Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Uchifanira Kuramba Wakaperera?

Nei Uchifanira Kuramba Wakaperera?

Nei Uchifanira Kuramba Wakaperera?

“Haiwa Jehovha, nditongei zvinoenderana . . . nokutendeseka [nokuperera] kwangu.”—PIS. 7:8.

1, 2. Zvinhu zvipi zvinowanzoitika zvinoita kuti muKristu aomerwe nokuramba akaperera?

FUNGIDZIRA zviitiko zvitatu: Mukomana ari kutsvinyirwa nevamwe vaanodzidza navo. Vari kuda kuti ashatirwe, zvichida ovatuka kana kuti orwa navo. Achavapindura here kana kuti achazvidzora obva pavari? Murume akaroora ari oga pamba achitsvaka mashoko aanoda paIndaneti. Pakombiyuta yake panobva pabuda kabhokisi kemashoko kachishambadza nezvepanowanika zvinonyadzisira. Achakundwa nomuedzo wacho opavhura here, kana kuti achatambira kure nemashoko acho? Mukadzi wechiKristu ari kukurukura nevamwe anonzwa kuti nyaya dzava dzokureva imwe hanzvadzi yomuungano. Achataurawo zvakaipa here kana kuti achaedza kuchinja nyaya?

2 Kunyange zvazvo mamiriro ezvinhu aya akasiyana, ane paakafanana. Ose ane chokuita nokuedza kwomuKristu kuramba akaperera. Unofunga nezvokuperera kwako here paunotarisana nezvinokunetsa, zvaunofanira kuva nazvo, uye zvinangwa zvako muupenyu? Zuva nezuva, vanhu vanofunga nezvechitarisiko chavo, utano hwavo, kuwana kwavangaita chouviri, kunetsana uye kuwirirana kwavangaita neshamwari dzavo, zvichida kunyange nyaya dzorudo. Ichokwadi kuti tingagara tichifunga nezvezvinhu zvakadaro. Asi chinonyanya kukosha kuna Jehovha paanoongorora mwoyo yedu chii? (Pis. 139:23, 24) Kuperera kwedu.

3. Jehovha anotisiya tichizvisarudzira chii, uye tichadzidzei munyaya ino?

3 Jehovha, Mupi wezvipo “zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana,” akatipa zvipo zvakasiyana-siyana. (Jak. 1:17) Ndiye akatipa zvipo zvakadai somuviri, pfungwa, utano huri nani, nezvimwe zvatinogona kuita. (1 VaK. 4:7) Zvisinei, Jehovha haaiti zvokutimanikidza kuti tive vakaperera. Anotisiya tichizvisarudzira toga kuti tichava vakaperera here. (Dheut. 30:19) Saka tinoda kuongorora kuti chii chinonzi kuperera. Tichakurukurawo zvikonzero zvitatu zvinoita kuti kuperera kuve kwakakosha zvikuru.

Chii Chinonzi Kuperera?

4. Kuperera kunosanganisirei, uye chii chatinodzidza pamutemo waJehovha pamusoro pezvibayiro zvemhuka?

4 Vanhu vakawanda vanenge vasinganyatsonzwisisi chinonzi kuperera. Somuenzaniso, vamwe pavanozviti vakaperera, kazhinji kacho vanenge vachitaura nezvekutendeseka. Kutendeseka kunokosha hako, asi kunongova chimwe chezvinodiwa kuti munhu anzi akaperera. Parinoshandiswa richitsanangura zviri muBhaibheri, shoko rokuti kuperera rinosanganisira kuzvipira uye kuisa pfungwa dzako dzose panzira yaunozvibata nayo. Mashoko echiHebheru anoenderana nerokuti “kuperera” anobva padzitsi rinoreva kunaka, kukwana, kana kuti kusava nemhaka. Rimwe remashoko aya rinoshandiswa nezvezvibayiro zvinofanira kupiwa kuna Jehovha. Mhuka yechibayiro aingoibvuma chete kana yakanaka, kana kuti yakakwana. (Verenga Revhitiko 22:19, 20.) Jehovha aishora zvikuru vaya vaityora murayiro wake vachibayira mhuka dzakaremara, dzinorwara, kana kuti dzakapofumara.—Mar. 1:6-8.

5, 6. (a) Mienzaniso ipi inoratidza kuti tinowanzokoshesa zvinhu zvakanaka, kana kuti zvakakwana? (b) Kuvanhu vasina kukwana, kuva akaperera kunoreva here kusambova nechaunokanganisa? Tsanangura.

