Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nzwisisa Uye Koshesa Basa raJesu Rinomusiyanisa Nevamwe Muchinangwa chaMwari

Nzwisisa Uye Koshesa Basa raJesu Rinomusiyanisa Nevamwe Muchinangwa chaMwari

Nzwisisa Uye Koshesa Basa raJesu Rinomusiyanisa Nevamwe Muchinangwa chaMwari

“Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.”—JOH. 14:6.

1, 2. Nei tichifanira kuongorora basa raJesu rinomusiyanisa nevamwe muchinangwa chaMwari?

MUMAKORE akawanda akapfuura, vakawanda vakaedza kuita zvakasiyana nezvinoitwa nevamwe, asi vashoma vakabudirira. Vanhu vashoma vanogona kunyatsozviti vakasiyana nevamwe zvinoshamisa. Asi Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari, ane zvakawanda zvaakasiyana nevamwe.

2 Nei tichida kuziva nezvokusiyana kwakaita mabasa aJesu neevamwe? Nokuti zvine chokuita noukama hwedu naBaba vedu vokudenga, Jehovha! Jesu akati: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.” (Joh. 14:6; 17:3) Ngationgororei zvimwe zvinoratidza kuti Jesu akasiyana nevamwe. Kuongorora uku kuchaita kuti tinzwisise basa rake muchinangwa chaMwari.

“Mwanakomana . . . Akaberekwa Ari Mumwe Oga”

3, 4. (a) Nei tingati Jesu zvaari Mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga, basa rake rakasiyana neevamwe? (b) Basa raJesu rakanga rakasiyana sei nemamwe pakusika?

3 Jesu haasingori “Mwanakomana waMwari.” Ndiwo mashevedzerwo aakaitwa naSatani paaimuedza. (Mat. 4:3, 6) Zvakakodzera kuti Jesu anzi “Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga.” (Joh. 3:16, 18) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “akaberekwa ari mumwe oga” rinonzi rinoreva kuti “asina mumwe akafanana naye, oga,” kana kuti “akasiyana nevamwe.” Jehovha ane mabhiriyoni evanakomana vomudzimu. Saka Jesu ndiye “oga akadaro” pakudini?

4 Jesu akasiyana nevamwe pakuti ndiye oga akasikwa naBaba vake zvakananga. Ndiye Mwanakomana wedangwe. Kutaura zvazviri, ndiye “dangwe rezvisikwa zvose.” (VaK. 1:15) Ndiye “wokutanga pane zvakasikwa naMwari.” (Zvak. 3:14) Basa rakaitwa noMwanakomana akaberekwa ari mumwe oga pakusika rakasiyanawo neevamwe. Haasiye Musiki, kana kuti akafunga nezvokuti zvinhu zvisikwe. Asi Jehovha akamushandisa somumiririri, kuti asike zvimwe zvinhu zvose. (Verenga Johani 1:3.) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Chokwadi kwatiri kuna Mwari mumwe chete ivo Baba, zvinhu zvose zvinobva kwaari, uye isu tiri vake; uye kuna Ishe mumwe chete, iye Jesu Kristu, zvinhu zvose zviripo naye, nesu tiripo naye.”—1 VaK. 8:6.

5. Magwaro anoratidza sei kuti Jesu akasiyana nevamwe?

5 Zvisinei, pane zvimwe zvakawanda zvinoratidza kuti Jesu akasiyana nevamwe. MuMagwaro anotaurwa nemazita akawanda okuremekedza kana kuti mazita anoratidza kuti ane basa rakasiyana nemamwe muchinangwa chaMwari. Iye zvino ngationgororei mashanu acho anoreva Jesu muMagwaro echiKristu echiGiriki.

