Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Une zvawakadzidza here pawakaverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Tingataura sei tichitsetsenura “mutauro wakachena,” chokwadi pamusoro paMwari nezvinangwa zvake? (Zef. 3:9)

Sezvatinongoita mimwe mitauro, kuti titaure “mutauro wakachena” tichitsetsenura, tinofanira kunyatsoteerera, kutevedzera vanoutaura vachitsetsenura, kubata nomusoro mazita emabhuku omuBhaibheri nedzimwe ndima dzomuBhaibheri, kudzokorora zvinhu zvatinenge tadzidza, kuverenga zvinonzwika, kuongorora marongerwo emashoko omutauro wacho, kana kuti marongerwo echokwadi, kushanda kuti tifambire mberi, kuronga nguva yokudzidza, uye kuramba “uchitaura” mutauro wakachena.—8/15, mapeji 21-25.

Ndezvipi zvimwe zvinobatanidzwa pakuziva kuti Mwari munhu akaita sei?

“Jehovha ndiro zita rake,” uye anoda kuti timuzive saizvozvo. (Eks. 15:3) Ndi“Mwari worudo neworugare.” (2 VaK. 13:11) “NdiMwari wezivo” uye “woruponeso.” (1 Sam. 2:3; Pis. 25:5) Mwari achaswedera pedyo nevaya vanomuziva saizvozvo.—9/1, mapeji 4-7.

Pfungwa ye“tambo yakakoswa netambo nhatu” ingashanda sei kune vakaroorana?

Mashoko okuti “tambo yakakoswa netambo nhatu” ndeokufananidzira. (Mup. 4:12) Painoshandisirwa vanhu vakaroorana, inosanganisira murume nomudzimai, tambo mbiri, dzinenge dzakakoswa netambo yepakati, Mwari. Kubatanidzwa naMwari kunoita kuti vakaroorana vasimbe pakunamata, izvo zvinoita kuti vakurire matambudziko uye vafare.—9/15, peji 16.

Mashoko ari pana VaHebheru 6:2 okuti “kuiswa kwemaoko,” anorevei?

Zvinoita sokuti anoreva kuiswa kwemaoko kuti munhu apiwe zvipo zvomudzimu mutsvene, kwete kugadzwa kunoitwa vakuru vechiKristu. (Mab. 8:14-17; 19:6)—9/15, peji 32.

Baba vakanaka vanoziva kuti ndezvipi zvinodiwa nevana vavo?

Zvimwe zvavanoda (1) rudo rwavo, (2) muenzaniso wakanaka, (3) kugara vachifara, (4) kudzidziswa zvine chokuita nokunamata, (5) kurangwa, (6) kudzivirirwa.—10/1, mapeji 18-21.

Vaya vanotungamirira vangakudza sei vamwe?

Imwe nzira iyo mukuru angaita nayo izvozvo ndeyokusambokumbira vamwe kuti vaite zvinhu zvaasingadi kuita iye. Uyewo, anoratidza rukudzo nokuvaudza zvokuita uyewo kuti nei vachifanira kuzviita.—10/15, peji 22.

Ndeapi mamwe mazano okuti vanhu vakaroorana varambe vakazvipira?

Maviri acho ndeokuti: (1) Itai kuti imba yenyu ive ndiyo inonyanya kukosha. (2) Kusamboita gumbo mumba gumbo kunze chero zvodini. Mhuri yenyu ingave isina zvinetso kana kuti inazvo, wawakaroorana naye anofanira kuziva kuti wakazvipira kuti mhuri yenyu ifare; mazano maviri iwayo achabatsira.—11/1, mapeji 18-21.

Mukuru wechiKristu angadzidzei pamashandisiro aiita mufudzi wechiIsraeri mudonzvo?

Mufudzi aishandisa mudonzvo kuti adzore makwai ake. Makwai paaipinda kana kubuda mudanga, ‘aipfuura nepasi pomudonzvo’ uye iye aigona kuaverenga. (Revh. 27:32) Mufudzi wechiKristu anofanirawo kuziva uye kuona zviri kuitwa neboka raMwari raanenge achitarisira.—11/15, peji 9.

Amai vangaratidza sei kuti vanokoshesa rucheno?

Zvokudya zvingasvibiswa nenzira dzakasiyana-siyana, saka vanogeza maoko avo vasati vabata zvokudya uye vanogara vakavhara chikafu. Vanoita kuti imba yavo irambe yakachena kuti musava nemakonzo, mbeva, nezvipembenene. Zvinosanganisirawo kugara vaine mbatya dzakachena uye kugeza muviri nguva dzose. Matanho akadaro anoenderana nezvinotaura Bhaibheri.—12/1, mapeji 9-11.