Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Farira Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi

Farira Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi

Farira Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi

“Naizvozvo endai munoita kuti vanhu . . . vave vadzidzi.”—MAT. 28:19.

1-3. (a) Vakawanda vanonzwa sei nezvomukana wokuitisa zvidzidzo zveBhaibheri? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

IMWE hanzvadzi iri kupinda neboka rechiHindi kuUnited States yakanyora kuti, “Ndava nevhiki 11 ndichidzidza neimwe mhuri inobva kuPakistan.” Inoenderera ichiti: “Takabva tangova shamwari. Pandinofunga kuti mhuri iyi yava kuda kudzokera kuPakistan, misodzi yangu inoyangarara. Misodzi yangu haisi yokungoti ndicharasikirwa neshamwari asi ndeyokufara kwandinoita pandinenge ndichivadzidzisa nezvaJehovha.”

2 Kufanana nehanzvadzi iyi, wakambonzwawo kufadza kwazvinoita paunodzidzisa mumwe munhu Bhaibheri here? Jesu nevadzidzi vake vomuzana remakore rokutanga vakafara chaizvo pavaiita basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. Vadzidzi 70 vakanga vadzidziswa basa iri naJesu pavakadzoka kwaari vachifara, Jesu “akafara kwazvo nomudzimu mutsvene.” (Ruka 10:17-21) Saizvozvowo, vakawanda mazuva ano vanofara chaizvo pavanoita kuti vanhu vave vadzidzi. Kutaura zvazviri, muna 2007, vaparidzi vanoshanda nesimba, vanofara, vakaitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinenge mamiriyoni matanhatu nehafu mwedzi woga woga!

3 Zvisinei, vamwe vaparidzi havasati vambowana mufaro wokuitisa chidzidzo cheBhaibheri. Vamwe vakaguma kuitisa kare. Matambudziko api atingasangana nawo patinoedza kuitisa chidzidzo cheBhaibheri? Tingakurira sei matambudziko aya? Uye zvikomborero zvipi zvatinowana patinoita zvose zvatinogona kuti titeerere murayiro waJesu wokuti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu . . . vave vadzidzi”?—Mat. 28:19.

Zvingatitadzisa Kufara

4, 5. (a) Kune dzimwe nyika vanhu vakawanda vanoita sei pavanoparidzirwa? (b) Matambudziko api anosangana nevaparidzi kune dzimwe nyika?

4 Kune dzimwe nyika, vanhu vanofarira chaizvo mabhuku edu uye vanoda kudzidza nesu Bhaibheri. Mumwe murume nomukadzi vanobva kuAustralia vari kushanda kuZambia kwenguva pfupi vakanyora kuti: “Nyaya dzatainzwa ndedzechokwadi. Zambia iparadhiso yokuparidzira. Kupupurira mumugwagwa kunonakidza zvokunakidza zviya! Vanhu vanouya kwatiri, vamwe vavo vachitotaura kuti vari kuda magazini ipi.” Mune rimwe gore richangopfuura, hama nehanzvadzi dzokuZambia dzakaitisa zvidzidzo zveBhaibheri 200 000, kureva kuti paavhareji, muparidzi mumwe nomumwe aiitisa chidzidzo chinopfuura chimwe chete.

5 Zvisinei, kune dzimwe nyika, vaparidzi vangaomerwa nokugovera mabhuku uye kugara vachiitisa zvidzidzo zveBhaibheri. Nei? Kazhinji muparidzi paanogogodza pasuo, vanhu vacho vanenge vasipo, kwoitawo vaya vanenge varipo asi vasingafariri zvechitendero. Vangave vakarererwa mumhuri dzisingadi zvechitendero kana kuti vakaodzwa mwoyo nounyengeri hwavakaona muzvitendero zvenhema. Vanhu vakawanda vakatadziswa kuva noukama naMwari, kureva kuti vakabatwa zvisina kunaka uye vakaitwa kuti vapararire nevafudzi venhema. (Mat. 9:36) Hazvishamisi kuti vakawanda vakadaro vangasada kukurukura nezveBhaibheri.

6. Zvii zvingatadzisa vamwe vaparidzi kuitisa zvidzidzo?

6 Vamwe vaparidzi vakatendeka vane zvimwewo zvinovatadzisa kufara. Kunyange zvazvo vaimboshingaira pakuita kuti vanhu vave vadzidzi, vava kuvhiringidzwa noutano husina kunaka kana kuti nokukwegura. Pane mamwewo manzwiro atinoita angatidzorera kumashure. Somuenzaniso, unonzwa sokuti haukwanisi kuitisa chidzidzo cheBhaibheri here? Unganzwa sezvakaita Mosesi paakatumwa naJehovha kuti anotaura naFarao. Mosesi akati: “Pamusoroi, Jehovha, asi ini handisi munhu anogona kutaura zvakanaka, kubvira nezuro kana kubvira kare.” (Eks. 4:10) Kutya kutadza ndiko kunonyanya kuita kuti vamwe vanzwe sokuti havakwanisi. Tinganetseka tichifunga kuti munhu wacho haazovi mudzidzi nokuti isu hatigoni kudzidzisa. Tingati zviri nani kugara tarega kuitisa chidzidzo chacho, kuti izvozvo zvisaitika kwatiri. Tingakurira sei matambudziko aya?