“Shoko”

6. Nei zvakakodzera kuti Jesu anzi “Shoko”?

6 Verenga Johani 1:14. Nei Jesu achinzi “Shoko”? Zita iri rokuremekedza rinoratidza basa raaiita kubva pakatanga kusikwa ngirozi uye vanhu. Jehovha akashandisa Mwanakomana wake kuti audze vamwe vanakomana vake vomudzimu mashoko nemirayiridzo, uyewo Mwari akashandisa Mwanakomana iyeye kuti audze vanhu vaiva panyika mashoko ake. Jesu akaratidza kuti ndiye Shoko kana kuti Mutauriri waMwari paakataura nevaJudha vaive vakamuteerera kuti: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezvaiye akandituma. Kana munhu achida kuita zvinodiwa naIye, achaziva pamusoro pokudzidzisa kwacho kana kuchibva kuna Mwari kana kuti ini ndichitaura zvangu ndoga.” (Joh. 7:16, 17) Jesu akaramba achinzi “Shoko raMwari” kunyange paakadzokera kudenga akapiwa mbiri.—Zvak. 19:11, 13, 16.

7. Tingatevedzera sei kuzvininipisa kunoratidzwa naJesu mubasa rake se“Shoko”?

7 Chimbofunga kuti zita iroro rinorevei. Kunyange zvazvo Jesu ari iye chisikwa chaJehovha chakachenjera kupfuura zvose, haavimbi nouchenjeri hwake iye. Anotaura zvaanenge arayirwa naBaba vake. Anogara achingoita kuti Jehovha akudzwe, kwete iye. (Joh. 12:50) Uyu muenzaniso wakazonaka wokuti titevedzere! Isuwo takapiwa ropafadzo inokosha yoku“zivisa mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka.” (VaR. 10:15) Kuziva muenzaniso waJesu wokuzvininipisa kunofanira kuita kuti tisataura zvomumusoro medu. Panyaya yokuudza vanhu shoko rinoponesa riri muMagwaro, hatidi ku“pfuura zvinhu zvakanyorwa.”—1 VaK. 4:6.

“Ameni”

8, 9. (a) Shoko rokuti “ameni” rinorevei, uye nei Jesu achinzi “Ameni”? (b) Jesu akaita sei basa rake sa“Ameni”?

8 Verenga Zvakazarurwa 3:14. Nei Jesu achinzi “Ameni”? Shoko rakashandurwa kuti “ameni” rakabva pashoko rechiHebheru rinoreva kuti “ngazvive zvakadaro,” kana kuti “zvechokwadi.” Rakabva padzitsi rechiHebheru rinoreva kuti “kutendeseka” kana kuti “kuvimbika.” Shoko iri rinoshandiswawo kurondedzera kutendeseka kwaJehovha. (Dheut. 7:9; Isa. 49:7) Saka Jesu akasiyana nevamwe pakudini paanonzi “Ameni”? Cherechedza kuti 2 VaKorinde 1:19, 20 inopindura ichiti: “Mwanakomana waMwari, Kristu Jesu, uyo akaparidzwa pakati penyu . . . , haana kuva Hungu naAiwa, asi Hungu akava Hungu kwaari. Nokuti zvisinei nokuti zvipikirwa zvaMwari zvizhinji sei, izvo zvakava Hungu pachishandiswa iye. Naizvozvowo pachishandiswa iye zvinonzi ‘Ameni’ kuna Mwari kuti akudzwe nokwatiri.”

9 Jesu ndiye “Ameni” kuzvipikirwa zvose zvaMwari. Upenyu hwaakararama pasi pano asina kutadza, kusanganisira kufa kwaakaita achizvibayira, hwakasimbisa kuzadzika kwezvipikirwa zvose zvaJehovha Mwari uye hwakaita kuti zviitike. Paakaramba akatendeka, Jesu akaratidza kuti zvakataurwa naSatani zvakanyorwa mubhuku raJobho, zvokuti kana vashumiri vaMwari vasina zvavainazvo, vachitambura, uye vakaedzwa vachamuramba, dzaiva nhema. (Job. 1:6-12; 2:2-7) Pazvisikwa zvose zvaMwari, Mwanakomana wedangwe ndiye aigona kuratidza zvisingasiyi mubvunzo kuti zvaipomerwa izvozvo ndezvenhema. Uyezve, Jesu akapa uchapupu hwakaisvonaka hwokutsigira Baba vake panyaya inokosha yokuti Jehovha ndiye akakodzera kuva changamire wezvinhu zvose.

