Ucharamba Wakaperera Here?
Ucharamba Wakaperera Here?
“Handizorasi kuvimbika [kuperera] kwangu kusvikira ndafa!”—JOB. 27:5.
1, 2. Chii chatinofanira kuvaka, uye mibvunzo ipi yatichakurukura?
FUNGIDZIRA kuti uri kuongorora purani yemba. Uri kufarira mabudiro achaita imba yacho. Zvinokufadza kuziva kuti imba yacho ichakubatsira pamwe nemhuri yako. Asi haubvumi here kuti purani iyoyo nezvauri kufunga nezvayo hazvina zvazvinobatsira kunze kwekunge watovaka imba yacho, watanga kugaramo, wogara uchiitarisira?
2 Ndizvo zvazvinoitawo panyaya yokuperera. Tingakuyemura tichiti kuchatibatsira isu nevamwe vedu. Asi kungoshuva kuti dai taizova vanhu vakaperera hakunyatsobatsiri kunze kwekunge tashandira kuti tive nounhu uhwu sezvatinoita pakuvaka imba, toramba takaperera sevaKristu. Kuvakisa dzimba mazuva ano kunowanzodhura. (Ruka 14:28, 29) Saizvozvowo zvinotora nguva yakawanda uye ibasa chairo kuti tive vakaperera, asi pakupedzisira tichaona kuti tashandira zviripo. Saka ngatimbokurukurai mibvunzo mitatu: Tingava sei vanhu vakaperera? SevaKristu tingaramba sei takaperera? Chii chingaitwa kana munhu akambotsauka orega kuperera?
Tingaitei Kuti Tive Vanhu Vakaperera?
3, 4. (a) Jehovha anotibatsira sei kuva vakaperera? (b) Tingaita sei kuti tive vakaperera sezvakaitwa naJesu?
3 Munyaya yakapfuura takaona kuti Jehovha anotipa chiremerera chokusarudza kuti tichava vanhu vakaperera here kana kuti kwete. Zvinofadza kuti anotibatsira kuti tozviita sei. Anotidzidzisa kuti tingaita sei kuti tive nounhu uhwu hunokosha, uye anotipa mudzimu wake mutsvene wakawanda, uyo unotibatsira kuita zvaanodzidzisa. (Ruka 11:13) Anotodzivirira pakunamata vaya vanoedza kufamba vakaperera.—Zvir. 2:7.
4 Jehovha akatidzidzisa sei kuramba takaperera? Nokutuma Mwanakomana wake, Jesu, panyika. Jesu aiteerera zvakakwana. “Akateerera kusvikira parufu.” (VaF. 2:8) Pane zvose zvaaiita, Jesu aiteerera Baba vake vokudenga, kunyange pazvainge zvakamuomera zvokuoma zviya. “Kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kwenyu,” akadaro kuna Jehovha. (Ruka 22:42) Mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndinoteerera saizvozvo here?’ Kana tikateerera nevavariro yakanaka, ticharamba takaperera. Ngatimbokurukurai zvimwe zvinhu muupenyu zvinoda kuti titeerere zvikuru.
5, 6. (a) Dhavhidhi akasimbisa sei kukosha kwokuramba takaperera kunyange patinenge tisingaonekwi nevamwe vanhu? (b) Mazuva ano zvii zvinoita kuti vaKristu vaomerwe nokuramba vakaperera pavanenge vari voga?
5 Tinofanira kuteerera Jehovha kunyange pazvinenge zvichiita sokuti hapana mumwe ari kutiona. Munyori wepisarema Dhavhidhi akaona kukosha kwokuperera panguva yaangadaro aiva oga. (Verenga Pisarema 101:2.) Dhavhidhi zvaaiva mambo, zvaaiita zvaizivikanwa nevanhu vose. Hapana mubvunzo kuti kakawanda paitova nemazana, kunyange zviuru chaizvo zvaiona zvaaiita. (Enzanisa nePisarema 26:12.) Kuramba akaperera panguva dzakadaro kwaikosha zvikuru, nokuti mambo aifanira kuratidza vanhu vake muenzaniso wakanaka. (Dheut. 17:18, 19) Zvisinei, Dhavhidhi akadzidza kuti kunyange paaiva oga, ‘ari mumba make,’ aifanira kuramba achifamba nokuperera kwake. Ko isu?