5 Pfungwa yokutsvaka uye kukoshesa zvinhu zvinenge zvakakwana haisi itsva. Fungidzira munhu ari kutsvaka mabhuku okuverenga anowana rimwe bhuku raanga achitsvaka kwenguva refu, ozoona kuti rine mamwe mapeji anokosha asipo. Anogona kuodzwa mwoyo orisiya. Kana kuti fungidzira mukadzi ari kutemha michero kuti anotengesa. Anoona kuti mimwe yacho yakanaka, asi paanocherechedza anozoona kuti pane mimwe yakadyiwa notumbuyu. Achasarudza kutora ipi? Iya yakanaka, yakakwana. Mwari ari kutsvakawo vanhu vane mwoyo yakadaro, yakanyatsokwana.—2 Mak. 16:9.

6 Zvisinei, ungazvibvunza kuti munhu anofanira kuva akakwana here kuti ave akaperera. Chivi nokusakwana zvinogona kuita kuti tizvione sebhuku rine mapeji asina kukwana kana kuti muchero wakadyiwa notumbuyu. Ndiwo manzwiro aunomboita here? Gara uchiziva kuti Jehovha haatitarisiri kuti tive vakanyatsokwana. Haatombotitarisiri kuita zvatisingakwanisi. * (Pis. 103:14; Jak. 3:2) Asi anotitarisira kuti tirambe takaperera. Saka kuva akaperera nokusava nechaunombotadza zvakasiyana here? Ehe. Somuenzaniso, mukomana anodanana nomusikana waanoda kuzoroora. Hungava upenzi kana akatarisira kuti musikana wake asambova nechaanokanganisa. Zvisinei, kungava kuchenjera akatarisira kuti musikana iyeye amude nomwoyo wose, kureva kuti ade iye chete. Saizvozvowo Jehovha ‘ndiMwari anoda kuzvipira kwakazara.’ (Eks. 20:5) Haatitarisiri kuti tive vakakwana, asi kuti timude nomwoyo wose, tichinamata iye chete.

7, 8. (a) Jesu akatisiyira muenzaniso wei panyaya yokuperera? (b) MuMagwaro kuperera kunorevei?

7 Pamwe zvingatiyeuchidza mapinduriro akaita Jesu paakabvunzwa kuti ndoupi mutemo waikosha kupfuura mimwe yose. (Verenga Mako 12:28-30.) Jesu haana kungopindura; mararamiro ake aienderana nemapinduriro aakaita. Akasiya muenzaniso wakanakisisa wokuda Jehovha nepfungwa dzake dzose, mwoyo, mweya, uye simba. Akaratidza kuti kuperera hakungoiti zvokutaurwa, asi kunoratidzwa nezvaunoita zvinobva pavavariro dzakanaka. Kana tichizoramba takaperera, tinofanira kutevera tsoka dzaJesu.—1 Pet. 2:21.

8 Saka muMagwaro, kuperera kunoreva kuzvipira nomwoyo wose kumunhu mumwe chete wokudenga, Jehovha Mwari, uye kuzvipira kuita zvaanoda uye zvinangwa zvake. Kuramba takaperera kunoreva kuti mazuva ose tichaedza kufadza Jehovha Mwari kupfuura zvimwe zvinhu zvose. Muupenyu hwedu tichakoshesa zvinhu zvaanokoshesa. Ngatikurukurei zvikonzero zvitatu nei izvi zvichikosha zvikuru.

1. Kuperera Kwedu Kune Chokuita Nenyaya Youchangamire

9. Kuperera kwedu kunobatana sei nenyaya yachangamire wezvose?

9 Kuperera kwedu hakusiko kunoita kuti Jehovha ave changamire. Uchangamire hwake hunoruramisira, hahuperi, uye hapana pahunosiya. Huchagara hwakadaro, pasinei nezvingaitwa kana kutaurwa nezvisikwa zvake. Zvisinei, uchangamire hwaMwari hwakazvidzwa kudenga nepanyika. Saka utongi hwake hunofanira kurevererwa, kureva kuti hunofanira kuratidzwa kuti hwakarurama, hunoruramisira, uye ndehworudo, zvisikwa zvake zvose zvakangwara zvichiona. SeZvapupu zvaJehovha, tinoda kukurukura nezvouchangamire hwaMwari nevanhu vose vachateerera. Zvisinei, tingaratidza sei patimire panyaya yacho? Tinoratidza sei kuti tasarudza Jehovha kuti ave Changamire wedu? Nokuramba takaperera.