10. Tingatevedzera sei Jesu mubasa rake rakasiyana nemamwe paanenge achinzi “Ameni”?

10 Tingatevedzera sei Jesu mubasa rake rakasiyana nemamwe rokuva “Ameni”? Nokuramba takatendeka kuna Jehovha uye kutsigira uchangamire hwake. Kana tikadaro, tinenge tiri kupindura zvakanaka chikumbiro chakanyorwa pana Zvirevo 27:11, chokuti: “Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu, kuti ndigone kupindura iye anondishora.”

“Murevereri Wesungano Itsva”

11, 12. Basa raJesu soMurevereri rakasiyana sei nerevamwe?

11 Verenga 1 Timoti 2:5, 6. Jesu ndiye “murevereri mumwe chete pakati paMwari nevanhu.” Ndiye “murevereri wesungano itsva.” (VaH. 9:15; 12:24) Zvisinei, Mosesi anonziwo murevereri, murevereri wesungano yoMutemo. (VaG. 3:19) Saka basa raJesu soMurevereri rakasiyana sei neraMosesi?

12 Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “murevereri” ishoko raishandiswa munyaya dzematare. Rinoreva kuti Jesu Murevereri wepamutemo, (kana kuti neimwe pfungwa igweta) resungano itsva yakaita kuti paberekwe rudzi rutsva, “Israeri waMwari.” (VaG. 6:16) Rudzi urwu runoumbwa nevaKristu vakazodzwa, vanoumba “upristi hwoumambo” hwokudenga. (1 Pet. 2:9; Eks. 19:6) Sungano yoMutemo, yairevererwa naMosesi, yaisakwanisa kubereka rudzi rwakadaro.

13. Basa raJesu rokuva Murevereri rinosanganisirei?

13 Basa raJesu rokuva Murevereri rinosanganisirei? Jehovha anoshandisa kukosha kwechibayiro cheropa raJesu kune vaya vanopinzwa musungano itsva. Paanoita izvi, Jehovha anovati vakarurama zviri pamutemo. (VaR. 3:24; VaH. 9:15) Zvadaro Mwari anogona kuvapinza musungano itsva, vova netariro yokuva madzimambo nevapristi kudenga! Zvaari Murevereri wavo, Jesu anovabatsira kuti varambe vakachena pamberi paMwari.—VaH. 2:16.

14. Nei vaKristu vose vachifanira kukoshesa basa raJesu soMurevereri, pasinei netariro yavangava nayo?

14 Zvakadini nevaya vasiri musungano itsva, vaya vane tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano, kwete kudenga? Kunyange zvazvo vasingabatanidzwi musungano itsva, vanobatsirwa nayo. Vanokanganwirwa zvivi zvavo uye vanonzi shamwari dzaMwari dzakarurama. (Jak. 2:23; 1 Joh. 2:1, 2) Mumwe nomumwe wedu anofanira kukoshesa basa raJesu rokuva Murevereri wesungano itsva, pasinei nokuti tine tariro yokurarama kudenga here kana kuti pasi pano.

“Mupristi Mukuru”

15. Basa raJesu rokuva Mupristi Mukuru rakasiyana sei nerevamwe varume vose vakambova vapristi vakuru?

15 Pane varume vakawanda vakashanda sevapristi vakuru, asi basa raJesu rokuva Mupristi Mukuru rakasiyana nerevamwe zvechokwadi. Pakudini? Pauro anotsanangura kuti: “Haafaniri kupa zvibayiro zuva nezuva, sezvinoitwa nevapristi vakuru vaya, kutanga nokuda kwezvivi zvake kwozotevera zviya zvevanhu: (nokuti akaita izvi kamwe chete zvachose paakazvibayira;) nokuti Mutemo unogadza vanhu vasina simba kuti vave vapristi vakuru, asi shoko remhiko yakapikwa rakauya pashure poMutemo rinogadza Mwanakomana, uyo akaitwa kuti ave akakwana nokusingaperi.”—VaH. 7:27, 28. *

