Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mushumiri waJehovha—‘Akabayiwa Nokuda Kwokudarika Kwedu’

Mushumiri waJehovha—‘Akabayiwa Nokuda Kwokudarika Kwedu’

Mushumiri waJehovha—‘Akabayiwa Nokuda Kwokudarika Kwedu’

“Akanga achibayiwa nokuda kwokudarika kwedu; akanga achipwanyiwa nokuda kwokukanganisa kwedu. . . . Tave tichiporeswa nokuda kwemaronda ake.”—ISA. 53:5.

1. Chii chatinofanira kuyeuka patinopinda Chirangaridzo, uye uprofita hupi huchatibatsira kudaro?

TINOPINDA Chirangaridzo kuti tiyeuke zvose zvatakaitirwa norufu uye rumuko rwaKristu. Chirangaridzo chinotiyeuchidza nezvekurevererwa kwouchangamire hwaJehovha, kutsveneswa kwezita rake, uye kuzadziswa kwechinangwa chake, chinosanganisira kuponeswa kwevanhu. Zvichida hapana humwe uprofita muBhaibheri hunofananidzira chibayiro chaKristu nezvachakaita kupfuura hwakanyorwa muna Isaya 53:3-12. Isaya akafanotaura nezvekutambura kwoMushumiri uye akapa mashoko akakwana pamusoro porufu rwaKristu nezvikomborero zvarwuchaunza kuhama dzake dzakazodzwa uye “mamwe makwai” ake.—Joh. 10:16.

2. Uprofita hwaIsaya hunoratidzei, uye kuhudzidza kuchaita kuti tinzwe sei?

2 Mazana manomwe emakore Jesu asati azvarwa pasi pano, Jehovha akafuridzira Isaya kuprofita kuti Mushumiri wake waakasarudza aizoramba akatendeka kunyange akaedzwa zvakaoma. Izvi zvinoratidza kuti Jehovha aiva nechivimbo chizere chokuti Mwanakomana wake aizoramba akavimbika. Sezvatinoongorora uprofita uhwu, mwoyo yedu ichafashukira nomufaro uye kutenda kwedu kuchasimbiswa.

“Akazvidzwa” Uye Akaitwa ‘Seasingakoshi’

3. Nei vaJudha vaifanira kutambira Jesu nomufaro, asi vakamugamuchira sei?

3 Verenga Isaya 53:3. Imbofunga kuti Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga anofanira kunge akanzwa sei paakasiya mufaro waaiwana achishanda naBaba vake achiuya pasi pano kuzobayira upenyu hwake kuti aponese vanhu pachivi norufu! (VaF. 2:5-8) Chibayiro chake chaizoita kuti pave nokukanganwirwa kwezvivi kwepachokwadi, uko kwaifananidzirwa nezvibayiro zvemhuka muMutemo waMosesi. (VaH. 10:1-4) Akanga asingafaniri kutambirwa nomufaro here, zvikurukuru nevaJudha, avo vakanga vakamirira Mesiya akanga apikirwa? (Joh. 6:14) Panzvimbo pokuti zvidaro, Kristu “akazvidzwa” nevaJudha, uye vakamuita ‘seasingakoshi,’ sezvakanga zvaprofitwa naIsaya. Muapostora Johani akanyora kuti: “Akauya kumusha kwake, asi vanhu vokwake havana kumugamuchira.” (Joh. 1:11) Muapostora Petro akaudza vaJudha kuti: “Mwari . . . wemadzitateguru edu, akakudza Mushumiri wake, iye Jesu, uyo wamakaisa pamberi paPirato uye mukamuramba, paakanga asarudza kumusunungura. Chokwadi, makaramba munhu mutsvene iyeye uye akarurama.”—Mab. 3:13, 14.

4. Jesu akaziva zvirwere sei?

4 Isaya akaprofitawo kuti Jesu aifanira “kuziva zvirwere.” Paaiita ushumiri hwake, zvechokwadi Jesu aimbonetawo, asi hapana panotaurwa kuti akamborwara. (Joh. 4:6) Zvisinei, akaziva zvirwere pakuti aigara achiona vanhu vanorwara vaaiparidzira. Aivanzwira tsitsi uye akaporesa vakawanda. (Mako 1:32-34) Saka Jesu akazadzisa uprofita hunoti: “Chokwadi iye akatakura urwere hwedu; uye akatakurawo marwadzo edu.”—Isa. 53:4; Mat. 8:16, 17.

