Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Iyi Ndiyo Nzira. Fambai Nayo”

“Iyi Ndiyo Nzira. Fambai Nayo”

“Iyi Ndiyo Nzira. Fambai Nayo”

Nyaya YaEmilia Pederson

YAKATAURWA NARUTH E. PAPPAS

AMAI vangu, Emilia Pederson, vakaberekwa muna 1878. Kunyange zvavo vakazova mudzidzisi, vainyanya kuda kushandisa upenyu hwavo kubatsira vanhu kuti vaswedere pedyo naMwari. Chido chavo ichocho chaioneka pazitirangi raiva mumba medu muguta duku reJasper, Minnesota, kuU.S.A. Vaida kuritakurira zvinhu zvavo vachienda kuChina, kwavaida kunoshanda somumishinari weimwe chechi. Zvisinei, amai vavo pavakafa vakabva vasiyana nepfungwa yekutama, vakaramba vari pamba kuti vachengete vanun’una vavo. Muna 1907 vakaroorwa naTheodore Holien. Ini ndakazoberekwa musi waDecember 2, 1925, uye ndiri gotwe pavana vanomwe.

Amai vaitsvaka nemwoyo wose mhinduro dzemibvunzo yeBhaibheri yavaiva nayo. Mumwe wacho waiva wedzidziso yokuti hero inzvimbo ine moto yokutambudzira vanhu vakaipa. Vakabvunza mumwe mutungamiriri wechechi yeLutheran akanga ashanya kuti dzidziso iyi iri papi muBhaibheri. Akavaudza kuti hazvina basa kuti Bhaibheri rinoti kudini, vanhu vanofanira kudzidziswa kuti hero inzvimbo yokutambudzwa.

Chido Chavo Chokuziva Chokwadi Chinozadziswa

Gore ra1900 richangopera, munun’una waamai vangu Emma akaenda kuguta reNorthfield, Minnesota, kuti anodzidzira zvemimhanzi. Akagara pamba pomudzidzisi wake Milius Christianson, aiva nomudzimai akanga ari mudzidzi weBhaibheri, semazivirwo aiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Emma akamuudza kuti aiva nemukoma aiverenga Bhaibheri chaizvo. Munguva pfupi Amai Christianson vakanyorera amai vangu tsamba yaiva nemhinduro dzemibvunzo yavo yeBhaibheri.

Rimwe zuva, mudzidzi weBhaibheri ainzi Lora Oathout akauya nechitima kubva kuSioux Falls, South Dakota, kuti azoparidzira muguta reJasper. Amai vakadzidza mabhuku avaipiwa uye muna 1915, vakatanga kutoudzawo vamwe chokwadi cheBhaibheri vachishandisa mabhuku avaipiwa naLora.

Muna 1916, amai vakanzwa kuti Charles Taze Russell aizouya pagungano raiitirwa muguta reSioux, Iowa. Vaida kuenda. Panguva iyi amai vakanga vava nevana vashanu, uye Marvin, muduku wacho, aive nemwedzi mishanu. Zvisinei, vakakwanisa kuita rwendo irworwo rwemakiromita 160 nechitima nevana vavo vose. Vakanzwa hurukuro dzahama Russell, vakaona bhaisikopo rainzi “Photo-Drama of Creation,” uye vakabhabhatidzwa. Pavakadzoka kumba vakanyora nezvegungano racho munyaya yakazobudiswa mupepanhau rainzi Jasper Journal.

Muna 1922, pakapinda vanhu 18 000 gungano kuCedar Point, Ohio amai vangu vaivapowo. Pakapera gungano iroro havana kuzomborega kuzivisa Umambo hwaMwari. Pavaidaro vaitotikurudzira kuteerera mashoko anoti: “Iyi ndiyo nzira. Fambai nayo.”—Isa. 30:21.

Zvibereko Zvoushumiri hwoUmambo

Nechokwokutanga kwema1920 vabereki vangu vakatamira kunze kweguta reJasper. Baba vakanga vaine bhizimisi raibudirira chaizvo uye mhuri yakakura yaida kuriritirwa. Vakanga vasinganyanyi kudzidza Bhaibheri sezvaiita amai, asi vaitsigira nemwoyo wose basa rokuparidza uye vaibvumira kuti vatariri vanofambira vasvikire pamba pedu. Kakawanda paipiwa hurukuro nomumwe wehama dzaifambira, vanhu vaisvika zana kana kupfuura vaizara mumba yokutandarira, muimba yokudyira uye mubhedhuru.