6 Pana Pisarema 101:3, pane mashoko aDhavhidhi anoti: “Handizoisi chinhu chisingabatsiri pamberi pemaziso angu.” Mazuva ano pane mikana yakawanda yokuisa zvinhu zvisingabatsiri pamberi pemaziso edu, kunyanya patinenge tiri toga. Panyaya iyi vakawanda vane Indaneti vari kuomerwa. Zviri nyore kunyengedzwa kuti utarire zvinhu zvisina kunaka, kana kuti zvinotonyadzisira. Asi kana ukazvitarira unenge uri kuteerera Mwari akafuridzira Dhavhidhi kuti anyore mashoko iwayo here? Zvinhu zvinonyadzisira zvinokuvadza, nokuti zvinomutsa zvido zvakaipa uye zvoudyire, zvinokanganisa hana, zvinoputsa mhuri, uye zvinokanganisa munhu wose anozviona.—Zvir. 4:23; 2 VaK. 7:1; 1 VaT. 4:3-5.
7. Ipfungwa ipi inogona kutibatsira kuramba takaperera patinenge tiri toga?
7 Hapana patingati mushumiri waJehovha ari oga chaizvo. Baba vedu vanotitarisira nenzira yerudo. (Verenga Pisarema 11:4.) Jehovha anofara zvokufara zviya paanoona uchinzvenga muedzo! Paunounzvenga, unoteerera nyevero iri mumashoko aJesu anowanika pana Mateu 5:28. Ita zvose zvaunogona kuti usatarira mifananidzo ingaita kuti unzwe uchida kuita zvakaipa. Usavhiringidza kuperera kwako kunokosha nokutarira kana kuverenga zvinonyadzisira!
8, 9. (a) Dhanieri neshamwari dzake vakatarisana nomuedzo wei panyaya yokuperera? (b) VaKristu vechiduku mazuva ano vanofadza sei Jehovha nevaKristu vavanonamata navo?
8 Tinogonawo kuramba takatendeka nokuteerera Jehovha patinenge tiine vatisinganamati navo. Funga nezvaDhanieri neshamwari dzake nhatu. Vakatapwa vakaendeswa kuBhabhironi vachiri pwere. Vari ikoko, kwavaigara nevanhu vakanga vasinganamati vaisamboziva chinhu nezvaJehovha, vaHebheru vana ava vakamanikidzwa kudya zvokudya zvoumbozha Dhan. 1:3-9.
asi zvairambidzwa noMutemo waMwari. Vakomana vacho vangadai vakati hapana zvokuzviita vongodya. Uyezve, vabereki vavo, vakuru nevapristi vaisagona kuona zvaiitwa nevakomana vana ava. Asi ndiani aizozviziva? NdiJehovha. Naizvozvo vakatsika madziro uye vakateerera Mwari pasinei nezvavaimanikidzwa kuita uye zvaizogona kuitika kwavari.—9 Munyika yose, Zvapupu zvaJehovha zvechiduku zviri kuitawo saizvozvo, zvichiita zvinodiwa naMwari kuvaKristu uye kuramba kumanikidzwa kuita zvakaipa nevezera ravo. Imi vaduku pamunoramba kushandisa zvinodhaka, kutuka, unzenza, uye zvimwe zvakaipa, muri kuteerera Jehovha. Pamunodaro, muri kuramba makaperera. Munozvibatsira, uye munofadza Jehovha nevamwe vaKristu vamunonamata navo!—Pis. 110:3.
10. (a) Maonero api asina kunaka nezvoufeve akaita kuti dzimwe pwere dzirege kuperera? (b) Kuperera kungaita kuti tiite sei panyaya youfeve?
