe mamishinari

[Mufananidzo uri papeji 24, 25]

Tichishumira kuPusan

[Mufananidzo uri papeji 25]

Ndiina Hama Franz kunzvimbo isingabvumirwi mauto, muna 1971

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ndiina Liz, mazuva mashomanana asati afa

[Mufananidzo uri papeji 26]

Bazi reKorea, kwandichiri kushanda senhengo yemhuri yeBheteri