16. Nei chibayiro chaJesu chakanyatsosiyana nezvimwe zvose?

16 Jesu aiva munhu akakwana, akanga akanyatsoenzana naAdhamu asati atadza. (1 VaK. 15:45) Saka Jesu ndiye chete munhu aikwanisa kupa chibayiro chakakwana, chakazara, chibayiro chaisazofanira kupiwazve. Mumutemo waMosesi, zvibayiro zvaipiwa zuva nezuva. Zvisinei, zvibayiro zvose zvakadaro nemabasa aiitwa nevapristi zvaingofananidzira zvaizoitwa naJesu. (VaH. 8:5; 10:1) Saka basa raJesu rokuva Mupristi Mukuru rakasiyana neevamwe vose paukuru hwezvaakaita uye kuti hazvizogumi kushanda.

17. Nei tichifanira kunzwisisa basa raJesu rokuva Mupristi wedu Mukuru, uye tingazviita sei?

17 Tinofanira kubatsirwa naJesu soMupristi Mukuru kuti tive noukama hwakanaka naMwari. Chokwadi tine Mupristi Mukuru akazonaka! “Tine mupristi mukuru, kwete asingagoni kunzwira tsitsi kusava nesimba kwedu,” akanyora kudaro Pauro, “asi akaedzwa muzvinhu zvose kufanana nesu, asi iye akaramba asina chivi.” (VaH. 4:15) Chokwadi, kuziva izvi kunofanira kuita kuti tisada ‘kuzviraramirazve, asi kuti tiraramire iye akatifira.’—2 VaK. 5:14, 15; Ruka 9:23.

“Mwana” Akagara Ataurwa Nezvake

18. Uprofita hupi hwakazotaurwa Adhamu atadza, uye chii chakazoziviswa nezvouprofita uhwu?

18 MuEdheni, pazvaiita sokuti vanhu vakanga varasikirwa nezvose, kureva ukama hwakanaka naMwari, upenyu husingaperi, mufaro, uye Paradhiso, Jehovha Mwari akataura nezvoMununuri aizouya. Uyu akanzi “mwana.” (Gen. 3:15) Uprofita hweBhaibheri, kwemakore akawanda hwainyanya kutaura nezveuyu Mwana akanga asingazivikanwi kuti ndiani. Aizova muzukuru waAbrahamu, Isaka, naJakobho. Aifanirawo kuva mudzinza raMambo Dhavhidhi.—Gen. 21:12; 22:16-18; 28:14; 2 Sam. 7:12-16.

19, 20. (a) Mwana akapikirwa ndiani? (b) Nei zvinganzi mwana akapikirwa haasi Jesu oga?

19 Mwana uyu akapikirwa aiva ani? Mhinduro yomubvunzo iwoyo inowanikwa pana VaGaratiya 3:16. (Verenga.) Zvisinei, tikati fambei muchitsauko ichocho, muapostora Pauro anozoudza vaKristu vakazodzwa kuti: “Uyewo, kana muri vanhu vaKristu, chokwadi muri vana vaAbrahamu, vagari venhaka kana tichitaura nezvechipikirwa.” (VaG. 3:29) Zvinofamba sei kuti Kristu ndiye Mwana akapikirwa, ipo paine vamwe vanobatanidzwa?

20 Pane mamiriyoni anoti akabva kuna Abrahamu, vamwe vacho vachitozviita vaprofita. Zvimwe zvitendero zvinonyanya kukoshesa kuti vaprofita vazvo vakabva kudzinza raAbrahamu. Asi vose ava ndivo Mwana akapikirwa here? Aiwa. Sezvakataurwa nomuapostora Pauro afuridzirwa, vazukuru vaAbrahamu havasi vose vangataura kuti ndivo Mwana akapikirwa. Vana vevamwe vanakomana vaAbrahamu havana kushandiswa kukomborera vanhu. Mwana aizokomborera vanhu aizongofanira kubva kuna Isaka chete. (VaH. 11:18) Pakupedzisira, munhu mumwe chete bedzi, Jesu Kristu, ane dzinza rakanyorwa muBhaibheri kuti rakabva kuna Abrahamu, ndiye mwana mukuru pane vose vakafanotaurwa. * Vose vakazouya pave paya ndevamwe vana vaAbrahama nokuti “vanhu vaKristu.” Chokwadi, basa raJesu pakuzadzisa uprofita uhwu rakanyatsosiyana nemamwe ose.