10 Tinofanirawo kuteerera pane zvatinoita nevatisina kuroorana navo. Tinoziva kuti Shoko raMwari rinorambidza ufeve. Zvisinei, zviri nyore kuti tirege kuteerera kwatinoita. Somuenzaniso, dzimwe pwere dzakaita zvepabonde nemukanwa kana kuti nokunobuda netsvina kana kuti dzakaitisana bonhora, dzichifunga kuti izvi hazvina kunyanya kuipa nokuti hazvisi “zvepabonde” chaizvo. Pwere dzakadaro dzinokanganwa, kana kuti dzingasarudza kuita sedzisingazivi kuti shoko rokuti ufeve muBhaibheri rinosanganisira zvinhu zvose izvozvo, mufambiro usina kunaka ungatoita kuti munhu adzingwe. * Asi chakatonyanya kuipa ndechokuti vanorega kuperera. Zvatiri kuedza kuramba takaperera, hatidi kutsvaka pokunzvenga napo. Hatiedzi kuona kuti tingasvika pedyo nechivi zvakadini tisina kurangwa. Hatifaniri kurega kuita chakaipa nokungotya kurangwa neungano. Asi tinofunga nezvokuita zvinofadza Jehovha, torega kumurwadzisa. Pane kuona kuti tingasvika pedyo nechivi zvakadini, tinoramba tiri kure nacho uye ‘tinotiza ufeve.’ (1 VaK. 6:18) Tikadaro tinoratidza kuti tiri vanhu vakaperera zvechokwadi.
Tingaramba Sei Takaperera?
11. Nei kuteerera kana kamwe chete zvako kuchikosha? Taura muenzaniso.
11 Kuperera kunobva pakuteerera, saka tikaramba tichiteerera ticharambawo takaperera. Kuteerera kamwe chete kungaita sokusingakoshi, kungaita senyaya duku. Asi nekufamba kwenguva kuteerera kwakadaro kunotibatsira kuti tive vakaperera. Somuenzaniso, chidhinha chimwe chete chingaita sechisingakoshi, asi kana zvikanyatsoiswa pamwe chete zvakawanda, tinogona kuvaka musha wakaisvonaka. Saka kana tikaramba tichiwedzera kuteerera, ticharamba takaperera.—Ruka 16:10.
12. Dhavhidhi akaratidza muenzaniso wei pakuramba akaperera paaibatwa zvisina kunaka uye paaiitirwa zvisina kururama?
12 Kuperera kwedu kunonyanya kuoneka 1 Sam. 24:2-7.
patinotsungirira zvinetso, kubatwa zvisina kunaka, kana kuti kusaruramisirwa. Funga nezvomuenzaniso womuBhaibheri waDhavhidhi. Paaiva jaya, akatsungirira paakatambudzwa namambo aifanira kunge achimiririra Jehovha. Zvisinei, Mambo Sauro akanga asisiri kufarirwa naMwari uye ava kugodora Dhavhidhi, uyo aifarirwa naMwari. Asi Sauro akaramba ari mambo kwenguva yakati uye akashandisa uto raIsraeri kuti rishungurudze Dhavhidhi. Jehovha akabvumira kuti kusaruramisira uku kuenderere kwemakore akati wandei. Dhavhidhi akatsamwira Mwari here? Akasarudza kuti hapana chikonzero chokuti atsungirire here? Haana kudaro. Akaramba achiremekedza chinzvimbo chaSauro somuzodziwa waMwari, akaramba kurwisa Sauro paakawana mukana.—13. Tingaramba sei takaperera kana tarwadziswa kana kugumburwa nomumwe munhu?
13 Hakusi kubatsirwa kwatinoitwa nemuenzaniso waDhavhidhi nhasi! Tiri muungano yomunyika yose ine vanhu vasina kukwana, uye mumwe wavo angatikanganisira kana kuti angatsauka. Ichokwadi kuti takakomborerwa pakuti tiri kurarama panguva apo vanhu vaJehovha vasingazombotsauswi vose zvavo sesangano. (Isa. 54:17) Kunyange zvakadaro, tinofanira kuita sei kana mumwe munhu akatiodza mwoyo kana kuti akatirwadzisa? Kana tikaramba takatsamwira munhu anenge atikanganisira, zvingatitadzisa kuramba takaperera kuna Mwari. Zvinoitwa nevamwe hazvimbofaniri kuita kuti tigumbukire Mwari kana kuti tisiye nzira yakanaka. (Pis. 119:165) Kutsungirira kunyange patinenge tichiedzwa kuchatibatsira kuramba takaperera.