Gadzirira Mwoyo Wako

7. Chii chaiita kuti Jesu aite ushumiri?

7 Danho rokutanga nderokugadzirira mwoyo wako. Jesu akati: ‘Muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.’ (Ruka 6:45) Kuva nehanya nevamwe ndiko kwaiita kuti Jesu aite ushumiri hwake. Somuenzaniso, paakaona kuti vamwe vake vechiJudha vakanga vasisina ukama hwakanaka naMwari, “akasiririswa navo.” Akati kuvadzidzi vake: “Kukohwa kukuru . . . Kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.”—Mat. 9:36-38.

8. (a) Tingaita zvakanaka kufunga nezvei? (b) Zvakataurwa nomumwe mudzidzi weBhaibheri zvingatidzidzisei?

8 Patinoita kuti vanhu vave vadzidzi, zvinenge zvakanaka kana tikafunga nezvokubatsirwa kwatakaitwa nokuti mumwe munhu akazvipa nguva yokudzidza nesu Bhaibheri. Fungawo nezvevanhu vatinosangana navo muushumiri uye kuti vachabatsirwa sei nokunzwa mashoko atinoparidza. Mumwe mukadzi akanyorera hofisi yebazi romunyika yaanogara achiti: “Ndinoda kuti muzive kuti ndinoonga chaizvo Zvapupu zvinouya kuzondidzidzisa kumba kwangu. Ndinoziva kuti dzimwe nguva vanofanira kunge vachimbonetawo pandinobvunza mibvunzo yakawandisa uye ndinogara ndichivanonotsa kudzokera. Asi vanondiitira mwoyo murefu uye vanoda chaizvo kundidzidzisa zvavanoziva. Ndinoonga Jehovha naJesu kuti ndava kuzivana nevanhu ava.”

9. Jesu akanyanya kufunga nezvei, uye tingamutevedzera sei?

9 Chokwadi, Jesu haana kuteererwa nevanhu vose paaida kuvabatsira. (Mat. 23:37) Vamwe vakamutevera kwekanguva vakazoramba dzidziso dzake uye “vakanga vasingachafambizve naye.” (Joh. 6:66) Asi Jesu haana kuita kuti kusafarirwa kweshoko rake nevanhu kuite kuti arione serisingakoshi. Kunyange zvazvo mbeu yakawanda yaakadyara isina kubereka zvibereko, Jesu akanyanya kufunga nezvezvakanaka zvaakanga ari kuita. Akaona kuti minda yakanga yachenera kukohwa uye akafara chaizvo kubatsira pakukohwa ikoko. (Verenga Johani 4:35, 36.) Pane kungoona munda unongova nemashanga asina chinhu, zvingaitawo here kuti tione zvatinogona kukohwa mundima yatinenge takapiwa? Ngationgororei kuti tingaitei kuti tirambe tichiona zvakanaka chete.

Dyara Uchifunga Nezvokuzokohwa

10, 11. Ungaitei kuti urambe uchifara?

10 Murimi anodyara mbeu achifunga goho raachawana. Saizvozvowo tinofanira kuparidza tiine pfungwa yokutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Ko kana uchigara uchibuda muushumiri asi uchiwana vanhu vasipo kana kuti uchiwanzoshaya vanhu vawakambokurukura navo? Izvi zvinogona kuodza mwoyo. Unofanira kubva warega kuita ushumiri hwepaimba neimba here? Kana! Nzira iyi yokuparidza paimba neimba yava nenguva ichishandiswa ichiri kuita kuti vakawanda vakurukurwe navo kokutanga.

11 Zvisinei, kuti urambe uchifara, zvingaita here kuti uwedzere nzira dzaunoparidza nadzo, zvichida wotanga dzimwe nzira dzokukurukura nevanhu? Somuenzaniso, wakamboedza kuparidzira vanhu mumugwagwa kana kuti kumabasa kwavo here? Unokwanisa here kufonera kana kuti kuwana nhamba dzenhare dzevaya vawakatoparidzira mashoko oUmambo kuitira kuti ugodzokera kunovaona? Kana ukaramba uchitsungirira uye uchichinja-chinja maitiro aunoita ushumiri hwako, uchafadzwa nokuwana vanhu vanogamuchira mashoko oUmambo.