Pandaiva nemakore anenge manomwe, mainini vangu Lettie vakandiridzira runhare vakati vavakidzani vavo Ed Larson nomudzimai wake vaida kudzidza Bhaibheri. Vakabva vangobvuma chokwadi cheBhaibheri uye vakazokokawo muvakidzani vavo Martha Van Daalen, aiva nevana vasere, kuti adzidzewo Bhaibheri. Martha nemhuri yake yose vakavawo Vadzidzi veBhaibheri. *

Panguva iyoyo mukomana wechiduku ainzi Gordon Kammeru, aigara makiromita mashomanana kubva kumba kwedu, akatanga kushanda nababa vangu. Akanga anyeverwa kuti: “Uchenjerere vanasikana vemunhu waunoshandira uyu. Vanopinda chechi isinganzwisisiki.” Zvisinei, Gordon akatanga kudzidza Bhaibheri uye akakurumidza kuona kuti akanga awana chokwadi. Mwedzi mitatu yakatevera akabva abhabhatidzwa. Vabereki vake vakavawo vatendi uye mhuri dzedu, kureva kuti vekwaKammerud, vekwaVan Daalens uye isu vekwaHolien takava shamwari dzapedyo.

Magungano Akatisimbisa

Amai vakakurudzirwa zvikuru negungano rakaitirwa kuCedar Point zvokuti havana kuda kuzorovha rimwe gungano. Ndiri kuyeuka ndichiri muduku pataifamba nzendo refu tichienda kumagungano akadaro. Rimwe rakaitirwa kuColumbus, Ohio, muna 1931 rakanga richikosha nokuti ndipo patakagamuchira zita rokuti Zvapupu zvaJehovha. (Isa. 43:10-12) Ndichiri kuyeukawo gungano rakaitirwa muWashington, D.C. muna 1935, pakapiwa hurukuro isingakanganwiki yakatsanangura “boka guru” rinotaurwa muna Zvakazarurwa. (Zvak. 7:9) Pavanhu 800 vakabhabhatidzwa ipapo, paiva nevakoma vangu, Lilian naEunice.

Mhuri yedu yakaenda kumagungano aiitirwa kuColumbus, Ohio, muna1937; kuSeattle, Washington, muna1938; uye kuNew York City muna 1939. Taifamba nemhuri yekwaVan Daalen neyokwaKammerud nedzimwe mhuri uye taimbozorora munzira. Muna 1940 Eunice akaroorwa na Leo Van Daalen vakazova mapiyona. Gore iroro Lilian akaroorwa naGordon Kammerud, uye vakatangawo kupayona.

Gungano rakaitirwa kuSt Louis, Missouri muna 1941 raikosha zvikuru. Zviuru zvevechiduku zvakapiwa bhuku rainzi Children. Gungano iroro rakachinja upenyu hwangu. Richangopera musi waSeptember 1, 1941, ini nehanzvadzi yangu Marvin nomudzimai wake, Joyce takatanga kupayona. Ndaiva nemakore 15.

Kwataigara vanhu vairarama nokurima saka zvaive zvakaoma kuti hama dzose dziende kumagungano nokuti aiwanzoitwa panguva yokukohwa. Saka, magungano apera, tiri seri kwemba taidzokorora zvatainge tadzidza kugungano tichibatsira vaiva vasina kupinda. Izvi zvaizonakidza.

Giriyedhi Uye Kushandira Kunze Kwenyika

Chikoro cheGiriyedhi chokudzidzisa mapiyona basa roumishinari chakatanga muna February 1943. Kirasi yokutanga yaiva nevanhu vatanhatu vemhuri yekwaVan Daalen—Emil, Arthur, Homer naDonald uye Leo nemudzimai wake Eunice, mukoma wangu. Takaonekana nemisodzi yokufara sezvo takanga tisingazivi kuti taizoonanazve rini. Vapedza, vose vari vatanhatu vakatumirwa kunyika yePuerto Rico, kwaiva neZvapupu zvisingasviki gumi panguva iyoyo.

Gore rakatevera Lilian naGordon pamwe chete naMarvin naJoyce vakapinda kirasi yechitatu yeGiriyedhi. Naivowo vakatumirwa kuPuerto Rico. Ininiwo ndakazopinda kirasi yechina yeGiriyedhi muna September 1944, ndiine makore 18. Pandakapedza kudzidza muna February 1945 ndakaenda kuPuerto Rico kwaiva navakoma vangu. Regai zvizonzi chitsva chiri murutsoka! Kunyange zvazvo kudzidza mutauro wechiSpanish kwaiva kwakaoma, nenguva isipi mumwe nomumwe wedu akanga ava kutodzidzisa Bhaibheri vanhu vaipfuura 20. Jehovha akakomborera basa racho. Nhasi muPuerto Rico mune Zvapupu zvinosvika 25 000!

Mhuri Yedu Inowirwa Nematambudziko

Muna 1950 Leo naEunice vakava nemwanakomana wavo wokutanga, Mark, uye vakaramba vachigara muPuerto Rico. Muna 1952 vakaronga kumboshanya kumusha. Vakakwira ndege musi waApril 11. Zvinosuruvarisa kuti ndege yacho yakanowira mugungwa ichangosimuka. Leo naEunice vakabva vangofiramo. Mwanakomana wavo aiva nemakore maviri Mark, akawanikwa akayangarara pamusoro pegungwa. Akakandwa mukachikepe kanoyamura vanhu vanenge vava kunyura nomumwe murume akanga apukunyuka, akafuridzirwa mweya mumapapu nepamuromo ndokufefemuka. *

Papera makore mashanu, musi waMarch 7, 1957, baba naamai vakaponjerwa nemota pavaienda kuImba yoUmambo. Vari padivi pomugwagwa vachichinja vhiri remota, baba vakarohwa nemota yaipfuura ndokubva vangofira ipapo. Vanhu vanosvika 600 vakanga varipo pakapiwa hurukuro yemariro, zvikapa uchapupu hwakanaka kuvanhu vaivaremekedza chaizvo vekwavaigara.