14. Vanhu vanoramba vakaperera vanoita sei panochinja zvinhu musangano uye panogadziridzwa dzidziso?
14 Tinogonawo kuramba takaperera kana tikasangotsvakira vamwe mhosva, tichingovatsoropodza. Saka izvozvo zvinoreva kuramba takavimbika kuna Jehovha. Iye zvino ari kukomborera vanhu vake zvaasati amboita. Kunamata kwakachena hakusati kwambokwidziridzwa zvakadaro panyika. (Isa. 2:2-4) Panogadziridzwa manzwisisiro atinoita dzimwe ndima dzeBhaibheri kana kuti maitirwo anoitwa zvinhu, tinofanira kuzvigamuchira. Tinofara kuona uchapupu hwokuti chiedza chokunamata chichiri kuwedzera. (Zvir. 4:18) Kana tichiomerwa nokunzwisisa zvinenge zvagadziridzwa, tinokumbira Jehovha kuti atibatsire kunzwisisa pfungwa yacho. Patinenge tichidaro, tinoramba tichiteerera, toramba takaperera.
Ko Kana Mumwe Munhu Akasaramba Akaperera?
15. Ndiani bedzi anogona kukutadzisa kuva akaperera?
15 Uyu mubvunzo unoda kufungisiswa, handiti? Sezvatakadzidza munyaya yakapfuura, kuperera kunokosha zvechokwadi. Kana tisina kuperera, hatigoni kuva noukama naJehovha uye hatigoni kuva netariro yechokwadi. Funga Job. 27:5) Kana ukatsunga zvakadaro uye ukaramba uri pedyo naJehovha, uchangoramba wakaperera.—Jak. 4:8.
nezveizvi: Panongova nomunhu mumwe chete munyika yose angakutadzisa kuva akaperera. Munhu iyeye ndiwe. Jobho akanyatsonzwisisa chokwadi ichocho. Akati: “Handizorasi kuvimbika [kuperera] kwangu kusvikira ndafa!” (16, 17. (a) Kana munhu akaita chivi chakakomba, zvii zvaasingafaniri kuita? (b) Chii chaanofanira kuita?
16 Kunyange zvakadaro, vamwe vanotadza kuramba vakaperera. Vamwe vanotanga tsika yokugara vachiita zvivi zvakakomba, sezvaiita vamwe munguva dzevaapostora. Kana zvirizvo zvakaitika kwauri, hapachina chaunogona kuita here? Kwete hazvo. Ungaitei? Ngatimbotangai takurukura zvatisingafaniri kuita. Sevanhu tinowanzoda kuvanzira vabereki, vaKristu vatinonamata navo, kana kuti vakuru zvakaipa zvatinenge taita. Zvisinei, Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti: “Munhu anofukidza kudarika kwake haazobudiriri, asi anoreurura nokuzvisiya achanzwirwa ngoni.” (Zvir. 28:13) Vaya vanoda zvokuvanza zvivi vanozvifurira, nokuti hapana chavangagona kuvanzira Mwari. (Verenga VaHebheru 4:13.) Vamwe vanotoedza kuti uku vari kushumira Jehovha uku vari kuramba vachiita chivi. Upenyu hwakadaro hahuiti kuti munhu ave akaperera, asi hunotoita kuti asaperera. Jehovha haafariri kunamata kwevanhu vanovanza zvivi zvakakomba. Unyengeri hwakadaro hunotomugumbura.—Zvir. 21:27; Isa. 1:11-16.
17 MuKristu paanoita chivi chakakomba, zvaanofanira kuita zviri pachena. Inguva yokuti akumbire kubatsirwa nevakuru vechiKristu. Jehovha ane urongwa hwemabatirwo anofanira kuitwa nyaya dzokurwara zvakasimba pane zvokunamata. (Verenga Jakobho 5:14.) Usarega kurapwa pane zvokunamata uchitya kuti ungazorangwa kana kugadziriswa. Munhu akachenjera angatya marwadzo ejekiseni kana kuti okuvhiyiwa zvokuti angarega kurapwa chirwere chingaguma chamuuraya here?—VaH. 12:11.