Zvatingaita Kana Vanhu Vasingafariri

12. Tingaitei kana vakawanda vari mundima yedu vachiita sevasingafariri zvokunamata?

12 Ko kana vakawanda mundima yako vasingafariri zvokunamata? Ungachinja here matangiro aunoita kutaura navo kuti vafarire? Muapostora Pauro akanyorera vaainamata navo kuKorinde kuti: “KuvaJudha ndakava somuJudha . . . Kune vaya vasina mutemo ndakava somunhu asina mutemo, kunyange zvazvo ndisiri munhu asina mutemo kuna Mwari.” Pauro aivavarirei? “Ndakava zvinhu zvose kuvanhu vemarudzi ose,” akadaro, “kuti ndiponese vamwe nenzira dzose.” (1 VaK. 9:20-22) Zvingaita here kuti titsvake nyaya dzatinobvumirana nevaya vari mundima yedu? Vanhu vakawanda vasingafariri zvokunamata vanoda kuvandudza upenyu hwemhuri dzavo. Vangadarowo vari kuda kuziva chinangwa choupenyu. Zvingaita here kuti tiudze vanhu ivavo mashoko oUmambo nenzira ichaita kuti vafarire?

13, 14. Tingaita sei kuti tiwedzere kufara kwatinoita mubasa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi?

13 Vaparidzi vakawanda vakawedzera mufaro wavanowana mubasa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi, kunyange munharaunda dzine vakawanda vanoita sevasingadi zvokunamata. Vakazviita sei? Nokudzidza mumwe mutauro. Mumwe murume nomukadzi vane makore okuma60 vakaziva kuti mundima yeungano yavo maiva nevanhu vakawanda vakabva kuChina nemhuri dzavo vaipinda chikoro. “Izvi zvakatikurudzira kudzidza chiChina,” anodaro murume wacho. Akaenderera mberi achiti: “Kunyange zvazvo kudzidza mutauro wacho kwaitora nguva yakawanda pazuva, takafara nokuti takapedzisira tava kudzidza Bhaibheri nevanhu vakawanda vaibva kuChina vaigara mundima medu.”

14 Kunyange kana usingakwanisi kudzidza mumwe mutauro, paunosangana nevaya vanotaura mumwe mutauro, unogona kushandisa kabhuku kanonzi Good News for People of All Nations. Kazhinji unogonawo kuwana mabhuku omutauro wevanhu vaunosangana navo. Ichokwadi kuti kutaura nevanhu vanotaura mumwe mutauro uye vane tsika dzakasiyana nedzako ibasa chairo. Asi usakanganwa pfungwa iri muShoko raMwari, inoti: “Anodyara zvizhinji achakohwawo zvizhinji.”—2 VaK. 9:6.

Zvinobatanidza Ungano Yose

15, 16. (a) Nei ungano yose ichibatanidzwa pakuita kuti munhu ave mudzidzi? (b) Vanhu vechikuru vanobatsira sei?

15 Zvisinei, basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi hariitwi nomunhu mumwe chete. Ibasa reungano yose. Nei? Jesu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Joh. 13:35) Zvechokwadi, vanhu vari kudzidza Bhaibheri pavanopinda misangano, kazhinji vanobatsirwa norudo rwavanoona. Mumwe aidzidza Bhaibheri akanyora kuti: “Ndinonakidzwa chaizvo pandinopinda misangano. Vanhu vacho vanoita kuti ndinyatsonzwa ndakasununguka!” Jesu akati vaya vanova vateveri vake vanogona kushorwa nevomumhuri mavo. (Verenga Mateu 10:35-37.) Zvisinei, akavimbisa kuti vaizowana “vanun’una nehanzvadzi navanaamai nevana” vakawanda muungano.—Mako 10:30.

16 Hama dzedu nehanzvadzi dzechikuru dzinobatsira chaizvo pakuyamura vanodzidza Bhaibheri kuti vafambire mberi. Dzinovabatsira sei? Kunyange zvazvo vamwe vechikuru vasingakwanisi kuitisa chidzidzo cheBhaibheri, mhinduro dzavo dzinovaka pamisangano yeungano dzinosimbisa kutenda kwevose vanenge vakateerera. Kufamba kwavari kuita “munzira yokururama” kunowedzera runako rweungano uye kunokwezva vane mwoyo yakarurama kuti vauye kusangano raMwari.—Zvir. 16:31.