Sokunge Kuti “Akarohwa naMwari”

5. VaJudha vakawanda vakaona sei kufa kwaJesu, uye nei izvozvo zvakawedzera kutambura kwaaiita?

5 Verenga Isaya 53:4b. Vakawanda vakararama mazuva aJesu havana kunzwisisa chakaita kuti atambure uye afe. Vaifunga kuti Mwari ari kumuranga, sokunge kuti ari kumutambudza nechirwere chinosemesa. (Mat. 27:38-44) VaJudha vakapomera Jesu kuti aimhura Mwari. (Mako 14:61-64; Joh. 10:33) Chokwadi ndechokuti Jesu akanga asiri mutadzi uye akanga asingamhuri Mwari. Asi nokuti aida Baba vake zvikuru, pfungwa yokuti aifanira kufa achinzi avamhura inofanira kuva yakatowedzera kutambura kwaaiita soMushumiri waJehovha. Kunyange zvakadaro akanga akagadzirira kuita kuda kwaJehovha.—Mat. 26:39.

6, 7. Jehovha ‘akapwanya’ sei Mushumiri wake akavimbika, uye nei Mwari ‘akazvifarira’?

6 Tinonzwisisa hedu kuti nei uprofita hwaIsaya huchiti vamwe vaizoti Kristu “akarohwa naMwari,” asi chinozotishamisa ndechokuti hwakagara hwataura kuti: “Jehovha akafarira kumupwanya.” (Isa. 53:10) Sezvo Jehovha akanga ati: “Tarirai! Mushumiri wangu, . . . wandakasarudza, akafarirwa nomweya wangu” zvinganzi sei “akafarira kumupwanya”? (Isa. 42:1) Sei izvi zvinganzi zvakafadza Jehovha?

7 Kuti tinzwisise mashoko aya ouprofita, tinofanira kuyeuka kuti Satani paakadenha uchangamire hwaJehovha akanga asina chokwadi nokuvimbika kwevashumiri vaMwari vari kudenga nevari pasi pano. (Job. 1:9-11; 2:3-5) Jesu paakaramba akatendeka kusvikira parufu, akapa mhinduro yakakwana kune zvakanga zvataurwa naSatani. Saka Jehovha paakabvumira kuti Kristu aurayiwe nevavengi vake, hapana mubvunzo kuti akarwadziwa paakaona Mushumiri wake waakasarudza achiurayiwa. Zvisinei, kuona kuvimbika kwakakwana kweMwanakomana wake kwakafadza Jehovha. (Zvir. 27:11) Uyezve kuziva zvikomborero zvichaunzirwa vanhu vanopfidza norufu rwaJesu kwakaitazve kuti Jehovha afare zvikuru.—Ruka 15:7.

“Akabayiwa Nokuda Kwokudarika Kwedu”

8, 9. (a) Jesu “akabayiwa nokuda kwokudarika kwedu” sei? (b) Petro akaratidza sei kuti ndizvo zvakaitika?

8 Verenga Isaya 53:6. Kufanana nemakwai akarasika, vanhu vane zvivi vakadzungaira vachitsvaka kununurwa pachirwere norufu zvakabva kuna Adhamu. (1 Pet. 2:25) Sezvo tisina kukwana, hapana munhu akabva kuna Adhamu aigona kudzikinura zvakaraswa naAdhamu. (Pis. 49:7) Zvisinei norudo rwake rukuru, “Jehovha a[ka]ita kuti kukanganisa kwedu tose kuve pana iyeye,” Mwanakomana wake uye Mushumiri wake waanoda. Paakabvuma ‘kubayiwa nokuda kwokudarika kwedu’ uye ‘kupwanyiwa nokuda kwokukanganisa kwedu,’ Kristu akatakura zvivi zvedu padanda ndokufa pane kuti isu tife.

9 Muapostora Petro akanyora kuti: “Makadanirwa izvozvi, nokuti kunyange Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake. Iye akatakura zvivi zvedu mumuviri wake padanda, kuti tirege zvivi uye tiraramire kururama.” Achidzokorora mashoko omuprofita Isaya, Petro akazowedzera kuti: “Uye ‘makaporeswa nemaronda ake.’” (1 Pet. 2:21, 24; Isa. 53:5) Izvi zvakaita kuti vatadzi vayananiswe naMwari, sezvakazowedzerwa naPetro kuti: “Kristu akafira zvivi kamwe chete zvachose, iye munhu akarurama nokuda kwevasina kururama, kuti akutungamirirei kuna Mwari.”—1 Pet. 3:18.

“Akaunzwa Kuzourayiwa Sezvinoitwa Gwai”

10. (a) Johani Mubhabhatidzi akatsanangura sei Jesu? (b) Chii chakazoratidza kuti mashoko aJohani akanga akakodzera?