Mabasa Matsva

Mazuva mashomanana baba vasati vafa, ndakanga ndanzi ndinoshumira ndiri kuArgentina. Muna August 1957, ndakasvika muguta reMendoza riri mujinga memakomo eAndes. Muna 1958, George Pappas akatumirwa kuzoshumira kuArgentina apedza kudzidza mukirasi yechi30 kuGiriyedhi. Ndakawirirana naye chaizvo zvokuti takazoroorana muna April 1960. Muna 1961, amai vangu vakafa vava nemakore 83. Vakanga vafamba nokutendeka mukunamata kwechokwadi uye vakabatsira vakawanda chaizvo kuita saizvozvo.

Ini naGeorge takashanda pamwe nemamwe mamishinari mumisha yemamishinari yakasiyana-siyana kwemakore gumi. Takazopedza makore manomwe tichiita basa redunhu. Muna 1975 takadzokera kuUnited States kunotarisira vairwara vomumhuri. Muna 1980 murume wangu akakumbirwa kuti aite basa redunhu mundima yaitaurwa chiSpanish. Panguva iyoyo muUnited States maiva neungano dzingasvika 600 dzechiSpanish. Takashanyira dzakawanda dzacho kwemakore 26 tikaona dzichiwedzera kusvika ku3 000.

Vakafamba ‘Munzira’

Amai vakafara chaizvo pavakaona vamwe vemhuri yavo vachipinda mubasa renguva yakazara. Somuenzaniso Carol, mwanasikana wemukoma wangu Ester akatanga kupayona muna 1953. Akaroorwa naDennis Trumbore uye nanhasi vachiri mubasa renguva yakazara. Mumwe mwanasikana waEster anonzi Lois, akaroorwa naWendell Jensen. Vakapinda kirasi yeGiriyedhi yechi41 uye vakashumira semamishinari kwemakore 15 kuNigeria. Mark, uya ane vabereki vakafira mutsaona yendege, akazochengetwa nehanzvadzi yaLeo inonzi Ruth La Londe pamwe nomurume wake Curtiss. Mark nomudzimai wake Lavonne vakapayona kwemakore vakarera vana vavo vana kuti vafambe ‘munzira.’—Isa. 30:21.

Orlen hanzvadzi yangu ava nemakore ekuma90 ndiye oga mwana waamai vangu achiri mupenyu. Achiri kushumira Jehovha akatendeka. Ini nemurume wangu George tichiri kufara mubasa renguva yakazara.

Zvakasiyiwa naAmai

Pane tafura yaidiwa zvikuru naamai yavakandisiyira. Vakanga vaipiwa chiri chipo nababa pamuchato. Mune rimwe dhirowa mune bhuku rakasakara ravaichengetera tsamba nenyaya dzavainyora dzichibuda mumapepanhau dzakapa uchapupu hwakanaka kutsigira Umambo. Dzimwe dzacho ndedzekuma1900. Munewo tsamba dzavainyorerwa nevana vavo mamishinari. Ndinonakidzwa chaizvo nokudziverenga ndadziverengazve! Uye tsamba dzavaitinyorera dzaitikurudzira chaizvo kuti tive nepfungwa dzakanaka. Amai havana kuzombozadzisa chido chavo chokuva mumishinari. Zvisinei, vaida chaizvo basa roumishinari, izvo zvakazokurudzirawo vana vavo nevazukuru. Ndinotarisira kuzosanganazve nemhuri yedu takawanda kusanganisira baba naamai muparadhiso!—Zvak. 21:3,4.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 Nyaya yaEmil H. Van Daalen iri muNharireyomurindi yeChirungu yaJune 15, 1983, mapeji 27-30.

^ ndima 24 Ona Mukai! yeChirungu yaJune 22, 1952, mapeji 3-4.

[Mufananidzo uri papeji 17]

Emilia Pederson

[Mufananidzo uri papeji 18]

1916: Amai naBaba (vakabata Marvin); pazasi, tichitangira kuruboshwe: Orlen, Ester, Lilian, Mildred

[Mufananidzo uri papeji 19]

Leo naEunice, mazuva mashomanana vasati vafa.

[Mufananidzo uri papeji 20]

1950: Tichitangira kuruboshwe pamusoro: Ester, Mildred, Lilian, Eunice, Ruth; pazasi: Orlen, Amai, Baba, naMarvin

[Mufananidzo uri papeji 20]

George naRuth Pappas vari mubasa redunhu, 2001.