18, 19. (a) Muenzaniso waDhavhidhi unoratidza sei kuti munhu anogona kuvazve akaperera? (b) Watsunga kuitei panyaya yokuperera?
18 Pane tariro yokuti kana wambotadza kuperera unozokwanisa kuva munhu akanyatsoperera zvakare here? Fungazve nezvomuenzaniso waDhavhidhi. Akaita chivi chakakomba. Akachiva mukadzi womuridzi, akaita upombwe, akaronga kuti murume wacho aiva asina mhaka aurayiwe. Ungafunga here nezvaDhavhidhi panguva iyoyo somunhu akaperera? Asi zvinoreva here kuti pakanga pasisina chaaikwanisa kuita? Dhavhidhi aifanira kurangwa zvakasimba uye ndizvo zvakaitika. Kupfidza kwaakaita nomwoyo wose kwakabva kwaita kuti Jehovha amunzwire ngoni. Dhavhidhi akadzidza paakarangwa uye kuteerera nokuramba achirarama saizvozvo kwakaita kuti avezve munhu akaperera. Upenyu hwaDhavhidhi hunoratidza zvatinoverenga pana Zvirevo 24:16, panoti: “Munhu akarurama angawa kanomwe, asi achasimuka.” Zvakaguma nei? Ngatimboonai zvakataurwa naJehovha kuna Soromoni nezvaDhavhidhi paakanga afa. (Verenga 1 Madzimambo 9:4.) Mwari akayeuka Dhavhidhi somunhu akanga akaperera. Zvechokwadi, Jehovha anogona kuchenesa vatadzi vanopfidza pazvivi zvakakomba.—Isa. 1:18.
19 Chokwadi, uchava munhu akaperera kana ukaratidza kuti unoteerera Mwari nokuti unomuda. Ramba uchitsungirira wakavimbika, uye kana ukaita chivi chakakomba, pfidza zvechokwadi. Kuperera ipfuma inokosha! Dai mumwe nomumwe wedu akatsunga kuita sezvakataurwa naDhavhidhi, zvokuti: “Asi ini ndichafamba nokuvimbika [nokuperera] kwangu.”—Pis. 26:11.
[Mashoko Omuzasi]
Ungapindura Sei?
• Ungaitei kuti uve munhu akaperera?
• Zvii zvaungaita kuti urambe wakaperera?
• Ungaita sei kuti ugadzirise wovazve munhu akaperera?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Bhokisi riri papeji 8]
‘HANDISATI NDAMBOONA ZVAKADARO’
Mumwe mukadzi aiva nepamuviri pemwedzi mishanu akataura mashoko iwayo nezvomutsa waaive aitirwa nomumwe munhu waakanga asingazivi. Akanga ambonodya kuresitorendi, uye kwapera maawa akati, akaona kuti akanga akanganwa chikwama chake. Chikwama chacho chaiva neUS$2 000, uye akanga asina kujaira kufamba nemari yakawanda zvakadaro. “Ndakapererwa,” akazoudza rimwe pepanhau romunyika yake kudaro. Zvisinei, mumwe mukadzi wechiduku akawana chikwama chacho achibva angotanga kutsvaka muridzi wacho. Atadza kumuwana, akaendesa chikwama chacho kukamba yemapurisa, uye mapurisa akatsvaka mukadzi uya aiva nepamuviri. Muridzi wacho akataura achionga kuti, “Handisati ndamboona zvakadaro.” Nei mukadzi wechiduku uyu akazvipa basa rakadaro kuti adzorere mari iyi? Pepanhau racho rakati sezvo ari mumwe weZvapupu zvaJehovha, “anoti chitendero chaakakurira machiri ndicho chinoita kuti ave munhu akaperera.”
[Mufananidzo uri papeji 9]
Pwere dzinogona kuramba dzakaperera padzinoedzwa
[Mufananidzo uri papeji 10]
Dhavhidhi akambotadza kuramba akaperera, asi akazogadzirisa akavazve akaperera