10 Verenga Isaya 53:7, 8. Johani Mubhabhatidzi paakaona Jesu achiuya kwaari, akati: “Onai, Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika!” (Joh. 1:29) Paakataura nezvaJesu seGwayana, Johani angave aifunga nezvemashoko aIsaya okuti: “Akaunzwa kuzourayiwa sezvinoitwa gwai.” (Isa. 53:7) “Akadurura mweya wake kusvikira parufu chaipo,” akaprofita kudaro Isaya. (Isa. 53:12) Ndizvo zvakataurwawo naJesu usiku hwaakatanga Chirangaridzo chorufu rwake nevaapostora vake 11 vakatendeka paakavapa kapu yewaini achiti: “Iyi inomirira ‘ropa rangu resungano,’ richadururirwa vazhinji nokuda kwokukanganwirwa zvivi.”—Mat. 26:28.

11, 12. (a) Kubvuma kwaIsaka kupiwa sechibayiro kunoenzanisira chii nezvechibayiro chaKristu? (b) Chii chatinofanira kuyeuka nezvaAbrahamu Mukuru, Jehovha, patinopinda Chirangaridzo?

11 Kufanana naIsaka akanga ararama makare kare, Jesu aive akagadzirira kuurayiwa sechibayiro paatari yaJehovha. (Gen. 22:1, 2, 9-13; VaH. 10:5-10) Kunyange zvazvo Isaka ari iye akabvuma kupiwa sechibayiro, Abrahamu ndiye aida kupa chibayiro chacho. (VaH. 11:17) Saizvozvowo, Jesu akabvuma kufa, asi Jehovha ndiye akatanga urongwa hwerudzikinuro. Chibayiro cheMwanakomana wake chinoratidza kuda zvakadzama kwaanoita vanhu.

12 Jesu pachake akati: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Joh. 3:16) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vatadzi, Kristu akatifira.” (VaR. 5:8) Saka, kunyange zvazvo tichiremekedza Kristu nokurangarira rufu rwake, hatifaniri kutombokanganwa kuti akaronga kuti chibayiro chivepo ndiAbrahamu Mukuru, Jehovha. Tinopinda Chirangaridzo kuti iye arumbidzwe.

Mushumiri Anoita Kuti “Vakawanda Vave Vakarurama”

13, 14. Mushumiri waJehovha akaita sei kuti “vanhu vakawanda vave vakarurama”?

13 Verenga Isaya 53:11, 12. Jehovha akati nezvoMushumiri wake akasarudzwa: “Munhu akarurama, mushumiri wangu, achaita kuti vanhu vakawanda vave vakarurama.” Akazviita sei? Ndima 12 inopedzisira nemashoko anotibatsira kuwana mhinduro yacho. “Uye [Mushumiri wacho] akareverera vadariki.” Vanhu vose vakabva kuna Adhamu vanozvarwa vaine chivi, vari “vadariki,” saka vanogamuchira “mubayiro wechivi,” irwo rufu. (VaR. 5:12; 6:23) Vanhu vane zvivi vanotoda kuyananiswa naJehovha. Chitsauko 53 chouprofita hwaIsaya chinorondedzera zvakazonaka ‘kureverera’ kwaakaita vanhu vanotadza chichiti: “Kuranga kwakaitirwa rugare rwedu kwakanga kuri paari, uye tave tichiporeswa nokuda kwemaronda ake.”—Isa. 53:5.

14 Paakatora zvivi zvedu ndokutifira, Kristu akaita kuti “vanhu vakawanda vave vakarurama.” Pauro akanyora kuti: “Mwari akaona zvakanaka kuti kuzara kwose kugare maari [Kristu], uye achishandisa iye kuti ayananisezve kwaari zvimwe zvinhu zvose nokuita rugare neropa raakateura padanda rokutambudzikira, pasinei nokuti zvingava zvinhu zviri panyika here kana kuti zvinhu zviri kumatenga.”—VaK. 1:19, 20.

15. (a) “Zvinhu zviri kumatenga” zvakataurwa naPauro ndivanaani? (b) Ndivanaani chete vanokodzera kudya zviratidzo zveChirangaridzo uye nei?

15 VaKristu vakazodzwa, vakadanwa kuti vanotonga naKristu kudenga ndivo “zvinhu zviri kumatenga” zvakayananiswa naJehovha achishandisa ropa raKristu rakadeurwa. VaKristu ‘vanogoverana pamwe chete kudanwa kwokudenga’ vanonzi “vakarurama nokuda kwoupenyu.” (VaH. 3:1; VaR. 5:1, 18) Jehovha anozoita kuti vave vanakomana vake vomudzimu. Mudzimu mutsvene unovapupurira kuti “vagari venhaka pamwe chete naKristu,” vakadanwa kuti vave madzimambo uye vapristi muUmambo hwake hwokudenga. (VaR. 8:15-17; Zvak. 5:9, 10) Vakava Israeri womudzimu, “Israeri waMwari,” uye vanopinzwa “musungano itsva.” (Jer. 31:31-34; VaG. 6:16) Senhengo dzesungano itsva, vanokodzera kudya zviratidzo zveChirangaridzo, kusanganisira waini tsvuku iyo yakanzi nezvayo naJesu: “Kapu iyi inomirira sungano itsva muropa rangu, ramuchadururirwa.”—Ruka 22:20.