Zvingakubatsira Kuti Usazeza

17. Tingaitei kana tichinzwa sokuti hatikwanisi kuparidza?

17 Ko kana uchinzwa sokuti haukwanisi kuita basa iri? Yeuka kuti Jehovha akabatsira Mosesi nokumupa mudzimu wake mutsvene uye mumwe munhu wokushanda naye, mukoma wake Aroni. (Eks. 4:10-17) Jesu akavimbisa kuti mudzimu waMwari waizotsigira basa redu rokuparidza. (Mab. 1:8) Uyezve, Jesu akatuma vashandi kunoparidza vari vaviri vaviri. (Ruka 10:1) Saka kana uchiona zvakakuomera kuitisa chidzidzo cheBhaibheri, nyengeterera mudzimu waMwari kuti ukupe uchenjeri, wobuda mubasa romumunda nomunhu anogona kukubatsira kuti uve nechivimbo uye agara nebasa racho. Kuyeuka kuti Jehovha akasarudza kushandisa vanhuwo zvavo, “zvinhu zvisina simba zvenyika,” kuti basa rake rinoshamisa riitwe kunosimbisa kutenda kwedu.—1 VaK. 1:26-29.

18. Tingaita sei kuti tisatya kukundikana?

18 Tingaita sei kuti tisatya kukundikana? Zvinganaka kana tikayeuka kuti kubatsira munhu kuva mudzidzi kwakasiyana nokubika, nokuti zviri kumubiki oga kuti zviri kubikwa zvinake kana kuti zviite mbodza. Asi kuita kuti munhu ave mudzidzi ibasa rinoitwa nevanhu vatatu. Jehovha ndiye anoita basa rinonyanya kukosha racho, rokuita kuti munhu wacho auye kwaari. (Joh. 6:44) Isu nevamwe vari muungano tinozoita zvatinogona kuti tishandise unyanzvi hwedu hwokutaura kubatsira mudzidzi wacho kuti afambire mberi. (Verenga 2 Timoti 2:15.) Uye mudzidzi wacho anofanira kuita zvaanenge achidzidza. (Mat. 7:24-27) Kana munhu wacho akarega kudzidza Bhaibheri, zvingatiodza mwoyo. Tinovimba kuti vari kudzidza Bhaibheri vachasarudza zvakanaka, asi munhu mumwe nomumwe “achazvidavirira kuna Mwari.”—VaR. 14:12.

Zvikomborero Zvacho Ndezvipi?

19-21. (a) Zvikomborero zvipi zvatinowana pakuitisa zvidzidzo zveBhaibheri? (b) Jehovha anoona sei vose vanoita basa rokuparidza?

19 Kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri kunoita kuti tirambe tichitanga kutsvaka Umambo. Kunoitawo kuti chokwadi cheShoko raMwari chidzike midzi mumwoyo yedu nomupfungwa. Nei zvichidaro? Mumwe piyona anonzi Barak anotsanangura kuti: “Kuitisa chidzidzo cheBhaibheri kunokumanikidza kuva mudzidzi weShoko raMwari ari nani. Ndinoona kuti ndinofanira kuva nechokwadi nezvandinotenda kuti ndizokwanisa kuzvidzidzisa mumwe munhu.”

20 Kana usiri kuitisa chidzidzo cheBhaibheri, zvinoreva here kuti basa rauri kuita harikoshi kuna Mwari? Kana nepaduku pose! Jehovha anokoshesa chaizvo kumurumbidza kwatinoita. Vose vanoita basa rokuparidza “vashandi pamwe chete naMwari.” Zvisinei, kuitisa chidzidzo cheBhaibheri kunowedzera mufaro patinoona Mwari achiita kuti mbeu yatakadyara ikure. (1 VaK. 3:6, 9) “Paunoona mudzidzi weBhaibheri achifambira mberi,” anodaro mumwe piyona anonzi Amy, “unonzwa uchionga Jehovha chaizvo kuti akubvumira kuti ushandiswe kupa munhu iyeye chipo chakaisvonaka, mukana wokuziva Jehovha newokuwana upenyu husingaperi.”

21 Kuita zvatinogona kuti titange kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri kuchatibatsira kuramba tichifunga nezvokushumira Mwari iye zvino uye kuchasimbisa tariro yedu yokuponeswa tichipinda munyika itsva. Tichitsigirwa naJehovha, tingabatsirawo kuponesa vaya vachatiteerera. (Verenga 1 Timoti 4:16.) Izvozvo zvingatifadza zvokutifadza zviya.

Unoyeuka Here?

• Zvii zvingaita kuti vamwe vatadze kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri?

• Tingaitei kana vakawanda vari mundima yedu vachiita sevasingafariri zvokunamata?

• Tinowana zvikomborero zvipi pakuitisa zvidzidzo zveBhaibheri?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Unochinja-chinja nzira dzokuparidza nadzo here kuitira kuti uwane vanhu vane mwoyo yakatendeseka?