21. Unonyanya kufarirei panzira iyo Jesu akaita nayo basa rake rakasiyana nemamwe muchinangwa chaJehovha?

21 Tadzidzei patadzokorora muchidimbu basa raJesu rakasiyana nemamwe muchinangwa chaJehovha? Kubvira paakasikwa, Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga akanyatsosiyana nevamwe. Zvisinei, uyu Mwanakomana waMwari akasiyana nevamwe akazova Jesu akagara achishanda achizvininipisa maererano nezvinodiwa naBaba vake, asingambozvitsvakiri kukudzwa. (Joh. 5:41; 8:50) Uyu ndiwo muenzaniso watinofanira kutevedzera! SaJesu, ngativei nechinangwa ‘chokuita zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe.’—1 VaK. 10:31.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 15 Maererano neimwe nyanzvi yeBhaibheri shoko rakashandurwa kuti “kamwe chete zvachose” rinoratidza pfungwa inokosha iri muBhaibheri “inoreva kuti kufa kwaKristu kwakaitika chaizvo, kwakasiyana nokumwe, uye kwakaitika kamwe chete.”

^ ndima 20 VaJudha vomuzana remakore rokutanga vaitarisira munhu mumwe chete aizouya saMesiya, kana kuti Kristu, kunyange zvazvo vaifunga kuti ivo, sevana vaAbrahamu chaivo, kana kuti vazukuru vake, vaizodiwa naMwari kupfuura vamwe vanhu.—Joh. 1:25; 7:41, 42; 8:39-41.

Unoyeuka Here?

• Wadzidzei nezvebasa raJesu rakasiyana nemamwe pamazita ake okuremekedza? (Ona bhokisi.)

• Ungatevedzera sei muenzaniso woMwanakomana waJehovha akasiyana nevamwe?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 15]

Mamwe Mazita Okuremekedza Anoratidza Basa raJesu Rakasiyana Nemamwe Muchinangwa chaMwari

Mwanakomana Akaberekwa Ari Mumwe Oga. (Joh. 1:3) Jesu ndiye chete akasikwa naBaba vake zvakananga.

Shoko. (Joh. 1:14) Jehovha anoshandisa Mwanakomana wake soMutauriri kuti audze zvimwe zvisikwa mashoko nemirayiridzo.

Ameni. (Zvak. 3:14) Mararamiro akaita Jesu pasi pano asingatadzi, kusanganisira kufa kwake kwokuzvibayira, zvakasimbisa kuzadzika kwezvipikirwa zvaJehovha Mwari, uye zvakaita kuti zviitike.

Murevereri Wesungano Itsva. (1 Tim. 2:5, 6) Zvaari Murevereri wepamutemo, Jesu akaita kuti paberekwe rudzi rutsva, kureva “Israeri waMwari,” runoumbwa nevaKristu vachaumba “upristi hwoumambo” hwokudenga.—VaG. 6:16; 1 Pet. 2:9.

Mupristi Mukuru. (VaH. 7:27, 28) Jesu ndiye oga aigona kupa chibayiro chakakwana, chakanga chisingafaniri kuzodzokororwa. Anogona kutichenesa pachivi otisunungura parufu rwachinokonzera.

Mwana Akapikirwa. (Gen. 3:15) Munhu mumwe chete, Jesu Kristu, ndiye wokutanga kunzi mwana akagara ataurwa. Vamwe vose vakazova vana vaAbrahama “vanhu vaKristu.”—VaG. 3:29.