16. “Zvinhu zviri panyika” ndivanaani, uye vanonzi vakarurama naJehovha sei?

16 Mamwe makwai aKristu ane tariro yokurarama pasi pano nokusingaperi ndiwo anonzi “zvinhu zviri panyika.” Mushumiri waJehovha waakasarudza anoita kuti avawo vanzi naJehovha vakarurama. Nokuti vanotenda chibayiro chaKristu chorudzikinuro uye “vakageza nguo dzavo refu, vakadziita chena muropa reGwayana,” Jehovha anovati vakarurama, kwete sevanakomana vake vomudzimu, asi seshamwari dzake, achivapa tariro yakazonaka yokupona “mukutambudzika kukuru.” (Zvak. 7:9, 10, 14; Jak. 2:23) Sezvo vasiri musungano itsva uye vasina tariro yokurarama kudenga, ava vemamwe makwai havadyi zviratidzo zveChirangaridzo, asi vanopinda sevacherechedzi vanoremekedza.

Tinotenda Jehovha noMushumiri Wake Waanofarira!

17. Kudzidza uprofita hwaIsaya pamusoro poMushumiri kwatibatsira sei kugadzirira pfungwa dzedu kupinda Chirangaridzo?

17 Kuongorora uprofita hwaIsaya hunotaura nezveMushumiri yanga iri nzira yakanaka yokuti pfungwa dzedu dzigadzirire Chirangaridzo cherufu rwaKristu. Kwaita kuti tikwanise kuramba “takatarira Mumiririri Mukuru uye Mukwanisi wokutenda kwedu.” (VaH. 12:2) Tadzidza kuti Mwanakomana waMwari haamupandukiri. Kusiyana naSatani, anofarira kudzidziswa naJehovha, achiziva kuti ndiye Changamire Ishe. Taona kuti paaiita ushumiri hwake pasi pano, Jesu akanzwira tsitsi vanhu vaaiparidzira, akaporesa vakawanda vavo uye akaita kuti vazive Mwari. Saka akaratidza zvaachaita saMambo Mesiya munyika itsva paachaisa “kururamisira munyika.” (Isa. 42:4) Kushingaira kwaakaita pakuparidza Umambo, ‘sechiedza chemarudzi,’ kunoyeuchidza vateveri vake kuti vashingaire kuparidza mashoko akanaka pasi pose.—Isa. 42:6.

18. Nei uprofita hwaIsaya huchiita kuti mwoyo yedu izare nokutenda Jehovha noMushumiri wake akatendeka?

18 Uprofita hwaIsaya hunowedzerawo kunzwisisa kwatinoita kuzvipira kukuru kwakaitwa naJehovha paakatuma Mwanakomana wake waanoda pasi pano kuti azotambura uye atifire. Jehovha haana kufarira kutambura kweMwanakomana wake asi akafadzwa nokuona kutendeka kwakakwana kwaJesu kusvika pakufa chaiko. Tinofanirawo kufara sezvakaita Jehovha, tichiziva kuti zvose zvakaitwa naJesu zvakaratidza kuti Satani anonyepa uye zvakatsvenesa zita raJehovha, zvichiita kuti uchangamire hwake hurevererwe. Uyezve, Kristu akatakura zvivi zvedu akatifira. Paakadaro, akaita kuti boka duku rehama dzake dzakazodzwa uye mamwe makwai vanzi naJehovha vakarurama. Sezvatichaungana paChirangaridzo, mwoyo yedu ngaifashukire nokutenda Jehovha noMushumiri wake akatendeka.

Kudzokorora

• Sei zvichinzi Jehovha “akafarira” ‘kupwanywa’ kweMwanakomana wake?

• Jesu “akabayiwa nokuda kwokudarika kwedu” sei?

• Mushumiri akaita sei “kuti vanhu vakawanda vave vakarurama”?

• Kudzidza uprofita nezveMushumiri kwagadzirira sei pfungwa dzako nomwoyo kupinda Chirangaridzo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

“Akazvidzwa, uye takamuita asingakoshi”

[Mufananidzo uri papeji 28]

“Akadurura mweya wake kusvikira parufu chaipo”

[Mufananidzo uri papeji 29]

“Mamwe makwai” anopinda Chirangaridzo sevacherechedzi vanoremekedza