10. Satani akatii nezvokuperera kwevanhu, uye ungada kumupindura sei?

10 Chimbofunga kuti kuperera kwako kunobatana sei nenyaya iyi. Satani akati hapana munhu achatsigira uchangamire hwaMwari, uye akati hapana achashumira Jehovha pasina chaanowana. Zvisikwa zvokudenga zvakawanda zvakateerera, Dhiyabhorosi akati kuna Jehovha: “Ganda rinotsiviwa neganda, uye munhu achapa zvose zvaainazvo nokuda kwomweya wake.” (Job. 2:4) Cherechedza kuti Satani haana kungopomera murume akaperera Jobho asi akati ndizvo zvinoita vanhu vose. Ndokusaka Bhaibheri richiti Satani “anopomera hama dzedu.” (Zvak. 12:10) Anotuka Jehovha achiti isu vaKristu, kusanganisira iwe, hatizorambi takatendeka. Satani anoti ungasiya Jehovha kuti uzviponese. Unonzwa sei paunopomerwa zvakadaro? Haungadi kupiwa mukana wokuti uratidze kuti Satani anoreva nhema here? Kana ukaramba wakaperera, unoratidza kuti Satani murevi wenhema.

11, 12. (a) Mienzaniso ipi inoratidza kuti zvatinosarudza mazuva ose zvine chokuita nenyaya yokuperera? (b) Nei kuramba wakaperera iri ropafadzo?

11 Saka kuzvibata kwaunoita zuva nezuva uye zvaunosarudza kuita zvinofanira kuenderana nenyaya yokuperera kwako. Ngatimbokurukurai zvakare nezvezviitiko zvitatu zvambotaurwa. Vanhu ava vangaitei kuti varambe vakaperera? Mukomana ari kutsvinyirwa nevaanodzidza navo anonzwa achida kuvapindura nehasha, asi anozoyeuka mashoko aya anoti: “Musatsiva, vadiwa, asi dziurirai hasha; nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndokwangu; ndichatsividza, anodaro Jehovha.’” (VaR. 12:19) Anobva abva pavari. Murume ari kushandisa Indaneti anogona kutarisa mifananidzo inonyadzisira, asi anoyeuka pfungwa iri mumashoko aJobho anoti: “Ndakaita sungano nemaziso angu. Saka ndingaramba sei ndakatarira mhandara?” (Job. 31:1) Saizvozvowo, murume uyu anoramba kutarisa mifananidzo iyi isina kunaka, achiiramba semarambiro aangaita muchetura. Mukadzi ari kutaura nevamwe paanonzwa makuhwa akaipa anorega kudaira, oyeuka zano rokuti: “Mumwe nomumwe wedu ngaafadze muvakidzani wake muzvinhu zvakanaka kuti iye avakwe.” (VaR. 15:2) Kudai anga ataurawo makuhwa acho hapana zvazvaimubatsira. Kwaizova kusvibisa zita rehanzvadzi yake yechiKristu, uye aisazofadza Baba vake vokudenga. Saka anodzora rurimi rwake ochinja nyaya.

12 Pazviitiko zvose izvi, masarudziro anoita muKristu acharatidza kuti ari kuti: ‘Jehovha ndiye Mutongi wangu. Ndichaedza kuita zvinomufadza panyaya iyi.’ Ndiwo maonero aunoita zvaunofanira kusarudza here? Kana ariwo maonero aunozviita, zvechokwadi unogona kurarama zvinoenderana nemashoko anofadza akanyorwa pana Zvirevo 27:11, anoti: “Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu, kuti ndigone kupindura iye anondishora.” Chokwadi tine ropafadzo yokufadza mwoyo waJehovha! Saka tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tirambe takaperera.

2. Kuchashandiswa Pakutongwa Kwedu naMwari

13. Mashoko aDhavhidhi naJobho anoratidza sei kuti Mwari achatitonga zvichienderana nokuti takaperera here?

13 Tinoona kuti kuperera kunoita kuti tikwanise kutsigira uchangamire hwaJehovha. Saka Mwari anotitonga zvichibva pakuti takaperera here. Jobho ainyatsonzwisisa pfungwa iyi. (Verenga Jobho 31:6.) Jobho aiziva kuti Mwari anoyera vanhu vose “pachikero chakarurama,” achishandisa kururamisira kwake kwakakwana kuti aone kana takaperera. Saizvozvowo Dhavhidhi akati: “Jehovha achatonga marudzi. Haiwa Jehovha, nditongei zvinoenderana nokururama kwangu uye zvinoenderana nokutendeseka kwangu kuri mandiri. . . . Mwari zvaakarurama anoedza mwoyo neitsvo.” (Pis. 7:8, 9) Tinoziva kuti Mwari anogona kutarira mukatikati memwoyo womunhu, “mwoyo neitsvo” zvokufananidzira. Asi tinofanira kuyeuka kuti anenge achitsvakei. Sezvakataurwa naDhavhidhi, Jehovha anotitonga zvichienderana nokuti takaperera here.

14. Nei tisingambofaniri kufunga kuti kusakwana uye kukanganisa kwatinoita kunotitadzisa kuramba takaperera?

14 Fungidzira Jehovha Mwari achiongorora mwoyo yemabhiriyoni evanhu nhasi. (1 Mak. 28:9) Kangani kaanowana munhu ari kuramba akaperera? Kashoma! Zvisinei hatifaniri kubva tafunga kuti tinokanganisa zvakanyanya zvokuti hatikwanisi kuramba takaperera. Asi sezvakaita Dhavhidhi naJobho, tine chikonzero chakanaka chokuvimba kuti Jehovha achatiwana takaperera, kunyange zvazvo tisina kukwana. Yeuka kuti kukwana hakusiko kunoita kuti tirambe takaperera. Vanhu vatatu chete vakakwana ndivo vakararama panyika pano, uye vaviri vacho, Adhamu naEvha, havana kuramba vakaperera. Asi mamiriyoni akawanda evanhu vasina kukwana akakwanisa kuramba akaperera. Newewo unogona kuzviita.

3. Kunokosha Kuti Tive Netariro

15. Dhavhidhi akaratidza sei kuti kuperera kunokosha kuti tive netariro yeramangwana?

15 Kuperera kunokosha kuti tive netariro yeramangwana nokuti Jehovha anotonga zvichienderana nokuti takaperera here. Dhavhidhi aiziva kuti ichi ichokwadi. (Verenga Pisarema 41:12.) Aikoshesa tariro yokufarirwa naMwari nokusingaperi. Sezvinoita vaKristu vechokwadi mazuva ano, Dhavhidhi aiva netariro yokurarama nokusingaperi, uye akaramba achiswedera pedyo naJehovha Mwari paaimushumira. Dhavhidhi aiziva kuti, kuti aone tariro iyoyo ichizadzika, aifanira kuramba akaperera. Saizvozvowo, Jehovha anotitsigira, anotidzidzisa, anotitungamirira uye anotikomborera kana tikaramba takaperera.

16, 17. (a) Nei watsunga kuti nguva dzose ucharamba wakaperera? (b) Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo ipi?

16 Kuti iye zvino tifare, tinofanira kuva netariro. Inogona kutipa mufaro watinoda kuti tikunde nguva dzakaoma. Tariro inogona kudzivirirawo mafungiro edu. Yeuka kuti Bhaibheri rinofananidza tariro nengowani. (1 VaT. 5:8) Sezvinoita ngowani inodzivirira musoro womurwi muhondo, tariro inodzivirira pfungwa dzedu pamafungiro aSatani asina kunaka, okusaona ramangwana zvakajeka anotsigirwa nenyika ino yakaipa yava kuzoguma. Kana tisina tariro, chokwadi upenyu hahunakidzi. Tinofanira kuzviongorora, tichinyatsofunga nezvokuperera kwedu uye tariro ine chokuita nako. Usakanganwa kuti kana ukaramba wakaperera, uri kutsigira uchangamire hwaJehovha uye kudzivirira tariro yako inokosha yeramangwana. Dai ukaramba wakaperera!

17 Sezvo kuperera kuchikosha zvakadaro, pane mimwe mibvunzo yatinofanira kukurukura. Tingaita sei kuti tive vakaperera? Tingaramba sei takaperera? Uye kana munhu akasaramba akaperera chii chingaitwa? Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo iyi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Jesu akati: “Naizvozvo ivai vakakwana, nokuti Baba venyu vokudenga vakakwana.” (Mat. 5:48) Zviri pachena kuti ainzwisisa kuti kunyange vanhu vanotadza vanogona kuita sokuti vatokwana. Tinogona kuzadzisa murayiro wokuda vamwe nomwoyo wose, uye tikadaro tinofadza Mwari. Zvisinei, Jehovha akakwana zvechokwadi. Shoko rokuti “kuperera” parinoshandiswa richireva iye, rinosanganisira kukwana.—Pis. 18:30.

Ungapindura Sei?

• Kuperera kuita sei?

• Kuperera kunobatana papi nenyaya youchangamire husina pahunosiya?

• Kuperera kunoita sei kuti tive netariro?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 5]

Mazuva ose pane zvakawanda zvingaita kuti tiomerwe nokuramba takaperera